Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 48

“Munofanira Kuva Vatsvene”

“Munofanira Kuva Vatsvene”

“Ivai vatsvene pane zvese zvamunoita.”—1 PET. 1:15.

RWIYO 34 Kufamba Ndakavimbika

ZVICHADZIDZWA *

1. Izano ripi rakapiwa vaKristu nemuapostora Petro, uye nei zvichiita sekuti hatikwanisi kuriteerera?

 TINGAVA tiine tariro yekurarama kudenga kana panyika, tinogona kubatsirwa kana tikaongorora zano rakapiwa nemuapostora Petro kuvaKristu vakazodzwa vakararama panguva yevaKristu vekutanga. Petro akati: “Ivai vatsvene pane zvese zvamunoita saiye Mutsvene akakudanai, nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.’” (1 Pet. 1:15, 16) Mashoko aya anotidzidzisa kuti tinogona kutevedzera Jehovha, uyo anopfuura vamwe vese pakuva mutsvene. Tinogona kuva vatsvene uye ndizvo zvatinotofanira kuita. Izvozvo zvingaita sezvisingaiti nekuti tiri vanhu vane chivi. Petro aimbokanganisa kakawanda, asi muenzaniso wake unoratidza kuti tinogona “kuva vatsvene.”

2. Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?

2 Munyaya ino tichapindura mibvunzo inotevera: Zvinorevei kuva vatsvene? Bhaibheri rinotidzidzisei nezveutsvene hwaJehovha? Tingava sei vatsvene pane zvatinoita? Kuva vatsvene kwakabatana papi neushamwari hwedu naJehovha?

ZVINOREVEI KUVA VATSVENE?

3. Vanhu vakawanda vanofunga kuti munhu mutsvene munhu akaita sei, asi ndekupi kwatingawana mashoko echokwadi?

3 Vanhu pavanofunga nezvemunhu anonzi mutsvene, vakawanda vanoona munhu asinganyemwereri anopfeka zvipfeko zvechitendero uye anogara akasunga kumeso. Asi izvozvo handizvo zvakaita vanhu vatsvene. Jehovha, uyo ari mutsvene, anonzi ‘ndiMwari anofara.’ (1 Tim. 1:11) Vaya vanomunamata vanonzi “vanofara.” (Pis. 144:15) Jesu aishora vaya vaipfeka zvipfeko zvaivasiyanisa nevamwe uye vaiita zvakarurama pamberi pevanhu vachiitira kuonekwa. (Mat. 6:1; Mako 12:38) SevaKristu vechokwadi, tinoziva zvazvinoreva kuva vatsvene kubva pane zvatakadzidza muBhaibheri. Tinoziva kuti Mwari wedu anotida uye haangambotiudzi kuti tiite chimwe chinhu chatisingakwanisi kuita. Saka Jehovha paanotiudza kuti: “Munofanira kuva vatsvene,” tine chokwadi chekuti tinozvikwanisa. Asi tisati tava vatsvene pazvese zvatinoita, tinofanira kunzwisisa kuti zvinorevei kuva vatsvene.

4. Shoko rekuti “utsvene” rinorevei?

4 Zvinorevei kuva vatsvene? Bhaibheri parinotaura nezveutsvene rinenge richireva kuchena patsika uye pakunamata. Shoko racho rinewo pfungwa yekuisa chinhu padivi kuti chishandiswe pakushumira Mwari. Tinonziwo tiri vatsvene kana tiine tsika dzakachena, kana tichinamata Jehovha nenzira yaanoda, uye kana tiine ushamwari hwepedyo naye. Zvinotishamisa chaizvo kuziva kuti kunyange zvazvo tiine chivi uye Jehovha ari mutsvene, anoda kuti tive shamwari dzake dzepedyo.

“MUTSVENE, MUTSVENE, MUTSVENE, IYE JEHOVHA”

5. Ngirozi dzakatendeka dzinotidzidzisei nezvaJehovha?

5 Jehovha akachena pazvese. Tinodzidza izvi kubva pane zvakataurwa nezvake nemaserafi, ngirozi dziri pedyo nechigaro chake cheumambo. Mamwe acho akataura kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wemauto.” (Isa. 6:3) Chinoita kuti ngirozi idzi dzive neushamwari hwepedyo naMwari wadzo mutsvene ndechekuti idzo itsvene. Kunyange nzvimbo yepanyika yainge iine ngirozi yaJehovha yaigona kunzi itsvene. Izvi ndizvo zvakaitika Mozisi paakanga ari panzvimbo yaiva negwenzi reminzwa raibvira.—Eks. 3:2-5; Josh. 5:15.

