Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 51

Rambai ‘Muchimuteerera’

Rambai ‘Muchimuteerera’

“Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodiwa, wandafarira. Muteererei.”—MAT. 17:5.

RWIYO 54 “Iyi Ndiyo Nzira”

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Vaapostora vatatu vaJesu vakarayirwa kuitei, uye vakaita sei? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

 PASHURE pePaseka ya32 C.E., vaapostora vanoti Petro, Jakobho, naJohani vakaratidzwa chimwe chinhu chaishamisa. Pavaiva mugomo refu refu, zvichida muGomo reHemoni, Jesu akashanduka pamberi pavo. “Chiso chake chakatanga kupenya sezuva, nguo dzake dzekunze dzikabwinya sechiedza.” (Mat. 17:1-4) Chiratidzo chacho chava kupera, vaapostora vakanzwa Mwari achiti: “Uyu ndiye mwanakomana wangu anodiwa, wandafarira. Muteererei.” (Mat. 17:5) Vaapostora vatatu ava vakaratidza nemararamiro avo kuti vakateerera Jesu. Tinoda kuvatevedzera.

2 Munyaya yakapfuura, takadzidza kuti kuteerera inzwi raJesu kunoreva kuti tinofanira kurega kuita zvimwe zvinhu. Munyaya ino tichakurukura zvinhu zviviri zvatakanzi naJesu tinofanira kuita.

“PINDAI NEPAGEDHI RAKAMANIKANA”

3. Maererano naMateu 7:13, 14, tinofanira kuitei?

3 Verenga Mateu 7:13, 14. Ona kuti Jesu akataura nezvemagedhi maviri akasiyana anotungamirira kumigwagwa miviri yakasiyana, mugwagwa “wakapamhama” uye mugwagwa “wakatetepa.” Hakuna mugwagwa wechitatu. Tinofanira kusarudza tega kuti tinoda kufamba mumugwagwa upi. Ichi ndicho chisarudzo chinokosha kupfuura zvimwe zvese zvatingaita nekuti panzira mbiri idzi panongova neimwe chete inoenda kuupenyu husingaperi.

4. Tsanangura zvakaita mugwagwa “wakapamhama.”

4 Tinofanira kuramba tichifunga nezvekusiyana kwakaita migwagwa miviri iyi. Mugwagwa “wakapamhama” unofarirwa nevakawanda nekuti uri nyore kufamba nawo. Zvinosuwisa kuti vanhu vakawanda vanosarudza kuramba vari mumugwagwa uyu vachitevera vanhu vazhinji vari kufamba mauri. Havazivi kuti Satani Dhiyabhorosi ndiye ari kuita kuti vanhu vafambe nemugwagwa uyu, uye kuti mugwagwa wake unoguma nerufu.—1 VaK. 6:9, 10; 1 Joh. 5:19.

5. Vamwe vanhu vakaitei kuti vazowana mugwagwa “wakatetepa” uye kuti vazotanga kufamba mauri?

5 Kusiyana nemugwagwa “wakapamhama,” mumwe mugwagwa wacho “wakatetepa,” uye Jesu akati vashomanana ndivo vanokwanisa kuuwana. Nei zvakadaro? Muvhesi inotevera yacho, Jesu anonyevera vateveri vake nezvevaprofita venhema. (Mat. 7:15) Kune zviuru zvakawanda zvezvitendero, uye zvakawanda zvacho zvinoti zvinodzidzisa chokwadi. Sezvo kuine zvitendero zvakawanda kudaro, vanhu vakawanda vanoodzwa mwoyo kana kuvhiringidzwa zvekuti havazomboedzi kutsvaga mugwagwa unoenda kuupenyu. Asi mugwagwa iwoyo unowanika. Jesu akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo, uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Joh. 8:31, 32) Zvinofadza kuti hauna kutevera vanhu vazhinji, asi wakatsvaga chokwadi. Wakatanga kunyatsodzidza Shoko raMwari kuti uzive zvaanoda kuti tiite, uye wakateerera zvinodzidziswa naJesu. Pazvimwe zvinhu zvawakadzidza, wakaona kuti Jehovha anoda kuti tirambe zvinodzidziswa nechitendero chenhema uye kuti tirege kupemberera mazororo netsika zvakabva kuchitendero chenhema. Wakadzidzawo kuti kuita zvinodiwa naJehovha uyewo kusiyana netsika dzaasingadi kunogona kuoma. (Mat. 10:34-36) Pamwe zvakanga zvakakuomera kuti usiyane nezvinhu izvi. Asi wakashingirira nekuti unoda Baba vako vekudenga uye unoda kuvafadza. Vanofanira kunge vakafadzwa chaizvo newe.—Zvir. 27:11.

