Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 20

Ramba Uine Tariro Muushumiri Hwako

Ramba Uine Tariro Muushumiri Hwako

“Dyara mbeu yako . . . uye usarega ruoko rwako ruchizorora.”—MUP. 11:6.

RWIYO 70 Tsvagai Vakakodzera

ZVICHADZIDZWA *

Pashure pekunge Jesu aenda kudenga, vadzidzi vake vanoshingaira kuparidza muJerusarema nedzimwe nzvimbo dzakawanda (Ona ndima 1)

1. Jesu akasiyira vateveri vake muenzaniso upi, uye vakaita sei? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

PAAIVA panyika, Jesu akaramba achiparidza uye akaramba aine tariro yekuti vanhu vaizomuteerera. Aidawo kuti vadzidzi vake varambe vachiparidza vaine tariro. (Joh. 4:35, 36) Jesu paakanga achiri nevadzidzi vake, vaishingaira pabasa rekuparidza. (Ruka 10:1, 5-11, 17) Asi paakasungwa ndokuurayiwa, chido chekuparidza chaiva nevadzidzi chakambopera. (Joh. 16:32) Paakamutswa, Jesu akavakurudzira kuti varambe vachiparidza. Paakanga ava kudenga, vakashingairira kuparidza zvekuti vavengi vavo vakanyunyuta vachiti: “Onai! mazadza Jerusarema nekudzidzisa kwenyu.”—Mab. 5:28.

2. Jehovha ari kukomborera sei basa rekuparidza?

2 Jesu aitungamirira basa raiitwa nevaKristu ivavo vekutanga uye Jehovha akavakomborera. Semuenzaniso, paPendekosti ya33 C.E. pakabhabhatidzwa vanhu vangasvika 3 000. (Mab. 2:41) Uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera zvikuru. (Mab. 6:7) Asi Jesu akataura kuti vanhu vakawanda vaizogamuchira mashoko akanaka mumazuva ekupedzisira.—Joh. 14:12; Mab. 1:8.

3-4. Nei vamwe vachiomerwa nebasa rekuparidza, uye tichakurukurei munyaya ino?

3 Tese tinoedza kuramba tiine maonero akanaka muushumiri. Mune dzimwe nyika, zviri nyore kuita kudaro. Nei zviri nyore? Nekuti kune vanhu vakawanda vanoda kudzidza Bhaibheri zvekuti vamwe vavo vanotofanira kumirira kuti vadzidzwe navo. Asi mune dzimwe nyika, vaparidzi vanoomerwa chaizvo nebasa iri rekuparidza. Vanhu havawanzowaniki pamba, uye vaya vanowanika pamba vangasafarira zveBhaibheri.

4 Kana uchigara munzvimbo yakaoma kuparidza, mazano ari munyaya ino anogona kukubatsira. Tichaona zvakaitwa nevamwe kuti vakwanise kutaura nevanhu vakawanda muushumiri. Uye tichaona kuti nei tichikwanisa kuramba tichifara pasinei nekuti vanhu vateerera mashoko edu here kana kuti kwete.

RAMBA UINE TARIRO KANA VANHU VACHINETSA KUWANA

5. Zvapupu zvakawanda zvinosangana nematambudziko akaita sei?

5 Mazuva ano zviri kuwedzera kuoma chaizvo kuti Zvapupu zvakawanda zvikurukure nevanhu padzimba dzavo. Vamwe vaparidzi vanogara munzvimbo dzine dzimba dzakawanda dzinochengetedzwa chaizvo kana kuti dzinenge dziri mugedhi rimwe chete. Dzinogona kunge dziine magadhi asingabvumiri vanhu kuti vapinde kana vasina vavanozivana navo vanogara ipapo. Vamwe vaparidzi vanokwanisa kuenda paimba neimba zviri nyore, asi dzimba shoma ndidzo dzinenge dziine vanhu. Vamwe vanoparidza munzvimbo dzinogara vanhu vashoma. Vaparidzi vacho vanogona kufamba kwenguva yakareba vachienda kunoona mumwe munhu, uyo anogona kunge asiri pamba. Kana tichisangana nematambudziko akaita seaya, tinofanira kuramba tichiparidza. Tingaitei kuti tikunde matambudziko akadaro tokwanisa kutaura nevanhu vakawanda?

