Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 22

Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe

Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe

“Mumwe nemumwe wenyu ngaabhabhatidzwe.”—MAB. 2:38.

RWIYO 72 Kuzivisa Chokwadi cheUmambo

ZVICHADZIDZWA *

1. Vanhu vakawanda vakanga vauya kuJerusarema vakaudzwa kuti vaitei?

PAIVA nevarume nevakadzi vakawanda vakanga vauya kuJerusarema. Vaibva munyika dzakasiyana-siyana uye vaitaura mitauro yakasiyana-siyana. Pane chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika musi iwoyo. Vamwe vaJudha vakabva vangotanga kutaura mitauro yakasiyana-siyana yevanhu ava vakanga vashanya! Asi chainyanya kushamisa, aiva mashoko aitaurwa nevaJudha ava uye akazotaurwa nemuapostora Petro. Mashoko aya aisanganisira pfungwa yekuti vaigona kuponeswa kana vakatenda muna Jesu Kristu. Vanhu vakabayiwa mwoyo nemashoko acho zvekuti vakabvunza kuti: “Toita sei?” Petro akavapindura achiti: “Mumwe nemumwe wenyu ngaabhabhatidzwe.”—Mab. 2:37, 38.

Hama yaenda nemudzimai wayo kunodzidza nemurume wechidiki uyo akabata bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! (Ona ndima 2)

2. Tichakurukurei munyaya ino? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

2 Zvakabva zvaitika ndizvo zvakatowedzera kushamisa. Vanhu vanenge 3 000 vakabhabhatidzwa musi iwoyo vachiva vadzidzi vaKristu. Uku kwaiva kutanga kwebasa guru rekuita kuti vanhu vave vadzidzi iro Jesu akarayira vateveri vake kuti vaite. Basa iroro richiri kuitwa nanhasi. Mazuva ano hatikwanisi kubatsira munhu kusvika pakubhabhatidzwa mumaawa mashomanana. Zvinogona kutora mwedzi yakawanda kunyange gore kana kutopfuura kuti mudzidzi asvike pakubhabhatidzwa. Kana uri kudzidza Bhaibheri nemumwe munhu iye zvino unoziva kuti zvinotora nguva nesimba kuti ubatsire mumwe munhu kuti asvike pakuva mudzidzi waKristu. Munyaya ino tichaongorora zvaunogona kuita kuti ubatsire mudzidzi wako weBhaibheri kusvika pakubhabhatidzwa.

BATSIRA MUDZIDZI WAKO WEBHAIBHERI KUTI ASHANDISE ZVAARI KUDZIDZA

3. Sezvinoratidzwa pana Mateu 28:19, 20, mudzidzi anofanira kuitei kuti afambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa?

3 Asati abhabhatidzwa, mudzidzi weBhaibheri anofanira kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri. (Verenga Mateu 28:19, 20.) Mudzidzi paanoshandisa zvaari kudzidza, anofanana ‘nemurume akangwara’ anotaurwa mumufananidzo waJesu uyo akachera kusvika pasi kuti avakire imba yake paruware. (Mat. 7:24, 25; Ruka 6:47, 48) Tingabatsira sei mudzidzi kuti ashandise zvaari kudzidza? Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvatingaita.

4. Tingabatsira sei mudzidzi kuti arambe achishanda kuitira kuti azokwanisa kubhabhatidzwa? (Onawo bhokisi rakanzi “ Batsira Mudzidzi Wako Kuti Ave Nezvinangwa Uye Azvizadzise.”)

