Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 37

“Ndichazunungusa Marudzi Ese”

“Ndichazunungusa Marudzi Ese”

“Ndichazunungusa marudzi ese, uye zvinhu zvinokosha zvinobva kumarudzi ese zvichauya.”—HAG. 2:7.

RWIYO 24 Uyai Kugomo raJehovha

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Kuzunungusa kupi kwekufananidzira kwakagara kwataurwa kuti kwaizoitika munguva yedu?

“MUNGUVA pfupi, zvitoro nezvivakwa zvekare zvakatanga kuwondomoka.” “Kwese kwese kwaiva nechipatapata . . . Vanhu vakawanda vakati izvi zvakaitika kwemaminitsi anenge maviri. Kwandiri yakaita senguva yakareba chaizvo.” Izvi ndizvo zvakataurwa nevamwe vakapukunyuka pakaitika kudengenyeka kwenyika muNepal muna 2015. Kana zvinhu zvinotyisa kudaro zvikaitika kwauri, kashoma kuti uzvikanganwe.

2 Asi panguva ino pane kumwe kuzununguka kwakasiyana kuri kuitika, kusiri kwemuguta rimwe chete kana kuti munyika imwe chete. Jehovha ari kuzunungusa marudzi ese epanyika uye ava nemakore akawanda achizviita. Kuzunungusa uku kwakagara kwataurwa nemuprofita Hagai. Akanyora kuti: “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Munguva pfupi iri kuuya ndichazunungusa zvakare denga nenyika negungwa nepasi.’”—Hag. 2:6.

3. Kuzunungusa kunotaurwa nezvako naHagai kwakasiyana papi nekudengenyeka kwenyika?

3 Kuzunungusa kwakataurwa naHagai kwakasiyana nekudengenyeka kwenyika uko kunongoparadza chete. Kuzunungusa uku kunoita kuti pave nezvinhu zvakanaka. Jehovha pachake anotiudza kuti: “Ndichazunungusa marudzi ese, uye zvinhu zvinokosha zvinobva kumarudzi ese zvichauya; uye ndichazadza imba ino nekubwinya.” (Hag. 2:7) Uprofita uhwu hwairevei kuvanhu vakararama panguva Hagai? Uye hunorevei kwatiri mazuva ano? Tichakurukura mhinduro dzemibvunzo iyoyo uyewo tichadzidza kuti tingaitei pakuzunungusa marudzi mazuva ano.

MASHOKO ANOKURUDZIRA PANGUVA YAHAGAI

4. Nei Jehovha akatuma muprofita Hagai kuvanhu vake?

4 Muprofita Hagai akapiwa basa rinokosha naJehovha. Funga zvakaitika asati apiwa basa racho. Hagai anofanira kunge ari mumwe wevanhu vakadzokera kuJerusarema vachibva kuBhabhironi muna 537 B.C.E. Pavakangosvika kuJerusarema, vanamati ivavo vakatendeka vakabva vatanga kuvaka faundesheni yeimba yaJehovha, kana kuti temberi. (Ezra 3:8, 10) Asi pasina nguva, pane zvinhu zvinoodza mwoyo zvakaitika. Vakamira kuita basa racho nekuti vaipikiswa. (Ezra 4:4; Hag. 1: 1, 2) Saka muna 520 B.C.E., Jehovha akaudza Hagai kuti abatsire vaJudha kuti vashingaire zvakare, uye kuti avakurudzire kupedza kuvaka temberi. *Ezra 6:14, 15.

5. Nei mashoko aHagai aigona kunge akakurudzira vanhu vaMwari?

5 Chinangwa chemashoko aHagai chaiva chekuti vaJudha vasimbise kutenda kwavo muna Jehovha. Muprofita wacho akataura neushingi kuvaJudha vainge vakaora mwoyo achiti: “‘Simbai imi vanhu vese vemunyika ino, muite basa,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Nekuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.” (Hag. 2:4) Mashoko ekuti “Jehovha wemauto” anofanira kunge akavakurudzira. Jehovha ane uto rakakura rengirozi, saka vaJudha vaifanira kuvimba naye kuti vabudirire.

