Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 49

Zvatinodzidza Muna Revhitiko Nezvemabatiro Atinofanira Kuita Vamwe

Zvatinodzidza Muna Revhitiko Nezvemabatiro Atinofanira Kuita Vamwe

“Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—REVH. 19:18.

RWIYO 109 Ida Zvakadzama Zvinobva Pamwoyo

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Takakurukurei munyaya yakapfuura, uye tichakurukurei munyaya ino?

 MUNYAYA yakapfuura takaona mazano akanaka ari muna Revhitiko chitsauko 19. Semuenzaniso, muvhesi 3 takaona kuti Jehovha akaudza vaIsraeri kuti varemekedze vabereki vavo. Takakurukura kuti tingashandisa sei zano iroro mazuva ano nekubatsira vabereki vedu kuti vawane zvekurarama nazvo, tivakurudzire kana kuvanyaradza uye tivabatsire kuti varambe vari pedyo naJehovha. Muvhesi iyoyo vanhu vaMwari vakayeuchidzwa nezvekukosha kwekuchengeta Sabata. Tinodzidza kuti kunyange zvazvo tisingachengeti mutemo weSabata, tinogona kushandisa zano riri mumutemo wacho nekuwana nguva yekuita zvinhu zvekunamata zuva rega rega. Tikaita izvozvo ticharatidza kuti tiri kuedza kuva vatsvene sezvinorayirwa naRevhitiko 19:2 uye 1 Petro 1:15.

2 Munyaya ino tichakurukura mamwe mavhesi ari muna Revhitiko chitsauko 19. Chitsauko ichi chinotidzidzisei nezvekuva nehanya nevanhu vane urema, kutendeseka panyaya dzebhizinesi, uye kuda vamwe vanhu? Tinoda kuva vatsvene nekuti Mwari mutsvene, saka ngationei zvatingadzidza.

RATIDZA KUTI UNE HANYA NEVAYA VANE UREMA

Revhitiko 19:14 inoti tinofanira kubata sei munhu ari matsi kana kuti asingaoni? (Ona ndima 3-5) *

3-4. Maererano naRevhitiko 19:14, matsi uye mapofu vaifanira kubatwa sei?

3 Verenga Revhitiko 19:14. Jehovha aida kuti vanhu vake vave nehanya nevaya vakanga vaine urema. Semuenzaniso, vaIsraeri vaisafanira kutuka matsi. Kutuka ikoko kwaisanganisira kutyisidzira mumwe munhu kana kutaura zvakaipa nezvake. Utsinye chaihwo kuitira munhu anenge ari matsi zvinhu zvakadaro! Haakwanisi kunzwa zvinenge zvichitaurwa nezvake, saka haakwanisi kudaira.

4 Uyewo muvhesi 14 tinodzidza kuti vashumiri vaMwari vaisafanira ‘kuisa chinhu chinopiringisha pamberi pemunhu asingaoni.’ Rimwe bhuku richitaura nezvevanhu vane urema rakati: “Kare kuMiddle East vanhu vane urema vaiwanzobatwa zvisina kunaka uye kuitirwa utsinye.” Zvichida mumwe munhu aiisa chinhu chinopiringisha pamberi pemunhu asingaoni achiitira kumukuvadza kana kumuseka. Uhwu hwaiva utsinye chaihwo! Murayiro uri muvhesi 14 waibatsira vanhu vaJehovha kuti vaone kuti vaifanira kunzwira tsitsi vaya vaiva neurema.

5. Tingaratidza sei kuti tine hanya nevaya vane urema?

5 Jesu ainzwira tsitsi vanhu vane urema. Yeuka mashoko aakatumira Johani Mubhabhatidzi ekuti: “Mapofu ava kuona, vanokamhina vava kufamba zvakanaka, vane maperembudzi vari kucheneswa, matsi dziri kunzwa, [uye] vakafa vari kumutswa.” ‘Vanhu vese pavakaona zvishamiso zvaJesu, vakarumbidza Mwari.’ (Ruka 7:20-22; 18:43) VaKristu vanoda kutevedzera Jesu pakunzwira tsitsi vaya vane urema. Saka tine hanya nevanhu vakadaro uye tinovaratidza mwoyo murefu. Jehovha haana kutipa simba rekuita zvishamiso. Asi tine ropafadzo yekuudza vamwe kusanganisira vaya vasingaoni mashoko akanaka ekuti kuchava neparadhiso umo vanhu vese vachava neutano hwakanaka uye vaine ushamwari hwepedyo naMwari. (Ruka 4:18) Mashoko aya akanaka ari kutoita kuti vanhu vakawanda varumbidze Mwari.

