Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 52

Zvaungaita Kuti Usaramba Wakaora Mwoyo

Zvaungaita Kuti Usaramba Wakaora Mwoyo

“Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.”—PIS. 55:22.

RWIYO 33 Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha

ZVICHADZIDZWA *

1. Kuora mwoyo kunogona kutikanganisa sei?

ZUVA rimwe nerimwe tinosangana nematambudziko uye tinoita zvese zvatinokwanisa kuti tiatsungirire. Asi hazvisi nyore kutsungirira matambudziko edu kana takaora mwoyo. Saka tinofanira kuyeuka kuti kuora mwoyo kunogona kuita kuti tinzwe setisingakoshi uye kunogona kutishayisa mufaro. “Kana ukaora mwoyo panguva yenhamo, simba rako rinova shoma,” inodaro Zvirevo 24:10 uye mashoko emuzasi. Saka kuora mwoyo kunogona kutipedza simba rekutsungirira matambudziko eupenyu.

2. Zvii zvinogona kuita kuti tiore mwoyo, uye tichakurukurei munyaya ino?

2 Pane zvinhu zvakawanda zvinogona kuita kuti tiore mwoyo. Zvimwe zvacho tisu tega tinenge tichizviziva, zvimwe zvacho zvinogona kuonekwa nevamwe. Kuora mwoyo kunogona kukonzerwa nekukanganisa kwatinoita, kutadza kuita zvimwe zvinhu kana kuti kurwara. Tinogonawo kuora mwoyo kana tikasapiwa basa ratinoda pakushumira Jehovha, kana kuti tichiparidza mundima ine vanhu vakawanda vasingafariri. Munyaya ino tichakurukura zvimwe zvinhu zvatingaita kuti tisaramba takaora mwoyo.

PATINOVA NEMANZWIRO ASINA KUNAKA UYE PATINOKANGANISA

3. Chii chinogona kutibatsira patinova nemanzwiro asina kunaka uye patinokanganisa?

3 Zviri nyore kuti titange kuva nemaonero asina kunaka pamusoro pezvatiri uye zvatinokanganisa. Saka tinogona kufunga kuti nemhaka yezvatinokanganisa, Jehovha haazodi kuti tipinde muParadhiso. Maonero akadaro anogona kutikanganisa. Tinofanira kuona sei kukanganisa kwatinoita? Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vese “vakatadza,” kunze kwaJesu Kristu. (VaR. 3:23) Asi Jehovha haangoti nangananga nezvatinokanganisa kana kutarisira kuti tisatombokanganisa. NdiBaba vane rudo vanoda kutibatsira. Anewo mwoyo murefu. Anoona kurwisa kwatiri kuita kuti tiite zvakanaka uye kuti tisanyanya kuzvipa mhosva, uye akagadzirira kutibatsira.—VaR. 7:18, 19.

Jehovha anoziva zvakanaka zvatakaita kare uye zvakanaka zvatiri kuita iye zvino (Ona ndima 5) *

4-5. Maererano na1 Johani 3:19, 20, chii chakabatsira hanzvadzi mbiri kuti dzisaramba dzakaora mwoyo?

4 Funga zvakaitika kuna Deborah naMaria. * Paaiva mudiki, Deborah aiwanzobatwa zvisina kunaka uye ainzwa asingabatsiri. Kaiva kashoma kuti arumbidzwe. Saka izvi zvakaita kuti ave munhu anozvitarisira pasi. Paaikanganisa tunhu tudiki, aibva azviona semunhu asina kana chakanaka chaanogona. Maria aivawo nedambudziko rakadaro. Hama dzake dzaimushora. Izvi zvakaita kuti azvione seasingabatsiri. Kunyange paakanga abhabhatidzwa, aizviona seasina kukodzera kuva Chapupu chaJehovha!

