Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 6

“Musoro Wemukadzi Murume”

“Musoro Wemukadzi Murume”

“Musoro wemukadzi murume.”—1 VAK. 11:3.

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

ZVICHADZIDZWA *

1. Painenge ichifunga nezvemunhu wekuroorana naye, hanzvadzi inofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi?

VAKRISTU vese vari pasi paJesu Kristu, mutungamiriri asina chivi. Asi mukadzi wechiKristu paanoroorwa, anova pasi pemurume ane chivi. Izvozvo zvinogona kuoma. Saka hanzvadzi yechiKristu painenge ichifunga nezvemunhu wekuroorana naye, inofanira kuzvibvunza kuti: ‘Chii chinoratidza kuti hama iyi ichava musoro wemhuri akanaka? Anokoshesa zvinhu zvekunamata muupenyu hwake here? Kana asingazvikoshesi, achazokwanisa here kubatsira mhuri pane zvekunamata kana tachata?’ Hanzvadzi yacho inofanirawo kuzvibvunza kuti: ‘Unhu hupi hwandiinahwo huchasimbisa imba yedu? Ndiri munhu ane mwoyo murefu uye asinganyimi here? Ushamwari hwangu naJehovha hwakasimba here?’ (Mup. 4:9, 12) Kana mukadzi akaita zvisarudzo zvakanaka asati aroorwa, zvinogona kumubatsira kuti azofara mumba make.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Mamiriyoni ehanzvadzi dzedu dzechiKristu anoratidza muenzaniso wakanaka wekuzviisa pasi pevarume vadzo. Hanzvadzi idzi dzinofanira kurumbidzwa! Zvinotifadza chaizvo kushumira Jehovha pamwe chete nevakadzi ava vakavimbika! Munyaya ino tichakurukura mhinduro dzemibvunzo mitatu inoti: (1) Ndeapi mamwe ematambudziko anosangana nemadzimai? (2) Nei mudzimai achisarudza kuzviisa pasi pemurume wake? (3) Varume nemadzimai echiKristu vanodzidzei panyaya yekuzviisa pasi kubva pane zvakaitwa naJesu, Abhigairi, uye Mariya mudzimai waJosefa, amai vaJesu?

MATAMBUDZIKO API ANOSANGANA NEMADZIMAI ECHIKRISTU?

3. Nei vanhu vese vakaroorana vachisangana nematambudziko?

3 Wanano chipo chakakwana chinobva kuna Mwari, asi vanhu vanokanganisa nekuti vane chivi. (1 Joh. 1:8) Ndosaka Shoko raMwari richiyambira vakaroorana kuti vachava “nedambudziko munyama yavo.” (1 VaK. 7:28) Ngationei mamwe matambudziko angasangana nemudzimai.

4. Nei mudzimai angaona sekuti kuzviisa pasi pemurume wake kunomuderedza?

4 Zvichida nemhaka yemarererwo aakaitwa, mudzimai anogona kuona sekuti kuzviisa pasi pemurume wake kunomuderedza. Marisol, uyo anogara kuUnited States anoti: “Kwandakakurira, vakadzi vaigara vachiudzwa kuti vanofanira kuenzana nevarume pazvinhu zvese. Ndinoziva kuti Jehovha ndiye akaita kuti murume ave musoro wemudzimai wake. Asi zvakaoma kugara ndichizviisa pasi pemurume wangu nekuti nyika inoti handifaniri hangu kudaro.”