ZVAUNGAITA KUTI URAMBE URI MUMUGWAGWA WAKATETEPA

Mazano aMwari nemitemo yake zvinotibatsira kuramba tiri mumugwagwa “wakatetepa” (Ona ndima 6-8) *

6. Maererano naPisarema 119:9, 10, 45, 133, chii chingatibatsira kuti tirambe tiri mumugwagwa wakatetepa?

6 Kana tangotanga kufamba mumugwagwa wakatetepa, chii chingatibatsira kuti tirambe tirimo? Funga nezvemuenzaniso uyu. Mune dzimwe nzvimbo migwagwa yakatetepa painopfuura nemumakomo inovakirirwa kumucheto. Izvi zvinoitirwa kuti vatyairi vasanyanya kuenda kumucheto kana kuti vasabuda mumugwagwa. Hapana mutyairi anganyunyuta kuti kuvakirirwa uku kunomushayisa rusununguko. Mirayiro yaJehovha iri muBhaibheri yakafanana nekuvakirirwa kunenge kwakaitwa mugwagwa. Inotibatsira kuti tirambe tiri mumugwagwa wakatetepa.—Verenga Pisarema 119:9, 10, 45, 133.

7. Vechidiki vanofanira kuona sei mugwagwa wakatetepa?

7 Vechidiki, munombonzwa sekuti zvamunonzi naJehovha muite zvinokushayisai rusununguko here? Satani anoda kuti mufunge izvozvo. Anoda kuti muise pfungwa dzenyu pane zvinoitwa nevaya vari kufamba mumugwagwa wakapamhama, nekuti vanoita sekuti vari kunakidzwa chaizvo neupenyu. Anogona kushandisa zvamunoona zvichiitwa nevamwe kuchikoro kana kuti zvamunoona paIndaneti kuti munzwe sekuti muri kusaririra. Satani anoda kuti mufunge kuti mitemo yaJehovha iri kukutadzisai kunyatsofara muupenyu. * Asi yeukai izvi: Satani haadi kuti vaya vari kufamba mumugwagwa wake vaone kuti uri kuvaendesa kupi. Jehovha anoda kuti muzive kunaka kuchazoita upenyu hwenyu kana mukaramba muri mumugwagwa unoenda kuupenyu.—Pis. 37:29; Isa. 35:5, 6; 65:21-23.

8. Vechidiki vangadzidzei pane zvakaitwa naOlaf?

8 Ona zvaungadzidza pane zvakaitwa neimwe hama yechidiki inonzi Olaf. * Vemukirasi make vaiedza kumunyengetedza kuti aite zvebonde. Paakatsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinorarama maererano nemitemo yeBhaibheri yekuzvibata, vamwe vasikana vemukirasi make vakatowedzera kumunyengetedza kuti arare navo. Asi Olaf akaramba kufurirwa. Uyu hausiwo wega muedzo waakasangana nawo. Olaf anoti: “Vadzidzisi vangu vakaedza kundinyengetedza kuti ndiende kuyunivhesiti vachiti zvaizoita kuti ndiyemurwe nevanhu. Vakandiudza kuti kana ndisina dzidzo iyoyo, ndaisazobudirira muupenyu.” Chii chakabatsira Olaf kuti akunde muedzo iwoyo? Anoti: “Ndakava neushamwari hwepedyo nevanhu vemuungano yedu. Vakava sevanhu vemumhuri medu. Ndakatangawo kunyatsodzidza Bhaibheri. Pandakawedzera kudzidza, ndakawedzerawo kugutsikana kuti ichi chaiva chokwadi. Izvi zvakaita kuti ndive nechido chakakura chekushumira Jehovha.”

9. Vaya vanoda kuramba vari mumugwagwa wakatetepa vanofanira kuitei?

9 Satani anoda kuti ubude mumugwagwa unoenda kuupenyu. Anoda kuti ubatane neruzhinji rwevanhu rwuri mumugwagwa wakapamhama ‘unoenda mukuparadzwa.’ (Mat. 7:13) Asi ticharamba tiri mumugwagwa wakatetepa kana tikaramba tichiteerera Jesu uye tichiona mugwagwa iwoyo sechinhu chinotidzivirira. Iye zvino ngationei chimwe chinhu chatakanzi naJesu tiite.