4 Batsira mudzidzi wako kuti ave nezvinangwa. Nei uchifanira kudaro? Funga nezvemuenzaniso uyu: Kana uchida kufamba rwendo rurefu nemota, unogona kuronga kuti upote uchimira munzvimbo dzinoyevedza. Izvi zvichakubatsira kuti usanyanya kurwadziwa nerwendo rwacho. Kana mudzidzi weBhaibheri akavawo nezvinangwa zvaanogona kuzadzisa munguva pfupi, achaona kuti anokwanisa kufambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa. Kuti ubatsire mudzidzi wako kufambira mberi, shandisa chikamu chakanzi “Edza Izvi” chiri mubhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Panopera chidzidzo chimwe nechimwe, kurukura nemudzidzi kuti zvaari kunzi aite muchikamu ichi zvinomubatsira sei kuti ashandise zvaachangobva kudzidza. Kana uine zvimwe zvaunoda kuti mudzidzi aite, zvinyore pakanzi “Zvimwewo.” Gara uchishandisa chikamu ichi pakukurukura nemudzidzi wako zvinangwa zvaanogona kuzadzisa munguva pfupi uye zvaanogona kuzadzisa munguva refu.

5. Sezvakanyorwa pana Mako 10:17-22, Jesu akaudzei murume akanga akapfuma, uye nei akamuudza kudaro?

5 Batsira mudzidzi wako kuti achinje mararamiro ake. (Verenga Mako 10:17-22.) Jesu aiziva kuti zvaizoomera murume akapfuma kuti atengese zvinhu zvake zvese. (Mako 10:23) Asi Jesu akaudza murume wacho kuti aite izvozvo. Nei akamuudza izvozvo? Nekuti Jesu akamuda. Dzimwe nguva tinogona kurega kukurudzira mudzidzi kuti ashandise zvaari kudzidza nekuti tinenge tichifunga kuti haasati ava kukwanisa kuchinja. Zvinogona kutora nguva kuti munhu abvise unhu hwekare opfeka unhu hutsva. (VaK. 3:9, 10) Asi kana ukakurumidza kukurukura nyaya yacho nemudzidzi wako, anogona kukurumidzawo kuchinja. Kana mukakurukura nyaya yacho, unenge uchiratidza kuti une hanya naye.—Pis. 141:5; Zvir. 27:17.

6. Nei tichifanira kushandisa mibvunzo inoita kuti munhu ataure maonero ake?

6 Zvinokosha kuti tibvunze mudzidzi weBhaibheri mubvunzo unoita kuti ataure maonero aanoita imwe nyaya. Izvi zvichakubatsira kuona kuti mudzidzi wako anonzwisisei uye kuti anotendei. Kana ukagara uchiita izvi, uchaona kuti zvichawedzera kuva nyore kuti mukurukure nyaya dzakamuomera kuti agamuchire. Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! rine mibvunzo yakawanda inoita kuti munhu ataure maonero ake. Semuenzaniso, muchidzidzo 04 mune mubvunzo wekuti: “Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei paunoshandisa zita rake?” Muchidzidzo 09 mune mubvunzo wekuti: “Inyaya dzipi dzaunoda kunyengetera nezvadzo?” Pakutanga, zvinogona kuomera mudzidzi wako kuti apindure mibvunzo yakadaro. Unogona kumudzidzisa kuti afunge nezvemavhesi nemifananidzo zviri mubhuku racho.

7. Tingashandisa sei zvakaitika kune vamwe kuti tibatsire mudzidzi?

7 Kana mudzidzi wako ava kunzwisisa zvaanofanira kuita, muratidze zvakaitika kune vamwe kuti umukurudzire kuita zvaanofanira kuita. Semuenzaniso, kana zvakaomera mudzidzi wako kuti apinde misangano, unogona kumuratidza vhidhiyo inonzi Jehovha Akava Nehanya Neni inoratidzwa muchikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza” chiri muchidzidzo 14. Muzvidzidzo zvakawanda zvebhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! mune nyaya dzakadaro muchikamu chakanzi “Wedzera Kuongorora” kana kuti chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza.” * Ngwarira kuti usaenzanisa mudzidzi wako nemumwe munhu nekutaura mashoko akadai sekuti, “Kana akagona kuzviita, iwe unogonawo kuzviita.” Rega mudzidzi aone ega kuti anogonawo kuzviita. Pane kumuenzanisa nemumwe munhu, taura pfungwa dzinokosha dzakabatsira munhu ari muvhidhiyo kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri. Zvimwe unogona kutaura nezverugwaro runokosha kana kuti chimwe chinhu chinobatsira chakaitwa. Pese pazvinoita, budisa pachena kuti Jehovha akabatsira sei munhu iyeye.