IVA MUNHU AKATENDESEKA PAUNOITA ZVEBHIZINESI

6. Revhitiko chitsauko 19 inotibatsira sei kuwedzera kunzwisisa Mirayiro Gumi?

6 Mamwe mavhesi ari muna Revhitiko chitsauko 19 anotibatsira kuwedzera kunzwisisa zvinotaurwa muMirayiro Gumi. Semuenzaniso, murayiro wechi8 unongoti: “Usaba.” (Eks. 20:15) Mumwe munhu aigona kufunga kuti kana aingwarira kuti asatora chinhu chisiri chake, ainge achiteerera murayiro iwoyo. Asi anogona kunge achitoba nedzimwe nzira.

7. Mutengesi aigona kutyora murayiro wechi8 waitaura nezvekuba kana achinge aita sei?

7 Mutengesi aigona kufunga kuti aisaba nekuti aisambotora zvinhu zvisiri zvake. Asi aiita zvinhu zvese nekutendeseka here pabhizinesi rake? Sezvakanyorwa pana Revhitiko 19:35, 36, Jehovha akati: “Musashandisa zviyero zvekubiridzira pakuyera urefu, uremu, kana kuti uwandu hwezvinhu. Munofanira kushandisa zvikero zvakarurama, matombo epachikero akarurama, efa yakarurama nehini yakarurama.” Mutengesi uyo aishandisa chikero chisina kururama kuti anyengere vatengi ainge achitovabira. Izvozvo zvinojekeswawo nemamwe mavhesi ari muna Revhitiko chitsauko 19.

Tichifunga nezvaRevhitiko 19:11-13, muKristu angazvibvunza kutii pamaitiro aanoita bhizinesi rake? (Ona ndima 8-10) *

8. Mashoko ari pana Revhitiko 19:11-13 akabatsira sei vaJudha kuti vashandise zvairehwa nemutemo wechi8 muupenyu hwavo, uye izvozvo zvingatibatsira sei?

8 Verenga Revhitiko 19:11-13. Revhitiko 19:11 inotanga ichiti: “Musaba.” Vhesi 13 inoti: “Usabiridzira mumwe wako.” Saka kana munhu asina kutendeseka paanoita bhizinesi anenge achitoba. Sezvo murayiro wechi8 waitaura kuti kuba kwakaipa, mashoko ari muna Revhitiko aizobatsira vaJudha kuti vangashandisa sei zvaitaurwa mumutemo iwoyo. Zvakanaka kuti tifunge nezvemaonero anoita Jehovha kusatendeseka uye kuba. Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Pandinofunga nezvaRevhitiko 19:11-13, ndine here zvandingada kuchinja muupenyu hwangu kunyanya pamaitiro andinoita bhizinesi rangu kana kuti basa rangu?’

9. Mutemo uri pana Revhitiko 19:13, waibatsira sei vashandi?

9 Panyaya yekutendeseka, pane zvimwe zvinhu zvinofanira kufungwa nemuKristu ane vanhu vanomushandira. Revhitiko 19:13 inopera ichiti: “Haufaniri kurara usina kubhadhara munhu wemaricho kusvikira mangwanani.” MuIsraeri, vanhu vakawanda vaishanda muminda yevamwe uye vanhu vemaricho vaifanira kubhadharwa paipera zuva. Kana mushandi asina kubhadharwa paipera zuva, aigona kushayiwa mari yekuti ariritire mhuri yake zuva iroro. Jehovha akati: “Iye anoshayiwa uye upenyu hwake hwakabatwa nemari yaanotambira.”—Dheut. 24:14, 15; Mat. 20:8.

10. Tinodzidzei pana Revhitiko 19:13?

10 Mazuva ano vashandi vakawanda vanobhadharwa kamwe kana kuti kaviri pamwedzi, kwete mazuva ese. Asi zvinotaurwa pana Revhitiko 19:13 zvichiri kushanda. Vamwe varidzi vemabasa vanodzvinyirira vashandi vavo vachivapa mari shoma chaizvo pane yavanofanira kuwana. Vanoziva kuti vashandi ava vanogona kunge vasina zvimwe zvavangaita kunze kwekungoramba vachishandira kamari kadiki ikako. Saka zvinogona kunzi varidzi vemabasa ava, ‘havasi kubhadhara munhu wemaricho.’ MuKristu ane vanhu vanomushandira angada kufungisisa nezvemashoko aya. Iye zvino ngationei zvimwe zvatinodzidza muna Revhitiko chitsauko 19.

KUDA MUVAKIDZANI WAKO SEZVAUNOZVIITA

11-12. Jesu akasimbisei paakataura mashoko ari pana Revhitiko 19:17, 18?