5 Asi hanzvadzi mbiri idzi hadzina kurega kushumira Jehovha. Chii chakaita kuti vasarega? Vakanyengetera kuna Jehovha vachimuudza manzwiro avaiita. (Pis. 55:22) Vakadzidza kuti Baba vedu vekudenga vanoziva kuti zvinhu zvakaipa zvakamboitika kwatiri zvinogona kuita kuti tizvione setisingabatsiri. Asi vanoonawo zvakanaka zviri mumwoyo medu kunyange zvazvo isu tingasazviona.—Verenga 1 Johani 3:19, 20.

6. Mumwe munhu anganzwa sei kana akaitazve zvakaipa zvaanga ambosiya?

6 Kana munhu akashanda nesimba kuti asiye zvakaipa zvaaimboita anoora mwoyo paanozviita zvakare. Tinowanzozvipa mhosva patinotadza. (2 VaK. 7:10) Asi hatifaniri kuzonyanyisa, totanga kuzvipa mhosva tichiti: ‘Handina kana chandinobatsira. Jehovha haangambondiregereri.’ Mafungiro akadaro haaenderani nechokwadi uye angaita kuti tirege kushumira Jehovha. Yeuka zvataverenga pana Zvirevo 24:10 kuti simba redu rinova shoma patinenge takaora mwoyo. Asi ‘ruramisa zvinhu naJehovha’ nekunyengetera kwaari uchikumbira kuti akuregerere. (Isa. 1:18) Kana Jehovha akaona kuti uri kunyatsobvuma kuti wakakanganisa uye kuti uri kushanda nesimba kuti usazvidzokorora, achakuregerera. Uyewo taura nevakuru. Vachakubatsira kuti uvezve neushamwari hwakasimba naJehovha.—Jak. 5:14, 15.

7. Nei tisingafaniri kuora mwoyo kana zvichitiomera kuita zvakanaka?

7 Achitaura nevaya vari kuedza chaizvo kuti vasaita zvakaipa, mumwe mukuru wekuFrance anonzi Jean-Luc akati: “Munhu akarurama mumaziso aJehovha haasi uya asingambotadzi, asi ndeuya anoti kana akanganisa anozvidemba uye anoedza kusazvidzokorora.” (VaR. 7:21-25) Saka kana uri kuedza chaizvo kuti usaita zvakaipa, usazviona semunhu asingabatsiri. Sezvo tese tichikanganisa tinotoda nyasha dzaMwari dzaanoratidza achishandisa rudzikinuro.—VaEf. 1:7; 1 Joh. 4:10.

8. Ndiani anogona kutibatsira patinenge takaora mwoyo?

8 Tinogona kukurudzirwa nehama nehanzvadzi dzedu dzemuungano! Kana tiine zviri kutinetsa, vanogona kutiteerera uye kutikurudzira. (Zvir. 12:25; 1 VaT. 5:14) Imwe hanzvadzi yekuNigeria inonzi Joy, iyo inombonetseka nekuora mwoyo inoti: “Handifungi kuti ndaizokwanisa kutsungirira dai pasina hama nehanzvadzi. Kundikurudzira kwadzinoita kunoita kuti ndinyatsoona kuti Jehovha anopindura minyengetero yangu. Ndakatodzidzawo kwadziri kuti ndingakurudzira sei vamwe vanenge vakaora mwoyo.” Kunyange zvakadaro, tinofanira kuyeuka kuti hama nehanzvadzi dzedu dzingasaziva pese patinenge tichida kukurudzirwa. Saka tingafanira kutaura nemumwe muKristu akakura pakunamata tichimuudza patinoda kubatsirwa.

