Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 28

Usamutsa Makwikwi—Ita Kuti Pave Nerugare

Usamutsa Makwikwi—Ita Kuti Pave Nerugare

“Ngatiregei kuzvikudza, tichimutsa makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje.”—VAG. 5:26.

RWIYO 101 Kushanda Takabatana

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chinogona kuitika kana vanhu vakaita makwikwi?

VANHU vakawanda vanogara vachida kukwikwidzana nevamwe uye havana basa kuti zvavanoita zvinokanganisa sei vamwe. Semuenzaniso, munhu ane bhizinesi anogona kuita zvinhu zvinokuvadza vamwe, achiitira kuti bhizinesi rake ribudirire kupfuura evamwe. Mutambi webhora anogona kukuvadza mutambi weimwe timu nemaune achiitira kuti vahwine gemhu racho. Mudzidzi anenge achikwikwidza kuti awane nzvimbo payunivhesiti yakakurumbira anogona kubiridzira paanenge achinyora bvunzo dzekuti awane nzvimbo. SevaKristu, tinoziva kuti kuita izvozvo hakuna kunaka uye kunobatanidzwawo ‘pamabasa enyama.’ (VaG. 5:19-21) Asi zvingaitika here kuti vamwe vashumiri vaJehovha vamutse makwikwi muungano vasingazivi? Iwoyo mubvunzo unokosha nekuti kuita makwikwi kunogona kukanganisa kubatana kwedu muungano.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Munyaya ino tichakurukura unhu hwakaipa hunogona kuita kuti tide kukwikwidzana nehama dzedu. Tichakurukurawo mienzaniso yevarume nevakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vasina kuda kukwikwidzana nevamwe. Ngatitangei nekuongorora zvikonzero zvinoita kuti tiite zvimwe zvinhu.

ONGORORA KUTI NEI UCHIITA ZVIMWE ZVINHU

3. Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

3 Zvakanaka kuti tipote tichiongorora zvikonzero zvinoita kuti tiite zvimwe zvinhu. Tingazvibvunza kuti: ‘Ndinongofara chete pandinoona sekuti ndiri nani pane vamwe here? Ndinoshanda nesimba pane chero chandinoita nechinangwa chekuti ndipfuure vamwe vese here kana kuti ndipfuure imwe hama kana kuti hanzvadzi? Kana kuti ndinoshanda nesimba nechinangwa chekuti ndifadze Jehovha here?’ Nei tichifanira kubvunza mibvunzo iyoyo? Ona zvinotaurwa neShoko raMwari.

4. Maererano naVaGaratiya 6:3, 4, nei tisingafaniri kuzvienzanisa nevamwe?

4 Bhaibheri rinotiudza kuti hatifaniri kuzvienzanisa nevamwe. (Verenga VaGaratiya 6:3, 4.) Nei tisingafaniri kuzvienzanisa nevamwe? Kana tichifunga kuti tiri kuita zviri nani kupfuura hama yedu, tinogona kutanga kuzvikudza. Asi kana tikazvienzanisa nevamwe toona kuti vanotipfuura, tinogona kuora mwoyo. Mafungiro ese iwayo anoratidza kusava nepfungwa dzakanaka. (VaR. 12:3) Imwe hanzvadzi inonzi Katerina, * inogara kuGreece inoti: “Ndaimbozvienzanisa nevamwe vaiita sevanondipfuura pazvinhu zvakadai sekuva nerunako, kuita ushumiri uye kuva neshamwari dzakawanda. Izvi zvaiita kuti ndizvione semunhu asingabatsiri.” Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha akaita kuti tiuye kwaari kwete nemhaka yerunako rwedu, kutaura zvinonwisa mvura, kana kuti kufarirwa nevanhu, asi nekuti tinomuda uye tinoda kuteerera Mwanakomana wake.—Joh. 6:44; 1 VaK. 1:26-31.

5. Unodzidzei pane zvakaitika kune imwe hama inonzi Hyun?

5 Mumwe mubvunzo watingazvibvunza ndewekuti, ‘Ndinozivikanwa semunhu anoita kuti pave nerugare here, kana kuti ndinogara ndichinetsana nevamwe?’ Funga zvakaitika kune imwe hama inonzi Hyun, inogara kuSouth Korea. Pane imwe nguva achitoshumira semukuru, aiona vamwe vaiva neropafadzo muungano sevaiedza kuonekwa sevari nani paari. Anoti, “Ndaitsoropodza hama idzi, uye kakawanda ndaisabvumirana nezvadzaitaura.” Zvakaguma nei? Hyun anoti, “Maitiro angu akaita kuti muungano musava nekubatana.” Dzimwe shamwari dzaHyun dzakamubatsira kuti aone pane dambudziko rake. Hyun akachinja maitiro ake uye pari zvino ari kushumira semukuru akanaka chaizvo. Kana tikaona kuti tine katsika kekumutsa makwikwi pane kuti tiite kuti pave nerugare, tinofanira kukurumidza kuchinja.

