Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 43

Usarega Kuita Zvakanaka!

Usarega Kuita Zvakanaka!

“Ngatisarega kuita zvakanaka.”—VAG. 6:9.

RWIYO 68 Kudyara Mbeu yeUmambo

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei tichifara uye tichidada nekuva Zvapupu zvaJehovha?

TINOFARA chaizvo uye tinodada kuti tiri Zvapupu zvaJehovha! Tiri vanhu vaJehovha uye tinoratidza kuti tiri Zvapupu zvake nekuparidzira vamwe uye kuvadzidzisa nezvake. Tinofara chaizvo patinobatsira mumwe munhu ane “chido chekuwana upenyu husingaperi” kuti ave mutendi. (Mab. 13:48) Tinonzwa sezvakaita Jesu, uyo ‘akafara chaizvo’ vadzidzi vake pavakamuudza nezvekubudirira kwavainge vaita pakuparidza.—Ruka 10:1, 17, 21.

2. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa basa redu rekuparidza?

2 Tinokoshesa chaizvo ushumiri hwedu. Muapostora Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Ramba uchizvichenjerera iwe pachako, nekudzidzisa kwako.” Akawedzera kuti: “Kana ukadaro uchazviponesa iwe pachako, nevaya vanokuteerera.” (1 Tim. 4:16) Saka kuparidza kwedu kunoponesa. Tinoramba tichizvichenjerera nekuti tinozviisa pasi peUmambo hwaMwari. Tinoda kugara tichiita zvinhu zvinoita kuti Jehovha akudzwe uye zvinoenderana nemashoko akanaka atinoparidza. (VaF. 1:27) Tinoratidza kuti ‘tinochenjerera kudzidzisa kwedu’ nekunyatsogadzirira ushumiri uye nekukumbira Jehovha kuti atibatsire tisati tatanga kuparidzira vamwe.

3. Chii chinogona kuitika patinoparidza mashoko eUmambo? Taura muenzaniso.

3 Kunyange tikaita zvese zvatinogona pakuparidza, vanhu vakawanda vemundima yedu vangasafarira mashoko akanaka eUmambo. Funga nezvaHama Georg Lindal, avo vakaparidza vari vega munzvimbo dzakasiyana-siyana dzekuIceland kubva muna 1929 kusvika muna 1947. Vakaparadzira makumi ezviuru zvemabhuku, asi hapana kana munhu mumwe chete akagamuchira chokwadi. Vakanyora kuti: “Vamwe vanhu vanoita sevanopikisa chokwadi, asi vakawanda vacho havangochifariri.” Kunyange pakauya mamishinari akadzidza kuGiriyedhi zvikaita kuti basa racho riwedzere, pakapfuura mamwe makore 9 pasati pava nemunhu wekuIceland akazvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa. *

4. Tinganzwa sei kana vanhu vakasafarira mashoko akanaka?

4 Tinoora mwoyo kana vanhu vakasafarira kudzidza Bhaibheri. Tinogona kuva nemanzwiro akafanana neaPauro, uyo ‘akashungurudzika kwazvo uye akava nemarwadzo asingaperi’ nekuti vaJudha vakawanda vakaramba kubvuma kuti Jesu ndiye aiva Mesiya. (VaR. 9:1-3) Ko kana zvikaitika kuti unoshanda nesimba kudzidzisa mudzidzi wako uchitomunyengeterera, asi otadza kufambira mberi zvekuti unenge wava kutofanira kurega kudzidza naye? Ko kana usina kumbobvira wadzidza nemumwe munhu zvekuti anosvika pakubhabhatidzwa? Izvi zvinoreva here kuti pane zvauri kukanganisa, uye kuti Jehovha haasi kukomborera ushumiri hwako? Munyaya ino tichapindura mibvunzo miviri inoti: (1) Chii chinoratidza kuti ushumiri hwedu huri kubudirira? (2) Tinofanira kutarisirei patinoparidzira vanhu?

CHII CHINORATIDZA KUTI USHUMIRI HWEDU HURI KUBUDIRIRA?

5. Nei dzimwe nguva basa ratinoitira Jehovha risingafambi sezvatinenge tichitarisira?

5 Bhaibheri rinotaura nezvemunhu anoita kuda kwaMwari richiti: “Zvese zvaanoita zvichabudirira.” (Pis. 1:3) Asi izvozvo hazvirevi kuti zvinhu zvese zvatinoitira Jehovha zvichafamba sezvatinoda. Upenyu hwevanhu “hwakamomoterwa nenhamo” zvichikonzerwa nechivi chatiinacho uye chine vamwe. (Job. 14:1) Uyewo vaya vanotipikisa vanogona kumbomisa basa redu rekuparidza pachena. (1 VaK. 16:9; 1 VaT. 2:18) Saka Jehovha anoyera sei kubudirira kwedu? Ona zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kutibatsira kupindura mubvunzo uyu.

