Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 9

Majaya—Mungaitei Kuti Vamwe Vavimbe Nemi?

Majaya—Mungaitei Kuti Vamwe Vavimbe Nemi?

“Iwe une chikwata chemajaya akaita semadonhwe edova.”—PIS. 110:3.

RWIYO 39 Kuita Zita Rakanaka naMwari

ZVICHADZIDZWA *

1. Tingatii nezvehama dzedu dzechidiki?

HAMA dzechidiki, mune zvakawanda zvamunogona kuita. Vakawanda venyu makagwinya uye mune simba rakawanda. (Zvir. 20:29) Mune zvakawanda zvamunoita pakubatsira hama nehanzvadzi dzenyu. Zvimwe munotarisira kuzogadzwa sevashumiri veungano. Asi munogona kunzwa sekuti vamwe vanhu vanokuonai semuchiri vana vadiki, kana kuti vanoona sekuti hamusati mava kukwanisa kuita mabasa anokosha. Kunyange zvazvo muchiri vadiki, pane zvimwe zvamunogona kuita iye zvino kuti vamwe vari muungano menyu vavimbe nemi uye vakuremekedzei.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Munyaya ino tichanyanya kukurukura nezveupenyu hwaMambo Dhavhidhi. Tichaonawo zvakaitika kumadzimambo maviri eJudha anoti, Asa naJehoshafati. Tichaongorora matambudziko akasangana nevarume vatatu ava, uye kuti vakaita sei nawo, tozoona kuti hama dzechidiki dzingadzidzei kubva pane zvavakaita.

DZIDZAI PANA MAMBO DHAVHIDHI

3. Vechidiki vangaitei kuti vabatsire vechikuru vari muungano?

3 Paaiva mudiki, Dhavhidhi akadzidza kuita zvimwe zvinhu zvaibatsira vamwe. Zviri pachena kuti aiva neushamwari hwepedyo naJehovha. Akashandawo nesimba kuti ave nyanzvi yekuridza mimhanzi uye akashandisa unyanzvi ihwohwo pakubatsira Sauro, mambo ainge akagadzwa naMwari. (1 Sam. 16:16, 23) Imiwo majaya, mune unyanzvi hwamunogona kushandisa pakubatsira vamwe vari muungano here? Vakawanda venyu munahwo. Zvimwe munogona kuona kuti vechikuru vanotenda chaizvo kana mukavabatsira kushandisa mafoni avo uye makombiyuta pakudzidza vega uye pamisangano. Ruzivo rwamuinarwo pakushandisa zvinhu izvozvo runogona kubatsira chaizvo vechikuru vakadaro.

Dhavhidhi aiona riri basa rake kuti achengetedze makwai ababa vake, kunyange kuadzivirira kuti asadyiwa nebheya (Ona ndima 4)

4. Dzichitevedzera muenzaniso waDhavhidhi, hama dzechidiki dzinofanira kuva vanhu vakaita sei? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

4 Dhavhidhi akaratidza kuti aiva munhu anovimbwa naye pane zvaaiita zuva nezuva. Semuenzaniso, paakanga achiri mukomana wechidiki, aishanda nesimba pakuchengeta makwai ababa vake. Iroro raiva basa rine ngozi. Dhavhidhi akazoudza Mambo Sauro kuti: “Muranda wenyu aifudza makwai ababa vake, uye pakauya shumba ikatora gwai kubva muboka. Pane imwe nguva pakauyawo bheya rikaitawo saizvozvo. Asi ndakabuda, ndikazvitevera, ndikazviuraya, ndikanunura makwai acho pamiromo yazvo.” (1 Sam. 17:34, 35) Dhavhidhi aiziva kuti raiva basa rake rekuchengeta makwai iwayo uye kuti aifanira kuva neushingi hwekuadzivirira. Hama dzechidiki dzinogona kutevedzera Dhavhidhi kana dzikashanda nesimba pakuita chero basa radzinenge dzapiwa.

5. Maererano naPisarema 25:14, ndechipi chinhu chinonyanya kukosha chinogona kuitwa nehama dzechidiki?

5 Achiri mudiki Dhavhidhi akashanda nesimba kuti ave neushamwari hwepedyo naJehovha. Ushamwari ihwohwo hwaikosha kupfuura ushingi hwaaiva nahwo kana unyanzvi hwekuridza chiridzwa chine tambo. Jehovha aiva Mwari waDhavhidhi uye aivawo Shamwari yake, Shamwari yake yepedyo chaiyo. (Verenga Pisarema 25:14.) Hama dzechidiki, chinhu chinonyanya kukosha chamunogona kuita ndechekusimbisa ushamwari hwenyu naBaba venyu vekudenga uye izvi zvinogona kuita kuti mupiwe mamwe mabasa.