USAZVIKUDZA UYE USAVA NESHANJE

6. Maererano naVaGaratiya 5:26, unhu hupi hwakashata hunoita kuti munhu ade zvemakwikwi?

6 Verenga VaGaratiya 5:26. Unhu hupi hwakashata hunoita kuti munhu ade zvemakwikwi? Humwe hwacho kuzvikudza. Munhu anozvikudza anodada uye anongofunga zvakamunakira. Shanje ndihwo humwe unhu hwacho hwakashata. Munhu ane shanje haangogumiri pakuda zvinhu zvine mumwe munhu, asi anotodawo kutorera munhu wacho zvinhu izvozvo. Munhu anoitira mumwe shanje anotomuvenga. Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tisava neunhu ihwohwo hwakaipa!

7. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei kuzvikudza uye kuva neshanje kwakashata.

7 Unhu hwakashata hwakadai sekuzvikudza uye shanje hunogona kufananidzwa netsvina inenge yapinda mumafuta endege. Ndege yacho inogona kusimuka, asi tsvina iya inogona kuvhara mapaipi anofamba nemafuta, zvoita kuti mainjini endege ashaye simba isati yamhara, yobva yadonha. Saizvozvowo, mumwe munhu anogona kumboshumira Jehovha. Asi kana achizvikudza uye aine shanje, achadonha. (Zvir. 16:18) Acharega kushumira Jehovha uye izvi zvichaita kuti akuvare uyewo akanganise vamwe. Saka tingaitei kuti tisava vanhu vanozvikudza uye vane shanje?

8. Tingarwisa sei kuzvikudza?

8 Tinogona kurwisa kuzvikudza kana tikaramba tichifunga zano rakapiwa vaFiripi nemuapostora Pauro rekuti: “Musaita zvinhu muchikakavadzana kana kuzvikudza, asi zvininipisei muchiona vamwe sevakuru kwamuri.” (VaF. 2:3) Kana tichiona vamwe sevakuru kwatiri, hatizoiti makwikwi nevaya vangave vachigona zvimwe zvinhu kutipfuura. Asi tichafara navo, kunyanya kana vachishandisa zvipo zvavo mubasa raJehovha. Uye kana hama nehanzvadzi dzedu dzine zvipo dzikashandisa zano raPauro, zvichaita kuti dzikwanise kuona unhu hwedu hwakanaka. Kana tese tikashandisa zano iroro, tichaita kuti muungano muve nerugare uye kubatana.

9. Tingaitei kuti tisaitira shanje hama nehanzvadzi dzedu?

9 Kuziva kuti tine zvimwe zvinhu zvatisinganyatsogoni kunotibatsira kuti tisaitira shanje hama nehanzvadzi dzedu. Kana tichizvininipisa, hatizoedzi kuratidza kuti tinogona zvinhu kupfuura vamwe vese. Asi tichaedza kudzidza kune vaya vanogona zvimwe zvinhu kutipfuura. Ngatitii imwe hama iri muungano inopa hurukuro dzavose dzakanaka chaizvo. Tinogona kumubvunza kuti anogadzirira sei hurukuro dzake. Kana hanzvadzi iri nyanzvi pakubika, tinogona kuikumbira kuti itibatsire kuvandudza mabikiro edu. Kana muKristu wechidiki achiomerwa nekutanga ushamwari nevamwe, anogona kukumbira mazano kumunhu anonyatsozvigona. Patinoita izvi, hatizoitiri vamwe shanje asi tichavandudza unyanzvi hwedu.

