Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 40

Kupfidza Kwechokwadi Kuita Sei?

Kupfidza Kwechokwadi Kuita Sei?

‘Ndakauya kuzoshevedza vatadzi kuti vapfidze zvivi zvavo.’—RUKA 5:32.

RWIYO 36 Tinorinda Mwoyo Yedu

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Musiyano upi waiva pakati paMambo Ahabhi naMambo Manase uye tichapindura mibvunzo ipi?

NGATIKURUKUREI nezvemadzimambo maviri akararama kare. Mumwe akatonga umambo hwemadzinza gumi eIsraeri, uye mumwe wacho akatonga umambo hwemadzinza maviri eJudha. Kunyange zvazvo vakararama panguva dzakasiyana, vane zvinhu zvakawanda zvavakaita zvakafanana. Vese vakapandukira Jehovha uye vakaita kuti vanhu vake vamutadzire. Vese vainamata zvidhori uye vaiva mhondi. Asi paiva nemusiyano pakati pevarume vaviri ava. Mumwe wacho akaramba achiita zvakaipa kusvikira afa, asi mumwe wacho akapfidza uye akaregererwa zvivi zvakakura zvaakaita. Ndivanaani madzimambo aya?

2 Wekutanga ndiAhabhi, mambo weIsraeri, uye mumwe wacho ndiManase, mambo weJudha. Kusiyana kwainge kwakaita varume vaviri ava kunogona kutidzidzisa zvakawanda nezvenyaya inokosha chaizvo yekupfidza zvivi. (Mab. 17:30; VaR. 3:23) Kupfidza kuita sei, uye kunoratidzwa sei? Tinofanira kuwana mhinduro dzemibvunzo iyi nekuti tinoda kuti Jehovha atiregerere kana taita chivi. Kuti tiwane mhinduro dzacho, ngationgororei upenyu hwemadzimambo maviri aya, toona kuti tinodzidzei pane zvaakaita. Tichabva tazoona zvakadzidziswa naJesu nezvenyaya yekupfidza.

ZVATINODZIDZA PANE ZVAKAITWA NAMAMBO AHABHI

3. Ahabhi aiva mambo akaita sei?

3 Ahabhi aiva mambo wechi7 muumambo hwemadzinza gumi eIsraeri. Akaroora Jezebheri mwanasikana wamambo weSidhoni, nyika yainge yakapfuma yaiva kuchamhembe. Kuroora kwaakaita Jezebheri kunogona kunge kwakaunza upfumi munyika yeIsraeri. Asiwo kwakaita kuti nyika yeIsraeri iwedzere kutadzira Jehovha. Jezebheri ainamata Bhaari, uye akaita kuti Ahabhi akurudzire chitendero ichocho chenhema chainge chakaipa chaizvo, icho chaisanganisira chipfambi chaiitwa panzvimbo dzekunamatira uye kupa vana sezvibayiro. Vaprofita vese vaJehovha vakanga vari pangozi Jezebheri paaiva mambokadzi. Akaurayisa vakawanda vavo. (1 Madz. 18:13) Ahabhi wacho pachake “akanga akaipa chaizvo pamberi paJehovha kupfuura vese vakamutangira.” (1 Madz. 16:30) Jehovha aiona zvese zvaiitwa naAhabhi naJezebheri. Ainyatsoziva zvese zvavaiita. Netsitsi dzake, Jehovha akatuma muprofita Eriya kuti ayambire vanhu vake kuti vachinje nzira dzavo nguva isati yapera. Asi Ahabhi naJezebheri vakaramba kuteerera.

4. Jehovha akati aizoranga sei Ahabhi, uye Ahabhi akaitei nazvo?

4 Mwoyo murefu waJehovha wakazosvika pawaigumira. Jehovha akatuma muprofita Eriya kuti audze Ahabhi naJezebheri marangiro aaizovaita. Mhuri yavo yese yaizourayiwa. Zvakataurwa naEriya zvakaita kuti Ahabhi azvidembe. Zvinoshamisa kuti murume iyeye aizvikudza ‘akazvininipisa.’—1 Madz. 21:19-29.

Achiratidza kuti akanga asina kupfidza zvechokwadi, Mambo Ahabhi anokanda muprofita waMwari mujeri (Ona ndima 5-6) *

5-6. Chii chinoratidza kuti Ahabhi akanga asina kupfidza zvechokwadi?

