Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 1

Ramba Wakadzikama Uye Vimba naJehovha

Ramba Wakadzikama Uye Vimba naJehovha

RUGWARO RWEDU RWEGORE RWA2021 RUNOTI: “Simba renyu richabva pakuramba makadzikama uye pakuvimba neni.”​—ISA. 30:15.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

ZVICHADZIDZWA *

1. Mubvunzo upi watingabvunza wakafanana newakabvunzwa naMambo Dhavhidhi?

TESE tinoda kurarama upenyu hwakagadzikana uye hune runyararo. Hapana munhu anofarira kunetseka. Asi dzimwe nguva tinogona kunetseka chaizvo. Ndosaka vamwe vashumiri vaJehovha vangabvunza mubvunzo wakafanana newakabvunzwa naMambo Dhavhidhi wekuti: “Ndicharamba ndichinetseka kusvikira riini, ndiine shungu mumwoyo mangu zuva nezuva?”—Pis. 13:2.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Kunyange zvazvo zvisingaiti kuti tibva tarega kunetseka zvachose, pane zvatinogona kuita kuti tisanyanya kunetseka. Munyaya ino tichatanga takurukura zvimwe zvinhu zvingaita kuti tinetseke. Tichabva tazokurukura zvinhu 6 zvatingaita kuti tirambe takadzikama patinosangana nematambudziko.

ZVII ZVINGAITA KUTI TINETSEKE?

3. Zvinhu zvipi zvinoita kuti tinetseke, uye pane zvatinogona kuita here kuti zvisaitika?

3 Tinogona kunge tisina zvatinogona kuita kuti zvinhu zvinoita kuti tinetseke zvisaitika. Semuenzaniso, hatikwanisi kuita kuti mitengo yezvekudya, zvekupfeka, uye pekugara isakwira gore negore. Hatina zvatinogona kuita kuti vatinoshanda navo kana vatinodzidza navo vasatombotiedza kuti tibiridzire kana kuti tiite upombwe. Uye hatikwanisi kuita kuti vanhu vasapara mhosva kwatinogara. Tinosangana nezvinhu izvi nekuti tinogara munyika ine vanhu vakawanda vasingatungamirirwi nezvinotaurwa neBhaibheri. Satani, mwari wenyika ino, anoziva kuti “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvemunyika ino” kuchaita kuti vamwe vanhu vasashumira Jehovha. (Mat. 13:22; 1 Joh. 5:19) Ndosaka nyika yakazara nezvinhu zvinoita kuti vanhu vanetseke.

4. Chii chinogona kuitika kana tikanyanya kuzvidya mwoyo pamusana pematambudziko edu?

4 Tinogona kunetseka nematambudziko edu zvekuti ndiwo chete atinenge tava kungofunga nezvawo. Semuenzaniso, tinogona kunetseka kuti tichatadza kuwana mari yakakwana yekuti tizviriritire kana kuti ticharwara totadza kuenda kubasa kunyange kutorasikirwa nebasa racho. Tinogonawo kuzvidya mwoyo kuti tichatadza kuramba takatendeka patinoedzwa kuti tityore mutemo waMwari. Munguva pfupi iri kuuya Satani achaita kuti vanhu vaanotonga varwise vanhu vaMwari, saka tinogona kunetseka kuti tichaita sei paticharwiswa. Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Zvakaipa here kuti tinetseke nezvenyaya dzakadaro?’

5. Jesu airevei paakati: “Regai kuzvidya mwoyo”?

5 Tinoziva kuti Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Regai kuzvidya mwoyo.” (Mat. 6:25) Aireva here kuti hatitombofaniri kunetseka nechii zvacho? Aiwa! Yeuka kuti vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka vekare vakambozvidya mwoyo, asi Jehovha akaramba achivafarira. * (1 Madz. 19:4; Pis. 6:3) Jesu akanga achitotisimbisa. Haadi kuti tinyanye kuzvidya mwoyo nenyaya yekuwana zvekurarama nazvo, zvekuti kushumira Mwari hakuzovi pekutanga muupenyu hwedu. Zvii zvatingaita patinenge tichizvidya mwoyo?—Ona bhokisi rakanzi, “ Zvaungaita.”