5. Vamwe varume vane maonero api akaipa nezvevakadzi?

5 Asi mukadzi anogona kuroorwa nemurume anofunga kuti vakadzi vakaderera pane varume. Imwe hanzvadzi inonzi Ivon, inogara kuSouth America inoti, “Kwandinogara varume ndivo vanotanga kudya vakadzi vozotevera. Vasikana vanotarisirwa kuti vabike nekusuka, asi vakomana vanoitirwa zvese nehanzvadzi dzavo naamai vavo, uye vanoudzwa kuti ndivo vanamambo vepamba.” Imwe hanzvadzi inogara kuAsia inonzi Yingling inoti: “Mumutauro wedu mune chirevo chinopa pfungwa yekuti hazvikoshi kuti vakadzi vave vanhu vakangwara kana kuti vave neunyanzvi. Chavo ndechekungoita mabasa ese epamba, asi havabvumirwi kutaura zvavanofunga kuvarume vavo.” Murume asingaratidzi rudo uye asingaiti zvinotaurwa neBhaibheri, anoomesera mudzimai wake, anotadza kutevedzera Jesu, uye anogumbura Jehovha.—VaEf. 5:28, 29; 1 Pet. 3:7.

6. Madzimai anofanira kuitei kuti ave neushamwari hwakasimba naJehovha?

6 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, Jehovha anoda kuti varume vechiKristu vabatsire mhuri dzavo pakunamata, vadziriritire uye kuti vaite kuti dzinzwe dzakachengeteka. (1 Tim. 5:8) Asi hanzvadzi dzakaroorwa dzinofanira kuwana nguva yekuverenga Shoko raMwari zuva rega rega uye kufungisisa zvadzinenge dzaverenga, dzonyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese. Izvi zvingasava nyore. Madzimai ane zvakawanda zvekuita, saka anogona kunzwa sekuti haana nguva kana kuti simba rekuita zvinhu izvi, asi zvinokosha chaizvo kuti awane nguva yekuita izvozvo. Nei achifanira kudaro? Nekuti Jehovha anoda kuti mumwe nemumwe wedu asvike pakuva neushamwari hwepedyo naye.—Mab. 17:27.

7. Chii chichabatsira mudzimai kuti zvimuitire nyore kuremekedza uye kuteerera murume wake?

7 Ichokwadi kuti mudzimai angafanira kushanda nesimba kuti azviise pasi pemurume wake ane chivi. Asi zvichamuitira nyore kuita zvaakanzi naJehovha aite kana akanzwisisa uye akabvuma zvikonzero zvinotaurwa muBhaibheri zvekuti nei achifanira kuzviisa pasi.

NEI MUDZIMAI ACHISARUDZA KUZVIISA PASI PEMURUME WAKE?

8. Sezviri pana VaEfeso 5:22-24, nei mudzimai wechiKristu achisarudza kuzviisa pasi pemurume wake?

8 Mudzimai wechiKristu anosarudza kuzviisa pasi pemurume wake nekuti Jehovha anoda kuti aite izvozvo. (Verenga VaEfeso 5:22-24.) Anovimba naBaba vake vekudenga, nekuti anoziva kuti vanomuda uye havangamuudzi kuti aite chinhu chisina kumunakira.—Dheut. 6:24; 1 Joh. 5:3.

9. Chii chinoitika kana hanzvadzi yechiKristu ikateerera Jehovha nekuzviisa pasi pemurume wayo?

9 Nyika inoita kuti vakadzi vasateerera zvinotaurwa naJehovha uye vaone kuzviisa pasi sekunovaderedza. Vaya vanosimudzira mafungiro akadaro, havazivi Mwari wedu ane rudo. Jehovha haangambopi vanasikana vake vaanoda chaizvo murayiro unovaderedza. Hanzvadzi iyo inoshanda nesimba kuti iteerere Jehovha nekuzviisa pasi pemurume wayo inoita kuti mumba mayo muve nerugare. (Pis. 119:165) Izvi zvinoita kuti munhu wese ari mumhuri afare.

10. Tinodzidzei pane zvakataurwa naCarol?

10 Mudzimai anozviisa pasi pemurume wake anenge achiratidza kuti anoda uye anoremekedza Jehovha, uyo akaita kuti pave nemusoro. Carol, uyo anogara kuSouth America anoti: “Ndinoziva kuti murume wangu anokanganisa. Ndakaonawo kuti mabatiro andinomuita paanenge akanganisa anoratidza kukoshesa kwandinoita ushamwari hwangu naJehovha. Saka ndinoedza kuramba ndichizviisa pasi nekuti ndinoda kufadza Baba vangu vekudenga.”

