Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 2

Zvatinodzidza ‘Pamudzidzi Aidiwa naJesu’

Zvatinodzidza ‘Pamudzidzi Aidiwa naJesu’

Ngatirambei tichidanana, nekuti rudo runobva kuna Mwari.”—1 JOH. 4:7.

RWIYO 105 “Mwari Rudo”

ZVICHADZIDZWA *

1. Rudo rwaMwari runoita kuti unzwe sei?

“MWARI rudo,” akanyora kudaro muapostora Johani. (1 Joh. 4:8) Tinoziva kuti upenyu hunobva kuna Mwari. Asi mashoko aya akanyorwa naJohani anotiyeuchidza kuti rudo runobvawo kuna Mwari. Jehovha anotida! Rudo rwake runoita kuti tinzwe takachengeteka, tichifara uye tichigutsikana.

2. Maererano naMateu 22:37-40, ndeipi mirayiro miviri mikuru pane yese, uye nei zvingatiomera kuteerera wechipiri wacho?

2 VaKristu havafaniri kuita zvekusarudza kuti voda vamwe here kana kuti kwete. Kuda vamwe utori murayiro. (Verenga Mateu 22:37-40.) Patinosvika pakuziva Jehovha, zvinogona kutiitira nyore kuteerera murayiro wekutanga. Zvinodaro nekuti Jehovha akakwana, ane hanya nesu uye anotibata zvakanaka. Asi zvinogona kutiomera kuteerera murayiro wechipiri. Nei zvichitiomera? Nekuti hama nehanzvadzi dzedu, idzo dziri vavakidzani vedu vepedyo, dzine chivi. Dzimwe nguva vanogona kutaura kana kuita zvinhu zvinotirwadza. Jehovha aiziva kuti taizosangana nedambudziko iri, saka akafemera vamwe vanyori veBhaibheri kuti vanyore mazano anotibatsira kuona kuti nei tichifanira kuda vamwe uye kuti tingazviita sei. Mumwe wevanyori ava ndiJohani.—1 Joh. 3:11, 12.

3. Johani akanyanya kutaura nezvei?

3 Mune zvaakanyora, Johani akadzokorora kakawanda kuti vaKristu vanofanira kuratidza rudo. Munhoroondo yaakanyora nezveupenyu hwaJesu, Johani akataura nezverudo kakawanda kupfuura vamwe vanyori veEvhangeri vatatu vabatanidzwa. Johani akanga ava nemakore anenge 100 paakanyora Evhangeri yake uye tsamba dzake nhatu. Mabhuku iwayo eBhaibheri anotidzidzisa kuti zvese zvinoitwa nemuKristu zvinofanira kubva parudo. (1 Joh. 4:10, 11) Asi izvozvo zvakatora nguva kuti Johani azozvinzwisisa.

4. Johani aigara achiratidza vamwe rudo here?

4 Johani paakanga achiri mudiki aisaratidza rudo nguva dzese. Pane imwe nguva, Jesu nevadzidzi vake vaienda kuJerusarema vachipfuura nemuSamariya. Vamwe vanhu vemune mumwe musha wevaSamariya vakaramba kuvagamuchira. Johani akaita sei? Iye nemukoma wake Jakobho vakabvunza Jesu kuti voshevedza moto kuti ubve kudenga here uparadze vanhu vese vemumusha iwoyo. (Ruka 9:52-56) Pane imwe nguva, Johani akatadza kuratidza rudo kune vamwe vaapostora. Iye nemukoma wake Jakobho vanofanira kunge vakanyengetedza amai vavo kuti vakumbire Jesu kuti vapiwe zvinzvimbo zvinokosha pedyo naye muUmambo. Vamwe vaapostora pavakaziva zvakanga zvaitwa naJakobho naJohani, vakagumbuka chaizvo! (Mat. 20:20, 21, 24) Pasinei nekukanganisa kwese uku kwaiita Johani, Jesu aimuda.—Joh. 21:7.

5. Tichakurukurei munyaya ino?

5 Munyaya ino tichakurukura nezvaJohani uye zvimwe zvinhu zvaakanyora nezverudo. Patinenge tichidaro, tichadzidza kuti tingaratidza sei rudo kuhama nehanzvadzi dzedu. Tichadzidzawo chimwe chinhu chinokosha chinoitwa nemusoro wemba chinoratidza kuti anoda mhuri yake.