5 Kunyange zvazvo Ahabhi akazvininipisa panguva iyoyo, zvaakazoita zvakaratidza kuti akanga asina kupfidza zvechokwadi. Haana kana kumboedza kubvisa kunamatwa kwaBhaari kwaiitwa munyika yaaitonga. Uye haana kukurudzira vamwe kuti vanamate Jehovha. Ane zvimwewo zvaakaita zvakaratidza kuti akanga asina kupfidza.

6 Ahabhi paakazokumbira Mambo Jehoshafati weJudha kuti vaende vese kunorwisa vaSiriya, Jehoshafati akati vatange vabvunza muprofita waJehovha. Pakutanga Ahabhi akazviramba achiti: “Kuchiine murume mumwe chete watinogona kubvunza Jehovha nekwaari; asi ini ndinomuvenga, nekuti haatomboprofiti zvinhu zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete.” Kunyange zvakadaro, vakabvunza muprofita wacho Mikaya. Zvainge zvataurwa naAhabhi ndizvo zvakazoitika. Muprofita wacho akabva ataura zvinhu zvakaipa zvaizoitika kuna Ahabhi. Pane kuti apfidze okumbira kuregererwa naJehovha, mambo iyeye akaipa Ahabhi akaita kuti muprofita wacho akandwe mujeri. (1 Madz. 22:7-9, 23, 27) Kunyange zvazvo Ahabhi akaisa Mikaya mujeri, haana kukwanisa kuita kuti uprofita hwacho husazadzika. Ahabhi akabva aurayiwa muhondo yacho.—1 Madz. 22:34-38.

7. Ahabhi paakanga afa, Jehovha akati aiva munhu akaita sei?

7 Pashure pekunge Ahabhi afa, Jehovha akaratidza kuti aimuona sei. Mambo akanaka Jehoshafati paakadzoka kumba, Jehovha akatuma muprofita Jehu kuti amutsiure nemhaka yekubatana kwaakaita naAhabhi. Muprofita waJehovha akati: “Munofanira kubatsira vakaipa uye kuda vanovenga Jehovha here?” (2 Mak. 19:1, 2) Funga izvi: Dai Ahabhi akapfidza zvechokwadi, muprofita Jehu aisazotaura nezvake semunhu akaipa anovenga Jehovha. Zviri pachena kuti kunyange zvazvo Ahabhi akamboratidza kuzvidemba, haana kupfidza zvechokwadi.

8. Tinodzidzei panyaya yekupfidza kubva pane zvakaitwa naAhabhi?

8 Tinodzidzei pane zvakaitwa naAhabhi? Eriya paakaudza Ahabhi nezvedambudziko raizowira mhuri yake, pakutanga Ahabhi akazvininipisa. Akaita zvakanaka ipapo. Asi zvaakazoita zvakaratidza kuti akanga asina kupfidza zvechokwadi. Saka kupfidza hakufaniri kungogumira pakuratidza kuzvidemba. Ngationei mumwe muenzaniso uchatibatsira kunzwisisa kuti kupfidza zvechokwadi kunosanganisirei.

ZVATINODZIDZA PANA MAMBO MANASE

9. Manase aiva mambo akaita sei?

9 Pashure pemakore anenge 200, Manase akava mambo weJudha. Kunenge kuti zvivi zvake zvainge zvakatoipa kupfuura zvaAhabhi. Tinoverenga kuti: “Akaita zvakaipa zvizhinji chaizvo pamberi paJehovha, achimugumbura.” (2 Mak. 33:1-9) Akavakira vanamwari venhema atari, uye akatoisa mufananidzo wakavezwa webango rinoyera mutemberi yaJehovha. Bango iroro rinoyera rinogona kunge raiva chifananidzo chamwarikadzi wechihedheni. Manase aiita zvemashiripiti, zvekushopera nezveuroyi. Akadeurawo “ropa risina mhosva rakawanda chaizvo.” “Akaitawo kuti vanakomana vake vapfuure nemumoto,” achivapa sezvibayiro kuna vanamwari venhema.—2 Madz. 21:6, 7, 10, 11, 16.