6. Vaparidzi vakafanana papi nevabati vehove?

6 Jesu akafananidza basa rekuparidza nebasa remubati wehove. (Mako 1:17) Vamwe vabati vehove vanogona kuita mazuva vasina kana hove yavabata. Asi havabva varega basa racho. Vanochinja nguva, nzvimbo, kana kuti nzira dzekubata hove. Tinogona kuchinjawo saizvozvo patinoita ushumiri hwedu. Ngatikurukurei mazano atinogona kushandisa.

Paunenge uchiparidza munzvimbo dzisingawanzowaniki vanhu pamba, edza kuvaparidzira panguva dzakasiyana-siyana, munzvimbo dzakasiyana-siyana, kana kuti uchishandisa nzira dzakasiyana-siyana (Ona ndima 7-10) *

7. Zvii zvinogona kuitika kana tikaparidza panguva dzakasiyana-siyana?

7 Edza kutsvaga vanhu panguva dzakasiyana-siyana. Tinowana vanhu vakawanda vekuparidzira kana tikaenda panguva dzavanogona kuwanika pamba. Chinofadza ndechekuti kana vakaenda kwavanenge vaenda, vanozongodzoka chete pamba! Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaona zvichibatsira kuparidza masikati kana manheru nekuti dzinowana vanhu vakawanda. Uyewo panguva iyoyo vanhu vanogona kunge vasisina zvakawanda zvekuita uye zvava kuvaitira kuti mukurukure. Kana kuti unogona kuedza kuita zvinoitwa nemumwe mukuru anonzi David. Pashure pekuparidza mune imwe ndima, iye nemumwe waanenge abuda naye vanozodzoka kudzimba dzavanenge vamboshaya vanhu. Anoti: “Ndinoshamiswa nevanhu vakawanda vatinozowana vava pamba patinenge tadzoka zvakare mundima iyoyo.” *

Paunenge uchiparidza munzvimbo dzisingawanzowaniki vanhu pamba, edza kuvaparidzira panguva dzakasiyana-siyana (Ona ndima 7-8)

8. Tingashandisa sei zvinotaurwa pana Muparidzi 11:6 muushumiri hwedu?

8 Tinofanira kuramba tichiita zvese zvatinogona kuti tiwane vanhu vari pamba. Rugwaro ruri kutungamirira nyaya ino runotiyeuchidza maonero atinofanira kuva nawo. (Verenga Muparidzi 11:6.) David ambotaurwa akaramba achiparidza. Pane imwe imba, akazowana munhu pashure pekunge asvika kakawanda asina waaiona. Murume wacho akafarira zvekukurukura Bhaibheri uye akati, “Ndava nemakore anenge 8 ndichigara pano, asi handisati ndamboona Chapupu chaJehovha chichisvika pano.” David anoti, “Ndakaona kuti paunozowana vanhu vari pamba, kakawanda kacho vanoteerera mashoko atinoparidza.”

Paunenge uchiparidza munzvimbo dzisingawanzowaniki vanhu pamba, edza kuvaparidzira munzvimbo dzakasiyana-siyana (Ona ndima 9)

9. Zvimwe Zvapupu zvinoita sei kuti zvionane nevanhu vasingawanzowaniki pamba?

9 Edza kuparidza mune dzimwe nzvimbo. Kuti vawane vanhu vasingawanzowaniki pamba, vamwe vaparidzi vakachinja nzvimbo dzavanoparidza vari. Semuenzaniso, kuparidza mumugwagwa uye kushandisa zvingoro zvemabhuku kuri kuita kuti vaonane nevanhu vanogara munzvimbo dzisingabvumirwi kuparidza paimba neimba. Izvi zvinoita kuti vakwanise kutaura nevanhu vavaisakwanisa kutaura navo. Uyewo vaparidzi vakawanda vakaona kuti vanhu vanowanzoda kutaura kana kutora mabhuku edu mumapaki, mumisika, uye munzvimbo dzemabhizinesi. Mumwe mutariri wedunhu wekuBolivia anonzi Floiran, anoti: “Tinoenda mumisika uye munzvimbo dzemabhizinesi kubva kuma1 kusvika kuma3 dzemasikati, nekuti panguva iyoyo vanhu vanotengesa vanenge vasina kunyanya kubatikana. Kakawanda kacho tinokurukura zvakanaka uye tinototanga zvidzidzo zveBhaibheri.”