8. Tingabatsira sei mudzidzi wedu kuti asvike pakuda Jehovha?

8 Batsira mudzidzi wako kuti asvike pakuda Jehovha. Ungamubatsira sei? Tsvaga mikana yekubatsira mudzidzi wako kuti adzidze zvakawanda nezveunhu hwaJehovha. Batsira mudzidzi wako kuti anzwisise kuti Jehovha ndiMwari anofara uyo anotsigira vaya vanomuda. (1 Tim. 1:11; VaH. 11:6) Ratidza mudzidzi kuti achabatsirwa nekushandisa mashoko acho, uye mutsanangurire kuti izvozvo zvinoratidza kuti Jehovha anomuda. (Isa. 48:17, 18) Mudzidzi wako paanowedzera kuda Jehovha zvichamubatsira kuti ade kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwake.—1 Joh. 5:3.

ITA KUTI MUDZIDZI WAKO AZIVANE NEZVIMWE ZVAPUPU

9. Maererano naMako 10:29, 30, chii chingabatsira munhu kuti asiye zvimwe zvinhu kuitira kuti ave mudzidzi akabhabhatidzwa?

9 Kuti afambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa, mudzidzi weBhaibheri anofanira kusiya zvimwe zvinhu. Kufanana nemurume akapfuma ambotaurwa nezvake, vamwe vadzidzi vangatofanira kuita zvisarudzo zvinoita kuti varasikirwe nemari. Kana basa ravo richipesana nezvinotaurwa neBhaibheri, vangatofanira kurisiya, votsvaga rimwe. Vakawanda vangatofanira kusiya shamwari dzisingadi Jehovha. Vamwe vangasiyiwa nevanhu vemumhuri avo vasingadi Zvapupu zvaJehovha. Jesu akati zvingaomera vamwe kuti vaite zvisarudzo zvakadaro. Asi akavimbisa kuti vaya vanomutevera havazoodzwi mwoyo. Vachawana mubayiro wekuva mumhuri ine rudo yevashumiri vake. (Verenga Mako 10:29, 30.) Ungaitei kuti mudzidzi wako weBhaibheri abatsirwe nechipo ichi chakazonaka?

10. Wadzidzei pane zvakataurwa naManuel?

10 Iva neushamwari nemudzidzi wako. Zvinokosha kuti uratidze mudzidzi wako kuti une hanya naye. Nei zvichikosha? Funga zvakataurwa naManuel, uyo anogara kuMexico. Anotaura nezvekubatsirwa kwaakaitwa nemudzidzisi wake paakanga ari mudzidzi weBhaibheri. Anoti: “Pese paaiuya kuzodzidza neni, mudzidzisi wangu aitanga andibvunza nezveupenyu. Aindibatsira kuti ndisununguke uye ndikwanise kutaura naye chero chii zvacho. Ndainyatsoona kuti ane hanya neni.”

11. Kutandara nevadzidzi vedu kungavabatsira sei?

11 Wana nguva yekutandara nevadzidzi vako sezvaiita Jesu. (Joh. 3:22) Kana zvichiita, koka mudzidzi weBhaibheri ari kufambira mberi kumba kwako kuti muzodya mese kana kuona imwe yemapurogiramu eJW Broadcasting. Mudzidzi wako anogona kufara chaizvo kana ukamukoka panguva yekuti hama neshamwari dzake dzinenge dzichipemberera mazororo. Kazibwe, uyo anogara kuUganda, anoti: “Ndinofunga kuti zvandakadzidza nezvaJehovha pandaitandara nemudzidzisi wangu zvakawanda sezvandakadzidza pataiita chidzidzo cheBhaibheri. Ndakaona kuti Jehovha ane hanya chaizvo nevanhu vake uye kuti vanhu vacho vanofara chaizvo. Ndizvo zvandaida muupenyu hwangu.”

