Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 34

‘Ungaravira’ Sei Kuti Jehovha Akanaka?

‘Ungaravira’ Sei Kuti Jehovha Akanaka?

“Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; anofara murume anopotera kwaari.”—PIS. 34:8.

RWIYO 117 Kuva Vakanaka

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Maererano naPisarema 34:8, tingaitei kana tichida kuziva kuti Jehovha akanaka?

NGATITII wapiwa chikafu chausati wambodya. Unogona kuziva nezvacho nekungoona zvachakaita, kunzwa kunhuwirira kwachiri kuita, kuziva mabikirwo achinoitwa, kana kubvunza vamwe nezvacho. Asi kana uchida kuziva kuti uchanakirwa nacho here unofanira kuita zvekuchiravira.

2 Tinogona kudzidza chimwe chinhu nezvekunaka kwaJehovha kana tikaverenga Bhaibheri, mabhuku edu uyewo kunzwa vamwe vachitaura nezvekukomborerwa kwavakaitwa naJehovha. Asi tinonzwisisa kunaka kwaJehovha kana ‘tikakuravira’ tega. (Verenga Pisarema 34:8.) Ngatikurukurei imwe nzira yatinogona kuita izvozvo. Ngatitii tinoda kushumira Jehovha mubasa renguva yakazara, asi kuti tidaro tinoona kuti tinofanira kuita kuti upenyu hwedu husava nezvakawanda. Zvimwe tinogara tichiverenga nezvevimbiso yaJesu yekuti kana tikaisa Umambo pekutanga, Jehovha achatipa zvinokosha pakurarama, asi tinenge tisati tamboona Jehovha achitiitira izvozvo. (Mat. 6:33) Sezvo tichitenda muvimbiso yaJesu iyoyo, tinoedza kusashandisa mari yakawanda, tinoderedza nguva yatinoshanda kumabasa edu, uye tinoita zvakawanda muushumiri. Patinoita izvozvo, tinobva tazvionera kuti zvechokwadi Jehovha anonyatsotipa zvatinoda. Tinenge ‘taravira’ tega kuti Jehovha akanaka.

3. Maererano naPisarema 16:1, 2, ndevapi vanhu vanoitirwa zvakanaka naJehovha?

3 Jehovha ‘akanaka kuvanhu vese,’ kunyange kune vaya vasingamuzivi. (Pis. 145:9; Mat. 5:45) Asi vaya vanoda Jehovha uye vanomushumira nemwoyo wese ndivo vanowana makomborero akawanda anobva kwaari. (Verenga Pisarema 16:1, 2.) Ngatikurukurei zvimwe zvinhu zvakanaka zvatakaitirwa naJehovha.

4. Jehovha anoratidza sei kuti akanaka kune vaya vanotanga kuswedera pedyo naye?

4 Pese patinoshandisa zvatinodzidza kuna Jehovha, tinoona kuti zvinotibatsira muupenyu hwedu. Patakadzidza nezvake tikatanga kumuda, akatibatsira kuti tikunde mafungiro uye maitiro aasingafariri. (VaK. 1:21) Uye patinozvitsaurira kuna Jehovha tobhabhatidzwa, tinotowedzera kuona kunaka kwake paanotipa hana yakanaka uye patinova neushamwari hwepedyo naye.—1 Pet. 3:21.

5. Tinoona sei kuti Jehovha akanaka patinenge tichiita ushumiri?

5 Tinoramba tichiona kuti Jehovha akanaka patinoita ushumiri. Uri munhu anonyara here? Vanhu vaJehovha vakawanda vanonyara. Zvimwe pawakanga usati wava mushumiri waJehovha, waisambofungidzira uchigogodza padhoo remunhu wausingazivi uye uchimuudza nezveBhaibheri. Asi iye zvino wava kugara uchizviita. Uye Jehovha ari kutokubatsira kuti unakidzwe nebasa rekuparidza. Uri kuona kuti Jehovha ari kukutsigira nenzira dzakawanda. Akakubatsira kuti urambe wakadzikama pawakapikiswa nemumwe munhu muushumiri. Akakubatsirawo kuti uyeuke vhesi rekushandisa pawaikurukura nemunhu ainge afarira. Uye akakupa simba rekuti urambe uchiparidza pawaishanda mundima ine vanhu vasingafariri.—Jer. 20:7-9.