Pangowani yemupristi mukuru paiva nekarata kegoridhe kaiva nemashoko ekuti “Utsvene ndehwaJehovha” (Ona ndima 6-7)

6-7. (a) Maererano naEksodho 15:1, 11, Mozisi akaita sei kuti vaIsraeri vanyatsoziva utsvene hwaMwari? (b) VaIsraeri vese vaiyeuchidzwa sei nezveutsvene hwaMwari? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

6 Pashure pekunge Mozisi atungamirira vaIsraeri nemuGungwa Dzvuku, akaita kuti vanyatsoziva kuti Mwari wavo, Jehovha, mutsvene. (Verenga Eksodho 15:1, 11.) Maitiro evanhu vainamata vanamwari veIjipiti akanga asina kana kumbochena. Ndizvo zvainge zvakaitawo maitiro evanhu vainamata vanamwari vemuKenani. Kunamata kwavo kwaisanganisira kupa vana sezvibayiro uye kuita zvebonde nenzira inosembura. (Revh. 18:3, 4, 21-24; Dheut. 18:9, 10) Kusiyana naizvozvo, Jehovha haamboudzi vanamati vake kuti vaite zvinhu zvinovadzikisira. Ndiye muenzaniso mukuru weutsvene. Izvi zvairatidzwa nemashoko ainge akanyorwa pakarata kegoridhe kaiva pangowani yemupristi mukuru. Karata kacho kainge kakanyorwa kuti: “Utsvene ndehwaJehovha.”—Eks. 28:36-38.

7 Mashoko aiva pakarata kacho aiita kuti munhu wese aiaona azive kuti Jehovha mutsvene zvechokwadi. Zvakadii nemuIsraeri aisakwanisa kuona karata kacho nekuti aisakwanisa kusvika pedyo nemupristi mukuru? Aizorasikirwa nemashoko aya anokosha here? Aiwa! Mutemo pawaiverengerwa varume, vakadzi nevana, muIsraeri wese ainzwa mashoko iwayo. (Dheut. 31:9-12) Dai waivapowo waizonzwa mashoko ekuti: “Ndini Jehovha Mwari wenyu, uye munofanira . . . kuva vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.” “Munofanira kuva vatsvene kwandiri, nekuti ini, Jehovha, ndiri mutsvene.”—Revh. 11:44, 45; 20:7, 26.

8. Tinodzidzei pana Revhitiko 19:2 uye 1 Petro 1:14-16?

8 Ngatitarisei mamwe mashoko ari pana Revhitiko 19:2 aiverengerwa vanhu vese. Jehovha akaudza Mozisi kuti: “Taura neungano yese yevaIsraeri, uti kwavari, ‘Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini, Jehovha Mwari wenyu, ndiri mutsvene.’” Petro angangodaro aitora kubva pamashoko iwayo paakakurudzira vaKristu kuti ‘vave vatsvene.’ (Verenga 1 Petro 1:14-16.) Mazuva ano, hatisi pasi peMutemo waMozisi. Kunyange zvakadaro, zvakanyorwa naPetro zvinotsigira zvatinodzidza pana Revhitiko 19:2, kuti Jehovha mutsvene uye vaya vanomuda vanofanira kuedza kuva vatsvene. Ichi ichokwadi pasinei nekuti tine tariro yekugara kudenga kana kuti panyika inenge yava paradhiso.—1 Pet. 1:4; 2 Pet. 3:13.

“IVAI VATSVENE PANE ZVESE ZVAMUNOITA”

9. Tichabatsirwa sei nekuongorora Revhitiko chitsauko 19?

9 Sezvo tichida kufadza Mwari wedu mutsvene, tinoda kudzidza zvatingaita kuti tive vatsvene. Jehovha anotipa mazano ekuti tingazviita sei. Tinogona kuwana mazano iwayo muna Revhitiko chitsauko 19. Mumwe muongorori weBhaibheri anonzi Marcus Kalisch akanyora kuti: “Ichi chinogona kunge chiri icho chikamu chinonyanya kukosha mubhuku raRevhitiko, uye mumabhuku mashanu ekutanga eBhaibheri.” Ngationei mamwe mavhesi ari muchitsauko ichi ane zvidzidzo zvinokosha pamusoro pezvinhu zvatinoita muupenyu hwedu zuva rimwe nerimwe. Patinenge tichidaro, ngatiyeukei kuti zvidzidzo izvi zvakanyorwa pashure pemashoko ekuti: “Munofanira kuva vatsvene.”

