Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 15

Zvatinodzidza Pamashoko aJesu Ekupedzisira

Zvatinodzidza Pamashoko aJesu Ekupedzisira

“Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodiwa, wandafarira. Muteererei.”—MAT. 17:5.

RWIYO 17 “Ndinoda”

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Tsanangura zvaiitika Jesu paakataura mashoko ake ekupedzisira asati afa.

INGUVA dzemasikati, musi waNisani 14, 33 C.E. Pashure pekunge apomerwa zvenhema uye atongerwa mhosva yaasina kupara, Jesu anosekwa, anotambudzwa zveutsinye, uye anobva arovererwa nezvipikiri padanda rekutambudzirwa. Zvipikiri zvacho zvinoboora maoko ake netsoka dzake. Kufema kwese uye kutaura kwese kwaari kuita zviri kuita kuti arwadziwe. Asi anofanira kutaura, nekuti ane zvinhu zvinokosha zvaanofanira kutaura.

2 Ngatikurukurei mashoko aJesu aakataura paakanga ava kufa padanda rekutambudzirwa uye zvidzidzo zviri mumashoko acho. Saka ‘ngatimuteererei.’—Mat. 17:5.

“BABA, VAREGEREREI”

3. Jesu angangodaro aitaura nezvaani paakati: “Baba, varegererei”?

3 Jesu akatii? Paakanga achirovererwa, Jesu akanyengetera achiti: “Baba, varegererei.” Aida kuti varegerere ani? Mashoko ake anotevera anotibatsira kuziva kuti aitaura ani. Akati: “Havazivi zvavari kuita.” (Ruka 23:33, 34) Jesu anogona kunge aitaura masoja eRoma ayo akaroverera zvipikiri mumaoko ake netsoka dzake. Akanga asingazivi kuti Jesu aiva ani. Jesu anogona kunge aifungawo nezvevamwe vaiva muboka racho vaishevedzera kuti aurayiwe asi vakazotenda maari. (Mab. 2:36-38) Haana kubvumira kusabatwa zvakanaka kwaakaitwa kuchimuita kuti atsamwe uye achengete chigumbu. (1 Pet. 2:23) Pane kudaro, akakumbira Jehovha kuti aregerere vaya vakanga vachimuuraya.

4. Tinodzidzei pakusarudza kwakaita Jesu kuregerera vanhu vaimupikisa?

4 Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu? Tinofanira kuva nechido chekuregerera vamwe sezvaiitwa naJesu. (VaK. 3:13) Vamwe vanhu vakadai seveukama, vanogona kutipikisa nekuti havanzwisisi zvatinotenda uye mararamiro edu. Vanogona kutaura mashoko enhema nezvedu, kutinyadzisa pamberi pevamwe, kuparadza mabhuku edu, kunyange kutityisidzira kuti vachatikuvadza. Pane kuti tirambe takatsamwa, tinogona kukumbira Jehovha kuti abatsire vaya vanotipikisa kuti vagamuchire chokwadi. (Mat. 5:44, 45) Dzimwe nguva, zvinogona kutiomera kuti tivaregerere, kunyanya kana vakatibata zvakaipa chaizvo. Asi kana tikaramba takatsamwa uye tisingavaregereri, tinozvikuvadza. Imwe hanzvadzi yakati: “Ndakaona kuti kuregerera vamwe hakurevi kuti ndiri kuti zvavakaita zvakanaka, kana kuti ndinovabvumira kuti vandiitire zvakaipa. Zvinongoreva kuti ndinosarudza kusaramba ndakavatsamwira.” (Pis. 37:8) Patinoregerera, tinenge tichisarudza kusarega zvinhu zvakaipa zvakaitika kwatiri zvichiita kuti tirambe takatsamwa.—VaEf. 4:31, 32.

“UCHAVA NENI MUPARADHISO”

5. Jesu akavimbisei rimwe gororo rakarovererwa pamwe chete naye, uye nei akarivimbisa?

5 Jesu akatii? Paiva nemakororo maviri aiurayiwa pamwe chete naJesu. Pakutanga, makororo acho aimuzvidzawo. (Mat. 27:44) Asi mumwe wacho akazochinja mwoyo wake. Akazoona kuti Jesu “haana chaakatadza.” (Ruka 23:40, 41) Akaratidzawo kuti aitenda kuti Jesu aizomutswa kuvakafa uye kuti aizotonga samambo pane imwe nguva. Akati kwaari: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muUmambo hwenyu.” (Ruka 23:42) Murume uyu akaratidza kuti aiva nekutenda kwakakura! Jesu akamupindura achiti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, uchava neni [kwete muUmambo, asi] muParadhiso.” (Ruka 23:43) Ona kuti Jesu akashandisa mashoko akadai sekuti “ndinokuudza,” uye “uchava neni” achiratidza kuti iye wacho ndiye aivimbisa murume uyu. Achiziva kuti Baba vake vane ngoni, Jesu akataura mashoko akaita kuti gororo iri rakanga rava kufa rive netariro.—Pis. 103:8.

6. Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu kumurume aiva gororo?

6 Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu? Jesu anonyatsoratidza zvakaita Baba vake. (VaH. 1:3) Jehovha anoda kutiregerera uye kutinzwira tsitsi. Asi anotiregerera kana tikademba zvatakakanganisa kare, toratidza kutenda muchibayiro chaJesu Kristu. (1 Joh. 1:7) Vamwe vanogona kuomerwa nekubvuma kuti Jehovha anokwanisa kuvaregerera pane zvavakakanganisa kare. Kana uchimbonzwa saizvozvo, funga izvi: Jesu paakanga ava kufa, akanzwira tsitsi murume aiva gororo uyo akanga achangotanga kuratidza kutenda. Saka kana Jehovha akanzwira tsitsi munhu akadaro, anotonyanya kunzwira tsitsi vashumiri vake vakatendeka avo vanoita zvese zvavanokwanisa kuti vachengete mirayiro yake!—Pis. 51:1; 1 Joh. 2:1, 2.

“ONAI MWANAKOMANA WENYU! . . . ONA AMAI VAKO!”

7. Sezvakanyorwa pana Johani 19:26, 27, Jesu akaudza Mariya naJohani kutii, uye nei akataura izvozvo?

7 Jesu akatii? (Verenga Johani 19:26, 27.) Jesu aiva nehanya naamai vake, avo vangangodaro vaiva chirikadzi. Vanin’ina vake nehanzvadzi dzake vanogona kunge vaikwanisa kupa amai vavo zvavaida pakurarama. Asi ndiani aizovabatsira kuti varambe vakatendeka kuna Jehovha? Hapana chinoratidza kuti vanin’ina vake vakanga vava vadzidzi. Asi Johani aiva muapostora akatendeka, uye aiva shamwari yepedyo yaJesu. Jesu aiona vaya vaibatana naye pakunamata Jehovha semhuri yake. (Mat. 12:46-50) Saka kuda kwaaiita Mariya, ndiko kwakaita kuti Jesu audze Johani kuti amuchengete nekuti aiziva kuti Johani aizobatsira Mariya kuti arambe achishumira Jehovha. Akaudza amai vake kuti: “Onai mwanakomana wenyu!” Uye akaudza Johani kuti: “Ona amai vako!” Kubva pazuva iroro, Johani akava semwanakomana kuna Mariya uye akamuchengeta saamai vake. Jesu akaratidza kuti aida chaizvo amai vake avo vakanga vamurera kubva paakazvarwa uye vakanga vamire pedyo naye paakafa.

8. Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu kuna Mariya naJohani?

8 Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu? Ushamwari hwatiinahwo nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu hunogona kusimba kupfuura hwatiinahwo nevanhu veukama. Veukama vanogona kutipikisa kana kutisiya, asi Jesu akavimbisa kuti kana tikaramba tiri pedyo naJehovha nesangano rake ‘tichawana zvakapetwa kazana’ kupfuura zvatakarasikirwa nazvo. Vakawanda vachava sevanakomana, vanasikana, vanaamai, kana vanababa kwatiri. (Mako 10:29, 30) Unonzwa sei nekuva pakati pehama nehanzvadzi dzemuungano dzakabatana nekuti dzine kutenda, dzinoda Jehovha uye dzinodanana?—VaK. 3:14; 1 Pet. 2:17.

“MWARI WANGU, MANDISIYIREI?”

9. Tinodzidzei pamashoko aJesu ari pana Mateu 27:46?

9 Jesu akatii? Paakanga ava pedyo nekufa, Jesu akashevedzera kuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?” (Mat. 27:46) Bhaibheri haritsananguri chikonzero chakaita kuti Jesu ataure mashoko aya. Asi ngationei zvatinodzidza pamashoko acho. Chimwe chatinodzidza ndechekuti, Jesu paakataura mashoko aya, aitozadzisa uprofita huri pana Pisarema 22:1. * Uyewo, mashoko aya anoratidza kuti Jehovha akanga asiri kudzivirira Mwanakomana wake, achiita seari ‘kumupoteredza neruzhowa’. (Job. 1:10) Jesu ainzwisisa kuti Baba vake vakanga vabvumira vaya vaimuvenga kuti vamuedze kusvika pakufa. Hapana munhu akamboedzwa sezvakaitwa Jesu. Uyewo mashoko aya anoratidza kuti akanga asina mhosva yaikodzera kuti aurayiwe.

10. Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu kuna Baba vake?

10 Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu? Chimwe chatinodzidza ndechekuti hatifaniri kutarisira kuti Jehovha atidzivirire pazvinhu zvingaedza kutenda kwedu. Kungofanana naJesu uyo akaedzwa kusvika pakufa, isuwo tinofanira kunge takagadzirira kuramba takatendeka kusvika pakufa kana tichinge tasangana nemuedzo wakadaro. (Mat. 16:24, 25) Asi tine chokwadi kuti Mwari haazombotiregi tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira. (1 VaK. 10:13) Chimwe chatinodzidza ndechekuti tinogona kubatwa zvisina kunaka sezvakaitwa Jesu. (1 Pet. 2:19, 20) Chikonzero chinoita kuti tipikiswe hachisi chekuti tinenge taita chimwe chinhu chakaipa, asi tinopikiswa nekuti hatisi venyika uye tinopupura chokwadi. (Joh. 17:14; 1 Pet. 4:15, 16) Jesu ainzwisisa chikonzero chakaita kuti Jehovha amurege achitambura. Asi vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka, avo vakambosangana nemiedzo vainetseka kuti nei Jehovha airega zvimwe zvinhu zvichiitika. (Hab. 1:3) Mwari wedu uyo ane tsitsi nemwoyo murefu anonzwisisa kuti hazvirevi kuti vanhu vakadaro havana kutenda. Vanoda kunyaradzwa naye.—2 VaK. 1:3, 4.

“NDINE NYOTA”

11. Nei Jesu akataura mashoko ari pana Johani 19:28?

11 Jesu akatii? (Verenga Johani 19:28.) Nei Jesu akati: “Ndine nyota”? Akazvitaura kuti “azadzise rugwaro,” kureva uprofita huri pana Pisarema 22:15, uhwo hunoti: “Simba rangu raoma sechaenga; rurimi rwangu rwuri kunamatira kumatadza angu.” Nezvese zvaakanga atambura, kusanganisira kurwadziwa zvakanyanya ari padanda rekutambudzirwa, Jesu anofanirawo kunge akanga afa nenyota. Aida kubatsirwa kuti apedze nyota iyoyo.

12. Tinodzidzei pamashoko aJesu ekuti “Ndine nyota”?

12 Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu? Jesu haana kuona paine chakaipa nekutaura manzwiro ake, uye isu tinofanira kutaurawo manzwiro edu. Zvimwe takakura tiri vanhu vasingadi kukumbira rubatsiro. Asi kana tichida rubatsiro, hatifaniri kuzeza kukumbira kubatsirwa. Semuenzaniso, kana takwegura kana kuti tichirwara, tingatofanira kukumbira mumwe munhu kuti aende nesu kunotenga kana kuti kunoona chiremba. Kana takaora mwoyo tingatofanira kukumbira mumwe munhu kuti atiteerere kana kuti atiudze “shoko rakanaka” rinoita kuti tinyevenuke. (Zvir. 12:25) Ngatiyeukei kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinotida, uye dzinoda kutibatsira “panguva yekutambudzika.” (Zvir. 17:17) Asi havagoni kuziva zviri mupfungwa dzedu. Vangasaziva kuti tinoda rubatsiro kunze kwekunge tavaudza.

“ZVAITIKA!”

13. Zvinhu zvipi zvitatu zvakaitwa naJesu nekuramba akaperera kwaakaita kusvika pakufa?

13 Jesu akatii? Padzakanga dzava kuma3 dzemasikati, musi waNisani 14, Jesu akashevedzera nenzwi guru achiti: “Zvaitika!” (Joh. 19:30) Paakanga ava pedyo nekufa, Jesu akanga aita zvese zvaaitarisirwa naJehovha kuti aite. Jesu ane zvinhu zvitatu zvaakaita nekuramba akaperera kusvika pakufa. Chekutanga, akaratidza kuti Satani murevi wenhema. Jesu akaratidza kuti munhu asina chivi anokwanisa kuramba akaperera kuna Mwari pasinei nezvingaitwa naSatani. Chechipiri, Jesu akapa upenyu hwake serudzikinuro. Kufa kwaakaita kwakaita kuti vanhu vane chivi vakwanise kuva neushamwari naMwari, uye vave netariro yekurarama nekusingaperi. Chechitatu, Jesu akaratidza kuti Jehovha ndiye mutongi akarurama uye akaita kuti zita raBaba vake risazvidzwa.