RUDO RUNORATIDZWA NEMABASA

Jehovha akaratidza kuti anotida nekutuma Mwanakomana wake panyika kuti atifire (Ona ndima 6-7)

6. Jehovha akaratidza sei kuti anotida?

6 Tinowanzofunga kuti kuda vanhu zvinoreva kuvafarira kana kuvaudza zvinhu zvakanaka. Asi kana tichinyatsovada tinofanira kuzviratidza nemabasa. (Enzanisa naJakobho 2:17, 26.) Semuenzaniso, Jehovha anotida. (1 Joh. 4:19) Uye anoratidza rudo rwake nemashoko anofadza akanyorwa muBhaibheri. (Pis. 25:10; VaR. 8:38, 39) Asi tinoziva kuti Mwari anotida nezvaanotaura uyewo nezvaanoita. Johani akanyora kuti: “Mwari akatiratidza rudo rwake pakuti akatuma Mwanakomana wake panyika, uyo akaberekwa ari mumwe oga, kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye.” (1 Joh. 4:9) Jehovha akabvumira kuti Mwanakomana wake waanoda atambure uye afe nekuda kwedu. (Joh. 3:16) Saka tine chokwadi chekuti Jehovha anotida.

7. Jesu akaitei achiratidza kuti anotida?

7 Jesu akaita kuti vadzidzi vake vazive kuti aivada. (Joh. 13:1; 15:15) Akaratidza kuti aivada chaizvo uye kuti anotida chaizvo nezvaakataura uyewo nezvaakaita. Jesu akati, “Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake achifira shamwari dzake.” (Joh. 15:13) Kufunga zvatakaitirwa naJehovha naJesu kunofanira kuita kuti tiite sei?

8. Maererano na1 Johani 3:18 zvii zvatinofanira kuita?

8 Tinoratidza kuti tinoda Jehovha naJesu nekuvateerera. (Joh. 14:15; 1 Joh. 5:3) Uye Jesu akatirayira kuti tidanane. (Joh. 13:34, 35) Hatifaniri kungogumira pakutaura kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu, asi tinofanirawo kuzviratidza nezvatinoita. (Verenga 1 Johani 3:18.) Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tiratidze kuti tinovada?

IDA HAMA NEHANZVADZI DZAKO

9. Rudo rwakaita kuti Johani aitei?

9 Johani aigona kunge akagara nababa vake achiita mari mubhizinesi ravo rekubata hove. Asi kubvira paakava mudzidzi, akashandisa upenyu hwake hwese kuti abatsire vamwe kudzidza chokwadi nezvaJehovha naJesu. Upenyu hwakasarudzwa naJohani hwakanga husiri nyore. Akatambudzwa uye paakanga akwegura akasungwa. (Mab. 3:1; 4:1-3; 5:18; Zvak. 1:9) Kunyange paakanga akasungwa nemhaka yekuparidza nezvaJesu, Johani akaratidza kuti aida vamwe. Semuenzaniso, paaiva pachitsuwa chePatmosi, akanyora bhuku raZvakazarurwa uye akaita kuti ritumirwe kuungano kuti dzizive zvinhu ‘zvaifanira kukurumidza kuitika.’ (Zvak. 1:1) Zvinoita sekuti paakasunungurwa pachitsuwa chePatmosi, ndipo paakanyora Evhangeri inotaura nezveupenyu hwaJesu uye ushumiri hwake. Akanyorawo tsamba nhatu kuti akurudzire uye asimbise hama nehanzvadzi dzake. Ungatevedzera sei kuzvipira kwakaita Johani?

10. Ungaratidza sei kuti unoda vanhu?

10 Unogona kuratidza kuti unoda vanhu nezvaunosarudza kuita neupenyu hwako. Nyika yaSatani inoda kuti ushandise nguva yako nesimba rako kuti uite zvakangokunakira, uchiedza kuita mari kana kuzviwanira mukurumbira. Asi vazivisi veUmambo pasi rese vanozvipira kushandisa nguva yavo yakawanda kuti vaparidze mashoko akanaka uye vabatsire vamwe kuswedera pedyo naJehovha. Vamwe vanokwanisa kuita basa rekuparidza nekudzidzisa nguva yakazara.

Tinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu, uye mhuri dzedu nezvatinovaitira (Ona ndima 11, 17) *

11. Vaparidzi vakatendeka vakawanda vanoratidza sei kuti vanoda Jehovha uye hama nehanzvadzi dzavo?

11 VaKristu vakawanda vanofanira kushanda kwenguva yakareba kuti variritire mhuri dzavo. Kunyange zvakadaro, vaparidzi ava vakatendeka vanoita zvese zvavanogona kuti vatsigire sangano raMwari. Semuenzaniso, vamwe vanokwanisa kubatsira panoitika njodzi, vamwe vanogona kubatsira mumabasa ekuvaka, uye munhu wese ane mukana wekupa mari yekutsigira basa remunyika yese. Vanoita zvinhu izvi nekuti vanoda Mwari uye vanoda vamwe. Vhiki rimwe nerimwe, tinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nekupinda misangano uye kuvawo nezvatinoita pamisangano yacho. Kunyange patinenge takaneta, tinopinda misangano iyoyo. Kunyange tichitya tinopa mhinduro. Uye kunyange zvazvo mumwe nemumwe aine dambudziko rake, tinokurudzirana misangano isati yatanga uye yapera. (VaH. 10:24, 25) Tinotenda chaizvo basa riri kuitwa nehama nehanzvadzi dzedu!