Zvinotaurwa pana Revhitiko 19:3 nezvevabereki zvinofanira kuita kuti vaKristu vafunge nezvei? (Ona ndima 10-12) *

10-11. Maitiro api matsvene anotaurwa panotangira Revhitiko chitsauko 19, uye tinofanira kuona sei murayiro uyu?

10 Pashure pekuudza vaIsraeri kuti vanofanira kuva vatsvene, Jehovha akawedzera kuti: “Mumwe nemumwe wenyu anofanira kuremekedza amai vake nababa vake . . . Ndini Jehovha Mwari wenyu.”—Revh. 19:2, 3.

11 Zviri pachena kuti tinofanira kuteerera murayiro waMwari wekuti tikudze vabereki vedu. Yeuka zvakataurwa naJesu mumwe murume paakamubvunza kuti: “Ndezvipi zvakanaka zvandinofanira kuita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu paaipindura murume wacho akamuudzawo kuti akudze baba vake namai vake. (Mat. 19:16-19) Jesu akatoshora vaFarisi nevanyori nekuti vaiedza kusachengeta vabereki vavo. Saka ‘vakaita kuti shoko raMwari rishaye simba.’ (Mat. 15:3-6) “Shoko raMwari” rinosanganisira murayiro wechi5 paMirayiro Gumi uyewo zvatinoverenga pana Revhitiko 19:3. (Eks. 20:12) Yeukawo kuti murayiro uri pana Revhitiko 19:3 wekuti munhu aremekedze amai vake nababa vake, unouya pashure pemashoko ekuti: “Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini, Jehovha Mwari wenyu, ndiri mutsvene.”

12. Tingashandisa sei murayiro uri pana Revhitiko 19:3?

12 Tichifunga nezvemurayiro watakapiwa naJehovha wekukudza vabereki vedu, tingazvibvunza kuti, ‘Ndiri kuitawo sei panyaya iyi?’ Kana uchinzwa sekuti waifanira kunge wakaita zvakawanda kare, unogona kuzvigadzirisa iye zvino. Haugoni kuchinja zvakaitika kare, asi unogona kushanda nesimba kuti uve nenguva yakawanda nevabereki vako uye kuti uite zvakawanda pakuvabatsira. Unogona kuronga purogiramu yako kuti uve nenguva yakawanda navo. Kana kuti unogona kuwedzera zvauri kuita kuti uvabatsire pane zvavanoda pakurarama nepakunamata, uye uvakurudzire kana kuvanyaradza. Kana ukaita izvi unenge uchiteerera murayiro uri pana Revhitiko 19:3.

13. (a) Nderipi rimwe zano ratinowana pana Revhitiko 19:3? (b) Sezvakanyorwa pana Ruka 4:16-18 tingatevedzera sei Jesu?

13 Revhitiko 19:3 ine zvimwe zvainotidzidzisa panyaya yekuva vatsvene. Inotaura nezvekuchengeta Sabata. VaKristu havasi pasi peMutemo waMozisi, saka hatina chikonzero chekuchengeta Sabata. Asi tinodzidza zvakawanda pamachengetero aaiita vaIsraeri Sabata uye kubatsirwa kwavaiitwa naro. Zuva reSabata raiva nguva yekuzorora uye yekuita zvekunamata. * Ndosaka Jesu aipinda musinagogi pazuva iroro kuti averenge Shoko raMwari. (Eks. 31:12-15; verenga Ruka 4:16-18.) Murayiro waMwari uri pana Revhitiko 19:3 ‘wekuchengeta masabata’ ake unofanira kutikurudzira kuti tiwane nguva yekuita zvekunamata zuva nezuva. Unonzwa sekuti une zvaunofanira kuwedzera here pakuteerera murayiro uyu? Kana ukagara uchiva nenguva yekuita zvekunamata, uchava neushamwari hwepedyo naJehovha, uye izvozvo zvichakubatsira kuti uve mutsvene.