PATINENGE TICHIRWARA

9. Tinokurudzirwa sei nePisarema 41:3 uye 94:19?

9 Kumbira Jehovha kuti akubatsire. Patinenge tichirwara, kunyanya kana chirwere chacho chisingaperi, zvinogona kutiomera kuti tifunge zvinhu zvinobatsira. Kunyange zvazvo Jehovha asingaiti chishamiso chekutiporesa iye zvino, anotinyaradza uye anogona kutipa simba rekuti titsungirire. (Verenga Pisarema 41:3; 94:19.) Semuenzaniso, anogona kuita kuti mumwe muKristu auye kuzotibatsira mabasa epamba kana kunotitengera zvatinenge tichida. Anogona kuita kuti hama dzedu dzinyengetere nesu. Anogona kutibatsira kuti tiyeuke pfungwa dzinonyaradza dziri muShoko rake, dzakadai setariro yekurarama upenyu hwakanaka tisingarwari uye tisingarwadziwi munyika itsva.—VaR. 15:4.

10. Chii chakabatsira Isang kuti asaramba akaora mwoyo paakaita tsaona?

10 Isang, uyo anogara kuNigeria akaita tsaona yakamusiya asingachakwanisi kufamba. Chiremba wake akamuudza kuti akanga asingachazofambizve kweupenyu hwese. Isang akati: “Ndakaora mwoyo uye ndakasuruvara chaizvo.” Akaramba akasuruvara here? Kwete! Chii chakamubatsira? Akati: “Ini nemudzimai wangu takaramba tichinyengetera kuna Jehovha uye tichidzidza Shoko rake. Takarambawo tichifunga zvinhu zvakanaka zvataiva nazvo kusanganisira tariro yedu yekurarama munyika itsva yaMwari.”

Kunyange vaya vasingachakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yeutano, vanogona kuwana dzimwe nzira dzekuita nadzo ushumiri voramba vachifara (Ona ndima 11-13)

11. Chii chakabatsira Cindy kuti arambe achifara paairwara zvakanyanya?

11 Cindy, uyo anogara kuMexico, akabatwa chirwere chaigona kumuuraya. Chii chakamubatsira kuti atsungirire? Paairapwa akava nechinangwa chekuparidza zuva rega rega. Anoti: “Izvi zvakandibatsira kuti ndifungewo vamwe pane kungoramba ndichifunga nezveoparesheni, marwadzo angu kana kuti manzwiro andaiita. Pandaikurukura navanachiremba kana kuti nemanesi ndaivabvunza nezvemhuri dzavo. Ndaibva ndavabvunza kuti nei vakasarudza kuita basa rakaoma kudaro. Zvaibva zvazova nyore kuti ndisarudze nyaya dzandaifunga kuti vangafarira. Vakawanda vakati kaiva kashoma kuti murwere avabvunze upenyu. Uye vakawanda vakanditenda nekuratidza hanya kwandaivaita. Vamwe vakatondipa kero dzavo nenhamba dzefoni. Ndaiziva kuti Jehovha aizondibatsira kuti nditsungirire nguva iyi yakaoma, asi akatondipa mufaro unoshamisa!”—Zvir. 15:15.

12-13. Vanhu vanonetseka neutano vari kukwanisa sei kuita ushumiri, uye zviri kuguma nei?

12 Vaya vanonetseka neutano vanogona kuora mwoyo nekuti havakwanisi kuita zvakawanda muushumiri. Kunyange zvakadaro, vakawanda vavo vakakwanisa kuwana nzira dzekuparidza nadzo. Imwe hanzvadzi yekuUnited States, inonzi Laurel yakaita makore 37 iri mumuchina waiibatsira kufema. Aivawo nekenza, akaitwa maoparesheni akawanda, uye aivawo nezvirwere zvaikanganisa ganda rake. Asi kunyange matambudziko akakura kudaro haana kumutadzisa kuparidza. Akaparidzira manesi nevamwe vanhu vaiuya kuzomurapa. Zvakaguma nei? Akabatsira vanhu 17 kuti vave Zvapupu zvaJehovha! *

13 Mumwe mukuru wekuFrance anonzi Richard ane mazano anobatsira vaya vasingachagoni kubva pamba kana kuti vanogara munzvimbo dzinochengeterwa vakwegura. Anoti, “Ndinovakurudzira kuti vave nenzvimbo yavanoisa mabhuku inoita kuti vanhu vanopfuura vaone. Vanhu pavanoona mabhuku iwayo vanoda kuziva kuti ndeei uye munobva matotanga kukurukura. Izvi zvinogona kukurudzira hama nehanzvadzi dzedu dzisingachakwanisi kuparidza paimba neimba.” Vaya vasingachakwanisi kubva pamba vanogonawo kuita ushumiri vachiita zvekunyora tsamba uye kuita zvekufona.