ZVINHU 6 ZVICHATIBATSIRA KURAMBA TAKADZIKAMA

Ona ndima 6 *

6. Maererano naVaFiripi 4:6, 7, chii chinogona kutibatsira kuti tirambe takadzikama?

6 (1) Gara uchinyengetera. VaKristu pavanenge vachinetseka nezverimwe dambudziko vanogona kunyaradzwa kana vakanyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese. (1 Pet. 5:7) Jehovha anogona kupindura minyengetero yako nekukupa “rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese [kwevanhu].” (Verenga VaFiripi 4:6, 7.) Jehovha anoita kuti tirambe takadzikama achishandisa mweya wake mutsvene.—VaG. 5:22.

7. Tinofanira kuyeukei patinonyengetera kuna Mwari?

7 Paunenge uchinyengetera kuna Jehovha, durura mwoyo wako kwaari. Muudze zviri kukunetsa uye mutsanangurire kuti zviri kuita kuti unzwe sei. Kana zvichigadzirisika, mukumbire uchenjeri hwekuziva zvekuita uye simba rekuti uzviite. Kana usingakwanisi kugadzirisa dambudziko racho, kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti usanyanya kunetseka nezvaro. Paunonyengetera uchinyatsotaura zviri kukunetsa, nekufamba kwenguva unogona kunyatsoona kuti Jehovha ari kupindura sei minyengetero yako. Kana minyengetero yako ikasapindurwa nekukurumidza, usarega kunyengetera. Jehovha anoda kuti titaure zvacho zviri kutinetsa uye anoda kuti tirambe tichinyengetera nezvazvo.—Ruka 11:8-10.

8. Zvii zvatingataura nezvazvo muminyengetero yedu?

8 Paunokanda zvinokudya mwoyo kuna Jehovha mumunyengetero, iva nechokwadi chekuti wataurawo mashoko ekumutenda. Tinofanira kufunga zvinhu zvakanaka zvatiinazvo, kunyange patinenge takaomerwa. Kana dzimwe nguva uchitadza kuwana mashoko akakodzera ekutsanangura manzwiro aunenge uchiita, yeuka kuti Jehovha achapindura munyengetero wako kunyange ukangoti ‘Ndibatsireiwo!’—2 Mak. 18:31; VaR. 8:26.

Ona ndima 9 *

9. Chii chatinofanira kuita kana tiine zvatiri kutya?

9 (2) Vimba neuchenjeri hwaJehovha, kwete hwako. Mumakore ekuma700 B.C.E., vanhu veJudha vaitya kurwiswa nevaAsiriya. Kuti vasava pasi pevaAsiriya, vakatsvaga kubatsirwa neIjipiti. (Isa. 30:1, 2) Jehovha akavayambira kuti maitiro avo aizoguma nenhamo. (Isa. 30:7, 12, 13) Achishandisa Isaya, Jehovha akaudza vanhu vacho zvavaigona kuita kuti vasatya. Muprofita wacho akati: “Simba renyu richabva pakuramba makadzikama uye pakuvimba” naJehovha.—Isa. 30:15b.

10. Ndepapi patingaratidza kuti tinovimba naJehovha?

10 Ndepapi patingaratidza kuti tinovimba naJehovha? Funga nezvemienzaniso inotevera. Ngatitii wawana basa rinokupa mari yakawanda, asi richada kuti ushande nguva yakawanda zvekuti unotadza kushumira Jehovha sezvauri kuita iye zvino. Kana kuti mumwe munhu waunoshanda naye ari kuratidza kuti anokuda, asi haasi mushumiri waMwari akabhabhatidzwa. Kana kuti mumwe munhu wemumhuri anokuudza kuti kana ukaramba uchishumira Jehovha hausisiri hama yake. Pamuenzaniso mumwe nemumwe zvichakuomera kuita chisarudzo, asi Jehovha achakutungamirira. (Mat. 6:33; 10:37; 1 VaK. 7:39) Uchavimba naJehovha uye uchabvuma kutungamirirwa naye here?

Ona ndima 11 *

11. Ndedzipi nyaya dzemuBhaibheri dzatingadzidza kuti tirambe takadzikama patinopikiswa?

11 (3) Dzidza pavanhu vakaita zvakanaka uye vakaita zvakaipa. Bhaibheri rine nyaya dzakawanda dzinoratidza kuti zvinokosha kuti tirambe takadzikama uye kuti tivimbe naJehovha. Paunenge uchidzidza nyaya idzi, ona kuti chii chakabatsira vashumiri vaMwari kuti varambe vakadzikama pavaipikiswa. Semuenzaniso, dare repamusorosoro rechiJudha parakarambidza vaapostora kuti varege kuparidza, havana kutya. Asi vakataura neushingi kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.” (Mab. 5:29) Kunyange pavakarohwa, vaapostora havana kuvhunduka. Sei vasina kuvhunduka? Nekuti vaiziva kuti Jehovha aiva navo. Aifadzwa nezvavaiita. Saka vakaramba vachiparidza mashoko akanaka. (Mab. 5:40-42) Mudzidzi Stefani paakanga ava pedyo nekuurayiwa, akarambawo akadzikama zvekuti “chiso chake chakanga chakaita sechengirozi.” (Mab. 6:12-15) Chii chakaita kuti arambe akadzikama? Aiziva kuti Jehovha aifadzwa nezvaaiita.