6. Kuzunungusa kwakataurwa naHagai kwaizoguma nei?

6 Jehovha akatuma Hagai kuti audze vaJudha kuti aizozunungusa marudzi ese. Mashoko aya akakurudzira vaJudha avo vakanga varega kuvaka temberi nekuti vainge vaora mwoyo. Mashoko acho airatidza kuti Jehovha aizozunungusa Pezhiya, nyika yakanga iine simba kupfuura dzimwe dzese panguva yacho. Kuzunungusa ikoko kwaizoguma nei? Vanhu vaMwari vaizopedza kuvaka temberi. Uyewo vamwe vanhu vakanga vasiri vaJudha vaizobatana nevanhu vaMwari pakunamata Jehovha patemberi iyoyo yainge yavakwazve. Mashoko iwayo aikurudzira chaizvo vanhu vaMwari.—Zek. 8:9.

BASA RIRI KUZUNUNGUSA NYIKA MAZUVA ANO

Uri kuita zvese zvaunogona here mubasa rekuzunungusa nyika riri kuitwa mazuva ano? (Ona ndima 7-8) *

7. Ibasa ripi rekuzunungusa ratiri kuita mazuva ano? Tsanangura.

7 Uprofita hwaHagai hunorevei kwatiri mazuva ano? Jehovha ari kuzunungusa zvakare marudzi ese uye panguva ino tiri kubatsirawo pabasa racho. Funga izvi: Muna 1914, Jehovha akagadza Jesu Kristu kuti ave Mambo weUmambo hwaMwari. (Pis. 2:6) Kugadzwa kweUmambo ihwohwo kwakanga kwakaipira vatungamiriri venyika. Izvi zvaireva kuti “nguva yemamwe marudzi,” kureva nguva yapainge pasina mutongi aimiririra Jehovha, yakanga yazadziswa kana kuti yakanga yaguma. (Ruka 21:24) Nechikonzero ichocho kubva mugore ra1919, vanhu vaJehovha vakawedzera kuzivisa vanhu kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete tariro yevanhu. Kuparidzwa uku ‘kwemashoko akanaka eUmambo’ kuri kuzunungusa nyika yese.—Mat. 24:14.

8. Maererano naPisarema 2:1-3, marudzi akawanda ari kuita sei paari kunzwa mashoko akanaka eUmambo?

8 Vanhu vari kuita sei pavanonzwa mashoko aya? Vakawanda vari kuaramba. (Verenga Pisarema 2:1-3.) Marudzi ari kuita zhowezhowe. Anoramba Mutongi akagadzwa naJehovha. Haaoni mashoko eUmambo atinoparidza ‘semashoko akanaka.’ Dzimwe hurumende dzakatorambidza basa rekuparidza. Kunyange zvazvo vatongi vakawanda vemarudzi aya vachiti vanoshumira Mwari, vanoda kuramba vaine simba ravo. Saka sezvaiita vatongi vemunguva yaJesu, vatongi vemazuva ano vanopikisa Muzodziwa waJehovha nekurwisa vateveri vake vakavimbika.—Mab. 4:25-28.

9. Jehovha anoita sei paanoona marudzi achiramba mashoko akanaka?

9 Jehovha anoita sei paanoona marudzi achiramba mashoko akanaka? Pisarema 2:10-12 inopindura ichiti: “Saka imi madzimambo, ivai nenjere; bvumai kururamiswa, imi vatongi venyika. Shumirai Jehovha muchimutya, uye farai muchidedera. Kudzai mwanakomana, nekuti mukasadaro, Mwari achashatirwa uye muchaparara munzira, nekuti hasha dzake dzinokwira nekukurumidza. Vanofara vese vanopotera kwaari.” Jehovha ari kupa vanhu vanomupikisa mukana wekuti vaite chisarudzo chakanaka. Vanogona kuchinja vosarudza kubvuma Umambo hwaJehovha. Asi nguva yasara ipfupi. Tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira” enyika ino. (2 Tim. 3:1; Isa. 61:2) Iye zvino ndiyo nguva yekuti vanhu vazive chokwadi uye vasarudze kushumira Jehovha.