YANANA NEHAMA YAKO

10. Maererano naMateu 5:23, 24, Jesu akati tinofanira kuitei?

10 Verenga Mateu 5:23, 24. Jesu akataura nezvenguva yakanga yakakosha kuvaJudha vainge vakamuteerera. Ngatitii mumwe munhu ari patemberi uye ava kuda kupa mhuka kumupristi sechibayiro. Kana panguva iyoyo akayeuka kuti hama yake ine chigumbu naye, aifanira kusiya chipo chake ‘oenda.’ Nei aifanira kudaro? Nekuti pane chimwe chinhu chinokosha chaaifanira kuita asati apa Jehovha chipo chake. Jesu akataura zvakajeka kuti: “Tanga wayanana nehama yako.”

Uchatevedzera Jakobho here uyo akazvininipisa pakuyanana nemukoma wake? (Ona ndima 11-12) *

11. Tsanangura zvakaitwa naJakobho kuti ayanane naIsau.

11 Tinogona kuwana zvidzidzo zvinokosha panyaya yekuyanana nevamwe kana tikaongorora zvakaitika muupenyu hwaJakobho. Pashure pemakore anenge 20 Jakobho abva munyika yaakaberekerwa, Mwari akamurayira achishandisa ngirozi kuti adzokere ikoko. (Gen. 31:11, 13, 38) Asi paiva nedambudziko. Mukoma wake Isau, aimboda kumuuraya. (Gen. 27:41) Jakobho ‘aitya kwazvo uye ainetseka’ kuti mukoma wake aigona kunge achiine chigumbu naye. (Gen. 32:7) Zvii zvakaitwa naJakobho kuti ayanane nemukoma wake? Chekutanga, akanyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha nezvenyaya yacho. Akabva atumira Isau chipo chakakura. (Gen. 32:9-15) Pavakazosangana, Jakobho akaremekedza Isau. Akakotama pamberi paIsau, kwete kamwe chete kana kaviri, asi kanomwe. Achizvininipisa uye achiratidza ruremekedzo, Jakobho akayanana nemukoma wake.—Gen. 33:3, 4.

12. Tinodzidzei pane zvakaitwa naJakobho?

12 Tinowana chidzidzo kubva pakugadzirira kwakaita Jakobho kuti asangane nemukoma wake Isau uye pane zvaakaita paakasangana naye. Jakobho akakumbira Jehovha kuti amubatsire. Akabva aita zvinoenderana nemunyengetero wake nekuita zvese zvaaigona kuti ayanane nemukoma wake. Pavakazosangana, Jakobho haana kuitisana nharo naIsau kuti ndiani aiva nemhosva. Chinangwa chaJakobho chaiva chekuyanana nemukoma wake. Tingatevedzera sei zvakaitwa naJakobho?

ZVATINGAITA KUTI TIYANANE NEVAMWE

13-14. Kana tikagumbura mumwe muKristu tinofanira kuitei?

13 Isu tiri kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu tinoda kuramba tiine rugare nehama dzedu. (VaR. 12:18) Tinofanira kuita sei kana tikaziva kuti tagumbura mumwe muKristu? Tinofanira kunyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha sezvakaitwa naJakobho. Tinogona kumukumbira kuti atibatsire kuyanana nehama yedu.

14 Tinofanirawo kumboita kanguva tichizviongorora. Tinogona kuzvibvunza mibvunzo yakaita seiyi: ‘Ndakagadzirira here kubvuma kuti ndakakanganisa, kukumbira ruregerero, uye kuyanana? Jehovha naJesu vachanzwa sei kana ndikatanga kuita chimwe chinhu kuti ndiyanane nehama kana nehanzvadzi yangu?’ Mhinduro dzedu dzinogona kuita kuti tide kuteerera Jesu uye titaure nehama yedu nechinangwa chekuti tiyanane. Patinoita izvi, tinenge tichitevedzera Jakobho.