6. Kudzidziswa kwatinoitwa naJehovha kunoratidza sei kuti akanaka?

6 Jehovha anoratidzawo kuti akanaka nekutidzidzisa kwaanoita basa rekuparidza. (Joh. 6:45) Pamisangano yedu yepakati pevhiki, tinonzwa mharidzo dzekuenzanisira dzakanyatsogadzirirwa, uye tinokurudzirwa kudzishandisa muushumiri. Dzimwe nguva tinogona kumbozeza kuita zvinhu zvitsva, asi patinozviita, tinogona kuona kuti zvinoshanda zvakanaka mundima yedu. Pamisangano nepamagungano, tinokurudzirwawo kuedza dzimwe nzira dzatingadaro tisina kumbobvira tashandisa. Izviwo zvinogona kuita kuti tizeze, asi patinozviedza, tinenge tichipa Jehovha chimwe chinhu chekuti akomborere. Iye zvino ngationei makomborero atinopiwa naJehovha patinovimba naye toedza nzira itsva dzekumupa zvakanakisisa zvedu, pasinei nemamiriro edu ezvinhu. Tichabva takurukura kuti tingaitei kuti tiwedzere ushumiri hwedu.

JEHOVHA ANOKOMBORERA VAYA VANOVIMBA NAYE

7. Tinokomborerwa sei kana tikashanda nesimba kuti tiwedzere ushumiri hwedu?

7 Tinowedzera kuswedera pedyo naJehovha. Funga nezvemumwe mukuru anonzi Samuel, * uyo anoshumira nemudzimai wake kuColombia. Murume nemudzimai ava vainakidzwa nekupayona vari muungano yekwavaigara, asi vaida kuwedzera ushumiri hwavo nekubatsira ungano inoda vaparidzi vakawanda. Zvaitoda kuzvipira kuti vakwanise kuita izvozvo. Samuel anoti, “Takashandisa zvinotaurwa pana Mateu 6:33 uye takamira kutenga-tenga zvinhu zvatakanga tisingadi. Asi chinhu chakanga chakanyanya kutiomera kwaiva kusiya imba yedu yataigara. Yakanga yakavakwa zvaienderana nezvataida, uye takanga tisina chikwereti pairi.” Pavakatamira muungano itsva vakaona kuti vakanga vava kuda mari shomanana pane yavaimborarama nayo. Samuel anoti,“Takaona kuti Jehovha anotitungamirira sei uye kuti anopindura sei minyengetero yedu. Iye zvino tava kunyatsoona kuti Jehovha anotida uye anotifarira.” Unokwanisawo here kuwedzera ushumiri hwako? Kana ukadaro uchaswedera pedyo naJehovha uye achakuchengeta.—Pis. 18:25.

8. Unodzidzei pane zvakataurwa naIvan naViktoria?

8 Tinowana mufaro mubasa redu. Ona zvakataurwa naIvan naViktoria, murume nemudzimai vanoshumira semapiyona muKyrgyzstan. Vakasarudza kurarama nezvinhu zvishoma muupenyu hwavo kuitira kuti vakwanise kuzvipira kuita chero basa, kusanganisira basa rekuvaka. Ivan anoti: “Taishanda nesimba chaizvo pabasa rimwe nerimwe rataipiwa. Kunyange zvazvo tainzwa takaneta paipera zuva, taifara nekuti taiziva kuti tainge tashandisa simba redu mubasa reUmambo. Tinofarawo kuti takava neshamwari dzakawanda uye kuti tine zvimwe zvinhu zvinofadza zvatinoramba tichiyeuka.”—Mako 10:29, 30.

9. Imwe hanzvadzi ine matambudziko airi kusangana nawo iri kuitei kuti iwedzere ushumiri hwayo, uye zviri kuguma nei?

9 Tinowana mufaro pakushumira Jehovha kunyange patinenge tichisangana nematambudziko. Semuenzaniso, imwe hanzvadzi yakwegura iyo yakafirwa nemurume inogara kuWest Africa inonzi Mirreh yaiva chiremba. Payakasiya basa rayo, yakatanga kupayona. Mirreh ane chirwere chearthritis icho chinoita kuti arwadziwe chaizvo nekufamba uye anogona kungoita awa imwe chete muushumiri hwepaimba neimba. Asi anokwanisa kuita nguva yakawanda achiparidza nechingoro. Ane vanhu vakawanda vaanodzidza navo Bhaibheri nevamwe vaanodzokera kunoona uye vamwe vacho anoita zvekukurukura navo nefoni. Chii chikaita kuti Mirreh ade kuita zvakawanda mubasa raJehovha? Anoti, “Ndinoda chaizvo Jehovha naKristu Jesu. Uye ndinogara ndichinyengetera kuna Jehovha ndichimukumbira kuti andibatsire kuita zvese zvandinogona mubasa rake.”—Mat. 22:36, 37.