SIMBISA USHAMWARI HWAKO NAJEHOVHA

14. Revhitiko chitsauko 19 inoramba ichidzokorora chokwadi chipi chinokosha?

14 Revhitiko chitsauko 19 inoramba ichidzokorora chokwadi chinogona kutibatsira kuti tirambe tiri vatsvene. Vhesi 4 inopera nemashoko ekuti: “Ndini Jehovha Mwari wenyu.” Mashoko aya kana mamwe akada kufanana naiwayo anowanika ka16 muchitsauko ichi. Izvi zvinotiyeuchidza murayiro wekutanga wekuti: “Ndini Jehovha Mwari wako . . . Usava nevamwe vanamwari kunze kwangu.” (Eks. 20:2, 3) MuKristu wese anoda kuva mutsvene anofanira kuva nechokwadi chekuti hapana chinhu kana munhu angakanganisa ushamwari hwake naMwari. Uye sezvo tiri Zvapupu zvaJehovha hatitombodi kuita zvinhu zvingashoresa kana kuzvidzisa zita rake dzvene.—Revh. 19:12; Isa. 57:15.

15. Mavhesi ari muna Revhitiko chitsauko 19 anotaura nezvezvibayiro anofanira kutibatsira kuitei?

15 VaIsraeri vairatidza kuti vanobvuma kuti Jehovha ndiMwari wavo nekuteerera mitemo yake. Revhitiko 18:4 inoti: “Munofanira kuchengeta mitongo yangu, uye munofanira kuchengeta mirau yangu moitevedzera. Ndini Jehovha Mwari wenyu.” Chitsauko 19 chinewo mimwe ‘yemirau’ iyoyo yaifanira kuchengetwa nevaIsraeri. Semuenzaniso, mavhesi 5-8, 21, 22 anotaura nezvezvibayiro zvemhuka. Zvibayiro izvi zvaifanira kupiwa nenzira yaiita kuti ‘zvisasvibisa chinhu chitsvene chaJehovha.’ Kuverenga mavhesi iwayo kunofanira kuita kuti tide kufadza Jehovha uye timupe zvibayiro zvekurumbidza zvinogamuchirika, sezvinotaurwa pana VaHebheru 13:15.

16. Chii chingatiyeuchidza nezvemusiyano uri pakati pevaya vanoshumira Mwari nevaya vasingamushumiri?

16 Kuti tive vatsvene, tinofanira kuva nechido chekuratidza kuti takasiyana nevaya vasingashumiri Mwari. Izvozvo zvingasava nyore. Dzimwe nguva vekuchikoro, vatinoshanda navo, veukama vasiri Zvapupu, uye vamwewo vangada kuti tiite zvinhu zvinopesana nekushumira kwatinoita Mwari. Pavanoita izvozvo, tine chisarudzo chinokosha chatinofanira kuita. Chii chinogona kutibatsira kuti tiite chisarudzo chakanaka? Funga nezvemamwe mashoko ari pana Revhitiko 19:19, ayo anoti: “Usapfeka chipfeko chine shinda dzemarudzi maviri dzakasanganiswa.” Mutemo iwoyo waibatsira kusiyanisa vaIsraeri nemarudzi ainge akavapoteredza. Sezvo tisiri pasi peMutemo waMozisi, hapana chakaipa kuti muKristu apfeke hembe yejira rakagadzirwa nezvinhu zvakasanganiswa zvakadai sedonje newuru. Asi hatidi kufanana nevanhu vanotenda uye vanoita zvinopesana neBhaibheri, kunyange kana vari vanhu vekuchikoro, vatinoshanda navo, kana kuti veukama. Tinoda hama dzedu dzisiri Zvapupu, uye tinoda vavakidzani vedu. Asi zvisarudzo zvatinoita muupenyu zvinoratidza kuti tinoda kuteerera Jehovha, kunyange zvazvo izvozvo zvichizoita kuti tisiyane nevamwe vanhu. Izvi zvinokosha chaizvo nekuti kana tichida kuva vatsvene, tinofanira kuratidza kuti tiri vaMwari.—2 VaK. 6:14-16; 1 Pet. 4:3, 4.

