Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 9

Tevedzera Jesu Nekushumira Vamwe

Tevedzera Jesu Nekushumira Vamwe

“Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—MAB. 20:35.

RWIYO 17 “Ndinoda”

ZVICHADZIDZWA *

1. Zvinhu zvipi zvakanaka zvinoitwa nevanhu vaJehovha?

KARE KARE, Bhaibheri rakataura kuti vanhu vaMwari ‘vaizozvipira nemwoyo wese’ mubasa raJehovha vachitungamirirwa neMwanakomana wake. (Pis. 110:3) Uprofita ihwohwo huri kuzadziswa mazuva ano. Gore negore, vashumiri vaJehovha vanoshingaira vari kuita mamiriyoni emaawa mubasa rekuparidza. Vanozvipira kuita basa iri vachishandisa zvinhu zvavo. Vanoshandisawo nguva yavo kuti vabatsire hama dzavo kuti dziwane zvadzinoda pakurarama, vadzikurudzire, uye kuti vasimbise kutenda kwadzo. Hama dzakagadzwa dzinoita maawa akawanda dzichigadzirira hurukuro dzepamisangano uye dzichishanyira hama nehanzvadzi kuti vadzikurudzire. Chii chinoita kuti vaite basa rese iri? Vanoriita nekuti vanoda Jehovha uye vanoda muvakidzani.—Mat. 22:37-39.

2. Sezvinotaurwa pana VaRoma 15:1-3, Jesu akaratidza muenzaniso upi?

2 Jesu akaratidza kuti aiva nehanya nezvaidiwa nevamwe kupfuura zvaaida iye. Tiri kuedza nepatinogona kutevera tsoka dzake. (Verenga VaRoma 15:1-3.) Vaya vanomutevedzera vachaona kubatsira kwazvinoita. Jesu akati: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mab. 20:35.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino tichaona zvimwe zvinhu zvakaitwa naJesu kuti abatsire vamwe uye tichaona kuti tingamutevedzera sei. Tichakurukurawo zvatingaita kuti tiwedzere kuva nechido chekushumira vamwe.

TEVEDZERA ZVAKAITWA NAJESU

Pasinei nekuti ainge akaneta, Jesu akaita sei vanhu vakawanda pavakauya kwaari? (Ona ndima 4)

4. Jesu akaratidza sei kuti aiva nehanya nezvaidiwa nevamwe kupfuura zvaaida iye?

4Jesu aibatsira vamwe kunyange paainge akaneta. Funga zvakaitwa naJesu vanhu vakawanda pavakauya kwaari mujinga megomo ringangodaro raiva pedyo neKapenaume. Jesu akanga aita usiku hwese achinyengetera. Kunenge kuti akanga akaneta chaizvo, asi paakaona vanhu akasiririswa nevarombo uye nevarwere vaivapo. Akavaporesa uye akapa imwe yehurukuro dzinokurudzira chaizvo, iyo yakazozivikanwa seMharidzo yepaGomo.—Ruka 6:12-20.

Tingatevedzera sei kuzvipira kwaiita Jesu? (Ona ndima 5)

5. Misoro yemhuri painenge yakaneta inotevedzera sei kuzvipira kwaiitwa naJesu?

5Misoro yemhuri iri kutevedzera sei Jesu? Funga nezvemuenzaniso uyu: Baba vaswera vachishanda kubasa uye vasvika pamba vakaparara nekuneta. Kunyange zvazvo kamwe kamwoyo kachivaudza kuti varege kuita kunamata kwemhuri manheru iwayo, vanokumbira Jehovha kuti avape simba rekuitisa chidzidzo chacho. Jehovha anopindura munyengetero wavo uye baba vacho vanodzidza nemhuri yavo sezvavagara vachiita vhiki rega rega. Vana vacho vanodzidza chidzidzo chinokosha manheru iwayo chekuti vabereki vavo vanokoshesa zvekunamata kupfuura zvimwe zvinhu zvese.

6. Taura muenzaniso unoratidza kuzvipira kwakaita Jesu kushandisa nguva yake kuti abatsire vamwe.

6Jesu aishandisa nguva yake kuti abatsire vamwe kunyange paaifanira kumbova ega. Chimbofunga kuti Jesu akanzwa sei paakaziva kuti shamwari yake Johani Mubhabhatidzi, yakanga yaurayiwa. Anofanira kunge akarwadziwa chaizvo. Bhaibheri rinoti: “Jesu paakanzwa [nezvekufa kwaJohani], akabva ipapo nechikepe akaenda kunzvimbo isina vanhu kuti ave ega.” (Mat. 14:10-13) Tinogona kunzwisisa kuti nei aida kumbova ega. Vakawanda vedu tinoda kuchema tiri pedu tega. Asi Jesu haana kukwanisa kuva ega. Vanhu vakawanda vakamutangira kusvika kunzvimbo iyoyo yaaida kuva ega. Akaita sei? Akafunga zvaidiwa nevanhu vacho uye “akasiririswa navo.” Jesu akaziva kuti vanhu ivavo vaida kubatsirwa uye kunyaradzwa naMwari, saka akabva atotanga kuvabatsira. “Akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.”Mako 6:31-34; Ruka 9:10, 11.