11. Chii chinobatsira imwe hanzvadzi inonzi Aneese kuti iregerere murume wayo, uye tinodzidzei pane zvayakataura?

11 Zvinogona kuomera mudzimai kuti aremekedze murume wake uye azviise pasi kana achiona sekuti murume wake haana hanya nemanzwiro ake. Asi ngationei zvinoitwa neimwe hanzvadzi yakaroorwa inonzi Aneese panoitika izvozvo. Inoti: “Ndinoedza kusagumbuka. Ndinoyeuka kuti tese tinokanganisa. Ndinoda kumuregerera nemwoyo wese, sezvinoita Jehovha. Pandinomuregerera, ndinobva ndanzwa kugadzikana zvakare.” (Pis. 86:5) Kakawanda kacho zvinova nyore kuti mudzimai anoregerera azviise pasi pemurume wake.

TINODZIDZEI PANE VAMWE VANHU VANOTAURWA MUBHAIBHERI?

12. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vakaita sei?

12 Vamwe vanogona kuona sekuti munhu anozviisa pasi haana kusimba. Asi ichocho hachisi chokwadi. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vakawanda vaizviisa pasi asi vaiva neushingi. Funga zvatinogona kudzidza pana Jesu, Abhigairi, uye Mariya.

13. Nei Jesu achizviisa pasi paJehovha? Tsanangura.

13 Jesu anozviisa pasi paJehovha, asi izvi hazvirevi kuti haana kungwara kana kuti haana unyanzvi. Kudzidzisa kwaaiita zviri nyore uye zvakajeka kunoratidza kuti akangwara chaizvo. (Joh. 7:45, 46) Jehovha airemekedza chaizvo unyanzvi hwaJesu zvekuti akashanda naye pakusika zvinhu zvese zviri kudenga nepanyika. (Zvir. 8:30; VaH. 1: 2-4) Uye kubva pakamutswa Jesu, Jehovha akamupa “masimba ese kudenga nepanyika.” (Mat. 28:18) Kunyange zvazvo Jesu aine unyanzvi, anovimba nekutungamirirwa naJehovha. Nei achidaro? Nekuti anoda Baba vake.—Joh. 14:31.

14. Varume vanodzidzei (a) pamaonero anoita Jehovha vakadzi? (b) pane zvinotaurwa muna Zvirevo 31?

14 Zvinogona kudzidzwa nevarume. Urongwa hwakaitwa naJehovha hwekuti mudzimai azviise pasi pemurume wake hauratidzi kuti vakadzi vakaderera pane varume. Jehovha akaratidza kuti vakadzi havana kuderera pane varume nekuti akasarudza vakadzi nevarume kuti vazotonga naJesu. (VaG. 3:26-29) Jehovha akaratidza kuti anovimba neMwanakomana wake nekumupa simba. Murume akachenjera anopawo mudzimai wake simba rekuita zvimwe zvinhu. Bhaibheri rinotaura zvinogona kuitwa nemudzimai ane unyanzvi. Semuenzaniso, anoona nezvemabasa anoitwa pamba pake, anotenga munda ourima, uye anoita zvebhizinesi. (Verenga Zvirevo 31:15, 16, 18.) Haasi muranda uyo asina kodzero yekutaura zvaanofunga. Asi murume wake anovimba naye uye anoteererawo pfungwa dzake. (Verenga Zvirevo 31:11, 26, 27.) Kana murume akaremekedza mudzimai wake saizvozvo, zvichaita kuti mudzimai wacho amuteerere achifara.

Madzimai anoita zvakanaka anodzidzei kubva pakuzviisa pasi kwakaitwa naJesu kuna Jehovha? (Ona ndima 15)

15. Madzimai anodzidzei pana Jesu?

15 Zvinogona kudzidzwa nemadzimai. Kunyange zvazvo akaita zvinhu zvikuru, Jesu haaoni sekuti kuzviisa pasi paJehovha kunomuderedza. (1 VaK. 15:28; VaF. 2:5, 6) Saizvozvowo, mudzimai anoita zvakanaka uye anotevedzera Jesu haaoni sekuti kuzviisa pasi pemurume wake kuzvideredza. Achatsigira murume wake nekuti anomuda, asi chikonzero chikuru ndechekuti anoda Jehovha uye anomuremekedza.