Paunenge uchiparidza munzvimbo dzisingawanzowaniki vanhu pamba, edza kuvaparidzira uchishandisa nzira dzakasiyana-siyana (Ona ndima 10)

10. Zvii zvimwe zvaungaita kuti uparidzire vanhu?

10 Edza imwe nzira. Ngatitii waedza kakawanda kuti uonane nemumwe munhu. Waenda kunomuona panguva dzakasiyana-siyana asi unoramba uchimushaya. Pane zvimwe zvaungaita here? Katarína anoti, “Ndinonyorera tsamba vaya vasingambowaniki pamba, ndichitaura zvandaizovaudza kudai kuri kuti ndaonana navo.” Tinodzidzei pane zvaanoita? Ita zvese zvaunogona kuti uparidzire vanhu vemundima yenyu.

RAMBA UINE MAONERO AKANAKA KANA VANHU VASINGAFARIRI

11. Nei vamwe vanhu vasingafariri mashoko edu?

11 Vamwe vanhu havafariri mashoko edu. Havana basa nekuziva nezvaMwari kana nezveBhaibheri. Havatendi muna Mwari nekuti vanoona kutambura kwakanyanya kuri munyika. Havafariri zveBhaibheri nekuti vanoona unyengeri hunoitwa nevatungamiriri vezvitendero, avo vanoti vanoteerera zvinotaurwa nebhuku iroro. Vamwe vanonyanya kufunga nezvemabasa avo, mhuri dzavo kana matambudziko avo, uye havafungi kuti Bhaibheri rinogona kuvabatsira. Tingaramba sei tichifara kana vanhu vatinoparidzira vachiona sekuti mashoko edu haana zvaanovabatsira?

12. Mashoko ari pana VaFiripi 2:4 anotibatsira sei muushumiri?

12 Ratidza kuti une hanya nevanhu. Vanhu vakawanda avo vakambotanga vasingafariri mashoko akanaka, vakazopedzisira vava kuateerera pavakaona kuti muparidzi akanga aine hanya navo zvechokwadi. (Verenga VaFiripi 2:4.) David ambotaurwa nezvake anoti, “Kana mumwe munhu akati haadi zvekuparidzirwa, tinombomira kumuverengera Bhaibheri kana kumuratidza mabhuku tobva tati: ‘Magara musingadi zvekuparidzirwa here?’” Vanhu vanozviona kana mumwe munhu aine hanya navo. Vangasayeuka zvese zvatakataura, asi vangayeuka kuti patakakurukura navo vakasara vachinzwa sei. Kunyange kana mumwe munhu akasatibvumira kuti titaure naye, tinogona kumuratidza kuti tine hanya naye nekuva neushamwari.

13. Tingaitei kuti mashoko edu afarirwe nasaimba mumwe nemumwe?

13 Tinoratidza kuti tine hanya nevanhu patinotaura mashoko anobatsira saimba. Semuenzaniso, pane zvinhu zvinoratidza kuti pamba pacho pane vana here? Vabereki vacho vanogona kufarira zvinotaurwa neBhaibheri nezvekurera vana kana kuti mazano arinotaura angaita kuti mhuri iwedzere kufara. Dhoo ravo rinokiyiwa nemakiyi akawanda here? Tinogona kusarudza kutaura nezvekuparwa kwemhosva, uye kuti izvozvo zviri kuita sei kuti vanhu vakawanda vatye. Saimba anogona kufara paanonzwa kuti kuparwa kwemhosva kuchapera. Pese paunowana vanhu vanoda kuteerera, edza kuvabatsira kuona kuti mazano eBhaibheri anogona kuvabatsira. Katarína ambotaurwa anoti, “Ndinofunga nezvekubatsirwa kwandakaitwa neBhaibheri.” Izvi zvinoita kuti Katarína ataure nechivimbo uye vanhu vaanotaura navo vanozviona.

