Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 7

‘Teerera Mashoko Evakachenjera’

‘Teerera Mashoko Evakachenjera’

“Rereka nzeve yako uteerere mashoko evakachenjera.”—ZVIR. 22:17.

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

ZVICHADZIDZWA *

1. Zano rinogona kuuya rakaita sei, uye nei tese tichirida?

TESE tinoda kutsiurwa kana kurayirwa pano neapo. Dzimwe nguva tinogona kukumbira mumwe munhu watinoremekedza kuti atipe mazano. Pamwe pacho hama ine hanya nesu inogona kutiudza kuti tava “kurasika” patinenge tava kuita chinhu chatinozodemba. (VaG. 6:1) Kana kuti tinogona kuwana zano patinotsiurwa kana taita chikanganiso chakakura. Pasinei nekuti zano racho rauya rakaita sei, tinofanira kuriteerera. Kuriteerera kwakatinakira uye kunogona kutiponesa.—Zvir. 6:23.

2. Maererano naZvirevo 12:15 nei tichifanira kuteerera zano?

2 Rugwaro rwuri kutungamirira nyaya ino rwuri kutikurudzira ‘kuteerera mashoko evakachenjera.’ (Zvir. 22:17) Hapana munhu anoziva zvese. Pagara patori nemumwe ane ruzivo rwakawanda kupfuura rwedu. (Verenga Zvirevo 12:15.) Saka patinoteerera zano tinenge tichiratidza kuti tinozvininipisa. Izvi zvinoratidza kuti tinoziva kuti tine zvimwe zvinhu zvatisingakwanisi kuita, uye kuti tinoda kubatsirwa. Mambo akachenjera Soromoni akafemerwa kunyora kuti: “Kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.”—Zvir. 15:22.

Pamazano maviri aya nderipi rakakuomera kugamuchira? (Ona ndima 3-4)

3. Zano ringauya nenzira dzipi?

3 Tinogona kupiwa zano zvisina kunanga kana kuti zvakananga. Zano risina kunanga rakaita sei? Tinogona kuverenga chimwe chinhu muBhaibheri kana kuti mune rimwe remabhuku edu tobva tafunga zvatiri kuita, toona kuti tinofanira kuchinja. (VaH. 4:12) Iroro ndiro zano risina kunanga. Zano rakananga rakaita sei? Mukuru kana kuti imwe hama yakasimba pakunamata anogona kutaura chimwe chinhu chatinofanira kugadzirisa. Iroro rinogona kunzi izano rakananga. Kana mumwe munhu achitida zvekusvika pakutipa zano rinobva muBhaibheri, tinofanira kuratidza kuti tinorikoshesa nekuteerera zvaari kutiudza uye kuedza kuzvishandisa.

4. Maererano naMuparidzi 7:9, zvii zvatisingafaniri kuita patinopiwa zano?

4 Zvinogona kutiomera chaizvo kuti tigamuchire zano rakananga. Tingatogumbuka. Nei zvakadaro? Kunyange zvazvo tichibvuma kuti tine chivi, zvinogona kutiomera kubvuma zano kana mumwe munhu akatiudza chikanganiso chatakaita. (Verenga Muparidzi 7:9.) Tinogona kupa tuzvikonzero. Tinogona kusava nechokwadi nevavariro yeatipa zano, kana kuti tinogona kugumburwa nenzira yaatipa nayo zano racho. Tingatoshora ari kutipa zano wacho tichiti: ‘Anozviona saani kuti anditsiure? Ane zvaanokanganisawo wani.’ Uye kana tisingafariri zano racho, tinogona kusariteerera, kana kukumbira mumwe munhu kuti atipe zano tichitarisira kuti ataure zvatinoda kunzwa.

5. Tichakurukurei munyaya ino?

5 Munyaya ino tichakurukura nezvevanhu vanotaurwa muBhaibheri vakaramba zano uye vaya vakarigamuchira. Tichaonawo kuti chii chingatibatsira kuti tigamuchire zano tobatsirwa naro.