Paunoenda nevaparidzi vakasiyana-siyana kuchidzidzo cheBhaibheri, zvichaitira nyore mudzidzi kuti apinde misangano (Ona ndima 12) *

12. Nei tichifanira kuenda nevaparidzi vakasiyana-siyana kuchidzidzo cheBhaibheri?

12 Enda nevaparidzi vakasiyana-siyana kuchidzidzo cheBhaibheri. Dzimwe nguva, tingaona zviri nyore kuenda tega kana kuenda nemuparidzi watagara tichingoenda naye. Kunyange zvazvo izvozvo zvingava nyore, mudzidzi wedu weBhaibheri achawedzera kubatsirwa, kana tikapota tichienda nevaparidzi vakasiyana-siyana. Dmitrii, uyo anogara kuMoldova, anoti: “Muparidzi wese uyo aiuya nemudzidzisi wangu aiva nematsananguriro aaiita zvimwe zvinhu. Izvozvo zvakandibatsira kuona dzimwe nzira dzandaigona kushandisa nadzo zvandaidzidza. Ndakanga ndisisanyanyi kunyara pandakazoenda kumusangano kekutanga, nekuti hama nehanzvadzi dzakawanda ndakanga ndatombodziona.”

13. Nei tichifanira kubatsira mudzidzi wedu kuti apinde misangano?

13 Batsira mudzidzi wako kuti apinde misangano yeungano. Nei uchifanira kudaro? Nekuti Jehovha anorayira vanamati vake kuti vaungane. Kuita izvozvo chikamu chekunamata kwedu. (VaH. 10:24, 25) Uyewo isu nehama nehanzvadzi dzedu tiri mhuri yaJehovha. Patinenge tiinavo pamisangano, zvinoita sekuti tiri pamwe chete pamba tichidya zvekudya zvakanaka. Paunobatsira mudzidzi wako weBhaibheri kuti apinde misangano, unenge wamubatsira kuti atore rimwe rematanho anokosha chaizvo anozoita kuti abhabhatidzwe. Asi zvingamuomera kuti atore danho iroro. Bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! ringabatsira sei mudzidzi wako kuti akunde chero dambudziko raanosangana naro?

14. Tingakurudzira sei mudzidzi wedu kuti apinde misangano?

14 Kuti ukurudzire mudzidzi wako, shandisa chidzidzo 10 chebhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! Bhuku iri risati rabudiswa, vamwe vaparidzi vakakumbirwa kuti vashandise zviri muchidzidzo ichi pavaidzidza nevadzidzi vavo. Vakati zvakashanda zvakanaka uye zvakabatsira vadzidzi vavo kupinda misangano. Asi usamirira kuti mutange masvika pachidzidzo 10 kuti uzokoka mudzidzi wako weBhaibheri kumisangano yedu. Kurumidza kumukoka uye ramba uchimukoka nguva nenguva. Matambudziko evadzidzi veBhaibheri anosiyana. Saka ziva zvinodiwa nemudzidzi wako, uye ona kana uchigona kumubatsira. Usaora mwoyo kana zvikamutorera nguva asati atanga kupinda misangano. Iva nemwoyo murefu asi ramba uchimukoka.

BATSIRA MUDZIDZI WAKO WEBHAIBHERI KUTI ASATYA

15. Mudzidzi wedu angatyei?

15 Unoyeuka here kutya kwawaimboita kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha? Zvimwe wainzwa sekuti waisazokwanisa kuparidza paimba neimba. Kana kuti zvimwe waityira kuti hama neshamwari dzako dzichakupikisa. Kana zviri izvo zvawaitya, unogona kunzwisisa manzwiro emudzidzi wako weBhaibheri. Jesu akataura kuti kutya kwakadaro kwaizoitika. Asi akaudza vateveri vake kuti vasarega kutya kuchivatadzisa kushumira Jehovha. (Mat. 10:16, 17, 27, 28) Jesu akabatsira sei vateveri vake kuti vasatya? Uye ungamutevedzera sei?

