Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 24

Unogona Kupukunyuka Mumisungo yaSatani!

Unogona Kupukunyuka Mumisungo yaSatani!

“Pukunyuka mumusungo waDhiyabhorosi.”—2 TIM. 2:26.

RWIYO 36 Tinorinda Mwoyo Yedu

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei tingafananidza Satani nemuvhimi?

CHINANGWA chemuvhimi ndechekubata kana kuuraya mhuka. Anogona kushandisa misungo kana zviteyeso zvakasiyana-siyana, sezvinotaurwa muBhaibheri. (Job. 18:8-10) Muvhimi angaita sei kuti mhuka ipinde mumusungo wake? Anonyatsoongorora zvinoitwa nemhuka yacho. Inowanzofamba ichienda kupi? Ndezvipi zvainofarira? Chii chingaita kuti ibatwe yakavarairwa? Satani akaita semuvhimi iyeye. Anonyatsotiongorora. Anoona kwatinowanzoenda uye zvatinofarira. Anobva ateya musungo achitarisira kuti tibatwe tisingazivi. Asi Bhaibheri rinotivimbisa kuti kunyange tikabatwa, tinogona kupukunyuka. Rinotidzidzisawo kuti tingaita sei kuti tisatombobatwa nemisungo yacho.

Kuzvikudza uye makaro ndiyo misungo miviri inonyanya kubudirira inoshandiswa naSatani (Ona ndima 2) *

2. Ndeipi misungo miviri inowanzobudirira inoshandiswa naSatani?

2 Kuzvikudza uye makaro * ndiyo misungo miviri inowanzobudirira inoshandiswa naSatani. Kwezviuru zvemakore, Satani ari kubudirira kushandisa unhu ihwohwo hwakaipa. Akafanana nemubati weshiri uyo anokwezva shiri kuti ipinde pachiteyeso chake kana kuti anoibata nemambure. (Pis. 91:3) Asi hazvirevi kuti tichatobatwa naSatani. Nei tichidaro? Nekuti Jehovha akatiudza mazano anoshandiswa naSatani.—2 VaK. 2:11.

Tinogona kudzidza pamienzaniso yemuBhaibheri kuti tinzvenge kana kuti tipukunyuke pamisungo yaDhiyabhorosi (Ona ndima 3) *

3. Nei Jehovha akaita kuti muBhaibheri munyorwe nezvevamwe vanhu vakazvikudza uye vakava nemakaro?

3 Imwe nzira inoshandiswa naJehovha pakutiyambira nezvekuzvikudza uye makaro ndeyekutikurudzira kuti tidzidze pane zvakaitika kune vamwe vashumiri vake. Mumienzaniso yatichakurukura, tichaona kuti Satani akakwanisa sei kunyengera kunyange vamwe vanhu vakashumira Jehovha kwemakore akawanda. Izvi zvinoreva here kuti hatigoni kubudirira pakurwisa kuzvikudza uye makaro? Kwete. Jehovha akaita kuti mienzaniso iyi inyorwe muBhaibheri kuti “tiyambirwe.” (1 VaK. 10:11) Anoziva kuti tinogona kudzidza pamienzaniso iyoyo inotinyevera torega kupinda mumisungo yaDhiyabhorosi kana kuti topukunyuka mairi.

MUSUNGO WEKUZVIKUDZA

Ona ndima 4

4. Chii chinogona kuitika kwatiri kana tichizvikudza?

4 Satani anoda kuti tive vanhu vanozvikudza. Anoziva kuti kana tikazvikudza tinofanana naye, totadza kuwana upenyu husingaperi. (Zvir. 16:18) Ndosaka muapostora Pauro akanyevera kuti munhu anogona ‘kukurirwa nekuzvikudza, opiwa mutongo wakafanana newaDhiyabhorosi.’ (1 Tim. 3:6, 7) Izvozvo zvinogona kuitika kumushumiri waJehovha chero upi zvake, pasinei nekuti tiri vatsva muchokwadi here kana kuti tava nemakore akawanda tichishumira Jehovha.