10. Sezvinoratidzwa pana 1 Petro 5:10, vaya vanowedzera basa ravo vanoitirwei naJehovha?

10 Tinodzidziswa zvinhu zvakawanda naJehovha. Mumwe piyona anonzi Kenny, uyo anoshumira kuMauritius, akaona kuti izvi ndezvechokwadi. Paakadzidza chokwadi, akasiya zveyunivhesiti, akabhabhatidzwa, uye akapinda mubasa renguva yakazara. Anoti, “Ndinoedza kutevedzera muprofita Isaya uyo akati: ‘Ndiri pano! Nditumei!’” (Isa. 6:8) Kenny akashanda mumabasa akasiyana-siyana ekuvaka, uye akabatsirawo pakushandura mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumutauro wake. Anoti, “Ndakadzidziswa zvandinofanira kuita kuti ndiite mabasa angu zvakanaka.” Asi Kenny haana kungodzidza maitirwo emabasa iwayo chete. Anowedzera kuti, “Ndakadzidza kuti ndine zvimwe zvinhu zvandisingakwanisi kuita uye kuti ndine humwe unhu hwandinofanira kuva nahwo kuti ndiwedzere zvandinoita pakushumira Jehovha uye pakubatsira hama.” (Verenga 1 Petro 5:10.) Unokwanisawo here kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwako kuitira kuti udzidziswe zvakawanda naJehovha?

Murume nemudzimai vari kuparidza kunodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda; hanzvadzi yechidiki iri kubatsira pari kuvakwa Imba yeUmambo; murume nemudzimai vakwegura vari kuparidza nefoni. Vese vanowana mufaro wakakura muushumiri hwavo (Ona ndima 11)

11. Zvii zvakaitwa nehanzvadzi dzekuSouth Korea kuti dzikwanise kuwedzera ushumiri hwadzo uye zvakaguma nei? (Onawo mufananidzo uri pakavha.)

11 Kunyange Zvapupu zvava nemakore akawanda zvichishumira Jehovha zvinobatsirwa nekudzidza imwe nzira itsva yekuparidza nayo. Pakapararira chirwere cheCOVID-19, vakuru vemune imwe ungano kuSouth Korea vakanyora kuti: “Vaya vaitadza kubuda muushumiri kakawanda nemhaka yeutano husina kunaka vava kukwanisa kugara vachiparidza vachiita zvekuonana nevanhu pamavhidhiyo. Hanzvadzi nhatu dzava nemakore ekuma80 dzakadzidza kushandisa urongwa hutsva uhwu uye dzava kuita ushumiri anenge mazuva ese.” (Pis. 92:14, 15) Ungada kuwedzera ushumiri hwako wowedzera kuravira kuti Jehovha akanaka here? Ona mamwe matanho aunogona kutora kuti ukwanise kuita izvozvo.

ZVAUNGAITA KUTI UWEDZERE BASA RAKO

12. Jehovha anovimbisei vaya vanovimba naye?

12 Dzidza kuvimba naJehovha. Anovimbisa kuti achatipa makomborero asingaperi kana tikavimba naye uye tikaita zvese zvatinogona. (Mar. 3:10) Imwe hanzvadzi inogara kuColombia inonzi Fabiola yakaona kuzadzisa kwakaita Jehovha vimbiso iyi muupenyu hwayo. Fabiola aida kushumira sapiyona wenguva dzese achangobhabhatidzwa. Asi aifanira kuramba achienda kubasa kuitira kuti abatsire murume wake pakuriritira vana vavo vatatu. Paakanga ava kukwanisa kuenda pamudyandigere, akateterera kuna Jehovha achikumbira kubatsirwa. Anoti: “Zvinowanzotora nguva yakareba kuti mari yemudyandigere izobuda, asi yangu yakabuda pashure pemwedzi mumwe chete. Zvakandishamisa!” Pashure pemwedzi miviri, akabva atanga kupayona. Iye zvino ava nemakore ekuma70 uye ava nemakore anopfuura 20 achipayona. Pamakore iwayo, akakwanisa kubatsira vanhu 8 kusvika pakubhabhatidzwa. Anoti: “Kunyange zvazvo ndichimbonzwa ndisina simba, Jehovha ari kundibatsira zuva rimwe nerimwe kuti ndirambe ndichipayona.”

