Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 38

Wedzera Kuda Kwaunoita Jehovha uye Hama Nehanzvadzi Dzako

Wedzera Kuda Kwaunoita Jehovha uye Hama Nehanzvadzi Dzako

“Ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu.”—JOH. 20:17.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

ZVICHADZIDZWA *

1. Tinogona kudana Jehovha tichitii?

MHURI yevanamati vaJehovha inosanganisira Jesu, uyo ari “dangwe rezvisikwa zvese” uye ngirozi dzakawanda. (VaK. 1:15; Pis. 103:20) Jesu paaiva panyika, akaratidza kuti vanhu vakatendeka vanogona kuona Jehovha saBaba vavo. Paaitaura nevadzidzi vake, akataura nezvaJehovha achiti, “Baba vangu naBaba venyu.” (Joh. 20:17) Patinozvitsaurira kuna Jehovha tobhabhatidzwa, tinova mumhuri yehama nehanzvadzi dzine rudo.—Mako 10:29, 30.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Vamwe vanhu zvinovaomera kuti vaone Jehovha saBaba vane rudo. Vamwe vangatadza kuziva kuti voratidza sei rudo kuhama nehanzvadzi dzavo. Munyaya ino tichaona kuti Jesu anotibatsira sei kuti tione Jehovha saBaba vane rudo uye kuti tinzwe tiri pedyo navo. Tichaonawo kuti tingatevedzera sei Jehovha pamabatiro atinoita hama nehanzvadzi dzedu.

JEHOVHA ANODA KUTI USWEDERE PEDYO NAYE

3. Munyengetero wemuenzaniso unotiswededza sei pedyo naJehovha?

3 Jehovha ndiBaba vane rudo. Jesu anoda kuti tione Jehovha semaonero aanomuita. Anoda kuti tione Jehovha semubereki akanaka uye ane rudo ari nyore kutaura naye, kwete semunhu anongotiudza zvekuita. Izvi tinozviona pane izvo Jesu akati vadzidzi vake vanyengeterere. Akatanga munyengetero wemuenzaniso nemashoko ekuti: “Baba vedu.” (Mat. 6:9) Jesu aigona kunge akatiudza kuti tidane Jehovha kuti “Wemasimbaose,” “Musiki,” kana kuti “Mambo asingagumi.” Ese iwayo mazita ekuremekedza akakodzera anowanika muBhaibheri. (Gen. 49:25; Isa. 40:28; 1 Tim. 1:17) Asi Jesu akashandisa shoko rekuti “Baba,” iro rinoita kuti tide kuva pedyo naJehovha.

4. Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kuti tiswedere pedyo naye?

4 Zvinokuomera here kuona Jehovha saBaba vane rudo? Vamwe vedu zvinotiomera. Zvingasava nyore kuti tifungidzire kuti kuna baba vanotida kana baba vedu vaisatiratidza rudo. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha anonyatsonzwisisa manzwiro edu! Anoda kuva pedyo nesu. Ndosaka Shoko rake richitikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jak. 4:8) Jehovha anotida uye anoti achava Baba vedu vakanaka kupfuura vamwe vese.

5. Maererano naRuka 10:22, Jesu angatibatsira sei kuti tiwedzere kuswedera pedyo naJehovha?

5 Jesu anogona kutibatsira kuti tiwedzere kuswedera pedyo naJehovha. Anonyatsoziva Jehovha uye anotevedzera unhu hwake zvakakwana zvekuti akati: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.” (Joh. 14:9) Sezvinoita mukoma, Jesu anotidzidzisa zvatingaita kuti tiremekedze uye titeerere Baba vedu, zvatingaita kuti tirege kuvagumbura, uye zvatingaita kuti vatifarire. Asi mararamiro aiita Jesu paaiva panyika anonyatsoratidza kuti Jehovha ane mutsa uye ane rudo. (Verenga Ruka 10:22.) Ngationei mimwe mienzaniso inoratidza izvozvo.

Sezvo ari Baba vane rudo, Jehovha akasimbisa Mwanakomana wake achishandisa ngirozi (Ona ndima 6) *

6. Taura mienzaniso inoratidza kuti Jehovha aiteerera Jesu.

6Jehovha anoteerera vana vake. Ona kuti akateerera sei Mwanakomana wake wedangwe. Jehovha akanzwa minyengetero yakawanda yeMwanakomana wake paaiva panyika. (Ruka 5:16) Akanzwa Jesu achinyengetera paaiita zvisarudzo zvinokosha, sepaya paakasarudza vaapostora 12. (Ruka 6:12, 13) Jesu paaishungurudzika zvakanyanya, Jehovha akanzwawo munyengetero wake. Paakanga ava pedyo nekutengeswa, akanyengetera nemwoyo wese kuna Baba vake, achitaura nezvemuedzo wakaoma waakanga atarisana nawo. Jehovha akanzwa munyengetero waJesu uyewo akatuma ngirozi kuti isimbise Mwanakomana wake waanoda.—Ruka 22:41-44.