Jehovha anokoshesa zvatinoita, tingave tichiparidza tichionana nevanhu, netsamba, kana kuti nefoni (Ona ndima 6)

6. Jehovha anoyera sei kubudirira kwatinoita pabasa ratinomuitira?

6 Jehovha anocherechedza kushanda nesimba uye kutsungirira kwatinoita. Basa ratinomuitira rinobudirira patinoshingaira kuparidza nekuti tinomuda kunyange kana vanhu vakasateerera. Pauro akanyora kuti: “Mwari haasi munhu asina kururama; saka haangakanganwi basa renyu nerudo rwamuinarwo nezita rake, rwamakaratidza nekushumira vatsvene uye kuramba muchivashumira kwamuri kuita.” (VaH. 6:10) Jehovha anoyeuka basa redu nerudo rwedu, kunyange tikasava nemunhu watinodzidza naye Bhaibheri zvekusvika pakubhabhatidzwa. Saka zvakaudzwa vaKorinde naPauro zvinoshandawo kwauri zvekuti: ‘Basa rako harisi pasina munaShe,’ kunyange rikasafamba sezvawanga uchitarisira.—1 VaK. 15:58.

7. Tinodzidzei pane zvakataurwa nemuapostora Pauro nezveushumiri hwake?

7 Muapostora Pauro aiva mumishinari aishanda nesimba, achitanga ungano mumaguta akawanda. Asi vamwe vanhu pavaimutsoropodza vachitaura kuti akanga asiri mudzidzisi akanaka, haana kutaura nezvekuti akabatsira vanhu vakawanda sei kuti vave vaKristu. Pane kudaro, Pauro akanyora kuti: “Ndakaita basa rakawanda kuvapfuura.” (2 VaK. 11:23) Sezvakaitwa naPauro, tinofanira kuyeuka kuti kushanda nesimba uye kutsungirira ndizvo zvinonyanya kukosheswa naJehovha.

8. Tinofanira kuyeukei nezveushumiri hwedu?

8 Ushumiri hwedu hunofadza Jehovha. Jesu akatuma vadzidzi 70 kunoparidza mashoko eUmambo, uye pavakapedza kuparidza, ‘vakadzoka vachifara.’ Mufaro wavo waibva pai? Vakati: “Kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu patinoshandisa zita renyu.” Asi Jesu akaruramisa mafungiro avo paakavaudza kuti: “Musafara pamusoro pekuti mweya inozviisa pasi penyu, asi farai nekuti mazita enyu anyorwa kudenga.” (Ruka 10:17-20) Jesu aiziva kuti vaisazogara vachiwana zvinhu zvinoshamisa zvakadaro muushumiri. Hatizivi kuti pavanhu vakateerera vadzidzi, vangani vakazova vaKristu. Vadzidzi vaifanira kunzwisisa kuti mufaro wavo waisangobva chete pakuti vanhu vateerera, asi pakuti Jehovha aifadzwa nekushanda nesimba kwavaiita.

9. Maererano naVaGaratiya 6:7-9, kana tikatsungirira muushumiri hwedu tichawanei?

9 Kana tikatsungirira muushumiri hwedu, tichawana upenyu husingaperi. Patinoshanda nesimba pakudyara nekusakura mbeu yechokwadi cheUmambo, tinenge tiri ‘kutodyara tichiitira mweya’ nekubvumira mweya mutsvene waMwari kunyatsoshanda muupenyu hwedu. Kana ‘tikasarega’ kuita zvakanaka kana kuti ‘tikasaneta,’ Jehovha anotivimbisa kuti tichawana upenyu husingaperi, kunyange tisina kukwanisa kubatsira mumwe munhu kuti abhabhatidzwe.—Verenga VaGaratiya 6:7-9.

TINOFANIRA KUTARISIREI PATINOPARIDZIRA VANHU?

10. Nei vamwe vanhu vachiteerera mashoko atinoparidza asi vamwe vasingaateereri?

10 Zvinoitwa nevateereri vedu zvinoenderana nezvakaita mwoyo yavo. Jesu akatsanangura chokwadi ichi mumufananidzo waakataura wemudyari anodyara mbeu paivhu rakasiyana-siyana. Asi mbeu yakadyarwa paivhu rakanaka ndiyo chete yakabereka. (Ruka 8:5-8) Jesu akati ivhu rakasiyana-siyana rinomirira vanhu vane mwoyo inogamuchira “shoko raMwari” nenzira dzakasiyana-siyana. (Ruka 8:11-15) Kungofanana nemudyari, hatina zvatinogona kuita kuti chokwadi chimere mumwoyo wemunhu. Zvinoenderana nezvakaita mwoyo wacho. Basa redu nderekuramba tichidyara mbeu yakanaka yemashoko eUmambo. Muapostora Pauro akati, “mumwe nemumwe achawana mubayiro unoenderana nebasa rake” kwete unoenderana nezvinobuda pabasa rake.—1 VaK. 3:8.