5. Maererano naMuparidzi 7:16, 20, munhu angaratidza sei kuzvikudza?

5 Vanhu vanozvikudza vanongofunga zvakavanakira. Satani anoedza kuita kuti tifunge nezvedu kupfuura kufunga kwatinoita nezvaJehovha, kunyanya patinenge tiri mumatambudziko. Semuenzaniso, wakambopomerwa zvenhema here? Kana kuti wakambobatwa zvisina kunaka here? Satani anoda kuti utsamwire Jehovha kana kuti hama dzako. Uye Dhiyabhorosi anoda kuti ufunge kuti kuzvigona kuita zvinhu nenzira yako pane kuti utevedzere zvaunoudzwa naJehovha muShoko rake.—Verenga Muparidzi 7:16, 20.

6. Unodzidzei pane zvakaitika kune imwe hanzvadzi yekuNetherlands?

6 Funga nezveimwe hanzvadzi yekuNetherlands iyo yaisvotwa nezvaikanganiswa nevamwe. Yakaona sekuti yakanga isisakwanisi kuwadzana nevanhu vacho zvakare. Inoti, “Ndakanzwa kusurukirwa chaizvo uye ndakaona sekuti ndakanga ndisingakwanisi kuregerera hama nehanzvadzi idzodzo. Ndakaudza murume wangu kuti taifanira kutamira kune imwe ungano.” Hanzvadzi yacho yakabva yaona JW Broadcasting® yaMarch 2016. Purogiramu yacho yakataura nezvemazano anogona kutibatsira pamaonero atinoita zvikanganiso zvevamwe. Hanzvadzi yacho inoti: “Ndakaona kuti ndaifanira kuzvininipisa ndofunga zvandaikanganisa ini pachangu pane kuedza kuchinja hama nehanzvadzi dzemuungano. Broadcasting yacho yakandibatsira kuti ndinyanye kufunga nezvaJehovha uye uchangamire hwake.” Uri kuona here pfungwa yacho? Paunosangana nedambudziko, ramba uchifunga nezvaJehovha. Mukumbire kuti akubatsire kuona vamwe semaonero aanovaita. Baba vako vekudenga vanoona zvinokanganiswa nevanhu vacho, asi vanoda kuvaregerera. Vanoda kuti uitewo izvozvo.—1 Joh. 4:20.

Ona ndima 7

7. Chii chakaitika kuna Mambo Uziya?

7 Kuzvikudza kwakaita kuti Mambo Uziya weJudha arambe zano uye aite zvinhu zvaakanga asina kodzero yekuita. Uziya ane zvinhu zvakawanda zvaakaita zvakanaka. Akabudirira mune zvehondo, zvekuvaka, uye mune zvekurima. “Mwari wechokwadi akaita kuti abudirire.” (2 Mak. 26:3-7, 10) Bhaibheri rinoti: “Zvisinei, paakangova nesimba, mwoyo wake wakazvikudza zvikaita kuti aparare.” Jehovha akanga arayira kuti vapristi chete ndivo vaibvumirwa kupa rusenzi patemberi. Asi Mambo Uziya akapinda mutemberi akapa rusenzi, chinova chinhu chaaisava nekodzero yekuita. Jehovha haana kufara nazvo uye akaita kuti murume iyeye aizvikudza ave nemaperembudzi. Uziya akaramba aine maperembudzi kusvikira pazuva raakafa.—2 Mak. 26:16-21.