6. Vamwe vanhu vaiva nemaonero api asina kunaka nezvaDhavhidhi?

6 Dhavhidhi aifanira kukunda maonerwo asina kunaka aaiitwa nevamwe. Semuenzaniso, paakazvipira kuti arwe naGoriyati, Mambo Sauro akaedza kumurambidza achiti: “Unongovawo hako mukomana.” (1 Sam. 17:31-33) Dhavhidhi akanga ambopomerwa nemukoma wake kuti aiita zvinhu asina kufunga. (1 Sam. 17: 26-30) Asi Jehovha akanga asingaoni Dhavhidhi semwana mudiki kana kuti semunhu anoita zvinhu asina kufunga. Ainyatsoziva Dhavhidhi. Uye Dhavhidhi akakwanisa kuuraya Goriyati nekuti aivimba neShamwari yake Jehovha kuti imupe simba.—1 Sam. 17:45, 48-51.

7. Unodzidzei pane zvakamboitika kuna Dhavhidhi?

7 Unodzidzei pane zvakaitika kuna Dhavhidhi? Tinodzidza kuti tinofanira kuva nemwoyo murefu. Zvinogona kutora nguva kuti vaya vakatanga kukuziva uchiri mwana vazokuona semunhu akura. Asi unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha haangozivi zvauri nechekunze chete. Anoziva kuti uri munhu akaita sei uye anoziva zvaunokwanisa kuita. (1 Sam. 16:7) Chimwe chidzidzo ndechekuti unofanira kusimbisa ushamwari hwako naMwari. Dhavhidhi akaita izvozvo nekunyatsoongorora zvinhu zvakasikwa naJehovha. Ainyatsofungisisa kuti zvinhu izvozvo zvinomudzidzisei nezveMusiki. (Pis. 8:3, 4; 139:14; VaR. 1:20) Chimwe chinhu chaunogona kuita kukumbira Jehovha kuti akupe simba. Semuenzaniso, vamwe vekuchikoro kwenyu vanokutsvinyira here nekuti uri Chapupu chaJehovha? Kana vachidaro, nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kukunda dambudziko iri. Uye shandisa mazano aunowana muShoko rake uye mumabhuku nemavhidhiyo edu. Pese paunoona kuti Jehovha akubatsira kukunda rimwe dambudziko, unobva wawedzera kuvimba naye. Uyewo vamwe pavanoona kuti unovimba naJehovha, vachabva vatanga kuvimba newe.

Hama dzechidiki dzinogona kubatsira vamwe nenzira dzakawanda (Ona ndima 8-9)

8-9. Chii chakabatsira Dhavhidhi kumirira nemwoyo murefu kuti azova mambo, uye hama dzechidiki dzinodzidzei paari?

8 Funga nezverimwe dambudziko rakasangana naDhavhidhi. Paakazodzwa kuva mambo, aifanira kumirira kwemakore akawanda kuti azotanga kutonga samambo weJudha. (1 Sam. 16:13; 2 Sam. 2:3, 4) Chii chakamubatsira kuti amirire nemwoyo murefu panguva iyoyo? Pane kuti aore mwoyo, Dhavhidhi akaisa pfungwa pane zvaaikwanisa kuita. Semuenzaniso, paaigara munharaunda yevaFiristiya achitiza Mambo Sauro, Dhavhidhi akashandisa nguva iyoyo kurwisa vavengi vevaIsraeri. Kuita izvozvo kwakaita kuti achengetedze miganhu yenyika yeJudha.—1 Sam. 27:1-12.

9 Hama dzechidiki dzinodzidzei pana Dhavhidhi? Shandisai mikana yese yamunowana kuti mushumire Jehovha uye hama dzenyu. Fungai zvakaitika kune imwe hama inonzi Ricardo. * Kubvira aine makore anenge 10, aida kuva piyona wenguva dzese. Asi akaudzwa kuti akanga asati ava kukwanisa. Ricardo haana kubva asiyana nazvo kana kugumbuka, asi akatowedzera zvaaiita muushumiri. Anoti: “Pandinotarisa shure, ndinoona kuti zvainge zvakanaka kuti ndifambire mberi. Saka ndaiva nechokwadi chekuti ndadzokera kunoona munhu wese ainge afarira uye ndaigadzirira pese pandaishanya. Ndakabva ndatotangawo kuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Pandairamba ndichiparidza, kutya kwandaiita kwaiperawo.” Iye zvino Ricardo ava kushumira sapiyona wenguva dzese uye semushumiri weungano.

