Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 7

Kunzwisisa Nyaya Yemusoro Muungano

Kunzwisisa Nyaya Yemusoro Muungano

“Kristu ndiye musoro weungano, zvaari iye muponesi wemuviri uyu.”—VAEF. 5:23.

RWIYO 137 Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndechipi chikonzero chinoita kuti vanhu vaJehovha vabatane?

TINOFARA kuti tiri chikamu chemhuri yaJehovha. Sei tiine rugare uye takabatana? Chimwe chikonzero ndechekuti tese zvedu tinoita zvatinogona kuti tiremekedze urongwa hwakaitwa naJehovha hwekuti pave nemusoro. Patinowedzera kunzwisisa urongwa hwacho, tinowedzera kuva vanhu vakabatana.

2. Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?

2 Munyaya ino tichakurukura nezvekuva musoro muungano. Tichapindurawo mibvunzo inotevera inoti: Hanzvadzi dzinoita basa rei muungano? Ichokwadi here kuti hama imwe neimwe itori musoro kuhanzvadzi dzese? Simba rine vakuru pahama nehanzvadzi rakafanana here nerine murume pamudzimai wake nevana? Ngatitangei nekukurukura kuti tinofanira kuona sei hanzvadzi.

TINOFANIRA KUONA SEI HANZVADZI?

3. Tingawedzera sei kukoshesa kwatinoita basa rinoitwa nehanzvadzi dzedu?

3 Tinokoshesa hanzvadzi dzedu dzinoshanda nesimba pakuchengeta mhuri dzadzo, pakuparidza mashoko akanaka, uye pakutsigira ungano. Tinogona kuwedzera kuvakoshesa kana tikafunga maonerwo avanoitwa naJehovha naJesu. Tichadzidzawo kuti tinofanira kubata sei vanhukadzi nekuongorora mabatirwo avaiitwa nemuapostora Pauro.

4. Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jehovha anokoshesa vakadzi uyewo varume?

4 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anokoshesa vakadzi uyewo varume. Semuenzaniso, rinoratidza kuti panguva yevaKristu vekutanga, Jehovha akapa vakadzi uyewo varume mweya mutsvene uye akaita kuti vakwanise kuita zvinhu zvinoshamisa, zvakadai sekutaura nendimi dzakasiyana-siyana. (Mab. 2:1-4, 15-18) Vese vakazodzwa nemweya mutsvene uye vachatonga naKristu. (VaG. 3:26-29) Vakadzi pamwe chete nevarume vachawana mubayiro wekurarama upenyu husingaperi panyika. (Zvak. 7:9, 10, 13-15) Uye varume nevakadzi vakapiwa basa rekuparidza nekudzidzisa mashoko akanaka. (Mat. 28:19, 20) Semuenzaniso, bhuku raMabasa rinotaura nezveimwe hanzvadzi inonzi Prisira, iyo yakashanda nemurume wayo Akwira, pakutsanangura chokwadi zvakanyatsorurama kumurume ainge akadzidza ainzi Aporo.—Mab. 18:24-26.

5. Ruka 10:38, 39, 42 inoratidza sei kuti Jesu airemekedza vakadzi?

5 Jesu airemekedza vakadzi. Haana kutevedzera vaFarisi avo vaitarisira vakadzi pasi. Vaisataura nevakadzi paruzhinji uye vaiona zvisingatomboiti zvachose kukurukura Magwaro navo. Asi Jesu akaita kuti vanhukadzi vavepowo paaikurukura zvinhu zvakadzama zvaMwari nevamwe vadzidzi vake. * (Verenga Ruka 10:38, 39, 42.) Jesu akabvumirawo vakadzi kuti vafambe naye paaiparidza. (Ruka 8:1-3) Uye akavapa ropafadzo yekuudza vaapostora kuti akanga amutswa kuvakafa.—Joh. 20:16-18.