14. Maererano naZvirevo 27:17, vanhu vanenge vachiparidza vese vangabatsirana sei?

14 Batsirwa nevamwe. Panguva yevaKristu vekutanga, Pauro akadzidzisa Timoti kuparidza nekudzidzisa, uye akakurudzira Timoti kuti adzidzisewo vamwe kuita izvozvo. (1 VaK. 4:17) Tinogonawo kubatsirwa nevamwe vane ruzivo vari muungano medu sezvakaita Timoti. (Verenga Zvirevo 27:17.) Funga zvakaitwa neimwe hama inonzi Shawn. Akambopayona kumaruwa uko vanhu vakawanda veko vaigutsikana nechitendero chavo. Akaitei kuti arambe achifara? Anoti: “Pese pazvaiita, ndaishanda nemumwe munhu. Pataibva pane imwe imba tichienda pane imwe, taishandisa nguva iyoyo kukurukura zvatingaita kuti tivandudze unyanzvi hwedu hwekudzidzisa. Semuenzaniso, taikurukura zvinenge zvataurwa nasaimba uye mapinduriro atainge taita. Taibva tazokurukura zvatingaita kana tikasanganazve nasaimba anotaura zvakadaro.”

15. Nei kunyengetera kuchikosha muushumiri hwedu?

15 Nyengetera kuna Jehovha uchikumbira kuti akubatsire. Kumbira Jehovha kuti akubatsire pese paunoparidza. Tinoda mweya mutsvene wake kuti utibatsire pane zvese zvatinoita. (Pis. 127:1; Ruka 11:13) Paunonyengetera kuna Jehovha uchikumbira kuti akubatsire, taura zvacho zvaunoda kubatsirwa. Semuenzaniso, mukumbire kuti akubatsire kuwana munhu anoda kudzidza Bhaibheri uye akagadzirira kuteerera. Chibva washanda nesimba kuti uparidzire munhu wese waunenge wasangana naye.

16. Nei kudzidza uri wega kuchikosha paushumiri hwako?

16 Wana nguva yekudzidza uri wega. Shoko raMwari rinoti: “Muzive mega kuda kwaMwari kwakanaka, kwaanogamuchira uye kwakakwana.” (VaR. 12:2) Patinodzidza Bhaibheri tinowedzera kuziva Mwari. Izvozvo zvinoita kuti patinotaura nevamwe nezvake, vanoona kuti tinonyatsotenda zvatiri kutaura. Katarína ambotaurwa anoti: “Nguva ichangopfuura, ndakaona kuti ndaifanira kusimbisa kutenda kwangu mune dzimwe dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Saka ndakanyatsodzidza uchapupu hwekuti kune Musiki, Bhaibheri iShoko raMwari uye kuti Mwari ane sangano raanoshandisa mazuva ano.” Katarína anoti kudzidza kwaaiita ari ega kwakasimbisa kutenda kwake uye kwakaita kuti awedzere kufara muushumiri.

NEI TICHIFANIRA KURAMBA TIINE TARIRO MUUSHUMIRI?

17. Nei Jesu akaramba aine tariro muushumiri hwake?

17 Jesu akaramba aine tariro uye achiparidza kunyange zvazvo vamwe vaisafarira mashoko ake. Nei akadaro? Aiziva kuti vanhu vaifanira kudzidza chokwadi, uye aida kupa vakawanda mukana wekuti vanzwe mashoko eUmambo. Aiziva kuti vamwe vanhu avo vaisamuteerera panguva iyoyo vaizomuteerera pane imwe nguva. Funga zvakaitika mumhuri make. Jesu paakaita ushumiri hwake kwemakore matatu nehafu, hapana kana munin’ina wake akava mudzidzi wake. (Joh. 7:5) Asi pashure pekunge amutswa vakazova vaKristu.—Mab. 1:14.

