Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 36

Koshesa Simba Rine Vechidiki

Koshesa Simba Rine Vechidiki

“Kukudzwa kwemajaya ndiro simba rawo.”—ZVIR. 20:29.

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndechipi chinangwa chatingava nacho makore zvaanofamba?

PATINOKURA tinogona kutya kuti hatizokwanisi kuitira Jehovha zvakawanda sezvataiita pataiva vadiki. Kunyange zvazvo chingava chokwadi kuti tava nesimba shoma pane rataimbova naro, tinogona kushandisa uchenjeri neruzivo rwedu kuti tidzidzise vechidiki kuti vaite zvakawanda musangano raJehovha uye vabvume mamwe mabasa. Imwe hama yava nemakore akawanda iri mukuru yakati: “Pandakatanga kuona kuti ndakanga ndisisakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yekukura, ndakaonga kuti paiva nehama dzechidiki dzaikwanisa kuita basa.”

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Nyaya yapfuura yakataura kuti vechidiki vanobatsirwa sei pavanoshamwaridzana nevakwegura. Munyaya ino tichaona kuti unhu hwakadai sekuzvininipisa, kuva nemwero, kuva munhu anoonga uye kuva nerupo, kunobatsira sei vechikuru kuti vashande pamwe chete nevechidiki, zvichiita kuti ungano yese ibatsirwe.

ZVININIPISE

3. VaFiripi 2:3, 4 inoti muKristu anozvininipisa anoitei, uye izvozvo zvingamubatsira sei?

3 Vechikuru vanofanira kuzvininipisa kana vachida kubatsira vechidiki. Munhu anozvininipisa anoona vamwe sevakuru kwaari. (Verenga VaFiripi 2:3, 4.) Vechikuru vanozvininipisa vanoziva kuti kakawanda kacho pane nzira dzakasiyana-siyana dzekuita nadzo chimwe chinhu dzinoenderana neBhaibheri uye dzinoshanda. Saka havatarisiri kuti munhu wese aite zvinhu semaitiro avaiita kare. (Mup. 7:10) Kunyange zvazvo vaine ruzivo rwakawanda rwavanogona kuudza vechidiki, vanoziva kuti “zviri kuitika munyika zviri kuchinja” uye kuti vangatofanira kudzidza nzira itsva dzekuita zvinhu.—1 VaK. 7:31.

Vakwegura vanoudza vamwe zvakaitika muupenyu hwavo (Ona ndima 4-5) *

4. Vatariri vematunhu vari kuratidza sei mafungiro akafanana neaiva nevaRevhi?

4 Vechikuru vanozvininipisa vanoziva kuti kana vakwegura vanenge vasingachakwanisi kuita zvakawanda sezvavaimboita. Funga nezvevatariri vedu vematunhu. Pavanosvitsa makore 70 vanochinjirwa basa rekuita. Izvozvo zvinogona kuvaomera. Vaikoshesa chaizvo ropafadzo yavo yekushumira hama. Ibasa ravaida uye vachiri nechido chakakura chekuriita. Asi vanonzwisisa kuti zvakanyanya kunaka kuti hama dzechidiki dziite basa iroro. Saka vanoratidza mafungiro akaita seevaRevhi avo vaimira kushumira patebhenekeri pavaisvitsa makore 50. VaRevhi ivavo vainge vakura vaifara pasinei nebasa ravaiita. Vaishingaira pakuita zvese zvavaikwanisa uye vaibatsira vechidiki. (Num. 8:25, 26) Kunyange zvazvo vaya vaimboshumira sevatariri vematunhu vasingachaiti basa iri, vanobatsira chaizvo muungano dzavari kushumira vari.