7. Kuziva kuti Jehovha anoteerera minyengetero yedu kunoita kuti tinzwe sei?

7 Mazuva ano Jehovha anoteererawo minyengetero yevashumiri vake uye anoipindura panguva yakakodzera, achizviita nenzira yakanaka kupfuura dzese. (Pis. 116:1, 2) Imwe hanzvadzi yekuIndia yakaona kuti Jehovha akapindura sei munyengetero wayo. Hanzvadzi iyi yaizvidya mwoyo zvakanyanya uye yakanyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese ichitaura nezvenyaya yayo. Yakanyora kuti: “Broadcasting yaMay 2019 iyo yaitaura kuti tingaita sei kana tichizvidya mwoyo, ndiyo chaiyo yandaida panguva iyoyo. Yaiva mhinduro yeminyengetero yangu.”

8. Jehovha akaratidza sei kuti aida Jesu?

8 Jehovha anotida uye ane hanya nesu sezvaaiita kuna Jesu muupenyu hwake hwese paaiva panyika. (Joh. 5:20) Akabatsira Jesu kuti arambe aine kutenda kwakasimba, akamukurudzira paainetseka uye akava nechokwadi chekuti Jesu aiwana zvaaida pakurarama. Jehovha akaudza Mwanakomana wake kuti anomuda uye anomufarira. (Mat. 3:16, 17) Jesu aiziva kuti Baba vake vekudenga vane rudo, vaizoramba vainaye vachimubatsira, saka haana kumbonzwa seaiva ega.—Joh. 8:16.

9. Tinoziva sei kuti Jehovha anotida?

9 Sezvakaitika kuna Jesu, tine zvinhu zvakawanda zvatakaona zvinoratidza kuti Jehovha anotida. Jehovha akaita kuti tikwanise kuva shamwari dzake uye akatipa hama nehanzvadzi dzakawanda dzine rudo, idzo dzinoita kuti tifare uye dzinotikurudzira patinenge takaora mwoyo. (Joh. 6:44) Jehovha anotipawo zvekudya zvekunamata zvinoita kuti tirambe tiine kutenda kwakasimba. Uyewo anototibatsira kuti tiwane zvinhu zvatinoda pakurarama. (Mat. 6:31, 32) Patinofunga nezvekudiwa kwatinoitwa naJehovha, tinowedzera kumuda.

BATA HAMA NEHANZVADZI DZAKO SEZVINOITA JEHOVHA

10. Tinodzidzei pamabatiro anoita Jehovha hama nehanzvadzi dzedu?

10 Jehovha anoda hama nehanzvadzi dzedu. Asi hapasi pese pazvingatiitira nyore kuti tide hama nehanzvadzi dzedu uye kuti tidziratidze kuti tinodzida. Izvi zvinogona kukonzerwa nekusiyana kwetsika dzedu kana kuti nemakuriro atakaita. Uye tese tinoita zvinhu zvinosvota vamwe kana kuti zvinovagumbura. Asi tinogona kuita zvese zvatinogona kuti tiwedzere kuda hama nehanzvadzi dzedu. Tingazviita sei? Nekutevedzera Baba vedu pakuratidza kuti tinoda hama nehanzvadzi dzedu. (VaEf. 5:1, 2; 1 Joh. 4:19) Ngationei kuti tinodzidzei pana Jehovha.

11. Jesu akatevedzera sei “tsitsi huru” dzaJehovha?

11Jehovha anoratidza “tsitsi huru.” (Ruka 1:78) Munhu ane tsitsi anorwadziwa paanoona kuti vamwe vari kutambura uye anotsvaga nzira dzekuvabatsira nadzo uye dzekuvanyaradza. Nemabatiro aaiita vanhu, Jesu akaratidza kuti Jehovha ane hanya navo. (Joh. 5:19) Pane imwe nguva, Jesu paakaona vanhu vazhinji, “akasiririswa navo, nekuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira semakwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Jesu haana kungogumira pakuvanzwira tsitsi. Akaporesa vairwara uye akazorodza vaya ‘vaishanda zvakaoma uye vainge vakaremerwa.’—Mat. 11:28-30; 14:14.