VAKARAMBA ZANO

6. Tinodzidzei pane zvakaitwa naMambo Rehobhoamu paakapiwa zano?

6 Funga nezvaRehobhoamu. Paakava mambo weIsraeri, vanhu vaaitonga vakauya kwaari nechikumbiro. Vakakumbira kuti avarerutsire mutoro wakanga waiswa pavari nababa vake Soromoni. Rehobhoamu akaita zvakanaka paakabvunza varume vakuru veIsraeri kuti opindura sei vanhu vacho. Varume vakuru vakapa mambo zano rekuti kana akaita zvakanga zvakumbirwa nevanhu, vaizoramba vachimutsigira. (1 Madz. 12:3-7) Kunenge kuti Rehobhoamu haana kugutsikana nezano iroro, saka akabvunza varume vaakanga akura navo. Varume ivavo vangangodaro vaiva nemakore ekuma40, saka vane zvavaizivawo muupenyu. (2 Mak. 12:13) Asi panguva iyi, vakapa Rehobhoamu zano rakaipa. Vakamupa zano rekuti awedzere kuomesera vanhu. (1 Madz. 12:8-11) Rehobhoamu akanga ava nemazano maviri akasiyana, saka aigona kunyengetera kuna Jehovha achimubvunza kuti oshandisa zano ripi. Asi akasarudza kugamuchira zano raimufadza uye akateerera zvakataurwa nevarume vechidiki. Zvaakazoita zvakamuipira pamwe chete nevanhu veIsraeri. Isuwo tinogona kupiwa zano rakasiyana nezvatinoda kunzwa. Asi kana richibva muShoko raMwari, tinofanira kurigamuchira.

7. Tinodzidzei pane zvakaitwa naMambo Uziya?

7Mambo Uziya akaramba kutsiurwa. Akapinda muchikamu chetemberi yaJehovha chaingobvumirwa vapristi chete, uye akaedza kupa rusenzi. Vapristi vaJehovha vakati kwaari: “Imi Mambo Uziya hamufaniri kupisira Jehovha rusenzi! Vapristi chete ndivo vanofanira kupisa rusenzi.” Uziya akaita sei? Kudai akabvuma zano uye akakurumidza kubuda mutemberi, Jehovha angadai akamuregerera. Asi “Uziya . . . akatsamwa chaizvo.” Nei akaramba kutsiurwa? Sezvo aiva mambo, anogona kunge akanzwa sekuti aiva nekodzero yekuita chero zvaada. Asi Jehovha haana kubvumirana nazvo. Nemhaka yekuti akaita chinhu chaasina kodzero yekuita, Uziya akarohwa nemaperembudzi uye “akaramba aine maperembudzi kusvikira pazuva raakafa.” (2 Mak. 26:16-21) Zvakaitwa naUziya zvinotidzidzisa kuti pasinei nekuti tiri vanaani, kana tikaramba zano rinobva muBhaibheri Jehovha haazotifariri.

VAKABVUMA KUTSIURWA

8. Jobho akaita sei paakatsiurwa?

8 Kusiyana nemienzaniso yakaipa yabva kukurukurwa, Bhaibheri rinotipa mienzaniso yakanaka yevaya vakakomborerwa nekuti vakabvuma kutsiurwa. Funga nezvaJobho. Kunyange zvazvo aitya Mwari, aiva nechivi. Paaishungurudzika, akataura zvimwe zvinhu zvisina kunaka. Izvi zvakaita kuti atsiurwe zvakananga naErihu uye naJehovha. Jobho akabva aita sei? Akazvininipisa akabvuma kutsiurwa. Akati: “Ndakataura, asi ndakanga ndisinganzwisisi . . . Ndiri kudzora mashoko angu andakataura, uye ndiri kupfidza muguruva nemadota.” Jehovha akakomborera Jobho nekuti akazvininipisa.—Job. 42:3-6, 12-17.

9. Mozisi akaratidza sei muenzaniso wakanaka panyaya yekubvuma kutsiurwa?

9Mozisi muenzaniso wakanaka wemunhu akabvuma kutsiurwa paakaita chikanganiso chakakura. Pane imwe nguva akatsamwa chaizvo uye haana kukudza Jehovha. Izvi zvakaita kuti arasikirwe neropafadzo yekupinda muNyika Yakapikirwa. (Num. 20:1-13) Mozisi paakakumbira Jehovha kuti achinje zvaakanga asarudza, Jehovha akamuudza kuti: “Usataurazve neni nezvenyaya iyi.” (Dheut. 3:23-27) Mozisi haana kugumbuka. Asi akagamuchira zvakasarudzwa naJehovha, uye Jehovha akaramba achimushandisa kutungamirira vaIsraeri. (Dheut. 4:1) Jobho naMozisi mienzaniso yakanaka yekutevedzera panyaya yekubvuma kutsiurwa. Jobho akachinja mafungiro ake; haana kupa tuzvikonzero. Mozisi akaratidza kuti akabvuma kutsiurwa kwaakanga aitwa naJehovha nekuramba akatendeka kunyange zvazvo akarasikirwa neropafadzo yaikosha chaizvo kwaari.