10. Jehovha akaranga sei Manase, uye mambo iyeye akaita sei?

10 Sezvakangoitwa naAhabhi, Manase akaramba kuteerera yambiro yaJehovha yaakapiwa pachishandiswa vaprofita. Saka “Jehovha akaunza vakuru veuto ramambo weAsiriya kuti [varwise vaJudha], uye vakabata Manase nezvekukochekeresa, vakamusunga nezvisungo zviviri zvemumakumbo zvemhangura, vakaenda naye kuBhabhironi.” Ari musungwa ikoko kuBhabhironi, zvinoita sekuti Manase akanyatsofungisisa zvaakanga aita. “Akaramba achizvininipisa zvikuru pamberi paMwari wemadzitateguru ake.” Akatoita zvinopfuura ipapo. “Akateterera Jehovha Mwari wake kuti amunzwire nyasha.” Manase ‘akatoramba achinyengetera kwaari.’ Murume iyeye akaipa akanga ava kuchinja. Akatanga kuona Jehovha ‘saMwari wake,’ uye airamba achinyengetera kwaari.—2 Mak. 33:10-13.

Achiratidza kuti akanga apfidza zvechokwadi, Mambo Manase akarwisa kunamata kwenhema (Ona ndima 11) *

11. Maererano na2 Makoronike 33:15, 16, Manase akaratidza sei kuti akanga apfidza zvechokwadi?

11 Jehovha akazopindura minyengetero yaManase. Minyengetero iyoyo yairatidza kuti akanga achinja. Paakakumbira kuregererwa, Jehovha akamunzwa uye akamudzorera pachigaro. Manase akaita zvese zvaaigona kuti aratidze kuti akanga apfidza zvechokwadi. Zvaakaita hazvina kumbobvira zvaitwa naAhabhi. Akachinja maitiro ake. Akarwisa kunamata kwenhema uye akakurudzira vanhu kuti vanamate Jehovha. (Verenga 2 Makoronike 33:15, 16.) Izvi zvaida ushingi nekutenda, nekuti kwemakore akawanda Manase asati apfidza, aiva muenzaniso wakaipa kumhuri yake, kumakurukota ake, uye kuvanhu vake. Asi Manase paakanga akwegura akaedza kugadzirisa zvimwe zvinhu zvakaipa zvaakanga akonzera. Anogona kunge akava muenzaniso wakanaka kumuzukuru wake Josiya, uyo akazova mambo akanaka chaizvo.—2 Madz. 22:1, 2.

12. Tinodzidzei nezvekupfidza pana Manase?

12 Tinodzidzei pana Manase? Akazvininipisa uye ane zvimwe zvakawanda zvaakaita. Akanyengetera achikumbira kunzwirwa tsitsi. Uye akachinja maitiro ake. Akashanda nesimba kuti agadzirise zvinhu zvakaipa zvaakanga akonzera, uye akaita zvese zvaaigona kuti anamate Jehovha uye akabatsira vamwe kuti vaitewo izvozvo. Zvakaitwa naManase zvinopa tariro kune vaya vanenge vaita zvinhu zvakaipa chaizvo. Muenzaniso waManase unoratidza kuti Jehovha Mwari ‘akanaka uye akagadzirira kukanganwira.’ (Pis. 86:5) Jehovha anoregerera vaya vanenge vapfidza zvechokwadi.

13. Taura muenzaniso unotibatsira kunzwisisa chimwe chinhu chinokosha pakupfidza.

13 Manase haana kungogumira pakuzvidemba nezvivi zvaakanga aita. Izvi zvinotidzidzisa chimwe chinhu chinokosha panyaya yekupfidza. Funga nezvemuenzaniso unotevera. Unoenda kuchitoro uchida chingwa. Asi pane kuti akupe chingwa, mutengesi wacho anokupa kapu yefurawa. Unofara nazvo here? Haungambofari! Zvingabatsira here kana mutengesi wacho akatsanangura kuti furawa inokosha pakubika chingwa? Hazvina zvazvinobatsira. Saizvozvowo, Jehovha anoda kuti mutadzi apfidze. Kana mutadzi akademba chivi chake, izvozvo zvakanaka. Manzwiro akadaro anokosha pakupfidza, asi handizvo zvega zvinodiwa. Zvii zvimwe zvinofanira kuitwa nemutadzi? Tinodzidza zvakawanda pane mumwe mufananidzo wakataurwa naJesu.