Kunyange zvazvo Noa akaparidza akatendeka kwemakore akawanda, mudzimai wake, vanakomana vake nemadzimai avo ndivo chete vakapinda naye muareka. Kunyange zvakadaro, Noa akateerera Jehovha uye akaita basa raakapiwa naMwari. (Ona ndima 11)

11. Nei Jehovha akafadzwa nekuparidza kwakaita Noa kunyange zvazvo vanhu vasina kumuteerera? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

11 Kubvira kare, vashumiri vaJehovha vakawanda vaiparidzira vanhu vaisada kuteerera. Semuenzaniso, Noa aiva “muparidzi wekururama,” kwemakore anenge 40 kana kuti 50. (2 Pet. 2:5) Zviri pachena kuti Noa aitarisira kuti vamwe vanhu vaizogamuchira mashoko aaiparidza, asi Jehovha haana kutaura kuti zvinhu zvakadaro zvaizoitika. Paakaudza Noa kuti avake areka, Mwari akati: “Unofanira kupinda muareka nevanakomana vako, nemudzimai wako, nemadzimai evanakomana vako vauinavo.” (Gen. 6:18) Uye Jehovha paakaudza Noa makuriro ainge akaita areka yaaifanira kugadzira, Noa anofanira kunge akaziva kuti kana pakava nevanhu vaizomuteerera, vanhu ivavo vaizova vashoma nekuti areka iyi yaisazopinda vanhu vakawanda. (Gen. 6:15) Sezvatinoziva, hapana kana munhu mumwe chete pavanhu ivavo akateerera Noa. (Gen. 7:7) Jehovha akafunga here kuti Noa haana kunyatsoparidza? Haana kumbofunga zvakadaro! Jehovha akafadzwa naNoa chaizvo, nekuti Noa akaita basa raakanzi aite.—Gen. 6:22.

12. Muprofita Jeremiya akawana sei mufaro muushumiri hwake pasinei nekuti vanhu havana kumuteerera uye vaimupikisa?

12 Muprofita Jeremiya akaparidzawo kwemakore anopfuura 40, kunyange zvazvo vanhu vaisateerera uye vaimupikisa. Akaodzwa mwoyo “nekutukwa uye kunyombwa” kwaaiitwa nevanhu vaimupikisa zvekuti akafunga kurega basa rake. (Jer. 20:8, 9) Asi Jeremiya haana kukanda mapfumo pasi! Chii chakamubatsira kuti arambe achiita ushumiri hwake uye awane mufaro? Akaisa pfungwa dzake pazvinhu zviviri zvinokosha. Chekutanga, shoko raMwari raaiudza vanhu raizoita kuti vave ‘neramangwana rakanaka netariro.’ (Jer. 29:11) Chechipiri, Jehovha akasarudza Jeremiya kuti ataure achimumiririra. (Jer. 15:16) Isuwo tinoudza vanhu mashoko etariro, uye tinoshevedzwa nezita raJehovha seZvapupu zvake. Kana tikaisa pfungwa dzedu pazvinhu zviviri izvi zvinokosha, tinogona kufara pasinei nezvinoitwa nevanhu.

13. Tinodzidzei pamufananidzo wakataurwa naJesu uri pana Mako 4:26-29?

13 Kukura pakunamata kunoitika zvishoma nezvishoma. Jesu akadzidzisa chokwadi ichi pamufananidzo wake wemudyari anorara. (Verenga Mako 4:26-29.) Mbeu yakadyarwa nemudyari yakakura zvishoma nezvishoma uye haana zvaaigona kuita kuti ikurumidze kukura. Iwewo ungatofanira kumirira kwenguva yakareba kuti uzoona mudzidzi wako achishandisa zvaari kudzidza. Sezvo murimi asingagoni kumanikidza zvirimwa zvake kuti zvikure sezvaangada, isuwo hatigoni kumanikidza vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vafambire mberi pakunamata sezvatingada. Saka usaora mwoyo kana kukanda mapfumo pasi vakasakurumidza kufambira mberi sezvawaitarisira. Kufanana nekurima, kuita kuti vanhu vave vadzidzi kunoda mwoyo murefu.—Jak. 5:7, 8.