15. Kushandisa zano riri pana VaEfeso 4:2, 3 kungatibatsira sei kuti tiyanane nehama yedu?

15 Funga zvaigona kuitika kudai Jakobho akatanga kunetsana naIsau achida kuratidza kuti ndiani aiva nemhosva. Zvinhu zvingadai zvisina kufamba zvakanaka. Patinoenda kunoyanana nehama yedu, tinofanira kuzvininipisa. (Verenga VaEfeso 4:2, 3.) Zvirevo 18:19 inoti: “Hama inenge yatadzirwa yakaoma kutaura nayo kupfuura kurwisa guta rakakomberedzwa nemasvingo, uye kukakavadzana kunogona kuparadzanisa vanhu semazariro erusvingo.” Kukumbira ruregerero kunogona kutibatsira kuti tipinde ‘muguta’ iroro.

16. Chii chimwe chatinofanira kufunga nezvacho, uye nei tichifanira kudaro?

16 Tinofanirawo kufungisisa zvatichataura kuhama yedu uye matauriro atichazviita. Kana tagadzirira, tinofanira kutaura nemunhu watakarwadzisa tiine chinangwa chekuti titangezve kuwirirana. Pakutanga, angataura zvinhu zvinotirwadza. Zviri nyore kuti tigumbuke kana kuti tiratidze kuti hatina mhosva, asi izvozvo zvingaita kuti tive nerugare here? Aiwa. Yeuka kuti kuyanana nehama yako kunokosha kupfuura kutsvaga kuti ndiani akakanganisa.—1 VaK. 6:7.

17. Unodzidzei pane zvakaitwa naGilbert?

17 Hama inonzi Gilbert yakashanda nesimba kuti iyanane nemumwe munhu wemumhuri. Anoti: “Ndainetsana nemumwe munhu wemumhuri mangu. Kwemakore anopfuura maviri, ndakaedza kutaura nyaya yacho naye zvine rugare kuitira kuti titangezve kuwirirana.” Zvii zvimwe zvakaitwa naGilbert? Anoti, “Pese pandaitaura naye, ndaitanga ndanyengetera uye ndaizviyeuchidza kuti ndisatsamwa kana akataura zvinhu zvisina kunaka. Ndaifanira kunge ndakagadzirira kumuregerera. Ndakadzidza kuedza kusaratidza kuti ndainge ndakarurama, uye ndakanzwisisa kuti basa rangu raiva rekuita kuti pave nerugare.” Zvakaguma nei? Gilbert anoti: “Iye zvino ndakagadzikana mupfungwa nekuti ndinowirirana nevanhu vese vemumhuri mangu.”

18-19. Kana tikagumbura mumwe munhu, tinofanira kuitei uye nei tichifanira kudaro?

18 Saka unofanira kuitei kana ukaziva kuti wagumbura mumwe muKristu? Teerera zano raJesu rekuyanana nevamwe. Udza Jehovha nyaya yacho, uye vimba nemweya wake mutsvene kuti ukubatsire kuyanana nemunhu wacho. Kana ukadaro, uchafara uye ucharatidza kuti uri kuteerera Jesu.—Mat. 5:9.

19 Tinotenda chaizvo kuti Jehovha anotitungamirira achishandisa “musoro weungano,” Jesu Kristu. (VaEf. 5:23) ‘Ngatirambei tichimuteerera’ sezvakaitwa nevaapostora vanoti Petro, Jakobho, naJohani. (Mat. 17:5) Taona kuti tinomuteerera sei patinoyanana nemuKristu watinenge tagumbura. Patinoita izvozvo uye patinoramba tiri mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu tichawana makomborero akawanda iye zvino uye mufaro usingaperi mune ramangwana.

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

^ Jesu anotikurudzira kuti tipinde negedhi rakamanikana nemugwagwa wakatetepa, zvinoenda kuupenyu. Anotirayirawo kuti tive nerugare nehama nehanzvadzi dzedu. Matambudziko api atingasangana nawo patinoedza kushandisa zano rake, uye tingaakunda sei?

^ Ona mubvunzo 6 mubhurocha rinonzi Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku, unoti: “Ndingaita Sei Kuti Ndisafurirwa?” uye vhidhiyo yemakatuni ekudhirowa yakanzi Ramba Kufurirwa! iri pawebsite yedu inonzi www.pr418.com/sn. (Enda pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA.)

^ Mamwe mazita akachinjwa.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Patinoramba tiri mumugwagwa “wakatetepa” wakachengetedzwa nemitemo inopiwa naMwari, tinotambira kure nezvinhu zvakadai sekuona zvinonyadzisira, kuita unzenza, uye muedzo wekuisa dzidzo yepamusoro pekutanga muupenyu.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Achiitira kuti vayanane, Jakobho anokotama kakawanda pamberi pemukoma wake, Isau.