10. Pane imwe nguva Dhavhidhi akaitei asati aita chisarudzo chinokosha?

10 Funga zvakare zvimwe zvakaitika muupenyu hwaDhavhidhi. Paaihwanda Sauro ari munyika yevaFiristiya, Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakanga vasiya mhuri dzavo vachienda kuhondo. Pavakanga vasipo, vavengi vakauya vakapamba misha yavo ndokutora mhuri dzavo senhapwa. Dhavhidhi aigona kunge akafunga kuti sezvo aiva murwi ane unyanzvi, aigona kutsvaga ega nzira iri nyore yekununura vanhu vainge vatapwa. Asi akatsvaga kutungamirirwa naJehovha. Dhavhidhi akaita kuti mupristi Abhiyatari auye neefodhi ndokubva abvunza Jehovha kuti: “Nditevere boka iri revapambi here?” Jehovha akaudza Dhavhidhi kuti aende uye kuti aizonunura vanhu vainge vatapwa. (1 Sam. 30:7-10) Unodzidzei pane zvakaitika izvi?

Hama dzechidiki dzinofanira kutsvaga mazano kuvakuru (Ona ndima 11)

11. Zvii zvaungaita usati waita zvisarudzo?

11 Tsvaga mazano usati waita zvisarudzo. Taura nevabereki vako. Unogonawo kuwana mazano akanaka kana ukataura nevakuru vane ruzivo. Jehovha anovimba nevarume ava vakagadzwa uye iwe unogonawo kuvimba navo. Jehovha anovaona “sezvipo” kuungano. (VaEf. 4:8) Uchaita zvisarudzo zvakanaka kana ukatevedzera kutenda kwavo uye ukateerera mazano akanaka avanokupa. Iye zvino ngatichionai zvatinodzidza pana Mambo Asa.

DZIDZAI PANA MAMBO ASA

12. Mambo Asa aiva munhu akaita sei paakatanga kutonga?

12 Paaiva mudiki, Mambo Asa aizvininipisa uye aiva neushingi. Semuenzaniso, pashure pekunge baba vake Abhija vafa, Asa akava mambo uye akatanga kuparadza zvese zvaiva nechekuita nekunamata zvidhori. “Akaudzawo vaJudha kuti vatsvage Jehovha Mwari wemadzitateguru avo uye kuti vachengete Mutemo nemurayiro.” (2 Mak. 14:1-7) Mumwe muItiopiya ainzi Zera paakauya kuzorwisa vaJudha aine masoja 1 miriyoni, Asa akakumbira kubatsirwa naJehovha achiti: “Haiwa Jehovha, hazvina basa kwamuri kuti vamuri kubatsira vakawanda here kana kuti havana simba. Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nekuti tinovimba nemi.” Mashoko aya anoratidza kuti Asa aiva nekutenda kwakasimba kwekuti Jehovha aigona kumuponesa pamwe chete nevanhu vake. Asa aivimba naBaba vake vekudenga, uye “Jehovha akakunda vaItiopiya.”—2 Mak. 14:8-12.

13. Chii chakazoitika kuna Asa, uye nei izvozvo zvakaitika?

13 Zvaityisa chaizvo kuona masoja 1 miriyoni achiuya, asi Asa akabudirira nekuti akavimba naJehovha. Zvinosiririsa chaizvo kuti Asa paakatyisidzirwa naMambo Bhaasha weIsraeri uyo ainge akaipa, haana kuvimba naJehovha. Asa akatsvaga kubatsirwa namambo weSiriya. Chisarudzo ichocho chakaita kuti pave nematambudziko! Achishandisa muprofita wake Hananai, Jehovha akaudza Asa kuti: “Zvawakavimba namambo weSiriya, ukarega kuvimba naJehovha Mwari wako, uto ramambo weSiriya rapukunyuka muruoko rwako.” Kubvira ipapo, Asa akanga ava kugara achirwiswa. (2 Mak. 16:7, 9; 1 Madz. 15:32) Tinodzidzei?

14. Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unovimba naJehovha, uye maererano na1 Timoti 4:12, uchava munhu akaita sei kana ukadaro?

14 Ramba uchizvininipisa uye uchivimba naJehovha. Pawakabhabhatidzwa wakaratidza kuti une kutenda kwakakura uye kuti unovimba naJehovha. Uye Jehovha akafara chaizvo kukugamuchira mumhuri yake. Iye zvino wava kufanira kuramba uchivimba naJehovha. Zvinoita sekuti zviri nyore kuvimba naJehovha paunenge uchifanira kuita zvisarudzo zvinokosha muupenyu, asi uchaitei pane zvimwewo? Zvinokosha chaizvo kuti uvimbe naJehovha paunenge uchiita zvisarudzo kunyange zviya zvine chekuita nevaraidzo, basa uye zvinangwa zvaungava nazvo! Usavimba neuchenjeri hwako. Asi tsvaga mazano eBhaibheri anokubatsira kuita zvisarudzo, uye ashandise. (Zvir. 3:5, 6) Kana ukadaro, uchafadza Jehovha, uye ucharemekedzwa nevanhu vari muungano menyu.—Verenga 1 Timoti 4:12.