DZIDZA PAVANHU VANOTAURWA MUBHAIBHERI

Gidhiyoni akakwanisa kuramba aine rugare nevaEfremu nekuti aizvininipisa (Ona ndima 10-12)

10. Gidhiyoni akasangana nedambudziko ripi?

10 Funga zvakaitika pakati paGidhiyoni wedzinza raManase nevarume vedzinza raEfremu. Vachibatsirwa naJehovha, Gidhiyoni nevarume 300 vaaiva navo vakakunda muhondo zvine mutsindo. Kukunda kwavakaita kwaigona kuvaita kuti vazvikudze. Varume vekwaEfremu vakaenda kunoonana naGidhiyoni, kwete kuti vamurumbidze, asi kuti vamupopotere. Vakarwadziwa nekuti Gidhiyoni haana kuvashevedza kubva pekutanga kuti vaende vese kunorwisa vavengi vaMwari. Vainyanya kufunga nezvekuti vanhu vaifanira kuremekedza dzinza ravo, asi vakakanganwa kuti chainyanya kukosha ndechekuti Gidhiyoni akanga abatsira pakuita kuti zita raJehovha rikudzwe uye kuti vanhu vaMwari vadzivirirwe.—Vat. 8:1.

11. Gidhiyoni akati chii kuvarume vekwaEfremu?

11 Achizvininipisa Gidhiyoni akaudza varume vekwaEfremu kuti: “Ini ndaitei kana ndichienzaniswa nemi?” Akabva avayeuchidza nezvekukomborerwa kwavakanga vaitwa naJehovha. Varume vacho pavakanzwa izvozvo, hasha dzavo “dzakabva dzaserera.” (Vat. 8:2, 3) Gidhiyoni akazvininipisa kuti vanhu vaMwari varambe vaine rugare.

12. Tinodzidzei pane zvakaitwa nevaEfremu uye zvakaitwa naGidhiyoni?

12 Tinodzidzei panyaya iyi? Kubva pane zvakaitwa nevaEfremu, tinodzidza kuti hatifaniri kunyanya kufunga nezvekuti tiwane rukudzo, asi tinofanira kuita kuti Jehovha akudzwe. Semisoro yemhuri uye sevakuru, tine zvatinodzidza pana Gidhiyoni. Kana mumwe munhu asina kufara nezvatinenge taita, tinofanira kuedza kuona zvinhu semaonero aari kuita. Tinogonawo kurumbidza munhu wacho pane zvakanaka zvaanenge aita. Kuti tiite izvozvo tinofanira kuzvininipisa, kunyanya kana zvichinyatsooneka kuti munhu wacho ndiye akanganisa. Chinonyanya kukosha ndechekuti tive nerugare nehama yedu pane kuratidza kuti tisu takarurama.

Hana akavazve nerugare nekuti akavimba kuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu (Ona ndima 13-14)

13. Hana akasangana nedambudziko ripi, uye akarikunda sei?

13 Fungawo nezvaHana. Akanga akaroorwa nemumwe muRevhi ainzi Erikana, uyo aimuda chaizvo. Asi Erikana aiva nemumwe mudzimai ainzi Penina. Erikana aida Hana kupfuura Penina. Kunyange zvakadaro, “Penina aiva nevana, asi Hana akanga asina.” Izvi zvakaita kuti Penina ‘agare achingoshora Hana kuti amurwadzise.’ Hana ainzwa sei nazvo? Airwadziwa chaizvo! “Aichema uye aitadza kudya.” (1 Sam. 1:2, 6, 7) Asi hapana patinoverenga kuti Hana akaedza kutsiva Penina. Pane kudaro, akadurura mwoyo wake kuna Jehovha achivimba kuti aizomubatsira. Penina akachinja mabatiro aaiita Hana here? Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo. Asi tinoziva kuti Hana akavazve nerugare mumwoyo uye akaramba ainarwo. “Chiso chake chakanga chisisina kusuruvara.”—1 Sam. 1:10, 18.

14. Tinodzidzei pane zvakaitwa naHana?

14 Tinodzidzei pane zvakaitwa naHana? Kana mumwe munhu akaedza kukwikwidzana newe, yeuka kuti unokwanisa kusarudza zvekuita. Haufaniri hako kukwikwidzana naye. Pane kuti udzorere chakaipa nechakaipa, edza kuva nerugare nemunhu wacho. (VaR. 12:17-21) Kunyange akasachinja, ucharamba wakadzikama uye uchifara.

Sezvo vaiziva kuti Jehovha aikomborera basa ravaiita Aporo naPauro havana kukwikwidzana (Ona ndima 15-18)

15. Aporo naPauro vakanga vakafanana papi?

15 Ngatipedzisei nekukurukura zvatinodzidza pamudzidzi ainzi Aporo uye muapostora Pauro. Varume ava vainyatsoziva Magwaro. Vese vari vaviri vaiva varume vanozivikanwa chaizvo uye vadzidzisi vane unyanzvi. Uye vese vakanga vabatsira pakuita kuti vakawanda vave vadzidzi. Asi vakanga vasingaitirani godo.