Abrahamu naSara, Jakobho, uye vapristi avo vakayambuka Rwizi rwaJodhani vakaratidza sei kuti vaivimba naJehovha? (Ona ndima 13)

13-14. Mienzaniso ipi inogona kutibatsira kuti tivimbe naJehovha uye kuti tiwedzere ushumiri hwedu?

13 Dzidza pavanhu vakavimba naJehovha. Bhaibheri rakazara nemienzaniso yevanhu vakashanda nesimba mubasa raJehovha. Vakawanda vevashumiri vaJehovha ava ndivo vaitanga kuita chimwe chinhu vasati vawana makomborero anobva kuna Jehovha. Semuenzaniso, Abrahamu akatozokomborerwa naJehovha pashure pekunge asiya musha wake, “kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaakanga achienda.” (VaH. 11:8) Jakobho akatozokomborerwa pashure pekunge aita mutsimba nengirozi. (Gen. 32:24-30) VaIsraeri pavakanga vava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa, vanhu vakatozokwanisa kuyambuka pashure pekunge vapristi vatsika mvura yeRwizi rwaJodhani yaiva nesimba.—Josh. 3:14-16.

14 Unogonawo kudzidza kuvashumiri vaJehovha vemazuva ano vakavimba naJehovha vakawedzera basa ravo. Payton nemudzimai wake Diana, vainakidzwa nekuverenga nezvehama nehanzvadzi dzakawedzera zvadzaiita pakushumira Jehovha, dzakadai sedzinotaurwa munyaya dzinoti “Vakazvipa Nemwoyo Unoda.” * Payton anoti: “Pataiverenga nezvavo, zvaiita sekuti tiri kutarisa munhu ari kunakirwa nechikafu chaari kudya. Patairamba takatarisa, taibva tawedzerawo kuda ‘kuravira kuti tione kuti Jehovha akanaka.’” Payton naDiana vakazotamira kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Wakamboverengawo nyaya idzi here? Uye wakamboona here mavhidhiyo ari pajw.org anoti Kuparidza Kunzvimbo Iri Kwayo Yoga—Australia uye Kuparidza Kunzvimbo Iri Kwayo Yoga—Ireland? Izvi zvinogona kukubatsira kuona kuti ungawedzera sei ushumiri hwako.

15. Kushamwaridzana nevanhu vanotikurudzira kuitira Jehovha zvakawanda kunogona kutibatsira sei?

15 Shamwaridzana nevanhu vanokukurudzira kuitira Jehovha zvakawanda. Zviri nyore kuti tidye chimwe chikafu chatisati tambodya kana tichigara tichitandara nevanhu vanochifarira. Kana tikashamwaridzanawo nevaya vanoisa Jehovha pekutanga muupenyu hwavo, zvinogona kuita kuti tide kuwedzera basa ratinoitira Mwari. Kent nemudzimai wake Veronica vakaona kuti izvozvo ndezvechokwadi. Kent anoti: “Hama neshamwari dzedu dzakatikurudzira kuti tiedze nzira dzakasiyana-siyana dzeushumiri. Takaona kuti kana tikashamwaridzana nevaya vanoisa Umambo pekutanga, tinova nechido chekuedza zvitsva.” Kent naVeronica vava kushumira semapiyona chaiwo kuSerbia.

