Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 50

Teerera Inzwi Remufudzi Akanaka

Teerera Inzwi Remufudzi Akanaka

“Achateerera inzwi rangu.”—JOH. 10:16.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

ZVICHADZIDZWA *

1. Chikonzero chipi chingangodaro chakaita kuti Jesu afananidze vateveri vake nemakwai?

 JESU akafananidza ushamwari hwaainahwo nevateveri vake nekuwirirana kunoita mufudzi nemakwai ake. (Joh. 10:14) Muenzaniso iwoyo wakakodzera. Makwai anoziva mufudzi wawo uye anomuteerera. Mumwe murume akaona izvi zvichiitika. Akati: “Pane mamwe makwai ataida kutora mapikicha uye takaedza kuita kuti auye pedyo. Asi haana kuuya kwatiri nekuti aisaziva manzwi edu. Kamwe kakomana kaiafudza kakabva kauya, uye pakakangoashevedza akabva akatevera.”

2-3. (a) Vateveri vaJesu vanoratidza sei kuti vari kuteerera inzwi rake? (b) Tichakurukurei munyaya ino neinotevera?

2 Zvakaonekwa nemurume ataurwa mundima yapfuura zvinotiyeuchidza mashoko akataurwa naJesu nezvemakwai ake, kureva vadzidzi vake. Akati: “Achateerera inzwi rangu.” (Joh. 10:16) Asi Jesu ari kudenga. Saka tingamuteerera sei? Nzira inokosha yekuteerera inzwi raTenzi wedu ndeyekushandisa dzidziso dzake muupenyu hwedu.—Mat. 7:24, 25.

3 Munyaya ino neinotevera, tichakurukura dzimwe dzidziso dzaJesu. Sezvatichaona, Jesu akatidzidzisa kuti pane zvimwe zvinhu zvatinofanira kurega uye kuti pane zvimwe zvinhu zvatinofanira kuita. Tichatanga kukurukura zvinhu zviviri zvatinoudzwa nemufudzi akanaka kuti tisaita.

“REGAI KURAMBA MUCHIZVIDYA MWOYO”

4. Maererano naRuka 12:29, chii chingaita kuti munhu ‘arambe achizvidya mwoyo’?

4 Verenga Ruka 12:29. Jesu akaudza vateveri vake kuti ‘varege kuramba vachizvidya mwoyo’ pamusoro pezvekurarama nazvo. Tinoziva kuti nguva dzese mazano aJesu akanaka uye anoratidza uchenjeri. Tinoda kuashandisa, asi dzimwe nguva zvingatiomera kuita izvozvo. Nei zvakadaro?

5. Nei vamwe vangazvidya mwoyo pamusoro pekuwana zvekurarama nazvo?

 5 Vamwe vanogona kunge vachizvidya mwoyo pamusoro pekuti vangawana sei zvekudya, zvekupfeka, uye pekugara. Vanogona kunge vachigara munyika ine urombo uye inonetsa kuwana mabasa. Zvingavaomera kuti vawane mari inokwana kuti variritire mhuri dzavo. Kana kuti uya aiwana mari anogona kunge akafa, achisiya mhuri isina anoiriritira. Vakawanda vanogona kunge vakarasikirwa nemabasa zvichikonzerwa nechirwere cheCOVID-19. (Mup. 9:11) Kana kuri kuti zvinhu izvi kana kuti zvimwewo zvakaitika kwatiri, tingateerera sei zano raJesu rekuti tirege kuzvidya mwoyo?

Pane kuti tinyure mukuzvidya mwoyo pamusoro pezvekurarama nazvo, tinofanira kuramba tichivimba naJehovha (Ona ndima 6-8) *

6. Tsanangura zvakaitika kumuapostora Petro pane imwe nguva.

6 Pane imwe nguva, muapostora Petro nevamwe vaapostora vaiva muchikepe muGungwa reGarireya, uye kwaiva nedutu. Vakabva vaona Jesu achifamba pamusoro pemvura. Petro akati: “Ishe, kana muri imi, itai kuti ndiuye kwamuri nepamusoro pemvura.” Jesu paakamuti “uya,” Petro akaburuka muchikepe “akafamba pamusoro pemvura achienda kwaiva naJesu.” Ona zvakabva zvaitika. “Paakatarisa dutu, akatanga kutya. Uye paakatanga kunyura, akashevedzera achiti: ‘Ishe, ndiponeseiwo!’” Jesu akatambanudza ruoko rwake akamuponesa. Zvinokosha kuyeuka kuti Petro akakwanisa kufamba pamusoro pemvura paakaramba akatarisa kuna Jesu. Asi paakatarisa dutu, akatya ndokutanga kunyura.—Mat. 14:24-31.