12. Johani akaratidzawo sei kuti aida hama nehanzvadzi dzake?

12 Johani akaratidza kuti aida hama nehanzvadzi dzake nekudzirumbidza uyewo nekudzitsiura. Semuenzaniso, mutsamba dzaakanyora, Johani akarumbidza hama nehanzvadzi dzake nekuda kwekutenda uye mabasa akanaka, asiwo akadzipa zano rakasimba panyaya yechivi. (1 Joh. 1:8–2:1, 13, 14) Nesuwo tinofanira kurumbidza hama nehanzvadzi dzedu padzinoita zvakanaka. Asi kana mumwe munhu akatanga kuva nemafungiro kana maitiro akaipa, tinoratidza rudo nekumutsiura zvakanakanaka. Zvinoda ushingi kuti utsiure shamwari, asi Bhaibheri rinotaura kuti shamwari dzechokwadi dzinorodzana, kana kuti dzinotsiurana.—Zvir. 27:17.

13. Ndezvipi zvatisingafaniri kuita?

13 Dzimwe nguva tinoratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu nekusaita zvimwe zvinhu. Semuenzaniso, hatikurumidzi kugumburwa nezvadzinotaura. Funga zvakaitika Jesu paaiva panyika. Akaudza vadzidzi vake kuti vaifanira kudya nyama yake uye kunwa ropa rake kuti vawane upenyu. (Joh. 6:53-57) Mashoko iwayo akatyisa vadzidzi vake vakawanda zvekuti vakamusiya. Asi shamwari dzake dzechokwadi kusanganisira Johani hadzina kumusiya. Dzakaramba dziinaye. Havana kunzwisisa zvakataurwa naJesu, uye vanofanira kunge vakashamiswa nazvo. Asi shamwari dzaJesu dzakavimbika hadzina kufunga kuti zvaakanga ataura zvainge zvakaipa, uye hadzina kugumburwa nazvo. Pane kudaro, dzakavimba naye, dzichiziva kuti aitaura chokwadi. (Joh. 6:60, 66-69) Zvinokosha chaizvo kuti tirege kukurumidza kugumburwa nezvinotaurwa neshamwari dzedu. Pane kuti tikurumidze kugumburwa, tinodzipa mukana wekutsanangura zvadzinenge dzichireva.—Zvir. 18:13; Mup. 7:9.

14. Nei tisingafaniri kurega ruvengo ruchikura mumwoyo medu?

14 Johani akatikurudzirawo kuti tisavenga hama nehanzvadzi dzedu. Kana tikatadza kuteerera zano iroro, Satani anogona kutishandisa. (1 Joh. 2:11; 3:15) Izvi zvakaitika kune vamwe gore ra100 C.E. rava kuda kusvika. Satani aiita zvese zvaaigona kuti vanhu vaMwari vavengane uye vaparadzane. Panguva yakazonyora Johani tsamba dzake, varume vaiva nemafungiro akafanana neaSatani vakanga vapinda muungano. Semuenzaniso, Dhiyotrefesi akanga achiita kuti mune imwe ungano muve nemapoka. (3 Joh. 9, 10) Aisaremekedza vakuru vaitumwa nedare rinotungamirira kuti vafambire ungano. Aitoedza kubvisa muungano vaya vaigamuchira vanhu vaaisafarira. Zvaaiita zvainge zvakaipa chaizvo! Satani achiri kuedza chaizvo kuparadzanisa vanhu vaMwari. Ngatisamborega ruvengo ruchitiparadzanisa.

IDA MHURI YAKO

Jesu akaita kuti Johani ariritire amai vake uye avakurudzire kuramba vachishumira Jehovha. Mazuva ano misoro yemba inofanira kuva nechokwadi chekuti mhuri dzayo dzawana zvadzinoda pakurarama uye pakunamata (Ona ndima 15-16)