10. (a) Zvirevo 4:10-13 inotidzidzisei nezvekubatsirwa kwatinoitwa nekubvuma kutsiurwa? (b) Vamwe vakaratidza maonero api akanaka pavakatsiurwa?

10 Tinobatsirwa patinotevedzera mienzaniso yevarume vakatendeka vakadai saJobho naMozisi. (Verenga Zvirevo 4:10-13.) Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dziri kuvatevedzera uye dziri kubvuma kutsiurwa. Imwe hama inonzi Emmanuel inogara kuCongo yakataura nezveyambiro yayakapiwa ichiti: “Hama dzakasimba pakunamata dzemuungano medu dzakaona kuti ndakanga ndava kukanganisa ushamwari hwangu naJehovha, uye dzakandibatsira. Ndakashandisa zano ravo, uye izvozvo zvakaita kuti ndisapinda mumatambudziko akawanda.” * Paaitaura nezvekutsiurwa, mumwe piyona wekuCanada anonzi Megan akati: “Hapasi pese pandaiudzwa zvandaida kunzwa, asi ndizvo zvandaifanira kunzwa.” Uye imwe hama yekuCroatia inonzi Marko yakati: “Ndakarasikirwa neropafadzo, asi pandinofunga nezvazvo, ndinoona kuti zano randakapiwa rakandibatsira kuti ndivezve neushamwari hwakanaka naJehovha.”

11. Hama Karl Klein vakatii nezvekubvuma kutsiurwa?

11 Mumwe muenzaniso wemunhu akabatsirwa nekubvuma kutsiurwa ndiHama Karl Klein, avo vakashumira senhengo yeDare Rinotungamirira. Munyaya yavo yeupenyu, Hama Klein vakataura nezvekutsiurwa zvakasimba kwavakamboitwa naJoseph F. Rutherford, uyo aiva shamwari yavo yepedyo. Hama Klein vanoti pakutanga vakarwadziwa nekutsiurwa kwavakaitwa. Vakati: “Hama Rutherford pavakazondiona, vakandikwazisa vachifara vachiti, ‘Hesi Karl!’ Asi sezvo ndainge ndichakagumbuka, ndakangodairira pasi. Vakabva vati, ‘Karl, ngwarira! Dhiyabhorosi ari kuedza kukubata!’ Nekunyara, ndakavapindura kuti, ‘Haaa, handina kukutsamwirai ini Hama Rutherford.’ Asi vaiziva kuti ndakanga ndakatsamwa, saka vakadzokorora kuti, ‘Horaiti. Asi ngwarira. Dhiyabhorosi ari kuedza kukubata.’ Vaitaura chokwadi! Patinoramba takagumbukira hama, kunyanya painenge yataura chinhu chaiine kodzero yekutaura . . . , zvinova nyore kuti Dhiyabhorosi atibate.” * (VaEf. 4:25-27) Hama Klein vakabvuma kutsiurwa naHama Rutherford uye vakaramba vari shamwari dzepedyo.

CHII CHINGATIBATSIRA KUTI TIBVUME KUTSIURWA?

12. Kuzvininipisa kungatibatsira sei kubvuma kutsiurwa? (Pisarema 141:5)

12 Chii chingatibatsira kuti tibvume kutsiurwa? Tinofanira kuzvininipisa toyeuka kuti tine chivi uye kuti dzimwe nguva tinomboita zvinhu zvisina musoro. Sezvambotaurwa, Jobho aimbova nemaonero asina kunaka. Asi akazochinja mafungiro ake, uye Jehovha akamukomborera. Nei akamukomborera? Nekuti akazvininipisa. Akaratidza kuti aizvininipisa nekubvuma kutsiurwa naErihu kunyange zvazvo Erihu aiva mudiki chaizvo kwaari. (Job. 32:6, 7) Kuzvininipisa kuchatibatsirawo kuti tibvume zano kunyange tichinzwa sekuti hatifaniri kuripiwa kana kuti ari kutipa wacho ari munhu mudiki kwatiri. Mumwe mukuru wekuCanada akati, “Sezvo maonero atinozviita akasiyana nemaonerwo atinoitwa nevamwe, tingafambira mberi sei kana pasina anotipa zano?” Ndiani wedu asingadi kufambira mberi pakuwedzera kuratidza chibereko chemweya uye pakuita ushumiri hwedu?—Verenga Pisarema 141:5.