ZVINHU ZVAKANAKA ZVINOBVA PAKUZUNUNGUSWA KWEMARUDZI

10. Zvinhu zvipi zvakanaka zvinobva pabasa rekuzunungusa rinotaurwa pana Hagai 2:7-9?

10 Vamwe vanhu vari kubvuma kubatsirwa nekuzunungusa kwekufananidzira kwakataurwa naHagai. Hagai anotiudza kuti zvichibva pakuzunungusa uku, “zvinhu zvinokosha,” kureva vanhu vanoda chokwadi vanobva kumarudzi ese, vachauya kuzonamata Jehovha. * (Verenga Hagai 2:7-9.) Isaya naMika vakataurawo kuti izvi zvaizoitika “mumazuva ekupedzisira.”—Isa. 2:2-4; Mika 4:1, 2.

11. Imwe hama yakaita sei payakangonzwa mashoko eUmambo?

11 Funga zvakaitwa neimwe hama inonzi Ken, iyo iri kushumira pamahofisi makuru, payakanzwa mashoko iwayo anozunungusa nyika. Achiri kunyatsoyeuka paakatanga kunzwa mashoko eUmambo makore anenge 40 adarika. Ken anoti: “Pandakatanga kunzwa chokwadi chemuShoko raMwari, ndakafara chaizvo kuziva kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira enyika ino. Ndakaona kuti kana ndichida kufarirwa naMwari uye kuti ndiwane upenyu husingaperi, ndaifanira kusiyana nenyika ino ndonyatsotsigira Jehovha. Ndakanyengetera kuna Jehovha ndichibva ndaita zvandakasarudza. Ndakarega kutsigira nyika ino ndichibva ndasarudza kudzivirirwa neUmambo hwaMwari uhwo husingazununguki.”

12. Temberi yaJehovha yemweya iri kuzadzwa sei nekubwinya mumazuva ano ekupedzisira?

12 Zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera vanhu vake. Mazuva ano ekupedzisira, vaya vanomunamata vari kuwanda chaizvo. Muna 1914 paingova zviuru zvishoma. Iye zvino pava nevashumiri vaMwari vanopfuura 8 miriyoni uye mamwe mamiriyoni evanhu anobatana nesu gore negore paChirangaridzo. Izvi zviri kuita kuti zvivanze zvepanyika zvetemberi yaJehovha yemweya, kureva urongwa hwake hwekunamata hwakachena, zvizare ‘nezvinhu zvinokosha zvinobva kumarudzi ese.’ Kuchinja kuri kuita vanhu ava vachipfeka unhu hutsva, kuri kuitawo kuti zita raJehovha rikudzwe.—VaEf. 4:22-24.

Vanhu vaMwari munyika yese vari kufara kuparidzira vamwe nezveUmambo hwaMwari (Ona ndima 13)

13. Ndehupi humwe uprofita huri kuzadziswa nekuwedzera kwevanamati vaJehovha? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

13 Kuwedzera kuri kuita vanhu vaMwari kuri kuzadzisa humwe uprofita hwakadai sehuri muna Isaya chitsauko 60. Vhesi 22 yechitsauko ichocho inoti: “Mudiki achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba. Ini Jehovha ndichaita kuti zvikurumidze panguva yazvo.” Kuwedzera kuri kuita vanamati vechokwadi kuri kuita kuti chimwe chinhu chinoshamisa chiitike. Vanhu ava vanouya neunyanzvi hwakasiyana-siyana, vaine chido chekuparidza “mashoko akanaka eUmambo.” Izvi zviri kuita kuti vanhu vaJehovha vakwanise kushandisa unyanzvi ihwohwo hwakataurwa nezvahwo naIsaya ‘semukaka wemarudzi.’ (Isa. 60:5, 16) Varume nevakadzi ava vari kubatsira pabasa rekuparidza riri kuitwa munyika 240 uye pakubudisa mabhuku mumitauro inopfuura 1 000.