11 Mwari haadi kuti tingogumira pakurega kuitira vamwe zvakaipa. Izvi tinozviona pana Revhitiko 19:17, 18. (Verenga.) Jehovha akataura zvakajeka kuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” MuKristu anofanira kuita izvi kana achida kufadza Mwari.

12 Ona kuti Jesu akasimbisa sei kukosha kwemurayiro uyu uri pana Revhitiko 19:18. Mumwe muFarisi akambobvunza Jesu kuti: “Ndeupi murayiro mukuru paMitemo yese?” Jesu akapindura kuti “murayiro mukuru pane yese uye wekutanga” ndewekuda Jehovha nemwoyo wedu wese, nemweya wedu wese uye nepfungwa dzedu dzese. Jesu akabva ataura mashoko ari pana Revhitiko 19:18, achiti: “Wechipiri, wakafanana nawo, ndeuyu: ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’” (Mat. 22:35-40) Kune nzira dzakawanda dzekuratidza vamwe rudo. Dzimwe dzacho tinodzidzidza muna Revhitiko chitsauko 19.

13. Nyaya iri muBhaibheri yaJosefa, inoratidza sei kushanda kwezano riri pana Revhitiko 19:18?

13 Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinoda muvakidzani wedu, ndeyekushandisa zano riri pana Revhitiko 19:18. Panoti: ‘Usatsiva kana kuchengeta chigumbu.’ Vakawanda vedu tinoziva nezvenyaya dzekuti munhu anoita makore akagumbukira waanoshanda naye, wekuchikoro, kana kuti mumwe munhu wemumhuri. Yeuka kuti vakoma vaJosefa vaiva nechigumbu naye, zvikazoita kuti vapedzisire vamuitira zvakaipa. (Gen. 37:2-8, 25-28) Asi Josefa haana kuvaitirawo zvakaipa. Paakanga ava nechinzvimbo chepamusoro uye paaikwanisa kutsiva vakoma vake, akavanzwira tsitsi. Haana kuramba akavagumbukira. Asi akaita zvinoenderana nezano rakazonyorwa pana Revhitiko 19:18.—Gen. 50:19-21.

14. Chii chinoratidza kuti zvinotaurwa pana Revhitiko 19:18 zvichiri kushanda nanhasi?

14 VaKristu vanoda kufadza Mwari vanogona kutevedzera Josefa uyo akaregerera vakoma vake pane kuramba akavachengetera chigumbu. Izvi zvinoenderanawo nezviri mumunyengetero wemuenzaniso nekuti Jesu akatikurudzira kuti tiregerere vanenge vatitadzira. (Mat. 6:9, 12) Muapostora Pauro akapawo vaKristu zano rekuti: “Musatsiva, vadiwa.” (VaR. 12:19) Akavakurudzirawo kuti: “Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe.” (VaK. 3:13) Zvinodiwa naJehovha hazvichinji. Zvinotaurwa pana Revhitiko 19:18 zvichiri kushanda nanhasi.

Sezvo zvakanaka kuti tisaramba tichibata bata ronda, zvakanakawo kusaramba tichifunga nezvekutadzirwa kwatakaitwa. Tinofanira kuedza kuzvikanganwa (Ona ndima 15) *

15. Taura muenzaniso unoratidza zvakanakira kuregerera vamwe uye kusaramba tichiyeuka zvatakatadzirwa.

15 Funga nezvemuenzaniso unotevera. Tinogona kufananidza kurwadziswa kwatinoitwa nemumwe munhu nemaronda. Mamwe madiki asi mamwe akakura. Semuenzaniso, kana tichicheka muriwo tinogona kuzvicheka pachigunwe. Izvozvo zvinorwadza asi hazvimbotori nguva pasati papora. Pashure pezuva rimwe chete kana kuti maviri zvimwe tinenge tisisatombozivi kuti patakachekwa ndepapi. Saizvozvowo, zvimwe zvinhu zvatinoitirwa hazvinyanyi kurwadza. Shamwari yedu inogona kutaura kana kuita chimwe chinhu isina kufunga zvotirwadza, asi tinokwanisa kuiregerera nyore nyore. Asi kana tiine ronda rakakura chiremba anogona kutisona masitichi, obhandeja ronda racho. Kana tikaramba tichibata bata ronda racho, haripori uye rinogona kutowedzera. Munhu anogona kuitawo zvakadaro paanenge agumburwa zvakanyanya. Anogona kuramba achifunga kurwadziswa kwaakaitwa nemumwe munhu. Asi vaya vanochengeta chigumbu vanenge vachitowedzera kuzvirwadzisa. Saka zvakanaka chaizvo kuteerera zano riri pana Revhitiko 19:18!