7. Tinodzidzei pana Petro?

7 Tinogona kuwana chidzidzo pane zvakaitwa naPetro. Petro paakabuda muchikepe achipinda mugungwa, aisatarisira kuti aizotya otanga kunyura. Aida kuramba achifamba pamusoro pemvura kusvikira asvika kuna Tenzi wake. Asi akazvitadza. Petro aifanira kuva nekutenda kuti akwanise kufamba pamusoro pemvura. Isuwo tinofanira kuva nekutenda kuti tikwanise kutsungirira matambudziko edu. Kana tikasaramba tichivimba naJehovha uye tichifunga zvaakativimbisa, kutenda kwedu kunogona kupedzisira kusisina kusimba zvoita sekuti tava kunyudzwa nezvinhu zvinotidya mwoyo. Saka pasinei nematambudziko akaita semadutu atingasangana nawo muupenyu, tinofanira kuramba takaisa pfungwa pana Jehovha, uye pakuti anokwanisa kutibatsira. Tingazviita sei?

8. Chii chingatibatsira kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo pamusoro pezvekurarama nazvo?

8 Pane kuti tirambe tichizvidya mwoyo pamusoro pematambudziko edu, tinofanira kuvimba naJehovha. Yeuka kuti Baba vedu vane rudo, Jehovha, vanovimbisa kuti vachatipa zvatinoda pakurarama kana tikaisa zvinhu zvekunamata pekutanga. (Mat. 6:32, 33) Nguva dzese vanozadzisa vimbiso iyoyo. (Dheut. 8:4, 15, 16; Pis. 37:25) Kana Jehovha achichengeta shiri nemaruva, hatitombofaniri kuzvidya mwoyo pamusoro pezvatichadya kana zvatichapfeka! (Mat. 6:26-30; VaF. 4:6, 7) Rudo rwunoita kuti vabereki variritire vana vavo, saizvozvowo rudo rwunoita kuti Baba vedu vekudenga variritire vanhu vavo. Saka tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatichengeta.

9. Unodzidzei pane zvakaitika kune mumwe murume nemudzimai?

9 Muenzaniso unotevera unoratidza kuti Jehovha anotipa sei zvatinoda pakurarama. Mumwe murume nemudzimai vari mubasa renguva yakazara vakafamba kweawa nemota yavo yekare vachinotakura dzimwe hanzvadzi dzaigara munzvimbo inochengetwa vapoteri voenda nadzo kumusangano wechiKristu. Hama yacho yakati: “Pakapera musangano, takakoka hanzvadzi idzi kumba, asi takazoziva kuti takanga tisina zvekudya zvekuvapa.” Saka chii chakazoitika? Hama iyi yakaenderera mberi ichiti: “Patakasvika kumba, takaona padhoo pedu paine mazipepabhegi maviri mahombe aiva nezvekudya. Hatina kuziva kuti ndiani akanga azviisa ipapo. Jehovha akatipa zvataida.” Rimwe zuva, mota yavo yakafa. Mota iyi vaiida kuti vakwanise kuita ushumiri, asi vakanga vasina mari yekuigadzirisa. Mota yacho payaitariswa pane rimwe garaji raiva pedyo, mumwe murume akapinda ndokubvunza kuti: “Imota yaani iyo?” Hama yacho yakataura kuti ndiyo yaiva muridzi uye kuti mota yacho yaida kugadziriswa. Murume wacho akati: “Hazvina basa. Ndiyo mota iri kudiwa nemudzimai wangu neruvara rwacho chairwo. Ungaiita marii?” Hama yacho yakabva ipapo iine mari inokwana kutenga imwe mota. Yakati: “Takafara chaizvo musi uyu. Taiziva kuti aya aisangova masanga. Rwaiva ruoko rwaJehovha.”

10. Pisarema 37:5 inotikurudzira sei kuti tisazvidya mwoyo pamusoro pezvekurarama nazvo?

10 Patinoteerera mufudzi akanaka torega kunyanya kuzvidya mwoyo pamusoro pezvekurarama nazvo, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatichengeta. (Verenga Pisarema 37:5; 1 Pet. 5:7) Funga nezvematambudziko ataurwa  mundima 5. Kusvika panguva ino, Jehovha anogona kunge akashandisa musoro wemhuri kana kuti munhu watinoshandira kuti atibatsire kuwana zvekurarama nazvo zuva rimwe nerimwe. Kana musoro wemhuri asisakwanisi kudaro kana kuti tikarasikirwa nebasa redu, Jehovha achatichengeta neimwewo nzira. Izvozvo tine chokwadi nazvo. Iye zvino ngatikurukurei chimwe chinhu chatinoudzwa nemufudzi akanaka kuti tirege kuita.

