Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Tinofanira kubata sei vaKristu vakazodzwa?

Tinokoshesa kutenda kwavo; asi hatizonyanyi kuvarumbidza. Tinorega ‘kuyemura vanhu’ zvakanyanya. (Jud. 16, mashoko emuzasi) Hativabvunzi mibvunzo ine chekuita netariro yavo.—w20.01, peji 29.

Chii chinofanira kuita kuti uve nechokwadi chekuti Jehovha ane hanya newe?

Bhaibheri rinoratidza kuti akakuona usati watomboberekwa. Uye anoteerera minyengetero yako yese. Anoziva zvaunofunga, uye zviri mumwoyo mako uye zvaunoita zvinogona kumufadza kana kumugumbura. (1 Mak. 28:9; Zvir. 27:11) Akaita kuti uuye kwaari.—w20.02, peji 12.

Mienzaniso ipi inotibatsira kuziva patinofanira kutaura uye patinofanira kunyarara?

Tinotaura nezvaJehovha tichifara. Tinotaura kana tikaona kuti mumwe munhu ari kuita zvinhu zvinomupinza muna taisireva. Vakuru vanotaura pavanenge vachipa munhu zano. Hatitauri uye hatibudisi mashoko ane chekuita nemaitirwo ebasa redu munyika dzarinorambidzwa. Hatitauri nyaya dzisingafaniri kuzivikanwa nevamwe.—w20.03, mapeji 20-21.

Mhashu dzinotaurwa muna Joeri chitsauko 2 dzakasiyana papi nedzinotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 9?

Joeri 2:20-29 inotaura kuti Mwari aizodzingira mhashu dzacho kure uye akavimbisa kuti aizoripa vanhu achitsiva zvainge zvaparadzwa nemhashu. Pashure paizvozvo Mwari aizodurura mweya wake. Humwe uprofita hwacho hwakazadzika vaBhabhironi pavakapinda munyika yeIsraeri uye humwe hwacho hwakazadzika pashure pemakore akawanda. Zvakazarurwa 9:1-11 inotaura nezvemhashu dzichimiririra vakazodzwa varipo iye zvino vanozivisa mashoko aMwari ekutonga kwaachaita nyika ino yakaipa, uye izvi zvinoita kuti vese vanoitsigira vanetseke chaizvo.—w20.04, mapeji 3-6.

Ndiani “Mambo Wekuchamhembe” Mazuva Ano?

Russia nenyika dzinoitsigira. Dzine zvadziri kuita pavanhu vaMwari, dziri kurambidza basa rekuparidza uye dzakavenga Zvapupu. Mambo wekuchamhembe ari kukwikwidzana namambo wekumaodzanyemba.—w20.05, peji 13.

“Zvibereko zvemweya” zvinotaurwa pana VaGaratiya 5:22, 23 ndizvo zvega zviripo here?

Aiwa. Mweya mutsvene unotibatsira kuti tive nezvimwewo zvibereko zvakanaka zvakadai sekururama. (VaEf. 5:8, 9)—w20.06, peji 17.

Chii chatinofanira kungwarira pazvinhu zvatinoisa pasocial media?

Zvatinoisa zvinogona kuita kuti tionekwe sevanhu vanozvikudza kwete sevanhu vanozvininipisa.—w20.07, mapeji 6-7.

VaKristu vangadzidzei pavabati vehove vane unyanzvi?

Vanoshanda panguva nenzvimbo inowanzowanikwa hove. Vanoziva kushandisa zvinhu zvakakodzera. Uye vanoratidza ushingi zvinhu pazvinenge zvakaoma. Izvi ndizvo zvatinogona kuitawo muushumiri hwedu.—w20.09, peji 5.

Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tibatsire vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vawedzere kuda Jehovha?

Tinogona kuvakurudzira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye kufungisisa zvavanenge vaverenga. Uye tinogona kuvadzidzisa kunyengetera.—w20.11, peji 4.

Ndivanaani vari kutaurwa mumashoko ekuti: “Vese vachaitwawo vapenyu muna Kristu”?—1 VaK. 15:22.

Muapostora Pauro akanga asiri kuti munhu wese achamutswa. Aitaura nezvevaKristu vakazodzwa, vaya ‘vakatsveneswa vari pamwe naKristu Jesu.’ (1 VaK. 1:2; 15:18)—w20.12, mapeji 5-6.

VaKristu vakazodzwa vachaitei pashure pekunge ‘vashandurwa, mukubwaira kweziso, mukurira kwebhosvo rekupedzisira’?—1 VaK. 15:51-53.

Vachabatana naKristu pakufudza marudzi netsvimbo yesimbi. (Zvak. 2:26, 27)—w20.12, mapeji. 12-13.