MAZIVIRO ATINGAITA KANA MUNHU APFIDZA ZVECHOKWADI

Paakapengenuka, mwanakomana akarasika akaita rwendo rurefu achidzoka kumba (Ona ndima 14-15) *

14. Mumufananidzo waJesu, mwanakomana akarasika akatanga kuratidza sei kuti akanga ava kupfidza?

14 Jesu akataura nyaya inokurudzira yemwanakomana akarasika, iri pana Ruka 15:11-32. Mumwe mwana akapandukira baba vake akabva pamba ndokuenda “kunyika iri kure.” Ari ikoko akatanga kurarama upenyu hwakaipa. Asi upenyu pahwakamuomera, akanyatsofungisisa. Akaona kuti airarama upenyu hwakanaka paaiva mumba mababa vake. Sekutaura kwakaita Jesu, mwanakomana wacho “akazopengenuka.” Akasarudza kudzokera kumba kuti anokumbira baba vake ruregerero. Nguva iyo mwanakomana wacho akaziva kuti akanga aita zvisarudzo zvakawanda zvakaipa yaikosha chaizvo. Asi kuziva izvozvo kwainge kwakakwana here? Aiwa. Aifanira kuchinja maitiro ake.

15. Mwanakomana akarasika wemumufananidzo waJesu akaratidza sei kuti akanga apfidza zvechokwadi?

15 Mwanakomana akarasika akaratidza kuti akanga apfidza zvechokwadi pane zvaakaita. Akaita rwendo rurefu rwekudzokera kumba. Paakasvika kuna baba vake, akati: “Ndakatadzira denga uye imi. Handisisina kukodzera kunzi mwanakomana wenyu.” (Ruka 15:21) Kureurura kwakaita mwana wacho zvichibva pamwoyo kwakaratidza kuti aida kugadzirisa ushamwari hwake naJehovha. Akazivawo kuti zvaakanga aita zvakarwadzisa baba vake. Uye ainge akagadzirira kushanda nesimba kuti afarirwezve nababa vake, achitoda kubatwa semumwe wevashandi vababa vake. (Ruka 15:19) Mufananidzo uyu hausingori nyaya inokurudzira chete. Zvidzidzo zvirimo zvinobatsira chaizvo vakuru. Zvinogona kuvabatsira pavanenge vachiedza kuziva kuti munhu akaita chivi chakaipa apfidza zvechokwadi here.

16. Nei zvingaomera vakuru kuti vazive kana mumwe munhu achinge apfidza zvechokwadi?

16 Hazvisi nyore kuti vakuru vazive kana mumwe munhu akaita chivi chakakura apfidza zvechokwadi. Nei zvisiri nyore? Vakuru havakwanisi kuziva zviri mumwoyo, saka vanofanira kuedza kutsvaga uchapupu hunoratidza kuti hama yavo yava kunyatsovenga zvayakaita. Pamwe pacho munhu anogona kunge akatadza zvakanyanya zvekuti vakuru vanotonga nyaya yacho vangasagutsikana kuti apfidza zvechokwadi.

17. (a) Muenzaniso upi unoratidza kuti kuzvidemba kungasava kwakakwana pakuratidza kupfidza kwechokwadi? (b) Maererano na2 VaKorinde 7:11, chii chinoratidza kuti munhu apfidza zvechokwadi?

17 Funga nezvemuenzaniso uyu. Hama inoita makore akawanda ichiita upombwe. Pane kuti itsvage kubatsirwa, inovanzira mudzimai wayo, shamwari dzayo, uye vakuru zvainenge ichiita. Pakupedzisira zvainoita zvinozofumurwa. Vakuru pavanotaura naye vaine uchapupu, anobvuma zvaakaita uye anotoita seari kuzvidemba. Asi izvozvo zvakakwana here? Aiwa. Vakuru vanenge vachitonga nyaya yacho vangada kuona zvimwe zvinopfuura kuzvidemba. Murume uyu haana kungoita chivi kamwe chete zvichikonzerwa nechisarudzo chisina kunaka chaakaita. Asi akanga ava nemakore achiita chivi chakakura. Mutadzi uyu haana kuuya ega kuzoreurura, asi akaita zvekufumurwa. Saka vakuru vanoda kuona kuti mutadzi anyatsochinja mafungiro ake, manzwiro ake uye maitiro ake. (Verenga 2 VaKorinde 7:11.) Zvingatorera mutadzi wacho nguva yakareba kuti aratidze kuti anyatsopfidza. Angatofanira kubviswa muungano yechiKristu kwenguva yakati kuti.—1 VaK. 5:11-13; 6:9, 10.