“REGAI KUTONGA”

Tinogona kurega kutonga vamwe kana tikatarisa zvakanaka zvavanoita (Ona ndima 11, 14-16) *

11. Maererano naMateu 7:1, 2, Jesu akatiudza kuti tirege kuitei, uye nei izvi zvichimbotiomera?

11 Verenga Mateu 7:1, 2. Jesu aiziva kuti vanhu vane chivi vanowanzoti nangananga nezvinokanganiswa nevamwe. Ndosaka akataura kuti: “Regai kutonga.” Tingaedza chaizvo kuti tisatonga vatinonamata navo. Asi dzimwe nguva tinovatonga. Kana tikaona kuti dzimwe nguva tinotsoropodza vamwe, tinofanira kuitei? Teerera Jesu, uye shanda nesimba kuti urege kutonga.

12-13. Zvinoitwa naJehovha zvinotibatsira sei kuti tirege kutonga vamwe?

12 Tinogona kubatsirwa nekufungisisa zvinoitwa naJehovha. Anotarisa zvakanaka zvinoitwa nevanhu. Funga zvaakaita Mambo Dhavhidhi paakaita zvivi zvakakura. Dhavhidhi akaita upombwe naBhatishebha, uye akatoita kuti murume wake aurayiwe. (2 Sam. 11:2-4, 14, 15, 24) Zvakaitwa naDhavhidhi zvakarwadzisa iye nemhuri yake kusanganisira mamwe madzimai ake. (2 Sam. 12:10, 11) Pane imwe nguva, Dhavhidhi akatadza kunyatsovimba naJehovha, paakarayira kuti vanhu vaiva muuto raIsraeri vaverengwe zvisiri pamutemo. Dhavhidhi anogona kunge akaita izvi nekuti aidada nekukura kwainge kwakaita uto racho uye nekuti aivimba kuti ndiro raichengetedza nyika. Zvakaguma nei? VaIsraeri vanenge 70 000 vakafa nedenda.—2 Sam. 24:1-4, 10-15.

13 Kudai waigara muIsraeri panguva yacho, ungadai wakaona sei Dhavhidhi? Ungadai wakamuona semunhu asina kukodzera kuregererwa naJehovha here? Jehovha haana kumuona saizvozvo. Akafunga nezvekutendeka kwainge kwakaita Dhavhidhi kweupenyu hwake hwese uye kuti akanga apfidza zvechokwadi. Saka Jehovha akamuregerera zvivi izvi zvakakura. Jehovha aiziva kuti Dhavhidhi aimuda chaizvo uye kuti aida kuita zvakarurama. Tinoonga chaizvo kuti Jehovha anotarisa zvakanaka zvatinoita.—1 Madz. 9:4; 1 Mak. 29:10, 17.

14. Chii chinobatsira vaKristu kuti varege kutonga vamwe?

14 Sezvo Jehovha asingatarisiri kuti tisakanganisa, isuwo hatifaniri kutarisira kuti vamwe varege kukanganisa uye tinofanira kutsvaga zvakanaka pavari. Zviri nyore kuona zvinokanganiswa nevamwe uye kuvatsoropodza. Asi munhu anotevedzera Jehovha anoshanda zvakanaka nevamwe kunyange zvazvo achiona zvavanokanganisa. Dhaimondi risina kukweshwa ringasaratidzika zvakanaka, asi munhu akachenjera anoziva kunaka kwarinozoita kana rachekwa rokweshwa. Tichitevedzera Jehovha naJesu, hatifaniri kuti nangananga nezvinokanganiswa nevamwe asi tinofanira kutarisa zvakanaka zvavanoita.

15. Kufunga zvinenge zvichiitika muupenyu hwevanhu kunotibatsira sei kuti tisavatsoropodza?

15 Kuwedzera pakuona zvakanaka zvinoitwa nevamwe, chii chingatibatsira kuti tisavatsoropodza? Edza kufungidzira zviri kuitika muupenyu hwavo. Funga nezvemuenzaniso uyu. Rimwe zuva paaiva patemberi, Jesu akaona chirikadzi yaiva murombo ichikanda tumari tuviri tusinganyanyi kukosha mumudziyo wekuisira mari. Haana kubvunza kuti: “Nei asiri kukanda imwe mari?” Pane kuti aise pfungwa paukoshi hwemari yakapiwa nechirikadzi, Jesu akafunga nezvechikonzero chakaita kuti chirikadzi iyi ikande mari uye zvainge zvakaita upenyu hwayo. Izvi zvakaita kuti airumbidze nekuti yakanga yaita zvese zvayaigona.—Ruka 21:1-4.