6. Muapostora Pauro akaratidza sei kuti airemekedza vakadzi?

6 Muapostora Pauro akayeuchidza Timoti kuti aremekedze vakadzi. Akamuudza kuti abate “vakadzi vakuru savanaamai, uye vakadzi vadiki sehanzvadzi.” (1 Tim. 5:1, 2) Pauro ane zvakawanda zvaakaita pakubatsira Timoti kuti ave nekutenda kwakasimba, asi aibvuma kuti amai naambuya vaTimoti ndivo vakatanga kumudzidzisa “zvinyorwa zvitsvene.” (2 Tim. 1:5; 3:14, 15) Pauro akakwazisa hanzvadzi nemazita mutsamba yaakanyorera vaRoma. Aiona zvakanaka zvaiitwa nehanzvadzi idzi uye aitenda basa radzaiita sevashumiri vechiKristu.—VaR. 16:1-4, 6, 12; VaF. 4:3.

7. Mibvunzo ipi yatava kuda kupindura?

7 Sezvataona mundima dzapfuura, Bhaibheri haritauri kuti hanzvadzi dzakaderera pane hama. Hanzvadzi dzedu idzo dzine rudo uye dzine rupo dzinokosha chaizvo, uye vakuru vanovimba nezvadzinoita, izvo zvinobatsira kuti muungano murambe muine rugare uye kubatana. Asi pane mimwe mibvunzo inofanira kupindurwa. Semuenzaniso: Nei Jehovha achida kuti hanzvadzi ipfeke chekufukidza musoro pane dzimwe nguva? Sezvo hama dziridzo dzega dzinogadzwa sevakuru nevashumiri veungano, zvinoreva here kuti hama imwe neimwe itori musoro wehanzvadzi dzese dziri muungano?

HAMA IMWE NEIMWE ITORI MUSORO WEHANZVADZI DZESE HERE?

8. Maererano naVaEfeso 5:23, hama imwe neimwe itori musoro wehanzvadzi dzese here? Tsanangura.

8 Mhinduro ndeyekuti aiwa! Kristu ndiye musoro wehanzvadzi dzese dziri muungano. (Verenga VaEfeso 5:23.) Mumhuri, murume ndiye musoro wemudzimai wake. Mwanakomana akabhabhatidzwa haasi musoro waamai vake. (VaEf. 6:1, 2) Uye muungano, simba revakuru pahanzvadzi uye pahama rine parinogumira. (1 VaT. 5:12; VaH. 13:17) Hanzvadzi dzisina kuroorwa dzisingachagari nevabereki dzinoramba dzichivaremekedza uye dzinoremekedzawo vakuru. Asi kungofanana nevarume vari muungano, musoro wadzo ndiJesu chete.

Vaya vasiri muwanano vasingachagari nevabereki vavo musoro wavo ndiJesu (Ona ndima 8)

9. Nei dzimwe nguva hanzvadzi dzichifanira kupfeka chekufukidza musoro?

9 Jehovha akagadza varume kuti vatungamirire pakunamata muungano, uye haana kupa vakadzi mabasa iwayo. (1 Tim. 2:12) Nei asina kuvapa? Chikonzero chacho chakangofanana nechakaita kuti agadze Jesu semusoro wemurume, kuti zvinhu zvirambe zvakarongeka muungano. Kana mamiriro ezvinhu akaita kuti hanzvadzi iite basa rinowanzoitwa nehama, Jehovha anoda kuti ipfeke chekufukidza musoro. * (1 VaK. 11:4-7) Jehovha anoda kuti hanzvadzi dziite izvi, kwete kuti adzidzikisire, asi kuti adzipe nzira yekuratidza kuremekedza urongwa hwaakaita hwekuti pave nemusoro. Tichifunga zvese izvozvo, ngatichipindurai mubvunzo wekuti: Misoro yemhuri uye vakuru vane simba rakadii?