DZIDZAI PANA MAMBO JEHOSHAFATI

15. Sezviri pana 2 Makoronike 18:1-3; uye 19:2, zvii zvakakanganiswa naMambo Jehoshafati?

15 Kungofanana nesu tese, iwewo uri munhu ane chivi, uye pane dzimwe nguva uchakanganisa. Asi izvi hazvifaniri kukutadzisa kuita zvese zvaunogona pakushumira Jehovha. Funga nezvaMambo Jehoshafati. Ane zvinhu zvakanaka zvakawanda zvaaiita. Kubvira paakatanga kutonga, “akatsvaga Mwari wababa vake, uye akatevera murayiro wake.” Akatumawo machinda ake mumaguta ese aJudha kuti adzidzise vanhu nezvaJehovha. (2 Mak. 17:4, 7) Asi pasinei nezvakanaka zvaakaita, dzimwe nguva Jehoshafati aimboitawo zvisarudzo zvisina kunaka. Paakaita chimwe chisarudzo chakaipa, Jehoshafati akatsiurwa nemumiririri waJehovha. (Verenga 2 Makoronike 18:1-3; 19:2.) Unodzidzei panyaya iyoyo?

Hama dzechidiki idzo dzinoshanda nesimba uye dzinovimbwa nadzo dzinoremekedzwa nevamwe (Ona ndima 16)

16. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Rajeev?

16 Bvuma zano raunenge wapiwa uye rishandise. Sezvinongoita vamwe vakomana vezera rako, pamwe unoomerwa nekuita kuti Jehovha ave pekutanga muupenyu hwako. Usaora moyo. Funga zvakaitika kune imwe hama yechidiki inonzi Rajeev. Paaiyaruka aisanyatsoziva zvaaida kuita neupenyu hwake. Anoti: “Sezvinongoita vamwe vechidiki vakawanda, ndaifarira zvemitambo uyewo kuita zvimwe zvinhu zvinovaraidza kupfuura kuenda kumisangano uye muushumiri.” Chii chakabatsira Rajeev? Mumwe mukuru aiva nehanya naye akamupa zano. Rajeev anoti: “Akandibatsira kuti ndifunge zvinotaurwa pana 1 Timoti 4:8.” Rajeev akazvininipisa akashandisa zano racho uye akafunga kuti chii chainyanya kukosha muupenyu hwake. Anoti: “Ndakasarudza kuita kuti kushumira Jehovha kuve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwangu.” Zvakaguma nei? Rajeev anoti: “Pashure pemakore mashoma ndapiwa zano iroro, ndakagadzwa semushumiri weungano.”

ITA KUTI BABA VAKO VEKUDENGA VADADE NEWE

17. Vechikuru vanoona sei majaya anoshumira Jehovha?

17 Vechikuru vanokoshesa chaizvo imi majaya anoshumira Jehovha pamwe chete navo! (Zef. 3:9) Vanofarira kushingaira kwamunoita pabasa ramunenge mapiwa. Vanokudai chaizvo.—1 Joh. 2:14.

18. Sezvinoratidzwa pana Zvirevo 27:11, Jehovha anonzwa sei nezvemajaya anomushumira?

18 Hama dzechidiki, musakanganwa kuti Jehovha anokudai uye anovimba nemi. Akataura kuti mumazuva ekupedzisira, kwaizova neuto remajaya aizozvipira nemwoyo wese. (Pis. 110:1-3) Anoziva kuti munomuda uye munoda kuita zvese zvamunogona pakumushumira. Saka itirai vamwe mwoyo murefu uye dzidzai kumirira. Kana mukakanganisa, bvumai mazano amunopiwa uye kurayirwa kwamunoitwa. Onai izvozvo sezviri kubva kuna Jehovha. (VaH. 12:6) Shandai nesimba pamabasa ese amunopiwa. Uye chinonyanya kukosha, itai kuti Jehovha adade nemi pazvese zvamunoita.—Verenga Zvirevo 27:11.

RWIYO 135 Chikumbiro chaJehovha Cherudo: “Mwanangu, Iva akachenjera”

^ ndima 5 Hama dzechidiki padzinokura pakunamata, dzinoda kuita zvakawanda pakushumira Jehovha. Kuti dzikodzere kuva vashumiri veungano, dzine zvadzinofanira kuita kuti dzirambe dzichiremekedzwa nevaya vari muungano madzo. Hama dzechidiki dzingaitei kuti dziremekedzwe nevamwe?

^ ndima 9 Mamwe mazita akachinjwa.