16. Unodzidzei pane zvakasangana naVeronica?

16 Zvakasangana naVeronica zvinotiratidza kukosha kwazvinoita kuti tifunge zviri kuitika muupenyu hwevamwe. Muungano yaaipinda maiva nevamwe amai vairera mwanakomana wavo vega. Veronica anoti: “Ndaiona sekuti amai ava nemwanakomana wavo vaisapinda misangano uye kubuda muushumiri nguva dzese. Izvi zvaiita kuti ndivaone neziso risina kunaka. Asi ndakazobuda namai vacho muushumiri. Vakandiudza kuti mwanakomana wavo aiva nedambudziko reutano. Vaiita zvavaigona kuti ivo nemwanakomana wavo vawane zvekurarama nazvo uye varambe vaine ushamwari hwakasimba naJehovha. Kurwara kwemwanakomana wavo kwaiita kuti dzimwe nguva vapinde misangano neimwe ungano.” Veronica anopedzisa achiti: “Ndaisamboziva kuti upenyu hwainge hwakavaomera zvakadaro. Iye zvino ndava kuda hanzvadzi iyi chaizvo uye ndava kuiremekedza pamusana pezvese zvainoita kuti ishumire Jehovha.”

17. Jakobho 2:8 inotirayira kuti tiitei, uye izvozvo tingazviita sei?

17 Tinofanira kuitei kana tikaziva kuti tatonga mumwe munhu watinonamata naye? Ngatiyeukei kuti tinofanira kuda hama dzedu. (Verenga Jakobho 2:8.) Tinofanirawo kunyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha, tichimukumbira kuti atibatsire kuti tirege kutonga vamwe. Tinogona kuita zvinoenderana neminyengetero yedu nekutanga isu kutaura nemunhu wacho wataitsoropodza. Izvozvo zvingatibatsira kuti tiwedzere kumuziva. Tinogona kumukumbira kuti tishande tese muushumiri kana kumukoka kuti auye kuzodya. Patinowedzera kuziva hama yedu, tinogona kutevedzera muenzaniso waJehovha naJesu nekutsvaga zvakanaka pairi. Patinoita izvi, tinoratidza kuti tiri kuteerera murayiro wemufudzi akanaka wekuti tirege kutonga.

18. Tingaratidza sei kuti tiri kuteerera inzwi remufudzi akanaka?

18 Vateveri vaJesu vanoteerera inzwi rake, sezvinoitwa nemakwai chaiwo anoteerera inzwi remufudzi wawo. Kana tikaita zvese zvatinogona kuti tirege kuzvidya mwoyo pamusoro pezvekurarama nazvo uye kuti tirege kutonga vamwe, Jehovha naJesu vachakomborera zvatinoita. Tingava ‘veboka diki’ kana kuti ‘vemamwe makwai,’ ngatirambei tichiteerera inzwi remufudzi akanaka. (Ruka 12:32; Joh. 10:11, 14, 16) Munyaya inotevera tichakurukura zvinhu zviviri izvo Jesu akaudza vateveri vake kuti vanofanira kuita.

RWIYO 101 Kushanda Takabatana

^ Jesu paakati makwai ake aizoteerera inzwi rake, aireva kuti vadzidzi vake vaizoteerera dzidziso dzake vodzishandisa muupenyu hwavo. Munyaya ino tichakurukura zvinhu zviviri zvakadzidziswa naJesu zvinoti, kurega kuzvidya mwoyo pamusoro pezvekurarama nazvo uye kurega kutonga vamwe. Tichakurukura kuti tingashandisa sei zvaanotiudza.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama inorasikirwa nebasa, haisisina mari inokwana kuriritira mhuri, uye inofanira kutsvaga pamwe pekugara. Zviri nyore kuti izvidye mwoyo zvakanyanya zvekuti inenge isisakoshesi kunamata Mwari muupenyu hwayo.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yanonoka kusvika pamisangano. Asi inoratidza unhu hwakanaka painoita zvinhu zvakadai sekuparidza zvisina kurongwa, kubatsira munhu akwegura, uye kuchenesa paImba yeUmambo.