12. Maererano na1 Petro 3:14 uye 4:14, nei tichigona kufara patinotambudzwa?

12 Vaapostora vainyatsoziva kuti Jehovha aivatsigira. Akanga avapa simba rekuita zvishamiso. (Mab. 5:12-16; 6:8) Mazuva ano Jehovha haatipi simba rekuita zvishamiso. Kunyange zvakadaro, achishandisa Shoko rake, Jehovha anotivimbisa kuti patinotambura nekuti tiri kuita zvakarurama, anofadzwa nesu uye mweya wake unenge uri patiri. (Verenga 1 Petro 3:14; 4:14.) Saka pane kungofunga kuti tichaita sei kana tikatambudzwa zvakanyanya mune ramangwana, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tiwedzere kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatitsigira uye achatiponesa. Sezvakaitwa nevadzidzi ivavo vekutanga, tinofanira kuvimba nemashoko aJesu ekuti: “Ndichakupai mashoko neuchenjeri zvichaita kuti vavengi venyu vese vakabatana vatadze kuzviramba kana kuzvipikisa.” Jesu akativimbisa kuti: “Kana mukatsungirira, muchachengetedza upenyu hwenyu.” (Ruka 21:12-19) Usambokanganwa kuti Jehovha anoziva zvese zvine chekuita nevashumiri vake vakafa vakatendeka kwaari. Achashandisa ruzivo irworwo pakuvamutsa.

13. Tinobatsirwa sei nekudzidza zvakaitwa nevaya vakatadza kuramba vakadzikama vachivimba naJehovha?

13 Tinogonawo kudzidza pane zvakaitwa nevaya vakatadza kuramba vakadzikama vachivimba naJehovha. Kudzidza nezvemienzaniso iyoyo yakaipa kunotibatsira kuti tisaita zvikanganiso zvavakaita. Semuenzaniso, Mambo Asa weJudha akavimba naJehovha pakauya uto guru revaItiopiya kuzomurwisa, uye Jehovha akaita kuti akunde. (2 Mak. 14:9-12) Asi Mambo Bhaasha weIsraeri paakauya kuzomurwisa aine uto diki, Asa akabhadhara vaSiriya kuti vamubatsire pane kuti avimbe naJehovha kuti amuponese sezvaakanga amboita. (2 Mak. 16:1-3) Uye ava pedyo nekufa, paakarwara zvakanyanya, haana kuvimba naJehovha kuti amubatsire.—2 Mak. 16:12.

14. Tinodzidzei pakukanganisa kwakaita Asa?

14 Pakutanga, Asa aivimba naJehovha paaisangana nematambudziko. Asi pava paya akatadza kuvimba naMwari wake kuti amubatsire, achisarudza kugadzirisa matambudziko ake ega. Zvinogona kunge zvakaita sekuti zano raAsa rekukumbira kubatsirwa nevaSiriya rakashanda. Asi vaJudha havana kuva nerugare kwenguva yakareba. Jehovha akamuudza achishandisa mumwe muprofita kuti: “Zvawakavimba namambo weSiriya, ukarega kuvimba naJehovha Mwari wako, uto ramambo weSiriya rapukunyuka muruoko rwako.” (2 Mak. 16:7) Tinofanira kungwarira kuti tisafunga kuti tinogona kugadzirisa matambudziko edu tega tisingakumbiri Jehovha kuti atibatsire achishandisa Shoko rake. Kunyange patinosangana nedambudziko rinoda kukurumidza kugadziriswa, tinofanira kuramba takadzikama tichivimba naJehovha, uye achatibatsira kuti tisarudze zvakanaka.