16. Maererano naRevhitiko 19:33, 34, vatorwa vaifanira kubatwa sei muIsraeri, uye tinodzidzei pane izvozvo?

16 Jehovha paakarayira vaIsraeri kuti vade vavakidzani vavo, aisareva kuti vaifanira kungoda vamwe vaIsraeri chete. Vakaudzwawo kuti vaifanira kuda vatorwa vavaigara navo. Izvi ndizvo zvinotaurwa pana Revhitiko 19:33, 34. (Verenga.) Mutorwa aifanira kubatwa ‘sechizvarwa chemunyika yavo’ uye vaIsraeri vaifanira ‘kumuda sezvavaizviita.’ Semuenzaniso, Mutemo waiti vaIsraeri vaifanira kubvumira vatorwa uye varombo kuti vaunganidze zvaisaririra muminda yavo. (Revh. 19:9, 10) Nyaya yekuda vatorwa inoshandawo kuvaKristu mazuva ano. (Ruka 10:30-37) Kune mamiriyoni evanhu akatamira kune dzimwe nyika uye zvimwe pane vakatamirawo kwaunogara. Zvinokosha kuti tibate zvakanaka varume, vakadzi uye vana ava.

BASA RINOKOSHA RISINGATAURWI MUNA REVHITIKO CHITSAUKO 19

17-18. (a) Tinokurudzirwa kuitei pana Revhitiko 19:2 uye pana 1 Petro 1:15? (b) Muapostora Petro akatikurudzira kuita basa ripi rinokosha?

17 Pana Revhitiko 19:2 uye 1 Petro 1:15 vanhu vaMwari vanokurudzirwa kuti vave vatsvene. Mamwe mavhesi ari muna Revhitiko chitsauko 19, anogona kutibatsira kuti tione zvatinogona kuita kuti tifarirwe naJehovha. Takurukura mavhesi anotibatsira kuona zvinhu zvakanaka zvatinofanira kuita uye zvimwe zvinhu zvakaipa zvatisingafaniri kuita. * Magwaro echiKristu echiGiriki anoratidza kuti Jehovha anoda kuti tishandise mazano aya muupenyu hwedu. Asi muapostora Petro ane zvimwe zvaakawedzera.

18 Kunyange zvazvo tingaita mabasa akasiyana-siyana ekunamata nemamwe mabasa akawanda akanaka, Petro akanyanya kutaura nezverimwe chete rinokosha. Asati atikurudzira kuti tive vatsvene pane zvese zvatinoita, Petro akati: “Gadzirirai pfungwa dzenyu kuita basa rakaoma.” (1 Pet. 1:13, 15) Ibasa ripi iroro? Petro akati hama dzaKristu dzakazodzwa, ‘dzaizozivisa kwese kwese kunaka kukuru kwaiye akadzidana.’ (1 Pet. 2:9) Uye mazuva ano vaKristu vese vane ropafadzo yekuita basa rinokosha kupfuura mamwe ese iro rinobatsira vanhu kupfuura chero chii zvacho. Sevanhu vatsvene, tine ropafadzo yakazonaka chaizvo yekugara tichiita basa rekuparidza nekudzidzisa tichishingaira. (Mako 13:10) Patinoita zvese zvatinogona pakushandisa mazano ari muna Revhitiko chitsauko 19, tinoratidza kuti tinoda Mwari wedu uye muvakidzani wedu. Uye tinoratidza kuti tinoda ‘kuva vatsvene’ pane zvese zvatinoita.

RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare

^ VaKristu havasi pasi peMutemo waMozisi, asi Mutemo iwoyo unotaura zvinhu zvakawanda zvatinofanira kuita kana kuti zvatisingafaniri kuita. Kudzidza nezvazvo kunogona kutibatsira kuti tiratidze vamwe rudo uye tifadze Mwari. Nyaya ino inotaura kuti tingabatsirwa sei nezvimwe zvidzidzo zviri muna Revhitiko chitsauko 19.

^ Mamwe mavhesi asina kutaurwa nezvawo munyaya ino neyapfuura anotaura nezvekusarura vamwe, kutaura zvenhema nezvevamwe, kudya ropa, kuita zvemidzimu, kufembera uye upombwe.—Revh. 19:15, 16, 26-29, 31.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” iri mumagazini ino.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Chapupu chiri kubatsira hama iri matsi kutaura nachiremba.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama ine bhizinesi rekupenda iri kubhadhara mushandi wayo.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi inogona kukurumidza kukanganwa karonda kadiki kari pachigunwe. Ichasarudzawo kuita izvozvo pachironda chakakura here?