Tevedzera Jehovha nekunzwira tsitsi hama nehanzvadzi dzako uye nekudzipawo zvimwe zvinhu (Ona ndima 12-14) *

12. Taura muenzaniso wezvimwe zvatingaita kuti tiratidze kuti tinonzwira vamwe tsitsi.

12 Kana tikafunga nezvematambudziko ari kusangana nehama nehanzvadzi dzedu, tichakwanisa kuita zvinhu zvinoratidza kuti tinodzinzwira tsitsi. Semuenzaniso, hanzvadzi inogona kunge iine dambudziko rakakura reutano. Haichemi-chemi nezvedambudziko rayo, asi ingafara chaizvo kana mumwe munhu akaibatsira. Iri kuriritira sei mhuri? Ingada here kubatsirwa pakubika kana kuti pakuchenesa mumba? Hama inogona kunge yakapererwa nebasa. Tikaipa mari tisingaiti hedu kuti izive kwayabva, zvingaibatsira here kusvikira yava nezvimwe zvekuita zvinoipa mari?

13-14. Tingatevedzera sei Jehovha pakuva nerupo?

13Jehovha ane rupo. (Mat. 5:45) Hatifaniri kumirira kuti hama dzedu dzitange dzatikumbira rubatsiro kuti tizodzibatsira. Tichitevedzera Jehovha, tinogona kutanga isu kuita chimwe chinhu. Anotibudisira zuva mazuva ese tisingambomukumbiri. Uye kudziya kunoita zuva kunobatsira munhu wese, kwete vaya vanoonga chete. Haubvumirani nazvo here kuti Jehovha anoratidza kuti anotida, nekutipa zvinhu zvatinoda pakurarama? Tinoda Jehovha chaizvo nekuti ane mutsa uye ane rupo!

14 Hama nehanzvadzi dzedu dzinotevedzera Jehovha pakuva nerupo. Semuenzaniso, muna 2013, Super Typhoon Haiyan yakaparadza zvinhu zvakawanda kuPhilippines. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakarasikirwa nemisha uye nezvinhu zvadzo. Asi hama nehanzvadzi dzavo dzinobva kumativi mana enyika dzakakurumidza kuvabatsira. Vakawanda vakapa mari kana kuti vakabatsira pakugadzirisa kana kuti pakuvakazve dzimba dzinenge 750 munguva isingasviki gore. Pakapararira chirwere cheCOVID-19, vanhu vaJehovha vakashanda nesimba pakubatsira vavanonamata navo. Patinokurumidza kubatsira hama nehanzvadzi dzedu, tinoratidza kuti tinodzida.

15-16. Maererano naRuka 6:36, ndeipi nzira inokosha yatingatevedzera nayo Baba vedu vekudenga?

15Jehovha ane tsitsi uye anoregerera. (Verenga Ruka 6:36.) Zuva rega rega, Baba vedu vekudenga vanotinzwira tsitsi. (Pis. 103:10-14) Vateveri vaJesu vaiva vanhu vanotadza, asi aivanzwira tsitsi uye aivaregerera. Ainge akatogadzirira kupa upenyu hwake kuitira kuti tiregererwe zvivi zvedu. (1 Joh. 2:1, 2) Kunzwirwa tsitsi uye kuregererwa kwatinoitwa naJehovha naJesu kunoita kuti tide kuva pedyo navo.

16 ‘Patinoregererana nemwoyo wese,’ tinowedzera kudanana nehama nehanzvadzi dzedu. (VaEf. 4:32) Dzimwe nguva kuregerera vamwe kunombooma chaizvo, saka tinofanira kushanda nesimba kuti tivaregerere. Imwe hanzvadzi yakaona sekuti nyaya yemuNharireyomurindi yaiva nemusoro unoti “Kanganwiranai Nomwoyo Wose” yakaibatsira kuti iite izvozvo. * Yakanyora kuti: “Nyaya iyi yakandibatsira kunzwisisa kuti kuregerera vamwe kunondibatsira sei. Yakatsanangura kuti, ukaregerera vamwe hazvirevi kuti unenge uchiti zvavakaita hazvina kuipa kana kuti unenge uchirerutsa kurwadza kwazvo. Asi paunovaregerera hauzorambi wakavagumbukira uye unova nerugare.” Patinoregerera hama nehanzvadzi dzedu nemwoyo wese, tinoratidza kuti tinodzida uye kuti tinotevedzera Baba vedu Jehovha.