8. Maererano na1 VaKorinde 4:6, 7, tingaita sei kuti tisava vanhu vanozvikudza?

8 Kuzvikudza kungaita kuti tipinde mumusungo wakafanana newakabata Uziya here? Funga zvakaitika kuna José. Aiva nebhizinesi raimupa mari yakawanda, uye aishumira semukuru anoremekedzwa muungano. Aipa hurukuro mumagungano, uye vatariri vematunhu vaimubvunza mazano. Anoti, “Asi ndaivimba neunyanzvi hwangu uye ruzivo rwandaiva narwo. Ndakanga ndisisavimbi naJehovha. Ndaifunga kuti ndakasimba, saka handina kuteerera yambiro nemazano andaipiwa naJehovha.” José akaita chivi chakakura uye akadzingwa muungano. Akadzorerwa makore akapfuura. Iye zvino anoti: “Jehovha akandidzidzisa kuti chinonyanya kukosha hakusi kuva nechinzvimbo, asi kuita zvaanoda kuti tiite.” Ngatiyeukei kuti Jehovha ndiye anotipa unyanzvi hwatiinahwo uye ropafadzo dzatiinadzo muungano. (Verenga 1 VaKorinde 4:6, 7.) Kana tichizvikudza Jehovha haazotishandisi pakuita basa rake.

MUSUNGO WEMAKARO

Ona ndima 9

9. Makaro akaita kuti Satani uye Evha vaitei?

9 Patinofunga nezvemakaro, tinobva tayeuka zvakaitwa naSatani Dhiyabhorosi. Sezvo aiva ngirozi yaJehovha, Satani anofanira kunge aiva neropafadzo dzakawanda. Asi aisagutsikana. Aida kunamatwa uko kwakakodzera Jehovha chete. Satani anoda kuti tiite saiye, saka anoedza kuita kuti tisagutsikana nezvatiinazvo. Akatanga kuita izvozvo paakataura naEvha. Jehovha akanga apa Evha nemurume wake zvekudya zvakawanda zvaigutsa. Akavapa “michero yemiti yese yemumunda” kunze kwemumwe chete. (Gen. 2:16) Asi Satani akanyengera Evha kuti afunge kuti aifanira kudya muchero wemuti iwoyo wakanga warambidzwa. Evha haana kugutsikana nezvaaiva nazvo. Aida zvimwe. Tinoziva kuti izvozvo zvakaguma nei. Evha akaita chivi uye akazofa.—Gen. 3:6, 19.

Ona ndima 10

10. Makaro akava sei musungo kuna Mambo Dhavhidhi?

10 Makaro akaita kuti Mambo Dhavhidhi akanganwe zvaakanga apiwa naJehovha, izvo zvaisanganisira upfumi, mukurumbira, uye kukunda kwaakaita vavengi vake. Dhavhidhi akanyatsobvuma kuti zvipo zvaMwari zvainge ‘zvakawanda zvekuti aitadza kuzvitsanangura!’ (Pis. 40:5) Asi pane imwe nguva akakanganwa zvaakanga apiwa naJehovha. Akanga asingachagutsikani nezvaaiva nazvo, uye akanga ava kuda zvimwe. Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva nemadzimai akawanda, akarega chido chakaipa chekuda mudzimai wemumwe murume chichikura mumwoyo make. Mukadzi wacho ainzi Bhatishebha uye murume wacho aiva Uriya muHiti. Dhavhidhi akaratidza kuti aingozvifunga ndokubva arara naBhatishebha uye mukadzi uyu akabva ava nepamuviri. Zvakaitwa naDhavhidhi zvakanga zvakaipa chaizvo, asi akaita zvimwe zvakatoipa kupfuura ipapo. Dhavhidhi akaronga kuti Uriya aurayiwe. (2 Sam. 11:2-15) Dhavhidhi aifungei? Kungava here kuti aifunga kuti Jehovha haasi kuona? Kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga ashumira Jehovha kwemakore akawanda, akava nemakaro uye zvakaita kuti ave nematambudziko akawanda. Nekufamba kwenguva, Dhavhidhi akareurura chivi chake uye akapfidza. Akaonga chaizvo kuti Jehovha akanga amuregerera.—2 Sam. 12:7-13.