18. Munhu akadzingwa angaratidza sei kuti anyatsopfidza, uye kana akadaro zvinoguma nei?

18 Kuti aratidze kuti anyatsopfidza, munhu akadzingwa anofanira kugara achiuya kumisangano uye achiteerera zano raakapiwa nevakuru rekuti agare achinyengetera uye achidzidza. Anoshandawo nesimba kuti asaita zvinhu zvinomuisa pamuedzo wekuita chivi zvakare. Kana akashanda nesimba kuti agadzirise ushamwari hwake naJehovha, anogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achamuregerera nemwoyo wese uye kuti vakuru vachamudzorera muungano. Vakuru pavanenge vachiedza kuona kuti munhu anyatsopfidza here, vanoziva kuti nyaya imwe neimwe yakasiyana neimwe. Saka vanonyatsoiongorora uye havazotongi zvisina tsitsi.

19. Kupfidza kwechokwadi kunosanganisirei? (Ezekieri 33:14-16)

19 Sezvatadzidza, kupfidza kwechokwadi hakungogumiri pakutaura kuti tine urombo kuti takaita chivi chakakura. Munhu anofanira kuchinja mafungiro ake nemanzwiro ake, oita zvinhu zvinoratidza kuti apfidza. Munhu anofanira kurega kuita zvinhu zvakaipa otangazve kuteerera zvinotaurwa naJehovha. (Verenga Ezekieri 33:14-16.) Chinhu chinofanira kunyanya kukosheswa nemutadzi kuvazve neukama hwakanaka naJehovha.

KUBATSIRA VATADZI KUTI VAPFIDZE

20-21. Tingabatsira sei munhu anenge aita chivi chakakura?

20 Jesu akataura chimwe chinhu chinokosha paushumiri hwake paakati: ‘Ndakauya kuzoshevedza vatadzi kuti vapfidze zvivi zvavo.’ (Ruka 5:32) Tinofanirawo kuva nechido chekuita izvozvo. Ngatitii taziva kuti shamwari yedu yepedyo yaita chivi chakakura. Tinofanira kuitei?

21 Kana tikaedza kufukidza chivi chake tinenge tichitomukuvadza. Kuita izvozvo hakubudiriri nekuti Jehovha anenge achiona. (Zvir. 5:21, 22; 28:13) Unogona kubatsira shamwari yako nekuiudza kuti vakuru vanoda kuibatsira. Kana shamwari yako ikaramba kuudza vakuru, unofanira kuvaudza nezvenyaya yacho. Izvi zvicharatidza kuti unonyatsoda kuibatsira. Ushamwari hwayo naJehovha hunenge huri pangozi.

22. Tichakurukurei munyaya inotevera?

22 Asi ko kana mutadzi akaita chivi chakakura zvekuti vakuru vanoita chisarudzo chekuti adzingwe? Zvinoreva here kuti vanenge vasina kumunzwira tsitsi? Munyaya inotevera tichaongorora kuti Jehovha anoratidza sei ngoni paanenge achiranga mutadzi uye kuti tingamutevedzera sei.

RWIYO 103 Vafudzi—Zvipo Zviri Varume

^ ndima 5 Patinopfidza zvechokwadi hatingogumiri pakutaura kuti tine urombo nechivi chatakaita. Nyaya ino ichatibatsira kunzwisisa kuti kupfidza zvechokwadi kuita sei. Ichataura zvakaitwa naMambo Ahabhi, Mambo Manase, uye mwanakomana akarasika wemumufananidzo waJesu. Ichakurukurawo zvinofanira kufungwa nevakuru pavanenge vachida kuona kuti hama kana hanzvadzi yakaita chivi chakakura yapfidza zvechokwadi here.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mambo Ahabhi akatsamwa uye ari kuudza varindi vake kuti vaise Mikaya muprofita waJehovha mujeri.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mambo Manase ari kuudza vashandi kuti vaparadze mifananidzo yaakanga aisa mutemberi.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mwanakomana akarasika, uyo aneta nekufamba rwendo rurefu, anotura befu paanoona pamba pavo ari kure.