18. Nei tichiramba tichiparidza?

18 Hatizivi kuti ndiani achagamuchira chokwadi chatinodzidzisa chiri muBhaibheri. Vamwe vanhu vanotora nguva yakareba kupfuura vamwe kuti vazogamuchira chokwadi. Kunyange vaya vasingadi kutiteerera vanoona zvakanaka zvatinoita uye kuti tinoramba tichifara, zvoita kuti vatange ‘kukudza Mwari.’—1 Pet. 2:12.

19. Maererano na1 VaKorinde 3:6, 7, chii chatinofanira kuziva?

19 Kunyange zvazvo tichidyara uye tichidiridza, tinofanira kuziva kuti Mwari ndiye anoita kuti zvikure. (Verenga 1 VaKorinde 3:6, 7.) Imwe hama yekuEthiopia inonzi Getahun, inoti: “Kwemakore anodarika 20, ndini ndega ndaingova Chapupu mundima isingawanzoshandwi. Asi iye zvino kuno kwava nevaparidzi 14. Pavaparidzi ava, 13 vavo vakabhabhatidzwa, kusanganisira mudzimai wangu nevana vangu vatatu. Tinowanzopinda misangano tiri 32.” Getahun anofara kuti akaramba achiparidza achimirira Jehovha kuti abatsire vanhu kuva vashumiri vake.—Joh. 6:44.

20. Takafanana papi nevanhu vanoita basa rekununura vanhu?

20 Jehovha anokoshesa upenyu hwemunhu wese. Anotipa ropafadzo yekushanda pamwe chete neMwanakomana wake pakuunganidza vanhu vanobva kumarudzi ese, mugumo wenyika ino usati wauya. (Hag. 2:7) Basa redu rekuparidza rinogona kufananidzwa nebasa rekununura vanhu. Uye takafanana neboka revanhu vanonunura vanhu rinenge ratumwa kunonunura vashandi vadhirikirwa nemugodhi. Kunyange zvazvo pangawanika vashandi vashoma vanenge vachiri vapenyu, basa rinoitwa nevanunuri vese rinokosha chaizvo. Izvi ndizvo zvakangoitawo basa ratinoita muushumiri hwedu. Hatizivi kuti vanhu vangani vasati vanunurwa kubva munyika yaSatani. Asi Jehovha anogona kushandisa chero munhu pakati pedu kuvabatsira. Andreas, uyo anogara kuBolivia, anoti: “Ndinoziva kuti mumwe munhu paanodzidza chokwadi obhabhatidzwa, anenge abatsirwa nevanhu vakawanda vanenge vashanda pamwe chete.” Ngatirambei tiine maonero akadaro patinoita ushumiri hwedu. Kana tikadaro, Jehovha achatikomborera uye ushumiri hwedu huchaita kuti tifare.

RWIYO 66 Zivisa Mashoko Akanaka

^ ndima 5 Tingaramba sei tiine tariro muushumiri kunyange zvazvo vakawanda vasingawaniki pamba kana kuti vachiita sevasingafariri mashoko edu? Nyaya ino ichatipa mazano anotibatsira kuti tirambe tichiparidza uye tirambe tichifara.

^ ndima 7 Vaparidzi vanofanira kuita ushumiri hwavo nenzira dzakasiyana-siyana sezvataurwa munyaya ino, zvichienderana nemitemo yemunyika mavo.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: (kubva kumusoro zvichidzika): Murume nemudzimai vari kuparidza mundima isingawanzowaniki vanhu pamba. Pane yekutanga, saimba aenda kubasa, pane yechipiri, ari kuchipatara, uye pane yechitatu, aenda kunotenga. Vanowana saimba wekutanga pavanomushanyira manheru. Vanowana wechipiri pavanenge vachiparidza nezvingoro pedyo nechipatara. Vanoparidzira saimba wechitatu nekumufonera.