11. Maererano naVaEfeso 5:3, 4, chii chinogona kutibatsira kuti tisava nemakaro?

11 Tinodzidzei pana Dhavhidhi? Tinodzidza kuti tinogona kusava nemakaro kana tikagara tichionga zvese zvatinopiwa naJehovha. (Verenga VaEfeso 5:3, 4.) Tinofanira kugutsikana nezvatiinazvo. Patinotanga kudzidza Bhaibheri nevanhu tinogona kuvakurudzira kuti vafunge nezvechimwe chinhu chakanaka chavanenge vaitirwa naJehovha vomutenda. Kana munhu akaita izvozvo zuva nezuva kwevhiki rese zvinoreva kuti anenge anyengetera nezvezvinhu 7 zvakasiyana-siyana. (1 VaT. 5:18) Ndizvo zvaunoitawo here? Kana ukafungisisa zvese zvaunoitirwa naJehovha, uchava munhu anoonga. Uye paunova munhu anoonga, uchagutsikana. Paunova munhu anogutsikana, hauzovi munhu ane makaro.

Ona ndima 12

12. Makaro akaita kuti Judhasi Iskariyoti aitei?

12 Makaro akaita kuti Judhasi Iskariyoti ave mutengesi akaipa chaizvo. Asi handizvo zvaakanga agara ari. (Ruka 6:13, 16) Jesu akamusarudza kuti ave muapostora. Zviri pachena kuti Judhasi aiva munhu akavimbika, ndosaka akanzi achengete bhokisi remari. Jesu nevaapostora vaishandisa mari yacho pakutenga zvinhu zvavaida pavaiita basa rekuparidza. Mari iyi tinogona kuifananidza nemipiro inotsigira basa munyika yese mazuva ano. Asi Judhasi akazotanga kuba pasinei nekuti aigara achinzwa Jesu achiyambira nezvemakaro. (Mako 7:22, 23; Ruka 11:39; 12:15) Judhasi haana kuteerera yambiro iyoyo.

13. Makaro aJudhasi akazobuda pachena riini?

13 Makaro aJudhasi akazobuda pachena pane zvakaitika nguva pfupi Jesu asati aurayiwa. Jesu nevadzidzi vake kusanganisira Mariya nemukoma wake Marita, vaiva vaenzi vaSimoni wemaperembudzi. Pavaidya, Mariya akasimuka ndokudira mumusoro maJesu mafuta anonhuwirira aidhura kwazvo. Judhasi nevamwe vadzidzi vakatsamwa kwazvo. Vamwe vadzidzi vangangodaro vakafunga kuti mari yacho yaigona kushandiswa zvakanaka paushumiri. Asi Judhasi aisatombofunga izvozvo. Aiva “mbavha,” uye aida kuba mari mubhokisi racho. Pave paya makaro akaita kuti Judhasi atengese Jesu nemari yaitengwa nayo muranda.—Joh. 12:2-6; Mat. 26:6-16; Ruka 22:3-6.

14. Mumwe murume nemudzimai vakashandisa sei chidzidzo chiri pana Ruka 16:13?

14 Jesu akayeuchidza vateveri vake nezvechokwadi ichi chinokosha chekuti: “Hamugoni kuva varanda vaMwari nevePfuma.” (Verenga Ruka 16:13.) Mashoko aya achiri echokwadi. Ona kuti mumwe murume nemudzimai vekuRomania vakashandisa sei mashoko aJesu muupenyu hwavo. Vakapiwa basa rekushanda kwenguva pfupi mune imwe nyika yakabudirira chaizvo. Vanoti, “Taiva nechikwereti chakakura chataifanira kubhadhara kubhengi. Saka pakutanga takafunga kuti basa iri takanga taripiwa naJehovha.” Asi iwoyo waiva musungo. Basa racho raizokanganisa kushumira kwavaiita Jehovha. Pashure pekuverenga nyaya iri muNharireyomurindi yaAugust 15, 2008 yaiva nemusoro unoti, “Isa Mwoyo Wako Pachinhu Chimwe Chete Kuti Urambe Wakavimbika,” vakabva vasarudza zvavaida kuita. Vanoti: “Kudai chinangwa chedu chekutamira kune imwe nyika chaiva chekuwana mari yakawanda, zvaizoratidza kuti tinokoshesa mari pane ushamwari hwedu naJehovha. Takanyatsoona kuti izvozvo zvaizokanganisa ushamwari hwedu naJehovha.” Saka vakaramba basa racho. Zvakazofamba sei? Murume wacho akazowana basa munyika mavo raivawanisa mari yaikwanirana nezvavaida. Mudzimai wacho anoti: “Jehovha haambotadzi kubatsira vashumiri vake.” Murume nemudzimai ava vanofara kuti vakasarudza kuti Jehovha ave Tenzi wavo kwete mari.