Ona ndima 15 *

15. Chii chatingaita patinenge tichiverenga Bhaibheri?

15 (4) Bata mavhesi eBhaibheri nemusoro. Paunosangana nemavhesi eBhaibheri anoratidza kuti simba redu rinobva pakuramba takadzikama tichivimba naJehovha, edza kuabata nemusoro. Kuti uabate, zvinogona kukubatsira kuaverenga zvinonzwika kana kuanyora pasi wogara uchiadzokorora. Jehovha akaudza Joshua kuti agare achiverenga bhuku reMutemo nenzwi riri pasi, kuitira kuti ave akachenjera pane zvaanoita. Zviyeuchidzo izvi zvaizomubatsirawo kuti asatya, asi kuti ave neushingi hwekutungamirira vanhu vaMwari. (Josh. 1:8, 9) Mavhesi akawanda ari muShoko raMwari anogona kukubatsira kuti udzikame mumamiriro ezvinhu angaita kuti unetseke kana kuti utye.—Pis. 27:1-3; Zvir. 3:25, 26.

Ona ndima 16 *

16. Jehovha anoshandisa sei ungano kutibatsira kuti tirambe takadzikama tichivimba naye?

16 (5) Wadzana nevanhu vaMwari. Jehovha anoshandisa hama nehanzvadzi dzedu pakutibatsira kuti tirambe takadzikama tichivimba naye. Pamisangano yedu tinobatsirwa nehurukuro dzatinopiwa, mhinduro dzinopiwa nevateereri uye kukurudzirana kwatinoita nehama nehanzvadzi dzedu. (VaH. 10:24, 25) “Shoko rakanaka” rinobva kushamwari rinogona kutibatsira kuti tisanyanya kunetseka.—Zvir. 12:25.

Ona ndima 17 *

17. Maererano naVaHebheru 6:19, tariro yedu yeUmambo inotitsigisa sei pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma?

17 (6) Ita kuti tariro yako irambe yakasimba. Tariro yedu yeUmambo yakaita “sechinhu chinotsigisa mweya.” Inotitsigisa pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma kana kuti kuzvidya mwoyo. (Verenga VaHebheru 6:19.) Funga nezveramangwana rakavimbiswa naJehovha. Panguva iyoyo hapana munhu achange aine zviri kumunetsa. (Isa. 65:17) Zvione uri munyika itsva ine rugare isina kana chinhu chinoshungurudza. (Mika 4:4) Uchasimbisawo tariro yako paunoudza vamwe nezvenyika itsva. Ita zvese zvaunogona mubasa rekuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. Kana ukadaro, ‘uchava nechivimbo chizere chetariro kusvikira kumagumo.’—VaH. 6:11.

18. Mune ramangwana tichasangana nematambudziko akaita sei, uye tingaitei kuti tiatsungirire?

18 Sezvo tava kusvika kumugumo wenyika ino, tichasangana nematambudziko akawanda angaita kuti tinetseke. Rugwaro rwedu rwegore rwa2021 runogona kutibatsira kuti titsungirire matambudziko iwayo toramba takadzikama, tisingazviiti nesimba redu, asi nekuvimba naJehovha. Gore rino ngatiratidzei nemabasa kuti tinotenda muvimbiso yaJehovha yekuti: “Simba renyu richabva pakuramba makadzikama uye pakuvimba neni.”Isa. 30:15.

RWIYO 8 Jehovha Inzvimbo Yedu Yekupotera

^ ndima 5 Rugwaro rwedu rwegore rwa2021 runoratidza kuti zvinokosha chaizvo kuti tivimbe naJehovha patinosangana nematambudziko anoita kuti tizvidye mwoyo iye zvino uye mune ramangwana. Nyaya ino ichataura kuti tingashandisa sei mazano ari murugwaro rwedu rwegore.

^ ndima 5 Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzakatendeka dzinotambura nekuzvidya mwoyo zvakanyanyisa. Kuzvidya mwoyo uku chinotova chirwere chakakura uye kwakasiyana nekwaitaurwa naJesu.

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: (1) Hanzvadzi inonyengetera kakawanda pazuva, ichitaura zviri kuidya mwoyo.

^ ndima 65 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: (2) Panguva yekumbozorora kubasa, inoverenga Shoko raMwari kuti iwane uchenjeri.

^ ndima 67 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: (3) Inofungisisa nezvemienzaniso yakanaka neyakaipa iri muBhaibheri.

^ ndima 69 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: (4) Inoisa pafiriji rugwaro runokurudzira rwainoda kubata nemusoro.

^ ndima 71 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: (5) Iri kunakidzwa nekuva neshamwari muushumiri.

^ ndima 73 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: (6) Inosimbisa tariro yayo nekufunga ramangwana.