5. Unodzidzei pana Dan naKatie?

5 Funga nezvaDan uyo akashumira semutariri wedunhu kwemakore 23. Dan paakasvitsa makore 70, iye nemudzimai wake Katie vakanzi vashumire semapiyona chaiwo. Zviri kuvafambira sei mubasa ravo idzva? Dan anoti ava nezvakawanda zvekuita kupfuura kare! Anoita mabasa ake emuungano, anobatsira hama kuti dzikodzere kuva vashumiri veungano, uye anodzidzisa vamwe kuti vaite ushumiri hwemumaguta uye mumajeri. Vechikuru, mune zvakawanda zvamunogona kuita kuti mubatsire vamwe pasinei nekuti muri mubasa renguva yakazara here kana kuti kwete. Mungazviita sei? Nakidzwai nebasa renyu idzva, ivai nezvinangwa zvitsva uye isai pfungwa dzenyu pane zvamunogona kuita kwete pane zvamusingakwanisi kuita.

IVA NEMWERO

6. Nei kuri kuchenjera kuti tive vanhu vane mwero? Taura muenzaniso.

6 Munhu ane mwero anoziva zvaasingakwanisi. (Zvir. 11:2) Kuva nemwero kunomubatsira kuti asatarisira zvinopfuura zvaanokwanisa kuita. Izvozvo zvichaita kuti arambe achifara uye achishanda nesimba. Tinogona kufananidza munhu ane mwero nemunhu ari kutyaira mota achikwidza gomo. Mutyairi anofanira kudzikisa giya kuitira kuti arambe achikwidza makata. Sipidhi yake inogona kudzikira asi acharamba achifamba. Munhu ane mwero anozivawo nguva yekudzikisa giya kuitira kuti akwanise kuramba achishumira Jehovha uye achibatsira vamwe.—VaF. 4:5.

7. Bhazirai akaratidza sei kuti aiva nemwero?

7 Funga nezvaBhazirai uyo aiva nemakore 80 paakanzi naMambo Dhavhidhi auye kuzogara mumuzinda wamambo. Bhazirai uyo aiva nemwero akaramba zvaakakumbirwa namambo. Achiziva zvaaisakwanisa kuita nemhaka yezera, Bhazirai akataura kuti murume wechidiki Kimhamu aigona kuenda panzvimbo pake. (2 Sam. 19:35-37) Sezvakaitwa naBhazirai, varume vakwegura vanofara kusiyira varume vechidiki mukana wekushumira.

Mambo Dhavhidhi akagamuchira chisarudzo chaMwari chekuti mwanakomana wake ndiye aizovaka temberi (Ona ndima 8)

8. Mambo Dhavhidhi akaratidza sei kuva nemwero panyaya yekuvakwa kwetemberi?

8 Mambo Dhavhidhi akaratidzawo muenzaniso wakazonaka wekuva nemwero. Aida chaizvo kuvakira Jehovha imba. Asi Jehovha paakamuudza kuti imba yacho yaizovakwa naSoromoni uyo akanga ari mudiki, Dhavhidhi akabvuma zvakasarudzwa naJehovha uye akatsigira basa racho nemwoyo wese. (1 Mak. 17:4; 22:5) Soromoni akanga ari ‘mudiki uye asina ruzivo,’ asi izvozvo hazvina kuita kuti Dhavhidhi azvione sekuti ndiye akanga akakodzera kuvaka imba yacho. (1 Mak. 29:1) Dhavhidhi aiziva kuti kubudirira kwebasa racho rekuvaka kwaibva pakukomborerwa naJehovha, kwete pazera kana ruzivo rwevaya vaitungamirira. Vachitevedzera Dhavhidhi, vakwegura vanoramba vachishanda nesimba mubasa raJehovha kunyange panochinja mabasa avanoita. Uye vanoziva kuti Jehovha achakomborera vechidiki vari kuita mabasa avaimboita.

9. Imwe hama yemuDare reBazi yakaratidza sei kuva nemwero?

9 Muenzaniso wemazuva ano wemunhu ane mwero, ihama inonzi Shigeo. Muna 1976, akagadzwa kuti ashumire muDare reBazi aine makore 30. Muna 2004, akava murongi muDare reBazi. Akazoona kuti akanga asisina simba seraaimbova naro uye zvakanga zvava kumutorera nguva yakareba kuti apedze basa rake. Akanyengetera nezvenyaya yacho uye akafunga nezvekubatsira kwazvaizoita kuti hama yechidiki ive murongi. Kunyange zvazvo asisiri murongi, Shigeo ari kuramba achishanda zvakanaka nedzimwe hama dziri muDare reBazi. Sezvataona pamuenzaniso waBhazirai, Mambo Dhavhidhi naShigeo, munhu anozvininipisa uye ane mwero anoisa pfungwa pazvinhu zvinogonekwa nevamwe kwete pane zvavasingagoni. Anovaona sevanhu vaanoshanda navo, kwete sevanhu vaari kukwikwidzana navo.—Zvir. 20:29.