13. Tinofanira kuona sei kutsiurwa kwatinoitwa?

13Ona kutsiurwa sekuratidzwa kwerudo rwaMwari. Jehovha anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. (Zvir. 4:20-22) Paanotitsiura achishandisa Shoko rake, rimwe remabhuku edu, kana kuti muKristu akasimba pakunamata, anenge achiratidza kuti anotida. “Anozviitira kuti tibatsirwe,” inodaro VaHebheru 12:9, 10.

14. Tinofanira kuisa pfungwa dzedu pachii patinenge tatsiurwa?

14Isa pfungwa pane zvataurwa, kwete pamataurirwo azvaitwa. Dzimwe nguva tinganzwa sekuti mashoko ashandiswa pakutitsiura haana kutaurwa zvakanaka. Ichokwadi kuti munhu anenge achitsiura mumwe anofanira kuedza kuzviita nenzira inoita kuti zvive nyore kugamuchira. * (VaG. 6:1) Asi kana tiri isu tiri kutsiurwa tinofanira kuisa pfungwa pamashoko ataurwa, kunyange zvazvo tinganzwa sekuti aigona kutaurwa nenzira iri nani. Tingazvibvunza kuti: ‘Kunyange zvazvo ndisina kufarira matsiurirwo andaitwa, pane chandingadzidza here pane zvataurwa? Ndinogona kusaisa pfungwa pakukanganisa kwemunhu wacho here ndoona kubatsira kwemashoko aataura?’ Kana tikaisa pfungwa pakuti kutsiurwa kwataitwa kunotibatsira papi tinenge tichiratidza kuti takachenjera.—Zvir. 15:31.

KUMBIRA MAZANO UBATSIRWE

15. Nei tichifanira kukumbira mazano?

15 Bhaibheri rinotikurudzira kukumbira mazano. Zvirevo 13:10 inoti: “Uchenjeri ndehwevaya vanotsvaga mazano.” Ichocho ichokwadi! Vaya vanokumbira mazano vanokurumidza kufambira mberi pakunamata kupfuura vaya vasingaatsvagi. Saka tanga iwe kukumbira mazano.

Nei hanzvadzi yechidiki ichikumbira mazano kuhanzvadzi yakasimba pakunamata? (Ona ndima 16)

16. Ndepapi patingakumbira mazano?

16 Ndepapi patingakumbira mazano kune vatinonamata navo? Funga mienzaniso inotevera. (1) Hanzvadzi inokumbira muparidzi agara nebasa kuti vaende vese kuchidzidzo cheBhaibheri uye inozokumbira mazano ekuti ingavandudza sei madzidzisiro ayo. (2) Hanzvadzi isina kuroorwa iri kuda kutenga tirauzi, saka inokumbira kuti inzwewo kuti hanzvadzi yakasimba pakunamata inotii nezvetirauzi rairi kuda kutenga. (3) Hama yawana ropafadzo yekupa hurukuro yavose kekutanga inokumbira mukurukuri ane unyanzvi kuti anyatsoteerera hurukuro yacho, oipa mazano ekuti ingavandudza sei. Kunyange hama yava nemakore ichipa hurukuro inogona kukumbira mazano kuvakurukuri vane unyanzvi yoashandisa.

17. Tingabatsirwa sei nemazano?

17 Mumavhiki kana kuti mumwedzi iri kutevera, tese tichapiwa mazano, angava akananga kana kuti asina. Izvozvo pazvichaitika, yeuka pfungwa dzatichangobva kukurukura. Ramba uchizvininipisa. Isa pfungwa pane zvataurwa, kwete pamataurirwo azvaitwa. Uye shandisa zano raunenge wapiwa. Hakuna munhu anoberekwa aine uchenjeri. Asi ‘patinoteerera zano uye tobvuma kurayirwa,’ Shoko raMwari rinotivimbisa kuti ‘tichava vakachenjera.’—Zvir. 19:20.

RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika

^ ndima 5 Vanhu vaJehovha vanoziva kukosha kwekuteerera mazano anobva muBhaibheri. Asi hapasi pese pazviri nyore kubvuma zano. Nei zvakadaro? Tingaitei kuti tibatsirwe nezano ratinenge tapiwa?

^ ndima 10 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 11 Ona Nharireyomurindi yeChirungu yaOctober 1, 1984, mapeji 21-28.

^ ndima 14 Munyaya inotevera tichaona kuti vaya vanotsiura kana kuti vanopa vamwe mazano vangazviita sei zvakanaka.