NZVENGA MISUNGO YASATANI

15. Nei tiine chokwadi chekuti tinogona kupukunyuka mumisungo yaSatani?

15 Zvinoita here kuti tipukunyuke kana tikaona kuti tava kuzvikudza kana kuti tava nemakaro? Ehe zvinoita. Pauro akati vaya ‘vanenge vabatwa vari vapenyu’ naDhiyabhorosi vanogona kupukunyuka mumusungo wacho. (2 Tim. 2:26) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Dhavhidhi. Akateerera paakatsiurwa naNatani, akapfidza uye akagadzirisa ushamwari hwake naJehovha. Ngatisambokanganwa kuti Jehovha ane simba kupfuura Satani. Saka kana tikabvuma kubatsirwa naJehovha, tinogona kupukunyuka misungo yatinoisirwa naDhiyabhorosi.

16. Chii chichatibatsira kuti tinzvenge misungo yaSatani?

16 Pane kuti timirire kuzoita zvekupukunyuka mumisungo yaSatani, tinofanira kuinzvenga. Izvozvo tinogona kuzviita chete tichibatsirwa naJehovha. Asi hatifaniri kuvarairwa. Kunyange vamwe vashumiri vaJehovha vava nenguva yakareba vachimushumira vakasvika pakuzvikudza kana pakuva nemakaro. Saka zuva nezuva kumbira Jehovha kuti akubatsire kuona kana unhu ihwohwo hwakaipa hwava kukanganisa mafungiro ako nemaitiro ako. (Pis. 139:23, 24) Ita zvese zvaunogona kuti usambozvikudza kana kuva nemakaro.

17. Munguva pfupi iri kuuya, chii chichaitika kumhandu yedu Dhiyabhorosi?

17 Satani ava nezviuru zvemakore ari muvhimi. Asi pasara nguva pfupi kuti asungwe uye aparadzwe. (Zvak. 20:1-3, 10) Tinoda chaizvo kuti zuva iroro risvike. Ngatirambei tichinzvenga misungo yaSatani kusvikira zuva iroro rauya. Shanda nesimba kuti usazvikudza kana kuva nemakaro. Ramba ‘uchirwisana naDhiyabhorosi, uye achakutiza.’—Jak. 4:7.

RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?

^ ndima 5 Satani akaita semuvhimi ane unyanzvi. Anoedza kutibata mumisungo yake pasinei nekuti tava nemakore akawanda sei tichishumira Jehovha. Munyaya ino tichaona kuti Satani anoedza sei kushandisa kuzvikudza uye makaro kuti aparadze ushamwari hwedu naMwari. Tichadzidzawo kubva kune zvakaitwa nevamwe vakambobatwa nemusungo wekuzvikudza, uye makaro, uye tichaona kuti tingaita sei kuti tisabatwa nemisungo iyoyo.

^ ndima 2 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Nyaya ino ichataura nezvekuzvikudza, uko kunoreva kuzviona seuri nani pane vamwe, uye makaro, ayo anoreva kunyanya kuda mari yakawanda, simba, bonde, kana kuti zvimwewo.

^ ndima 53 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kuzvikudza kuri kuita kuti hama irambe zano rakanaka. Hanzvadzi ine zvinhu zvakawanda iri kuda kutenga zvimwe.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kuzvikudza kwakakanganisa imwe ngirozi uye Mambo Uziya. Makaro ndiwo akaita kuti Evha adye muchero wakarambidzwa, Dhavhidhi aite upombwe naBhatishebha, uye Judhasi abe mari.