IVA MUNHU ANOONGA

10. Vakwegura vanoona sei vechidiki vari muungano?

10 Vakwegura vanoona vechidiki sezvipo zvinobva kuna Jehovha zvavanoonga. Simba ravo parinenge richiita shoma, vakwegura vanoonga kuti hama nehanzvadzi idzo dzichiri nesimba dzinoda uye dzinokwanisa kuita basa uye kushumira ungano.

11. Rute 4:13-16 inoratidza sei makomborero anovapo kana vakwegura vakabvuma kubatsirwa nevechidiki?

11 Naomi uyo akanga akwegura akaratidza muenzaniso wakazonaka chaizvo wekubvuma kubatsirwa nevechidiki. Pakutanga Naomi akaudza muroora wake Rute uyo akanga afirwa nemurume kuti adzokere kumba kwaamai vake. Asi Rute paakaramba achiti aida kuenda naNaomi kuBhetrehema, Naomi akabvuma kutsigirwa naRute. (Rute 1:7, 8, 18) Uye izvozvo zvakaita kuti vakadzi vacho vese vakomborerwe. (Verenga Rute 4:13-16.) Vakwegura vanozvininipisa vanotevedzera muenzaniso waNaomi.

12. Muapostora Pauro akaratidza sei kuti aiva munhu anoonga?

12 Muapostora Pauro aionga kubatsirwa kwaaiitwa nevamwe. Semuenzaniso, akatenda vaKristu vekuFiripi avo vakanga vamutumira zvinhu zvekushandisa. (VaF. 4:16) Akaonga chaizvo kubatsirwa kwaakanga aitwa naTimoti. (VaF. 2:19-22) Uye Pauro akatenda Mwari nekuda kwevaya vakauya kuzomukurudzira paaiendeswa kuRoma semusungwa. (Mab. 28:15) Pauro aiva munhu akasimba uyo akafamba kwezviuru zvemakiromita achiparidza uye achisimbisa ungano. Asi aizvininipisa uye aibvuma kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzake.

13. Vakwegura vangaratidza sei kuti vanoonga vechidiki?

13 Vakwegura, mune zvakawanda zvamunogona kuita kuratidza kuti munoonga vechidiki vari muungano yenyu. Kana vachida kukubatsirai nechekufambisa, pakutenga kana pane zvimwewo zvinhu, ratidzai kuti munoonga rubatsiro rwavo. Onai rubatsiro rwavanokupai sechiratidzo chekuti Jehovha anokudai. Munogona kutozova neushamwari hwakasimba nevaya vanokubatsirai. Garai muchiedza kubatsira shamwari dzenyu dzechidiki kuti dzive neushamwari hwepedyo naJehovha, uyewo vaudzei kufara kwamunoita pamunoona vechidiki vachiita zvakawanda kuti vabatsire ungano. Wanai nguva yekutaura navo muchivaudza nezveupenyu hwenyu. Pamunoita izvozvo ‘mucharatidza kuti muri vanhu vanoonga’ Jehovha kuti akakupai vechidiki vaakaunza muungano.—VaK. 3:15; Joh. 6:44; 1 VaT. 5:18.

IVA MUNHU ANOPA

14. Mambo Dhavhidhi akaratidza sei kuti aiva munhu anopa?

14 Pamuenzaniso waMambo Dhavhidhi, tinoona kuti vakwegura vanofanira kuratidza kuti vanopa. Akapa zvinhu zvakawanda kubva papfuma yake kuti atsigire kuvakwa kwetemberi. (1 Mak. 22:11-16; 29:3, 4) Akaita izvozvo kunyange zvazvo temberi yacho yaizonzi ndeyaSoromoni. Patinenge tisisina simba rekuita mabasa ekuvaka zvivakwa zvesangano, tinogona kuramba tichitsigira mabasa aya nekupa mari yatinokwanisa. Uye tinogona kuita kuti vechidiki vabatsirwe neruzivo rwatakawana kwemakore akawanda.

