Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Isa Mwoyo Wako Pabasa Rako!

Isa Mwoyo Wako Pabasa Rako!

UNONZWA sei kana ukagamuchira tsamba inokurudzira inobva kushamwari yako? Mudzidzi wechiKristu Timoti akagamuchira tsamba yakadaro kubva kumuapostora Pauro, iyo yatava kuziva sebhuku reBhaibheri ra2 Timoti. Timoti anofanira kunge akatsvaga nzvimbo yakanyarara kuitira kuti averenge zvaiva mutsamba iyi yainge yabva kushamwari yake. Zvimwe Timoti aifunga kuti: ‘Pauro wacho ari sei? Kuti angadaro aine zvaari kundiudza zvingandibatsira pabasa rangu? Tsamba iyi ingandibatsira here kuti ndibudirire muushumiri hwangu uye pakubatsira vamwe?’ Sezvatichaona, Timoti akawana mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwewo mutsamba iyi inokosha. Munyaya ino tichaona mazano anobatsira ari mutsamba yacho.

‘NDINORAMBA NDICHITSUNGIRIRA ZVINHU ZVESE’

Achingoverenga mashoko ekutanga etsamba yacho, Timoti akabva angoona kuti Pauro aiva nehanya naye. Pauro akamudana kuti “mwana anodiwa.” (2 Tim. 1:2) Kunyange zvazvo Timoti angangodaro aiva nemakore ekuma30 paakagamuchira tsamba iyi munenge muna 65 C.E., akanga atova nenguva ari mukuru. Akanga ashanda naPauro kwemakore anopfuura 10 uye adzidza zvakawanda kwaari.

Timoti anofanira kunge akakurudzirwa chaizvo paakaziva kuti Pauro airamba akatendeka, achitsungirira matambudziko. Pauro akanga ari musungwa kuRoma, ava pedyo nekuurayiwa. (2 Tim. 1:15, 16; 4:6-8) Timoti anofanira kunge akaona ushingi hwemuapostora uyu nekuti Pauro akati: ‘Ndinoramba ndichitsungirira zvinhu zvese.’ (2 Tim. 2:8-13) Tinogona kuwana simba kubva pakutsungirira kwaPauro sezvakaita Timoti.

“UKUCHIDZIRE CHIPO”

Pauro akakurudzira Timoti kuti akoshese chaizvo basa raaiitira Mwari. Aida kuti Timoti ‘akuchidzire chipo chaMwari’ chaiva maari. (2 Tim. 1:6) Pauro akashandisa shoko rechiGiriki rekuti khaʹri·sma kureva “chipo.” Shoko racho rinoreva chipo chinopiwa munhu asina kuchishandira kana kuti asina kukodzera kuchiwana. Timoti akawana chipo ichi paakasarudzwa kuti aite basa rinokosha muungano.—1 Tim. 4:14.

Timoti aifanira kuitei nechipo ichi? Paakaverenga shoko rekuti ‘kuchidzira,’ anogona kunge akafunga nezvemoto uyo unogona kupedzisira wava mazimbe. Mazimbe iwayo aifanira kukuchidzirwa kuti aite marimi uye awedzere kupisa. Rimwe duramanzwi rinoti shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro rinoreva “kutangazve, kumutsidzira, kufuridza moto,” zvichireva “kuva nechido uye kushingaira pabasa.” Pauro aikurudzira Timoti kuti: ‘Isa mwoyo wako pabasa rako!’ Mazuva ano tinofanirawo kushingaira pabasa redu.

“CHENGETEDZA ZVAWAKACHENGETESWA IZVI”

Paaidzika netsamba iyi yakabva kushamwari yake, Timoti akawana mamwe mashoko aizomubatsira kuti abudirire muushumiri hwake. Pauro akanyora kuti: “Chengetedza zvawakachengeteswa izvi uchibatsirwa nemweya mutsvene, uyo uri kugara matiri.” (2 Tim. 1:14) Timoti akanga achengeteswa chii? Muvhesi 13, Pauro akanga ataura ‘nezvemashoko anobatsira,’ kureva chokwadi chinowanikwa muMagwaro. (2 Tim. 1:13) Sezvo aiva mushumiri wechiKristu, Timoti aifanira kuparidza chokwadi ichi muungano uye mundima. (2 Tim. 4:1-5) Uyewo Timoti akanga agadzwa semukuru kuti afudze makwai aMwari. (1 Pet. 5:2) Kuti akwanise kuchengetedza zvaakachengeteswa, icho chokwadi chaaidzidzisa, Timoti aifanira kuvimba nemweya mutsvene waJehovha uye Shoko rake.—2 Tim. 3:14-17.

Mazuva ano isuwo takachengeteswa chokwadi chatinodzidzisa vamwe muushumiri. (Mat. 28:19, 20) Kana tikaramba tichinyengetera uye kugara tichidzidza Shoko raMwari tinenge tichiratidza kuti tinokoshesa chokwadi chatinodzidzisa. (VaR. 12:11, 12; 1 Tim. 4:13, 15, 16) Tinogonawo kunge tichishumira semukuru muungano kana kuti tiri mubasa renguva yakazara. Mabasa akaita seaya anofanira kuita kuti tizvininipise, tione kuti tinoda kubatsirwa naMwari. Saka tinogona kuchengetedza zvinhu izvi kana tikazvikoshesa uye tikavimba naJehovha kuti atibatsire kuita mabasa acho.

“ZVINHU IZVI ZVIPE VANHU VAKATENDEKA”

Mabasa akapiwa Timoti aisangova ake ega. Aifanirawo kudzidzisa vamwe. Ndosaka Pauro akamuudza kuti: “Zvinhu zvawakanzwa kwandiri . . , zvipe vanhu vakatendeka, avo vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe.” (2 Tim. 2:2) Saka Timoti aifanira kudzidzisa dzimwe hama zvinhu zvese zvaakanga adzidza. Zvinokosha kuti mutariri wese ari muungano aedzewo kuita izvozvo. Mutariri ane rudo haavanziri vamwe zvaanoziva nezvemaitirwo ebasa. Asi anovadzidzisawo kuti vakwanise kuita basa racho. Haatyiri kuti vangamupfuura pakuva neruzivo kana pakugona basa. Saka mutariri haadzidzisi munhu basa achisiyira panzira. Anoda kubatsira vaya vaari kudzidzisa kuti vave nenjere, kureva kuti vakure pakunamata. Kana akadaro, “vanhu vakatendeka” vaanenge adzidzisa vachabatsira ungano chaizvo.

Zviri pachena kuti Timoti akakoshesa tsamba inokurudzira yaakanyorerwa naPauro. Tinogona kufungidzira achidzokorora kuverenga mazano anokosha arimo uye achifungisisa kuti angaashandisa sei mubasa rake.

Tinodawo kushandisa mazano acho. Tingaashandisa sei? Tinogona kushanda nesimba kuti tikuchidzire chipo chatakapiwa, tichengetedze zvatakachengeteswa uye tidzidzise vamwe zvatinoziva. Kana tikadaro, tichakwanisa kuita ‘ushumiri hwedu zvizere’ sezvakataurwa naPauro kuna Timoti.—2 Tim. 4:5.