BASA REMISORO YEMHURI UYE REVAKURU

10. Nei dzimwe nguva mukuru angada kupa ungano mitemo?

10 Vakuru vanoda Kristu, uye vanoda “makwai” avakanzi naJehovha naJesu vachengete. (Joh. 21:15-17) Sezvo aine hanya neungano, mukuru angasvika pakuzviona sababa kuvanhu vari muungano. Angafunga kuti kana musoro wemhuri aine kodzero yekupa mitemo kuti achengetedze mhuri yake, mukuru anogona kudzika mitemo yaanofunga kuti inochengetedza makwai aMwari. Uye dzimwe hama nedzimwe hanzvadzi dzingakurudzira vakuru kuti vaite semisoro yadzo padzinovakumbira kuti vadziitire zvisarudzo. Asi vakuru vari muungano uye misoro yemhuri vane simba rakafanana here?

Vakuru vanobatsira vaya vari muungano yechiKristu kuti vaswedere pedyo naJehovha uye vanzwe vachidiwa. Jehovha akavapa basa rekubvisa vatadzi vasingapfidzi muungano (Ona ndima 11-12))

11. Mabasa anoitwa nemisoro yemhuri neanoitwa nevakuru akafanana papi?

11 Muapostora Pauro akaratidza kuti pane zvakafanana pabasa remusoro wemhuri neremukuru. (1 Tim. 3:4, 5) Semuenzaniso, Jehovha anoda kuti vanhu vari mumhuri vateerere musoro wemhuri. (VaK. 3:20) Uye anoda kuti vaya vari muungano vateerere vakuru. Jehovha anoda kuti misoro yemhuri uye vakuru vave nechokwadi chekuti vaya vari pasi pavo vakasimba pakunamata. Vese vanovawo nechokwadi chekuti vaya vari pasi pavo vanonzwa vachidiwa. Uye sezvinoita misoro yemhuri yakanaka, vakuru vanova nechokwadi chekuti vaya vari muungano vanowana rubatsiro munguva dzekutambudzika. (Jak. 2:15-17) Jehovha anotarisira kuti vakuru nemisoro yemhuri vabatsire vamwe kuti vateerere mitemo yake. Anovayambirawo kuti ‘vasapfuura zvakanyorwa’ muBhaibheri.—1 VaK. 4:6.

Jehovha akapa misoro yemhuri basa rekuti itungamirire mhuri dzayo. Murume ane rudo, anonzwawo zvinofungwa nemudzimai wake asati aita zvisarudzo (Ona ndima 13)

12-13. Sezvinoratidzwa pana VaRoma 7:2, mabasa emisoro yemhuri akasiyana papi neevakuru?

12 Asi pane misiyano yakakura pakati pebasa remukuru nebasa remusoro wemhuri. Semuenzaniso, Jehovha akaita kuti vakuru vashande sevatongi, uye akavapa basa rekubvisa vatadzi vasingapfidzi muungano.—1 VaK. 5:11-13.

13 Asi Jehovha akapa misoro yemhuri simba raasina kupa vakuru. Akapa musoro wemhuri simba rekupa mhuri yake mitemo uye rekuona kuti yatevedzerwa. (Verenga VaRoma 7:2.) Semuenzaniso, musoro wemhuri ane kodzero yekusarudza kuti vana vake vanofanira kunge vasvika pamba nguvai manheru. Ane kodzero yekuranga vana vake kana vakatadza kuteerera mutemo iwoyo. (VaEf. 6:1) Murume ane hanya nemudzimai wake, anonzwawo zvinofungwa nemudzimai wake asati aisa mitemo pamba nekuti vaviri ava ‘inyama imwe.’ *Mat. 19:6.

REMEKEDZA KRISTU SEMUSORO WEUNGANO

Jesu, achishanda ari pasi paJehovha, anotungamirira ungano yechiKristu (Ona ndima 14)

14. (a) Maererano nezvinotaurwa pana Mako 10:45, nei zvakakodzera kuti Jehovha akagadza Jesu semusoro weungano? (b) Dare Rinotungamirira rinoita basa rei? (Ona Bhokisi rakanzi “ Basa Rinoitwa neDare Rinotungamirira.”)