RATIDZA KUTI UNOONGA KUTI URI MUMHURI YAJEHOVHA

Vakuru nevadiki vanoratidza kuti vanoda hama nehanzvadzi dzavo (Ona ndima 17) *

17. Maererano naMateu 5:16, tingakudza sei Baba vedu vekudenga?

17 Tinotenda chaizvo kuti tiri mumhuri ine rudo yehama nehanzvadzi dzinobva munyika dzakasiyana-siyana. Tinoda kuti vanhu vakawanda chaizvo vabatane nesu pakunamata Mwari wedu. Tichifunga izvi, hatimbodi kuita chero chii zvacho chingaita kuti vanhu vafunge zvisina kunaka nezvaJehovha kana kuti nezvevanhu vake. Tinoedza kuzvibata nenzira inoita kuti vanhu vafarire mashoko akanaka.—Verenga Mateu 5:16.

18. Chii chingatibatsira kuti tiparidze neushingi?

18 Dzimwe nguva vamwe vanogona kutitarisira pasi kana kutotitambudza nekuti tinoteerera Baba vedu vekudenga. Tingaitei kana tichitya kutaura nevamwe pamusoro pezvatinotenda? Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha neMwanakomana wake vachatibatsira. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaisafanira kunetseka nezvematauriro avaizoita kana kuti zvavaizotaura. Nei vaisafanira kunetseka? Jesu akati: “Zvamuchataura muchazvipiwa panguva yacho iyoyo; nekuti hamusi imi mega munenge muchitaura, asi mweya waBaba venyu ndiwo uchange uchitaura uchikushandisai.”—Mat. 10:19, 20.

19. Taura muenzaniso wemunhu akaparidza neushingi.

19 Funga zvakaitika kuna Robert. Paakanga achiri mudzidzi mutsva weBhaibheri aine ruzivo rushoma rweBhaibheri, aifanira kutsanangurira mutongi werimwe dare kuSouth Africa kuti nei akanga asiri kupinda muchiuto. Akatsanangurira dare racho neushingi kuti aida kuramba asina divi raanotsigira nekuti anoda hama dzake dzechiKristu. Aikoshesa nzvimbo yake mumhuri yevanamati vaJehovha. Mutongi wacho akabva amubvunza kuti: “Hama dzako ndivanaani?” Robert aisatarisira mubvunzo iwoyo, asi akabva angoyeuka rugwaro rwezuva rwemusi iwoyo. Rwaiva Mateu 12:50 iyo inoti: “Munhu wese anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga, ndiye munin’ina wangu uye hanzvadzi uye amai.” Kunyange zvazvo Robert aiva mudzidzi mutsva weBhaibheri, mweya mutsvene waJehovha wakamubatsira kupindura mubvunzo iwoyo nemimwewo yaaisatarisira. Jehovha anofanira kunge akadada naRobert! Uye Jehovha anodadawo nesu patinovimba naye kuti tipe uchapupu neushingi mumamiriro ezvinhu akaoma.

20. Tinofanira kuramba tichiitei? (Johani 17:11, 15)

20 Ngatirambei tichikoshesa ropafadzo yatiinayo yekuva mumhuri ine rudo yevanamati vaJehovha. Tina Baba vakanaka kupfuura vamwe vese, uye tine hama nehanzvadzi dzakawanda dzinotida. Tinofanira kugara tichikoshesa zvinhu izvi zvatiinazvo. Satani nevateveri vake vanoedza kukanganisa kubatana kwatakaita uye vanoedza kuita kuti tisava nechokwadi chekuti Baba vedu vekudenga vanotida. Asi Jesu akatinyengeterera achikumbira Baba vedu kuti vatichengetedze kuitira kuti tirambe tiri mhuri yakabatana. (Verenga Johani 17:11, 15.) Jehovha ari kupindura munyengetero iwoyo. Tichitevedzera Jesu, ngatirambei tiine chokwadi chekuti Baba vedu vekudenga vanotida uye vanotitsigira. Ngatirambei tichiswedera pedyo naJehovha nehama nehanzvadzi dzedu.

RWIYO 99 Zviuru Zvehama

^ ndima 5 Tine ropafadzo yakakura yekuva mumhuri yehama nehanzvadzi dzine rudo. Tese tinoda kuti rudo ruri pakati pedu ruwedzere kusimba. Tingazviita sei? Nekutevedzera mabatirwo atinoitwa naBaba vedu vane rudo uye nekutevedzera zvaiitwa naJesu uye zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jehovha anotuma ngirozi kuti isimbise Jesu muGetsemane.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pakapararira chirwere cheCOVID-19, vanhu vakawanda vakashanda nesimba pakuendesera vamwe chikafu.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Amai vari kubatsira mwanasikana wavo uyo ari kutumira tsamba yekukurudzira hama iri mujeri.