16. Tingadzidzisa sei mudzidzi wedu kuti audze vamwe zvaari kudzidza?

16 Ita uchidzidzisa mudzidzi wako kuti audze vamwe zvaari kudzidza. Jesu paakatuma vadzidzi vake kunoparidza, vanogona kunge vakazeza. Asi akavabatsira nekuvaudza kwavaizoparidza uye kuti vaifanira kuparidza nezvei. (Mat. 10:5-7) Ungatevedzera sei Jesu? Batsira mudzidzi wako kuti azive kuti ndepapi paanogona kuparidza. Semuenzaniso, mubvunze kana achiziva mumwe munhu anogona kubatsirwa kana akadzidza chimwe chokwadi chiri muBhaibheri. Chimuratidza nzira iri nyore yekuudza munhu wacho chokwadi ichocho. Pazvinenge zvakakodzera, unogona kudzidzira naye uchishandisa zvikamu zviri mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! zvakanzi “Vamwe Vanoti” uye “Mumwe Munhu Anogona Kubvunza Kuti.” Paunoita izvozvo, dzidzisa mudzidzi wako kuti ashandise Bhaibheri pakupa mhinduro dziri nyore kunzwisisa uye dzisingagumburi vamwe.

17. Tingashandisa sei Mateu 10:19, 20, 29-31 patinenge tichibatsira mudzidzi wedu kuti avimbe naJehovha?

17 Batsira mudzidzi wako kuti avimbe naJehovha. Jesu akaita kuti vadzidzi vake vazive kuti Jehovha aizovabatsira nekuti anovada. (Verenga Mateu 10:19, 20, 29-31.) Udza mudzidzi wako kuti Jehovha achamubatsirawo. Unogona kumubatsira kuti avimbe naJehovha kana ukanyengetera naye uchitaura nezvezvinangwa zvake. Franciszek, uyo anogara kuPoland, anoti: “Mudzidzisi wangu aiwanzotaura nezvezvinangwa zvangu paainyengetera. Pandakaona kuti Jehovha aipindura minyengetero yemudzidzisi wangu, ndakabva ndatanga kunyengetera. Pandakatanga kushanda pane imwe kambani, ndakaona kubatsirwa kwandakaitwa naJehovha pandaikumbira nguva yekuti ndipinde misangano uye gungano.”

18. Jehovha anonzwa sei nezvebasa rinoitwa nevadzidzisi vechiKristu?

18 Jehovha ane hanya chaizvo nevadzidzi vedu veBhaibheri. Anokoshesa kushanda nesimba kunoitwa nevadzidzisi vechiKristu kuti vabatsire vanhu kuswedera pedyo naye uye izvozvo zvinoita kuti avade. (Isa. 52:7) Kana usiri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri panguva ino, unogona kubatsira vadzidzi veBhaibheri kuti vafambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa kana ukaenda nevamwe vaparidzi kuzvidzidzo zvavo.

RWIYO 60 Kana Vachida Upenyu

^ ndima 5 Nyaya ino ichataura kuti Jesu akabatsira sei vanhu kuti vave vadzidzi vake uye kuti tingamutevedzera sei. Tichakurukurawo zvimwe zvinhu zviri mubhuku idzva rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Chinangwa chebhuku racho ndechekubatsira vadzidzi veBhaibheri kuti vafambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa.

^ ndima 7 Unogona kuwanawo zvakaitika kune vamwe (1) muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza pasi pemusoro unoti “Bhaibheri,” wobva waenda pakanzi “Kubatsira Kwarinoita,” uye woenda pakanzi “‘Bhaibheri Rinochinja Upenyu’ (nyaya dzemuNharireyomurindi)” kana kuti (2) pachikamu chepaJW Library® chakanzi media woenda pakanzi “Kubvunzwa Nekutaura Zvakaitika.”

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yaenda nemudzimai wayo kunodzidza nemurume wechidiki. Dzimwe nguva inoenda nehama dzakasiyana-siyana kuchidzidzo chacho.