16. Sezvinoratidzwa mumufananidzo waJesu uri pana Ruka 12:16-21, nei tichifanira kubvuma kurasikirwa nezvimwe zvinhu?

16 Bvuma kurasikirwa nezvimwe zvinhu uchiitira Jehovha. Kuti tifadze Jehovha hatifaniri hedu kubva tarega zvese zvatinofarira. (Mup. 5:19, 20) Asi kana tikarega kuita zvakawanda mubasa raMwari tichingoitira kuti tisarasikirwa nezvimwe zvinhu, tinenge tangofanana nemurume anotaurwa mumufananidzo waJesu uyo akashanda nesimba kuti ave nezvinhu zvakawanda asi asina basa naMwari. (Verenga Ruka 12:16-21.) Imwe hama inonzi Christian, iyo inogara kuFrance inoti, “Ndakanga ndisiri kupa Jehovha uye mhuri yangu simba rangu rese nenguva yangu yakakwana.” Iye nemudzimai wake vakasarudza kupayona. Asi kuti vaite izvozvo vaifanira kusiya mabasa avo. Kuti vawane zvekurarama nazvo, vakatanga kabhizinesi kekuchenesa dzimba nemahofisi, uye vakadzidza kuva vanhu vanofara asi vachirarama nemari shoma. Vari kufara here kuti vakasiya zvimwe zvinhu kuti vatange kupayona? Christian anoti, “Ushumiri huri kuwedzera kutinakidza uye tinofara kuona vadzidzi vedu veBhaibheri uye vanhu vatinodzokera kunoona vachidzidza nezvaJehovha.”

17. Chii chakabatsira imwe hanzvadzi kuti iedze kuparidza nenzira itsva?

17 Iva nechido chekuedza nzira itsva dzekuparidza. (Mab. 17:16, 17; 20:20, 21) Mumwe piyona wekuUnited States anonzi Shirley, aifanira kuchinja maitiro aaiita ushumiri panguva yekupararira kwechirwere cheCOVID-19. Pakutanga aizeza kuparidzira nefoni. Asi paakazodzidziswa pakashanya mutariri wedunhu, akabva atanga kugara achiparidza nefoni. Anoti: “Pakutanga, zvaimbotyisa, asi iye zvino zvava kundinakidza. Tava kutaura nevanhu vakawanda kupfuura vataitaura navo pataiparidza paimba neimba!”

18. Chii chinogona kutibatsira kutsungirira matambudziko patinenge tichiedza kuwedzera ushumiri hwedu?

18 Ronga zvaunoda kuita uye edza kuzviita. Patinosangana nematambudziko, tinonyengetera tichikumbira kubatsirwa uye tinonyatsofungisisa kuti tizive zvatingaita. (Zvir. 3:21) Sonia, uyo anoshumira sapiyona wenguva dzese muungano ine boka remutauro weRomany kuEurope, anoti: “Ndinofarira kunyora papepa zvandinoda kuita uye ndinoisa pepa racho pandinokwanisa kuriona. Ndine mufananidzo uri mumba mangu une nzira mbiri dziri kuenda kwakasiyana. Pandinenge ndichida kusarudza zvekuita, ndinotarisa nzira idzodzo ndofunga kuti chisarudzo chandiri kuda kuita chinondiendesa kupi.” Sonia anoedza kuva nemaonero akanaka paanosangana nematambudziko. Anoti: “Ndinofanira kusarudza kuti dambudziko rimwe nerimwe randinosangana naro ndichariona sei. Ndinogona kuriona serusvingo runonditadzisa kuzadzisa chinangwa changu, kana kuti sebhiriji rinondibatsira kuzadzisa chinangwa changu.”

19. Tinofanira kuva nechido chekuitei?

19 Jehovha anotikomborera munzira dzakawanda. Tinogona kuratidza kuti tinotenda makomborero iwayo nekuita zvese zvatinogona kuti timurumbidze. (VaH. 13:15) Izvi zvinogona kusanganisira kuedza nzira itsva dzekuwedzera nadzo ushumiri hwedu, uye izvozvo zvinoita kuti tikwanise kuwana mamwe makomborero. Zuva rimwe nerimwe, ngatitsvagei nzira ‘dzekuravira kuti tione kuti Jehovha akanaka.’ Tikadaro tinobva taita saJesu, uyo akati: “Zvekudya zvangu ndiko kuita kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.”—Joh. 4:34.

RWIYO 80 “Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”

^ ndima 5 Zvinhu zvese zvakanaka zvinobva kuna Jehovha. Anopa munhu wese zvinhu zvakanaka, kunyange vaya vanoita zvakaipa. Asi vashumiri vake vakatendeka ndivo vaanonyanya kuitira zvakanaka. Munyaya ino tichakurukura kuti Jehovha anoitira sei vashumiri vake zvinhu zvakanaka. Tichadzidzawo kuti Jehovha anoitira sei zvakanaka vaya vanowedzera ushumiri hwavo.

^ ndima 7 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 14 Nyaya idzi, dzaimbobudiswa muNharireyomurindi, uye iye zvino dzava kuwanika pajw.org. Enda pakanzi NEZVEDU > ZVAKAITIKA KUZVAPUPU ZVAJEHOVHA > KUZADZISA ZVINANGWA ZVEKUNAMATA.