Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Pisarema 103:8 inoita kuti tive nechivimbo chei painoti Jehovha “azere nerudo rusingachinji”?

Tinoziva kuti Jehovha anoda kutiregerera zvivi zvedu nekuti ane tsitsi. Pisarema 103:8 inoita kuti tive nechivimbo chekuti anoda kutibatsira. Zvakanaka kuti timutevedzere.—w21.01, peji 21.

Nei Jehovha akaita urongwa hwekuti pave nemusoro?

Akaita urongwa uhwu nekuti ane rudo. Urongwa uhwu hunoita kuti mumhuri yaJehovha muve nerugare uye kurongeka. Mumwe nemumwe ari mumhuri anoita maererano neurongwa uhwu anoziva kuti ndiani anofanira kuita zvisarudzo zvekupedzisira uye kuti ndiani achaita zvinenge zvasarudzwa zvacho.—w21.02, peji 3.

Nei vaKristu vachifanira kungwarira pavanenge vachishandisa mapurogiramu ekutumirana mameseji?

Kana munhu akasarudza kushandisa mapurogiramu akadaro, anofanira kunyatsofunga kuti ndivanaani vaachataura navo. Izvozvo zvinowedzera kuoma kana tiri mugurupu rine vanhu vakawanda. (1 Tim. 5:13) Panewo ngozi yekuparadzira mashoko atisina chokwadi nawo uye kushandisa vatinonamata navo nechinangwa chekuita mari.—w21.03, peji 31.

Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvakaita kuti Mwari arege Jesu achitambura uye achifa?

Chimwe chikonzero ndechekuti kuturikwa kwaJesu padanda kwakaita kuti vaJudha vakwanise kusunungurwa pakutukwa. (VaG. 3:10, 13) Chechipiri ndechekuti Jehovha ainge achidzidzisa Jesu basa raaizoita seMupristi Mukuru. Uye chechitatu ndechekuti kuvimbika kwaJesu kusvika pakufa kwakaratidza kuti vanhu vanogona kuramba vakatendeka kuna Jehovha kunyange pavanenge vachitambura zvakanyanya. (Job. 1:9-11)—w21.04, mapeji 16-17.

Ungaitei kana vanhu vachinetsa kuwana muushumiri?

Unogona kuedza kuvatsvaga panguva dzavanogona kuwanika pamba. Unogonawo kuedza kuparidza mune dzimwe nzvimbo. Uye unogona kuedza imwe nzira yekuparidza yakadai sekunyora tsamba.—w21.05, mapeji 15-16.

Muapostora Pauro airevei paakati: “Pachishandiswa mutemo ndakafa kumutemo”? (VaG. 2:19)

Mutemo waMozisi wakaita kuti kusakwana kwevanhu kuve pachena uye wakatungamirira Israeri kuna Kristu. (VaG. 3:19, 24) Izvi zvakaita kuti Pauro agamuchire Kristu. Paakaita izvozvo, Pauro akabva “afa kumutemo,” kureva kuti akanga asisiri pasi pawo.—w21.06, peji 31.

Jehovha akaratidza sei muenzaniso panyaya yekutsungirira?

Jehovha ari kutsungirira kusvibiswa kwakaitwa zita rake, kupikiswa kwekodzero yake yekutonga, kupanduka kwevamwe vana vake, nhema dzaDhiyabhorosi, kutambura kunoita vashumiri vake, kuparadzana neshamwari dzakafa, kudzvinyirirwa kwevanhu, uye kuparadzwa kwezvisikwa zvake zviri panyika.—w21.07, mapeji 9-12.

Josefa akaratidza muenzaniso upi wakanaka pakuva nemwoyo murefu?

Akatsungirira kubatwa zvisina kunaka nevakoma vake. Izvi zvakaita kuti azoendeswa kuIjipiti uko kwaakapomerwa nhema ndokuiswa mujeri kwemakore akawanda.—w21.08, peji 12.

Kuzunungusa kupi kwekufananidzira kwakagara kwataurwa pana Hagai 2:6-9, 20-22?

Marudzi ari kuramba mashoko eUmambo atinoparidza, asi vanhu vakawanda vari kugamuchira chokwadi. Pasina nguva, marudzi achazununguswa paachaparadzwa.—w21.09, mapeji 15-19.

Nei tisingafaniri kurega kuita ushumiri hwedu?

Jehovha anoona kushanda nesimba kwatinoita, uye anofadzwa nazvo. Kana tikasarega kuita zvakanaka, tichawana upenyu husingaperi.—w21.10, mapeji 25-26.

Revhitiko chitsauko 19 inotibatsira sei kushandisa zano rekuti: “Ivai vatsvene pane zvese zvamunoita”? (1 Pet. 1:15)

Vhesi iyi ingangodaro yakatorwa pana Revhitiko 19:2. Chitsauko 19 chinotipa mienzaniso yakawanda yemashandisiro atingaita zviri pana 1 Petro 1:15 muupenyu hwedu.—w21.12, mapeji 3-4.