Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinogona Kukurira Ruvengo!

Tinogona Kukurira Ruvengo!

Pane chawakamboitirwa here chairatidza kuti mumwe munhu aikuvenga?

Kana izvozvo zvisina kumboitika kwauri, unogona kunge wakamboona vamwe vanhu vachivengwa. Munhau makazara nyaya dzevanhu vari kuvengwa nemhaka yerudzi rwavo, chitendero chavo, kwavanobva kana kuti kutarisirwa pasi nemhaka yekuti vanhukadzi. Izvi zviri kuita kuti hurumende dzidzike mitemo yekuranga vese vanopara mhosva dzinokonzerwa neruvengo.

Kazhinji kana munhu akavengwa anogona kupedzisira ava kuvengawo vamwe nemhaka yekuti anenge achida kutsiva, uye izvi zvinoita kuti ruvengo rwacho rungoramba ruripo.

Ruvengo harungogumiri pakusarurwa, kutukwa, kusekwa kana kutyisidzirwa. Asi runogona kutoita kuti munhu apedzisire ava kuparadza zvinhu zvevamwe, kuvarova, kuvabata chibharo, kuuraya kana kuda kutotsakatisa rudzi rwese.

Tinogona kukunda ruvengo! Magazini ino ichatsanangura kuti tinozviita sei uye ichapindura mibvunzo inotevera:

  • Nei munyika makazara ruvengo?

  • Kuvengana kungapedzwa sei?

  • Kuvengana kuchazombopera zvachose here?