15. Musoro wemba anofanira kuyeukei?

15 Imwe nzira inokosha yekuti musoro wemba aratidze kuti anoda mhuri yake ndeyekuita kuti iwane zvinodiwa pakurarama. (1 Tim. 5:8) Asi anofanira kuyeuka kuti chinonyanya kukosha ndechekuti abatsire mhuri yake kuva neushamwari naJehovha. (Mat. 5:3) Ona kuti misoro yemba inodzidzei pane zvakaitwa naJesu. Maererano neEvhangeri yaJohani, Jesu paakanga ava kufa ari padanda rekutambudzirwa akanga achiri kufunga nezvemhuri yake. Johani akanga akamira naMariya amai vaJesu paiurayiwa Jesu. Pasinei nekurwadziwa zvakanyanya kwaaiita, Jesu akaudza Johani kuti achengete Mariya. (Joh. 19:26, 27) Zviri pachena kuti vanin’ina nehanzvadzi dzaJesu vaigona kuita kuti Mariya awane zvaanoda pakurarama, asi zvinoita sekuti panguva iyoyo hapana kana mumwe chete wavo akanga ava mudzidzi waJesu. Saka Jesu aida kuva nechokwadi kuti Mariya awana zvekurarama nazvo uyewo kuti akurudzirwa mune zvekunamata.

16. Mabasa api aifanira kuitwa naJohani?

16 Johani aiva nezvinhu zvakawanda zvaaifanira kuita. Sezvo aiva mumwe wevaapostora, aifanira kushingaira mubasa rekuparidza. Kunengewo kuti ainge akaroora, saka aitofanira kushanda kuti ariritire mhuri yake uyewo aibatsire kuti ive neushamwari hwakanaka naJehovha. (1 VaK. 9:5) Misoro yemba inodzidzei mazuva ano?

17. Nei zvichikosha kuti musoro wemba asimbise mhuri yake pakunamata?

17 Hama ine mhuri inogona kunge iine mabasa anokosha akawanda ainoita. Semuenzaniso, inofanira kushanda nesimba pabasa rayo kuitira kuti maitiro ayo aite kuti Jehovha arumbidzwe. (VaEf. 6:5, 6; Tito 2:9, 10) Uye inogona kunge iine mamwe mabasa muungano akadai sekufudza uye kutungamirira pabasa rekuparidza. Asi zvinokoshawo kuti igare ichidzidza Bhaibheri nemudzimai nevana. Vachatenda chaizvo zvese zvaanoita kuti vave neutano, vafare, uye kuti varambe vachishumira Jehovha.—VaEf. 5:28, 29; 6:4.

‘RAMBAI MURI MURUDO RWANGU’

18. Johani aiva nechokwadi nei?

18 Johani akararama makore akawanda. Uye ane zvinhu zvizhinji zvinofadza zvakaitika muupenyu hwake. Akasangana nematambudziko akawanda aigona kumunetesa pakushumira Mwari. Asi aigara achiita zvese zvaaigona kuti achengete mirayiro yaJesu, kusanganisira wekuda hama nehanzvadzi dzake. Izvi zvakaita kuti Johani ave nechokwadi chekuti Jehovha naJesu vanomuda uye kuti vaizomupa simba rekuti atsungirire miedzo yaaizosangana nayo. (Joh. 14:15-17; 15:10; 1 Joh. 4:16) Johani akaramba achiratidza nemashoko uye nemabasa kuti aida hama nehanzvadzi dzake, pasinei nezvaiitwa naSatani nenyika yake.

19. Tinokurudzirwa kuitei pana 1 Johani 4:7, uye nei tichikurudzirwa kudaro?

19 Kungofanana naJohani, tiri kurarama munyika iri kutongwa naSatani, mwari wenyika ino ane ruvengo. (1 Joh. 3:1, 10) Kunyange zvazvo achida kuti tirege kuda hama nehanzvadzi dzedu, haakwanisi kuita kuti tidaro kunze kwekunge tamubvumira. Ngatirambei tichida hama nehanzvadzi dzedu, tichizviratidza nezvatinotaura uye nezvatinoita. Kana tikadaro tichava nemufaro wekuva mumhuri yaJehovha, uye tichanakidzwa neupenyu.—Verenga 1 Johani 4:7.

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

^ ndima 5 Muapostora Johani anofanira kunge ari iye ‘mudzidzi aidiwa naJesu.’ (Joh. 21:7) Saka kunyange paaiva mudiki, panguva yaaiva naJesu, Johani anofanira kunge aiva neunhu hwaiyemurika. Paakanga akwegura, akashandiswa naJehovha kuti anyore zvakawanda nezverudo. Munyaya ino tichaona zvimwe zvinhu zvakanyorwa naJohani uye tichakurukura kuti tinodzidzei pane zvaakaita.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume ane zvakawanda zvekuita, ari kubatsira pabasa rekuyamura vanenge vawirwa nenjodzi, anopa mari yekutsigira basa remunyika yese, uye anokoka vamwe kuti vabatane naye nemudzimai wake nevana pakunamata kwemhuri.