16. Aporo aiva munhu akaita sei?

16 Aporo akanga ari “chizvarwa chekuArekizandriya,” iyo yakanga iri nzvimbo yakakurumbira kwaienda vanhu kunodzidza. Aiva nechipo chekutaura uye ‘ainyatsoziva Magwaro.’ (Mab. 18:24) Aporo paakashanya kuKorinde, vamwe vaiva muungano vakaratidza pachena kuti vaimufarira kupfuura dzimwe hama, kusanganisira Pauro. (1 VaK. 1:12, 13) Aporo akakurudzira mafungiro iwayo anoita kuti ungano ive nemapoka here? Hatingambofungidziri achiita izvozvo. Pane imwe nguva pashure pekunge Aporo abva kuKorinde, Pauro akamukurudzira kuti adzokere ikoko. (1 VaK. 16:12) Pauro aisazomboita izvozvo kudai akaona sekuti Aporo akanga achiita kuti ungano ive nemapoka. Zviri pachena kuti Aporo akashandisa unyanzvi hwake zvakanaka kuti azivise mashoko akanaka uye kuti asimbise hama dzake. Tinogona kuvawo nechokwadi chekuti Aporo aiva murume anozvininipisa. Semuenzaniso Bhaibheri haritauri kuti akagumbuka Akwira naPrisira ‘pavakamutsanangurira nzira yaMwari zvakanyatsorurama.’—Mab. 18:24-28.

17. Pauro akaitei kuti muungano muve nerugare?

17 Muapostora Pauro aiziva nezvebasa rakanaka raiitwa naAporo. Asi Pauro aisatyira kuti vanhu vaizofunga kuti Aporo ari nani paari. Kuzvininipisa kwaPauro, kuva nemwero, uye kunzwisisa kwake kunooneka pazano raakapa ungano yaiva muKorinde. Haana kufara nazvo vanhu pavaiti “ini ndiri waPauro,” asi akaita kuti mbiri yese iende kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu.—1 VaK. 3:3-6.

18. Maererano na1 VaKorinde 4:6, 7, tinodzidzei pane zvakaitwa naAporo uye naPauro?

18 Tinodzidzei pane zvakaitwa naAporo uye naPauro? Tinogona kushandira Jehovha nesimba, uye tingatobatsira vakawanda kuti vabhabhatidzwe. Asi tinoziva kuti kukwanisa kwedu kuita izvi ndiJehovha anenge achitibatsira. Chimwe chatinodzidza kubva pane zvakaitwa naAporo uye naPauro, ndechekuti kana tiine mukurumbira, tinenge tiine mukana wakakura wekuita kuti pave nerugare. Tinoonga chaizvo vakuru nevashumiri veungano pavanotibatsira kuti tive nerugare nevamwe. Vanoita izvi pavanoshandisa Bhaibheri pese pavanotipa mazano. Havaedzi kuva vanhu vanokosha, asi vanobatsira vese vari muungano kuti vateerere Jesu uye kuti vatevedzere muenzaniso wake.—Verenga 1 VaKorinde 4:6, 7.

19. Mumwe nemumwe wedu angaitei? (Onawo bhokisi rakanzi “ Usamutsa Makwikwi.”)

19 Mumwe nemumwe wedu ane chipo chaakapiwa naMwari. Tinogona kushandisa chipo ichocho “pakushumira vamwe.” (1 Pet. 4:10) Tinogona kuona sekuti zvatinoita hazvinyanyi kukosha. Asi zvinhu zvidiki zvatinoita kuti pave nekubatana zvakafanana nemasitichi anobatanidza hembe painosonwa. Ngatishandei nesimba kuti tisakwikwidzana nevamwe. Ngatiitei zvese zvatinogona kuti muungano muve nerugare uye kubatana.—VaEf. 4:3.

RWIYO 80 “Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”

^ ndima 5 Kana mudziyo wevhu uine mitswe, zviri nyore kuti utsemuke. Izvi ndizvo zvinogona kuitikawo muungano. Kana vamwe vakagara vachida kukwikwidzana nevamwe, zvinoita kuti ungano ive nemapoka. Kana ungano isina kusimba uye isina kubatana, vanhu havagoni kunamata Mwari zvine rugare. Nyaya ino ichataura kuti nei tisingafaniri kukwikwidzana nevamwe uye kuti tingaitei kuti muungano muve nerugare.

^ ndima 4 Mazita akachinjwa.