PATISINGAWANI ROPAFADZO YATINODA

14. Mambo Dhavhidhi akaratidza muenzaniso upi wakazonaka?

14 Tinogona kusawana ropafadzo yatinoda muungano kana mudunhu nemhaka yezera, utano kana mamwewo mamiriro ezvinhu. Tinogona kudzidza kuna Mambo Dhavhidhi kana tiri mumamiriro ezvinhu akadaro. Paakaudzwa kuti handiye aizoita basa raaida chaizvo rekuvaka temberi yaMwari, Dhavhidhi akanyatsotsigira munhu akanga asarudzwa naMwari kuti aite basa racho. Dhavhidhi akatopa zvinhu zvakawanda chaizvo zvekushandisa pabasa racho. Uyu muenzaniso wakazonaka wekuti titevedzere!—2 Sam. 7:12, 13; 1 Mak. 29:1, 3-5.

15. Hugues akaitei kuti asaramba akaora mwoyo?

15 Imwe hama inonzi Hugues yekuFrance, yakamira kushumira semukuru nemhaka yekurwara, uye yakanga isingachakwanisi kunyange kuita tumabasa tudiki twepamba. Yakati: “Pakutanga, ndakanzwa ndisingabatsiri uye ndakaora mwoyo chaizvo. Asi nekufamba kwenguva ndakatanga kuona kuti ndaifanira kubvuma kuti ndine zvimwe zvinhu zvandakanga ndisingachakwanisi kuita, uye ndakawana mufaro wekushumira Jehovha ndichiita zvandaikwanisa. Handisi kuzokanda mapfumo pasi. Ndicharamba ndichirwisa sezvakaitwa naGidhiyoni nevarume vaaiva navo 300, avo vainge vaneta.”—Vat. 8:4.

16. Tinodzidzei pane zvinoitwa nengirozi?

16 Tinewo zvatinodzidza pangirozi dzakatendeka. Paitonga Mambo Ahabhi, Jehovha akabvunza ngirozi kuti dzitaure zvadzaifunga kuita pakunyengedza mambo uyu akaipa. Dzimwe ngirozi dzakataura zvadzaifunga. Asi Mwari akasarudza ngirozi imwe chete, uye akaiudza kuti zvayaifunga zvaizobudirira. (1 Madz. 22:19-22) Dzimwe ngirozi dzakatendeka dzakaora mwoyo here, zvichida dzichifunga kuti, ‘Ndazvinetserei hangu?’ Hadzina kumbova nemafungiro akadaro. Ngirozi dzinozvininipisa chaizvo, uye dzinoda kuti rukudzo rwese ruende kuna Jehovha.—Vat. 13:16-18; Zvak. 19:10.

17. Tinofanira kuitei kana takaora mwoyo nemhaka yekuti hatina kuwana ropafadzo dzataida?

17 Ramba uchifunga nezveropafadzo yatiinayo yekuva Zvapupu zvaJehovha uye yekuparidza nezveUmambo hwake. Mabasa atinopiwa musangano anouya achienda, asi handiwo anoita kuti tikoshe kuna Mwari. Kuzvininipisa ndiko kuchaita kuti tive vanhu vanokosha kuna Jehovha uye kuhama nehanzvadzi dzedu. Saka kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti urambe uchizvininipisa. Ramba uchifunga nezvevanhu vanozvininipisa vanotaurwa muShoko rake. Ita zvese zvaunogona pakushumira hama dzako.—Pis. 138:6; 1 Pet. 5:5.