Zvii zvaifanira kudzidzwa nevaIsraeri pana Revhitiko 19:23-25, uye unodzidzei pamavhesi iwayo? (Ona ndima 17-18) *

17-18. Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvatinowana muna Revhitiko 19:23-25?

17 Mashoko ekuti “ndini Jehovha Mwari wako” aifanira kubatsira vaIsraeri kuti vakoshese ushamwari hwavo naJehovha kupfuura zvimwe zvese. Izvozvo vaizozviita sei? Revhitiko 19:23-25 inoratidza kuti vaizozviita sei. (Verenga.) Funga kuti mashoko iwayo airevei kuvaIsraeri pavainge vapinda muNyika Yakapikirwa. Munhu paaidyara miti yemichero, aisafanira kudya michero yayo kwemakore matatu. Mugore rechina, michero yacho yaiendeswa kunzvimbo tsvene yaMwari. Muridzi wayo aizodya michero yacho mugore rechi5. Mutemo uyu waibatsira vaIsraeri kunzwisisa kuti vaisafanira kuisa zvavanoda pekutanga. Vaifanira kuvimba kuti Jehovha aizovachengeta uye vaifanira kukoshesa kunamatwa kwake kupfuura zvimwe zvinhu zvese. Aizova nechokwadi chekuti vawana zvekudya zvakakwana. Uye Mwari akavakurudzira kuti vape zvipo panzvimbo tsvene yaainamatirwa.

18 Mutemo uri pana Revhitiko 19:23-25 unotiyeuchidza nezvemashoko aJesu aakataura muMharidzo yepaGomo. Akati: ‘Regai kuzvidya mwoyo kuti muchadyei kana kuti muchanwei.’ Jesu akaenderera mberi achiti: “Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvese izvi.” Mwari achatipa zvatinoda pakurarama, sezvaanoita shiri. (Mat. 6:25, 26, 32) Tine chokwadi chekuti Jehovha achatichengeta. Uye tinopa “zvipo zvengoni” kuti tibatsire vaya vanoshaya tisingaiti hedu kuti vamwe vazvizive. Tinofarawo kupa chero zvatinogona kuti tibatsire pakubhadhara mari dzinoshandiswa neungano. Jehovha anocherechedza kupa kwakadaro uye achatiripa. (Mat. 6:2-4) Patinodaro tinoratidza kuti tinonzwisisa zvidzidzo zviri pana Revhitiko 19:23-25.

19. Wabatsirwa sei nekuongorora mamwe mavhesi ari muna Revhitiko?

19 Takurukura mavhesi mashoma ari muna Revhitiko chitsauko 19, uye anotibatsira kunzwisisa zvatingaita kuti tifanane naMwari wedu mutsvene. Patinomutevedzera, tinoratidza kuti tiri kuedza ‘kuva vatsvene’ pane zvese zvatinoita. (1 Pet. 1:15) Vakawanda vasingashumiri Jehovha vakaona zvakanaka zvinoitwa nevanhu vaMwari. Zvakatoita kuti vamwe vakudze Mwari. (1 Pet. 2:12) Asi pane zvimwe zvakawanda zvatinogona kudzidza muna Revhitiko chitsauko 19. Nyaya inotevera ichakurukura mamwe mavhesi ari muchitsauko ichocho uye ichatibatsira kunzwisisa pamwe patinofanira ‘kuva vatsvene’ muupenyu hwedu sezvakakurudzirwa naPetro.

RWIYO 80 “Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”

^ Tinoda Jehovha zvikuru, uye tinoda kumufadza. Jehovha mutsvene uye anoda kuti vanhu vanomunamata vave vatsvene. Vanhu vane chivi vangazvikwanisa here izvozvo? Hongu, vanozvikwanisa. Kunyatsoongorora zvakataurwa nemuapostora Petro kune vaainamata navo uye mirayiro yaJehovha kuvaIsraeri kuchatibatsira kudzidza kuti tingava sei vatsvene pane zvese zvatinoita.

^ Kuti unzwe zvakawanda nezveSabata uye zvatinodzidza pariri, ona nyaya iri muNharireyomurindi yaDecember 2019 inoti, “‘Pane Nguva’ Yekushanda Neyekuzorora.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mwanakomana akura anoshanyira vabereki vake aine nemudzimai wake nemwana uye anogara achitaura navo pafoni.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murimi wechiIsraeri ari kuongorora michero yemiti yaakadyara.