15. Muapostora Pauro akapa Timoti zvipo zvipi zvinokosha?

15 Panyaya yekupa, funga nezvemuenzaniso wemuapostora Pauro. Akatora Timoti kuti abatane naye pabasa reumishinari uye Pauro akadzidzisa jaya iri nzira dzaaishandisa pakuparidza uye pakudzidzisa. (Mab. 16:1-3) Kudzidziswa kwaakaitwa naPauro kwakabatsira Timoti kuti akwanise kuparidza uye kudzidzisa mashoko akanaka. (1 VaK. 4:17) Timoti akashandisawo zvaakanga adzidziswa naPauro pakudzidzisa vamwe.

16. Nei Shigeo aidzidzisa vamwe?

16 Vakwegura havatyiri kuti kana vakadzidzisa vechidiki kuita mabasa avaimboita vanenge vasisina chiyamuro muungano. Semuenzaniso, Shigeo ambotaurwa nezvake akadzidzisa hama dzechidiki dzemuDare reBazi. Akaita izvozvo kuitira kuti abatsire pabasa reUmambo munyika yaari kugara. Saka paakanga asingachakwanisi kuva murongi muDare reBazi, paiva nehama yakanyatsodzidziswa yaigona kumutsiva. Shigeo achiri kushandisa ruzivo rwaakawana mumakore anopfuura 45 ari muDare reBazi kuti abatsire hama dzechidiki. Hama dzakaita saShigeo dzinobatsira chaizvo vanhu vaMwari.

17. Maererano naRuka 6:38, vakwegura vanogona kupei vamwe?

17 Imi hama nehanzvadzi dzakwegura munoratidza kuti kushumira Jehovha makatendeka uye makaperera kwaari, ndiko kunokosha kupfuura zvimwe zvinhu zvese muupenyu. Munoratidza nezvamunoita kuti kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri uye kuzvishandisa muupenyu hwenyu kunobatsira. Munoziva kuti zvinhu zvaiitwa sei kare, asiwo munoziva zvazvakanakira kufambirana nekuchinja kuri kuita zvinhu. Imiwo vakwegura makabhabhatidzwa munguva ichangopfuura, munogonawo kubatsira vamwe munzira dzakawanda. Munogona kuvaudzawo kuti kuziva Jehovha kwakaita sei kuti mufare panguva ino muupenyu hwenyu. Vachafara kuziva zvakaitika kwamuri uye zvamakadzidza muupenyu. Kana ‘mukagara muchipa vamwe’ muchitora mudura rezvakaitika muupenyu hwenyu, Jehovha achakukomborerai chaizvo.—Verenga Ruka 6:38.

18. Vakwegura nevechidiki vangabatsirana sei?

18 Imi vakwegura pamunoshamwaridzana nevechidiki, zvinoita kuti mukwanise kutsigirana. (VaR. 1:12) Mumwe nemumwe ane chinhu chinokosha chisina mumwe. Vakwegura vane ruzivo rwavakawana muupenyu hwavo. Vechidiki vane simba. Vechidiki nevakwegura pavanoshanda pamwe chete seshamwari, vanoita kuti Baba vedu vekudenga vane rudo varumbidzwe uye vanova chikomborero kuungano yese.

RWIYO 90 Kurudziranai

^ ndima 5 Tinofara nekuti tine varume nevakadzi vechidiki vakawanda muungano dzedu avo vanoita zvese zvavanogona kuti vatsigire sangano raJehovha. Pasinei netsika dzavo kana kuti makuriro avakaita, vechikuru vari muungano vanogona kubatsira vechidiki kuti vashandise simba ravo zvizere mubasa raJehovha.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mutariri wedunhu paakasvitsa makore 70, iye nemudzimai wake vakapiwa rimwe basa. Ruzivo rwavakawana runovabatsira kudzidzisa vamwe muungano yavari kupinda nayo.