14 Achishandisa rudzikinuro, Jehovha akatenga upenyu hwemunhu mumwe nemumwe ari muungano uye hwemunhu wese anotenda muna Jesu. (Verenga Mako 10:45; Mab. 20:28; 1 VaK. 15:21, 22) Saka zvakakodzera kuti akagadza Jesu kuti ave musoro weungano nekuti akapa upenyu hwake serudzikinuro. Ndosaka Jesu aine simba rekupa mitemo yezvinofanira kuitwa nemunhu mumwe nemumwe, nemhuri, uye neungano yese. Uye ane kodzero yekutiudza kuti titeerere mitemo iyi. (VaG. 6:2) Asi Jesu haangogumiri pakupa mitemo. Anochengeta uye anoda mumwe nemumwe wedu.—VaEf. 5:29.

15-16. Unodzidzei pane zvakataurwa nehanzvadzi inonzi Marley uye nehama inonzi Benjamin?

15 Hanzvadzi dzinoratidza kuti dzinoremekedza Kristu nekuteerera mirayiridzo inopiwa nevarume vaakagadza muungano. Hanzvadzi dzakawanda dzinobvumirana nezvakataurwa neimwe hanzvadzi inonzi Marley, inogara kuUnited States. Yakati: “Ndinokoshesa chaizvo basa randinoita semudzimai uye sehanzvadzi muungano. Ndinofanira kugara ndichishanda nesimba kuti ndiremekedze urongwa hwakaitwa naJehovha hwekuti pave nemusoro. Asi murume wangu nehama dziri muungano vanoita kuti zvive nyore kwandiri, nekuti vanondiremekedza uye vanoratidza kuti vanoonga basa randinoita.”

16 Hama dzinoratidza kuti dzinonzwisisa urongwa hwekuti pave nemusoro nekuremekedza uye kukudza hanzvadzi. Imwe hama inogara kuEngland inonzi Benjamin, inoti: “Ndakadzidza zvakawanda kubva pamhinduro dzinopiwa nehanzvadzi pamisangano uye pamazano adzinopa panyaya yekudzidza uye pakuparidza nekudzidzisa zvakanaka muushumiri. Basa radzinoita rinokosha chaizvo.”

17. Nei tichifanira kuremekedza urongwa hwekuti pave nemusoro?

17 Kana vese vari muungano; varume, vakadzi, misoro yemhuri, uye vakuru, vakanzwisisa nekuremekedza urongwa hwekuti pave nemusoro, ungano inova nerugare. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti tinoita kuti Baba vedu vekudenga vane rudo Jehovha varumbidzwe.—Pis. 150:6.

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

^ ndima 5 Hanzvadzi dzine basa ripi muungano? Hama imwe neimwe itori musoro wehanzvadzi dzese here? Vakuru nemisoro yemhuri vane simba rakafanana here? Munyaya ino tichakurukura mibvunzo iyi tichishandisa mienzaniso iri muShoko raMwari.

^ ndima 5 Ona ndima 6 yenyaya inoti “Tsigira Vakadzi,” iri muNharireyomurindi yaSeptember 2020.

^ ndima 13 Kana uchida kuona panotaurwa kuti ndiani anofanira kusarudza kuti mhuri yopinda neungano ipi, ona ndima 17-19 dzenyaya inoti “Remekedza Munhu Mumwe Nemumwe Ari Muungano,” yakabudiswa muNharireyomurindi yaAugust 2020.

^ ndima 59 Kuti uone panonyatsokurukurwa nyaya iyi, ona bhuku rinonzi “Ramba Uri Murudo rwaMwari,” mapeji 209-212.

^ ndima 64 Kuti unzwe zvakawanda nezvebasa rinoitwa neDare Rinotungamirira, ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2013, mapeji 20-25.