14. Taura muenzaniso unoratidza kuti zvinogona kutora nguva refu kuti vanhu vazotanga kutiteerera.

14 Mune dzimwe nzvimbo, zvinogona kutora nguva refu kuti pazova nemumwe munhu anobhabhatidzwa. Funga nezvaGladys naRuby Allen, mukoma nemun’ina avo vakanzi vanoshumira semapiyona enguva dzese mune rimwe taundi mupurovhinzi yeQuebec kuCanada muna 1959. * Vanhu vaitya zvaizoitwa kana kutaurwa nevavakidzani vavo uye vapristi kana vakataura neZvapupu, saka vaisateerera. Gladys anoyeuka kuti: “Takaita makore maviri tichienda paimba neimba kwemaawa 8 pazuva asi hapana kana munhu mumwe chete aitaura nesu! Vanhu vaiuya padhoo uye pavaingoona kuti ndisu, vaibva vadzokera mukati. Asi hatina kurega.” Nekufamba kwenguva, vanhu vakazotanga kufarira, uye vamwe vakatanga kuteerera. Iye zvino mutaundi iroro mava neungano nhatu.—Isa. 60:22.

15. Tinodzidzei nezvebasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi pana 1 VaKorinde 3:6, 7?

15 Kubatsira munhu kuti ave mudzidzi kunoda vanhu vakawanda. Munhu wese ari muungano anogona kubatsira kuti mumwe munhu azosvika pakubhabhatidzwa. (Verenga 1 VaKorinde 3:6, 7.) Semuenzaniso, hama inogona kupa munhu anofarira turakiti kana kuti magazini. Asi haikwanisi kudzokera kunoona munhu wacho panguva yaanowanika, saka inokumbira mumwe muparidzi kuti aende kunomuona. Muparidzi wacho anobva atanga kudzidza naye Bhaibheri. Anobva atanga kuenda nehama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana kuchidzidzo chacho, uye mumwe nemumwe anokurudzira mudzidzi uyu nenzira dzakasiyana. Hama kana hanzvadzi imwe neimwe inoonana nemudzidzi uyu ichamubatsira kuti adzidze zvakawanda nezvaJehovha. Sezvakataurwa naJesu, izvi pazvinoitika, mudyari nemukohwi vanofara pamwe chete munhu wacho paanobhabhatidzwa.—Joh. 4:35-38.

16. Nei uchikwanisa kuwana mufaro muushumiri hwako kunyange usingakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yeutano kana kushayiwa simba?

16 Ko kana usingachakwanisi kuita zvakawanda pakuparidza uye pakudzidzisa mashoko akanaka nemhaka yekurwara kana kushayiwa simba? Unogona kuramba uchifara nezvauri kuita pabasa iri rekukohwa. Funga zvakaitwa naMambo Dhavhidhi, iye nevarume vaaiva navo pavakanunura mhuri dzavo nezvinhu zvavo zvakanga zvapambwa nevaAmareki. Pavarume vaaiva navo, 200 vacho vakanga vaneta zvekuti vaisakwanisa kunorwa, saka vakasara vakachengetedza zvinhu. Dhavhidhi nevamwe pavakakunda muhondo yacho, akarayira kuti zvinhu zvakanga zvapambwa zvigovaniswe vanhu vese zvakaenzana. (1 Sam. 30:21-25) Nyaya iyi ine zvainotidzidzisa pabasa redu rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Munhu wese anoshanda nesimba pabasa iri anowana mufaro mukuru pese panonunurwa mumwe munhu otanga kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu.

17. Chikonzero chipi chinoita kuti titende Jehovha?

17 Tinotenda Jehovha nemaonero akanaka aanoita basa ratinomuitira. Anoziva kuti hatikwanisi kumanikidza vanhu kuti vatiteerere kana kuti vatange kumunamata. Kunyange zvakadaro, anoona kushanda nesimba kwatinoita nekumuda kwatinoita uye anotipa mubayiro. Anotidzidzisawo kuti tingawana sei mufaro pane zvatinoita mubasa rekuparidza. (Joh. 14:12) Tinogona kuva nechokwadi chekuti Mwari anofadzwa nezvatinoita kana tikasakanda mapfumo pasi!

RWIYO 67 “Paridza Shoko”

^ ndima 5 Tinofara kana vanhu vachida kudzidza Bhaibheri, uye tinoora mwoyo kana vasingadi. Ko kana munhu wauri kudzidza naye Bhaibheri akasafambira mberi? Ko kana usati wambodzidza nemunhu zvekuti anosvika pakubhabhatidzwa? Ungabva watoti wakundikana here pakuita kuti vanhu vave vadzidzi? Munyaya ino tichaona kuti nei tichigona kubudirira muushumiri hwedu towana mufaro pasinei nekuti vanhu vanoteerera here kana kuti kwete.

^ ndima 3 Ona 2005 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 205-211.

^ ndima 14 Ona nyaya yeupenyu yaGladys Allen inoti, “Hapana Chandaizochinja!” iri muNharireyomurindi yaSeptember 1, 2002.