Pashure pekunge atumira zvekudya kuna Dhavhidhi nevarume vaaiva navo, Abhigairi anoenda kuna Dhavhidhi. Anobva apfugama, omukumbira kuti asazviunzira mhosva yeropa nekutsiva kwaari kuda kuita (Ona ndima 16)

16. Maererano na1 Samueri 25:3, 23-28, matambudziko api akasangana naAbhigairi? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

16 Abhigairi aiva nemurume ainzi Nabhari. Murume uyu aiva munhu aingofunga zvakamunakira, aidada uye aisaonga. Dai Abhigairi aida kuti wanano yake igume, aigona kusiya Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vachiuraya murume wake. Asi haana kuita izvozvo. Akaita zvese zvaaigona kuti adzivirire Nabhari nevanhu vese veimba yake. Funga nezveushingi hwakaratidzwa naAbhigairi paakaenda kwaiva nevarume 400 vaiva nezvombo ndokutaura nyaya yake kuna Dhavhidhi zvine ruremekedzo. Aitoda kuti mhosva yezvakanga zvaitwa nemurume wake ive yake. (Verenga 1 Samueri 25:3, 23-28.) Dhavhidhi akabva aona kuti Jehovha akanga ashandisa mukadzi uyu akashinga kuti amupe zano rakaita kuti asaita chivi chakakura.

17. Varume vanodzidzei panyaya yaDhavhidhi naAbhigairi?

17 Zvinogona kudzidzwa nevarume. Abhigairi aiva mukadzi akachenjera. Dhavhidhi akaratidza kuchenjera nekuteerera zano rake. Izvi zvakaita kuti asauraya vanhu vasina mhosva. Murume akachenjera anonzwawo zvinofungwa nemudzimai wake asati aita zvisarudzo zvinokosha. Kumbonzwawo zvinofungwa nemudzimai wake kuchamubatsira kuti asaita chisarudzo chisina kunaka.

18. Madzimai anodzidzei pane zvakaitwa naAbhigairi?

18 Zvinogona kudzidzwa nemadzimai. Mudzimai anoda Jehovha uye anomuremekedza anogona kubatsira mhuri yake kunyange kana murume wake asingashumiri Jehovha kana kuti asingateereri zvinotaurwa naJehovha. Haazotsvagi nzira yekuti arambane nemurume wake. Asi kuremekedza uye kuzviisa pasi kwaanoita, kunogona kuita kuti murume wake ade kudzidza nezvaJehovha. (1 Pet. 3:1, 2) Asi kunyange murume wake akasashumira Mwari, Jehovha achafara paanoona kuti mudzimai wacho anoteerera murume wake uye kuti akavimbika.

19. Mudzimai haazoteereri murume wake kana zvaita sei?

19 Zvisinei, mudzimai wechiKristu anozviisa pasi haazotsigiri murume wake kana akamuti aite zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Ngatitii murume wehanzvadzi asiri Chapupu anoiudza kuti inyepe, ibe, kana kuti iite chimwe chinhu chinogumbura Jehovha. VaKristu vese, kusanganisira hanzvadzi dzakaroorwa, vanonyanya kukoshesa kuteerera Jehovha Mwari pane kuteerera mumwe munhu. Kana hanzvadzi ikanzi nemurume wayo iite zvinopesana neBhaibheri, inofanira kuramba, yotsanangura zvakanakanaka asi zvakasimba kuti nei isingaiti izvozvo.—Mab. 5:29.