14. Tinofanira kuona sei zuva rimwe nerimwe? Tsanangura.

14 Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu? Tinofanira kuita zvese zvatinokwanisa kuti tirambe takaperera kuna Mwari zuva rega rega. Funga zvakataurwa naHama Maxwell Friend, avo vakashumira semurayiridzi paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Muhurukuro yavo yaitaura nezvekutendeseka yavakapa pane rimwe gungano renyika dzakawanda, Hama Friend vakati: “Usamirira mangwana kuti uzoita zvinhu zvaunokwanisa kuita kana kutaura nhasi. Une chokwadi chekuti mangwana uchange uri mupenyu here? Ona zuva rimwe nerimwe sekunge kuti ndiwo mukana wako wekupedzisira wekuratidza kuti unokodzera kurarama nekusingaperi.” Ngationei zuva rimwe nerimwe sekunge kuti ndiwo mukana wedu wekupedzisira wekuramba takaperera kuna Mwari! Kunyange patinozotarisana nerufu, tinokwanisa kuzotaura kuti, “Jehovha, ndakaita zvese zvandinogona kuti ndirambe ndakaperera kwamuri, kuti ndiratidze kuti Satani murevi wenhema, uye kuti ndireverere zita renyu neuchangamire hwenyu!”

“NDINOISA MWEYA WANGU MUMAOKO ENYU”

15. Maererano naRuka 23:46, Jesu akaratidza kuti aiva nechokwadi chei?

15 Jesu akatii? (Verenga Ruka 23:46.) Achinyatsovimba naBaba vake, Jesu akati: “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Jesu aiziva kuti ramangwana rake raiva mumaoko aJehovha, uye aiva nechokwadi chekuti Baba vake vaizomuyeuka.

16. Wadzidzei pane zvakaitika kune chimwe Chapupu chaiva nemakore 15?

16 Tinodzidzei pane zvakataurwa naJesu? Ramba wakavimbika kuna Jehovha kunyange kana zvichizoita kuti urasikirwe neupenyu hwako. Kuti ukwanise kuita izvozvo, unofanira ‘kuvimba naJehovha nemwoyo wako wese.’ (Zvir. 3:5) Funga nezvaJoshua, uyo aiva nemakore 15 uye aiva Chapupu chaJehovha. Aiva nechirwere chakaipisisa. Akaramba marapirwo anopesana nemutemo waMwari. Nguva pfupi asati afa, akaudza amai vake kuti: “Mhamha, ndiri mumaoko aJehovha. . . . Regai ndikuudzei zvandiine chokwadi nazvo mhamha, ndinoziva kuti Jehovha achatondimutsa chete. Anoziva zviri mumwoyo mangu uye ndinomuda nemwoyo wese.” * Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Kana ndikasangana nemuedzo wekutenda unogona kuguma nekufa kwangu, ndicharamba ndakatendeka kuna Jehovha here, ndichivimba kuti achandiyeuka?’

17-18. Zvidzidzo zvipi zvatawana? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvatinodzidza Pamashoko aJesu Ekupedzisira.”)

17 Tinowana zvidzidzo zvinokosha chaizvo mumashoko aJesu ekupedzisira. Tinoyeuchidzwa kuti tinofanira kuregerera vamwe uye kuvimba kuti Jehovha achatiregerera. Takakomborerwa kuva mumhuri yehama nehanzvadzi dzakagadzirira kutibatsira. Asi kana tichida rubatsiro, tinofanira kukumbira kubatsirwa. Tinoziva kuti Jehovha achatibatsira kutsungirira chero dambudziko ratinosangana naro. Uye tinoona kukosha kwekurarama zuva rimwe nerimwe sekunge kuti ndiro rekupedzisira rekuratidza kuti takaperera kuna Mwari, tiine chivimbo chekuti kana tikafa Jehovha achatimutsa.

18 Mashoko akataurwa naJesu paakanga ava kufa padanda, anotidzidzisa zvinhu zvakawanda! Kana tikashandisa zvidzidzo zvatawana, tinenge tichiteerera mashoko aJehovha pachake aakataura nezveMwanakomana wake achiti: “Muteererei.”—Mat. 17:5.

RWIYO 126 Rambai Makamuka, Uye Mirai Makasimba

^ ndima 5 Sezvinotaurwa pana Mateu 17:5, Jehovha anoda kuti titeerere Mwanakomana wake. Munyaya ino tichakurukura zvidzidzo zvatinowana mumashoko aJesu aakataura paakanga ava kufa padanda rekutambudzirwa.

^ ndima 9 Kuti uwane zvimwe zvikonzero zvingangodaro zvakaita kuti Jesu ataure mashoko ari pana Pisarema 22:1, ona nyaya inoti “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri mumagazini ino.

^ ndima 16 Ona nyaya inoti “Joshua’s Faith—A Victory for Children’s Rights” iri muAwake! yaJanuary 22, 1995.