KANA VANHU VARI MUNDIMA YENYU VASINGAFARIRI MASHOKO AKANAKA

18-19. Ungava sei nemufaro muushumiri kunyange vanhu vakawanda vari mundima yenyu vasingafariri?

18 Unomboora mwoyo here nekuti vanhu vakawanda vemundima yenyu havafariri mashoko akanaka kana kuti havawaniki pamba? Pakadaro tingaitei kuti tirambe tiine mufaro? Mamwe mashoko anobatsira anowanika mubhokisi rakanzi “ Zvaungaita Kuti Uwedzere Kufara Muushumiri.” Zvinokoshawo kuti tione ushumiri neziso rakanaka. Izvozvo zvinorevei?

19 Ramba uchiyeuka kuti chikonzero chikuru chekuparidza ndechekuzivisa zita raMwari uye Umambo hwake. Jesu akanyatsojekesa kuti vashomanana ndivo vachawana nzira inoenda kuupenyu. (Mat. 7:13, 14) Patinenge tiri muushumiri, tinenge tiine ropafadzo yekushanda naJehovha, Jesu uye ngirozi. (Mat. 28:19, 20; 1 VaK. 3:9; Zvak. 14:6, 7) Jehovha anoita kuti vanhu vanoda kumushumira vauye kwaari. (Joh. 6:44) Saka kana munhu akasateerera mashoko edu panguva ino, anogona kuzoateerera paanoparidzirwa zvakare.

20. Jeremiya 20:8, 9 inotibatsira sei kuti tisaramba takaora mwoyo?

20 Tinogona kudzidza zvakawanda kune muprofita Jeremiya. Akanzi aparidze mundima yakanga yakaoma chaizvo. Vanhu vaimutuka uye vaimunyomba “zuva rese.” (Verenga Jeremiya 20:8, 9.) Akaora mwoyo chaizvo zvekuti pane imwe nguva akafunga kusiyana nazvo. Asi haana. Nei asina kurega? “Shoko raJehovha” rakava semoto unobvira wakavharirwa mumapfupa aJeremiya zvekuti akatadza kuramba akanyarara! Izvi ndizvo zvatinoitawo kana mupfungwa dzedu nemumwoyo medu mukazara Shoko raMwari. Ndicho chimwe chikonzero nei tichifanira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva tofungisisa zvatinenge taverenga. Izvi zvinogona kuita kuti tiwedzere kufara uye vanhu vakawanda vanogona kutiteerera.—Jer. 15:16.

21. Chii chichatibatsira kuti tisaramba takaora mwoyo?

21 “Satani anoshandisa kuora mwoyo sechombo chine simba kuti atirwise,” anodaro Deborah ambotaurwa nezvake. Asi Jehovha Mwari ane simba rakakura kudarika Satani nezvombo zvake zvese. Saka pasinei nechikonzero chinenge chaita kuti uore mwoyo, kumbira Jehovha kuti akubatsire. Achakubatsira paunokanganisa uye paunozviona seusingabatsiri. Achakutsigira paunenge uchirwara. Achakubatsira kuti usaora mwoyo kana ukasapiwa basa raunoda pakumushumira. Uye achakubatsira kuti urambe uchifara muushumiri. Nyengetera kuna Baba vako vekudenga uchivaudza manzwiro auri kuita. Vachakubatsira kuti usaramba wakaora mwoyo.

RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu

^ ndima 5 Tese tinomboora mwoyo muupenyu. Munyaya ino tichakurukura zvimwe zvinhu zvatinogona kuita patinenge takaora mwoyo. Sezvatichaona, Jehovha anogona kutibatsira kuti tisaramba takaora mwoyo.

^ ndima 4 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 12 Verenga nyaya yeupenyu yaLaurel Nisbet muAwake! yaJanuary 22, 1993.

^ ndima 69 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Imwe hanzvadzi yakamboora mwoyo, asi inofunga zvayakamboitira Jehovha, yobva yanyengetera. Ine chokwadi kuti anoyeuka zvayakaita kare uye zvairi kuita iye zvino.