Ona ndima 20 *

20. Tinoziva sei kuti Mariya aiva neushamwari hwepedyo naJehovha?

20 Mariya aiva neushamwari hwepedyo naJehovha. Zviri pachena kuti ainyatsoziva Magwaro. Paaitaura naErizabheti, amai vaJohani Mubhabhatidzi, Mariya akataura mashoko ari muMagwaro echiHebheru kanopfuura ka20. (Ruka 1:46-55) Uye kunyange zvazvo vakanga vavimbisana kuroorana naJosefa, ngirozi yaJehovha haina kutanga kuzviratidza kuna Josefa. Yakatanga kutaura naMariya uye yakamuudza kuti aizobereka Mwanakomana waMwari. (Ruka 1:26-33) Jehovha ainyatsoziva Mariya uye aiva nechivimbo chekuti Mariya aizoda Mwanakomana wake uye aizomuchengeta. Zviri pachena kuti Mariya akaramba aine ushamwari hwakanaka naJehovha kunyange pashure pekunge Jesu afa ndokumutsirwa kudenga.—Mab. 1:14.

21. Varume vanodzidzei pane zvinotaurwa neBhaibheri nezvaMariya?

21 Zvinogona kudzidzwa nevarume. Murume akachenjera anofara kana mudzimai wake achinyatsoziva Magwaro. Haamugumbukiri uye haaoni sekunge ndiye ava kuda kuva musoro wemba. Anoziva kuti mudzimai anonyatsoziva zvinotaurwa neBhaibheri anogona kubatsira mhuri. Kunyange kana mudzimai aine dzidzo inopfuura yemurume wake, ibasa remurume kuti atungamirire pakunamata kwemhuri uye pane mamwe mabasa echiKristu.—VaEf. 6:4.

Madzimai anodzidzei pana Mariya amai vaJesu, panyaya yekudzidza uye kufungisisa? (Ona ndima 22) *

22. Madzimai anodzidzei pana Mariya?

22 Zvinogona kudzidzwa nemadzimai. Mudzimai anofanira kuzviisa pasi pemurume wake, asi kunyange zvakadaro, anofanira kuita zvese zvaanogona kuti asimbise kutenda kwake pachake. (VaG. 6:5) Saka anofanira kuwana nguva yekudzidza ari ega uye yekufungisisa zvaanenge adzidza. Izvozvo zvichamubatsira kuti ade Jehovha uye amuremekedze, uye achafara kuzviisa pasi pemurume wake.

23. Vakadzi vanozviisa pasi pevarume vavo vanowanei uye vanobatsira sei mhuri dzavo neungano?

23 Vakadzi vanoramba vachizviisa pasi pevarume vavo nechikonzero chekuti vanoda Jehovha, vanowana mufaro uye vanogutsikana kupfuura vaya vanoramba urongwa hwaJehovha hwekuti pave nemusoro. Vanenge vachiratidzawo muenzaniso wakanaka kuvarume vechidiki nevakadzi vechidiki. Uye vanoitawo kuti mumhuri uye muungano muve nerugare. (Tito 2:3-5) Mazuva ano vakadzi ndivo vanoumba uto guru revaya vanoshumira Jehovha vakavimbika. (Pis. 68:11) Kunyange zvakadaro, tese zvedu tine basa rinokosha muungano, pasinei nekuti tiri varume kana kuti vakadzi. Munyaya inotevera tichakurukura kuti mumwe nemumwe wedu angaita sei basa iroro.

RWIYO 131 “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”

^ ndima 5 Jehovha akaita urongwa hwekuti mukadzi akaroorwa ateerere uye aremekedze murume wake. Asi izvozvo zvinorevei? Varume nemadzimai echiKristu vanogona kudzidza zvakawanda nezvekuzviisa pasi kubva pane zvakaitwa naJesu uye nevamwe vakadzi vanotaurwa muBhaibheri.

^ ndima 68 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Paaikurukura naErizabheti amai vaJohani Mubhabhatidzi, Mariya akataura mavhesi aiva muMagwaro echiHebheru aaiziva nemusoro.

^ ndima 70 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mudzimai wechiKristu, anowana nguva yekudzidza Bhaibheri kuti arambe aine kutenda kwakasimba.