NGUVA YEKUITA CHISARUDZO

14. Chisarudzo chipi chinofanira kuitwa nevanhu iye zvino?

14 Panguva ino yekuguma, kuzununguswa kwemarudzi kuri kuita kuti vanhu vaone kuti vanofanira kuita chisarudzo. Vachatsigira Umambo hwaMwari here kana kuti vachavimba nehurumende dzenyika ino? Ichi chisarudzo chichafanira kuitwa nemunhu wese. Kunyange zvazvo vanhu vaJehovha vachiteerera mitemo yehurumende dzemunyika mavanogara, havatombopindiri mune zvematongerwo enyika. (VaR. 13:1-7) Vanoziva kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchapedza matambudziko evanhu. Umambo ihwohwo hausi hwenyika ino.—Joh. 18:36, 37.

15. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza sei kuti kuvimbika kwevanhu vaMwari kuchaedzwa?

15 Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti kuvimbika kwevanhu vaMwari kuchaedzwa mumazuva ekupedzisira. Izvozvo zvinoreva kuti ticharamba tichipikiswa uye tichitambudzwa zvakanyanya. Hurumende dzenyika ino dzichada kuti tidzinamate uye dzichatambudza vaya vanoramba kudzitsigira. (Zvak. 13:12, 15) ‘Dzichamanikidza vanhu vese, vakuru nevadiki, vapfumi nevarombo, vakasununguka nevaranda, kuti vaiswe chiratidzo paruoko rwavo rwerudyi kana kuti pahuma dzavo.’ (Zvak. 13:16) Kare varanda vaiiswa mucherechedzo wekuratidza kuti vaiva vaani. Vanhu vese mazuva ano vachatarisirwawo kuti vave nechiratidzo chekufananidzira paruoko rwavo kana kuti pahuma. Mafungiro avo nemaitiro avo acharatidza kuti vari kudivi rezvematongerwo enyika uye kuti vanozvitsigira.

16. Nei zvichikosha kuti tinyatsovimbika kuna Jehovha iye zvino?

16 Tichabvuma kuiswa chiratidzo ichi chekufananidzira here totsigira hurumende dzezvematongerwo enyika? Vaya vacharamba kuiswa chiratidzo chacho vachaomerwa neupenyu uye vachange vari pangozi. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti: Hapana “munhu anotenga kana kutengesa kunze kwekunge aine chiratidzo.” (Zvak. 13:17) Asi vanhu vaMwari vanoziva zvichaitwa naMwari kune vaya vane chiratidzo chinotaurwa pana Zvakazarurwa 14:9, 10. Pane kuti vabvume chiratidzo ichocho, zvichaita sekuti vakanyora paruoko rwavo kuti, “Ndiri waJehovha.” (Isa. 44:5) Ino ndiyo nguva yekuva nechokwadi chekuti takanyatsovimbika kuna Jehovha. Kana takanyatsovimbika kwaari, Jehovha achafara kutaura kuti tiri vake!

KUZUNUNGUSA KWEKUPEDZISIRA

17. Tinofanira kuyeukei nezvemwoyo murefu waJehovha?

17 Jehovha ari kuratidza chaizvo mwoyo murefu mumazuva ano ekupedzisira. Haana waanoda kuti aparadzwe. (2 Pet. 3:9) Ari kupa vanhu vese mukana wekuti vapfidze uye vasarudze kumushumira. Asi mwoyo murefu wake une paunogumira. Vaya vari kuramba kutsigira Umambo hwaMwari vachapinda mutsekwende sezvakaita Farao mumazuva aMozisi. Jehovha akati kuna Farao: “Kutaura kuno ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndakakurova nedenda rinoparadza, iwe nevanhu vako, uye mungadai musisipo panyika. Asi ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.” (Eks. 9:15, 16) Marudzi ese achasvika pakuziva kuti Jehovha ndiye chete Mwari wechokwadi. (Ezek. 38:23) Izvi zvichaitika sei?

18. (a) Ndekupi kumwe kuzunungusa kunotaurwa pana Hagai 2:6, 20-22? (b) Tinoziva sei kuti mashoko aHagai achazadziswa mune remangwana?

18 Makore akawanda pashure pekunge Hagai afa, muapostora Pauro akafemerwa kuti aratidze kuti mashoko ari pana Hagai 2:6, 20-22 aizozadziswa mune remangwana. (Verenga.) Pauro akanyora kuti: “Iye zvino akavimbisa kuti: ‘Ndichazunungusa nyika zvakare; kwete nyika chete, asi nedengawo. Shoko rekuti ‘zvakare’ rinoratidza kubviswa kwezvinhu zviri kuzununguswa, zvinhu zvakaitwa nemumwe munhu, kuti zvinhu zvisiri kuzununguswa zvirambe zviripo.” (VaH. 12:26, 27) Kuzunungusa uku kwakasiyana nekunotaurwa pana Hagai 2:7. Kuzunungusa uku kuchareva kuti vaya vanoramba kodzero yaJehovha yekutonga sezvakaita Farao, vachaparadzwa zvachose.

19. Chii chisiri kuzozununguswa uye tinoziva sei izvozvo?

19 Chii chisiri kuzozununguswa kana kubviswa? Pauro akaenderera mberi achiti: “Sezvo tiri kuona kuti tichagamuchira Umambo husingazununguswi, ngatirambei tichigamuchira nyasha, idzo dzichatibatsira kuitira Mwari basa dzvene zvinomufadza tichimutya nekumuremekedza.” (VaH. 12:28) Pashure pekuzunungusa uku kwekupedzisira, Umambo hwaMwari chete ndihwo hucharamba husina kuzununguka. Hucharamba huripo!—Pis. 110:5, 6; Dhan. 2:44.

20. Vanhu vanofanira kuita chisarudzo chipi uye tingavabatsira sei?

20 Hapana nguva yekutambisa! Vanhu vanofanira kusarudza zvavanoda: Kana vakaramba vachitsigira nyika ino vachaparadzwa, kana vakasarudza kushumira Jehovha vochinja kuti vaite zvinoenderana nekuda kwake vachawana upenyu husingaperi. (VaH. 12:25) Patinoita basa rekuparidza, tinogona kubatsira vanhu kuti vaite chisarudzo panyaya iyi inokosha. Ngatibatsirei vamwe vanhu vakawanda kuti vasarudze kutsigira Umambo hwaMwari. Uye ngatirambei tichiyeuka mashoko aShe wedu Jesu ekuti: “Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.”—Mat. 24:14.

RWIYO 40 Tiri Vaani?

^ ndima 5 Nyaya ino ichagadzirisa manzwisisiro atinoita Hagai 2:7. Tichadzidza zvatingaitawo mubasa rinonakidza riri kuzunungusa marudzi ese. Tichadzidzawo kuti basa iri rekuzunungusa rinoita kuti vamwe vafare uye kuti vamwe vagumbuke.

^ ndima 4 Tinoziva kuti Hagai akabudirira pane zvaakaudzwa naJehovha kuti aite nekuti temberi yacho yakapera kuvakwa muna 515 B.C.E.

^ ndima 10 Uku kugadziriswa kwemanzwisisiro edu. Kare takamboti kuuya kwevanhu kuzonamata Jehovha kwaisakonzerwa nekuzununguswa kwemarudzi ese. Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaMay 15, 2006.

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hagai akakurudzira vanhu vaMwari kuti vashingaire pabasa rekuvakazve temberi. Vanhu vaMwari mazuva ano vari kushingaira pakuzivisa mashoko eUmambo. Murume nemudzimai vari kuparidza mashoko ane chekuita nekuzunungusa kwekupedzisira.