7-8. Taura muenzaniso unoratidza kuti vakuru vanotevedzera sei Jesu kana mumwe munhu wemuungano achida rubatsiro rwavo.

7Vakuru vane rudo vanotevedzera sei Jesu? Tinoonga chaizvo basa rinoitwa nevakuru vachizvipira kutibatsira. Vakawanda vari muungano havazivi mabasa ese anoitwa nevakuru. Semuenzaniso, kana pakaita urwere hunoda kukurumidzirwa, vari muKomiti Yekukurukura Nezvipatara vanokurumidza kuenda kunobatsira hama nehanzvadzi dzavo. Zvinhu zvakadai zvinowanzoitika pakati peusiku. Asi vakuru ivavo pamwe chete nemhuri dzavo vanonzwira tsitsi hama kana kuti hanzvadzi dzavo dzinenge dziri mumatambudziko, zvoita kuti vakoshese zvadzinoda kupfuura zvavanoda ivo pachavo.

8 Vakuru vanobatsirawo pakuvakwa kweDzimba dzeUmambo nezvimwe zvivakwa zvesangano uyewo pakuyamura vanenge vawirwa nenjodzi. Vanoitawo nguva yakawanda vachitidzidzisa uye vachitikurudzira. Tinoonga chaizvo hama dzese idzi nemhuri dzavo. Jehovha ngaakomborere kuzvipira kwavanoita. Asi kungofanana nevamwe vanhu vese, vakuru vanofanira kuziva pekugumira pakuita mabasa aya. Havafaniri kuzoita nguva yakawandisa vachiita mabasa iwayo ane chekuita nekunamata zvekuti vanoshaya nguva nemhuri dzavo.

ZVATINGAITA KUTI TIKOSHESE ZVINODIWA NEVAMWE KUPFUURA ZVATINODA

9. Maererano naVaFiripi 2:4, 5, mafungiro api anofanira kuva nevaKristu vese?

9 Verenga VaFiripi 2:4, 5. Hatisi tese tinoshumira sevakuru, asi tinogona kudzidza kutevedzera Jesu pakukoshesa zvinodiwa nevamwe kupfuura zvatinoda. Bhaibheri rinoti “akava semuranda.” (VaF. 2:7) Funga zvatinogona kudzidza pamashoko iwayo. Muranda kana kuti mushumiri aidiwa, aitsvaga mikana yekufadza tenzi wake. Sezvo uri muranda waJehovha uye mushumiri wehama dzako, zviri pachena kuti unoda kuwedzera kushanda nesimba mubasa raJehovha uye pakubatsira hama dzako. Unogona kuita izvi uchitevedzera mazano anotevera.

10. Mibvunzo ipi yatingazvibvunza?

10Ongorora mafungiro ako. Zvibvunze mibvunzo yakaita seiyi: ‘Ndiri munhu anoda kushandisa nguva yangu nesimba pakubatsira vamwe here? Semuenzaniso, ndinoita sei kana ndikakumbirwa kuti ndishanyire hama yakwegura kana kuendesa hanzvadzi yakwegura kumisangano? Ndinoda here kubatsira pakuchenesa nzvimbo inoitirwa magungano kana pakuita kuti Imba yeUmambo igare yakanaka?’ Patakazvitsaurira kuna Jehovha, takamuvimbisa kuti tichashandisa nguva yedu nezvese zvatiinazvo pakumushumira, saka anofara patinoshandisa zvinhu izvozvo pakubatsira vamwe. Tingaitei kana tikaona kuti pane patinofanira kuvandudza?

11. Kunyengetera kunotibatsira sei kuti tiwedzere kuva nechido chekubatsira vamwe?

11Nyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha. Ngatitii waona kuti une paunofanira kuvandudza asi unoshayiwa chido chekuchinja. Pakadaro nyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha. Muudze manzwiro auri kuita, uye mukumbire kuti akupe “chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.”—VaF. 2:13.

12. Hama yechidiki yakabhabhatidzwa ingabatsira sei muungano mayo?

12 Kana uri hama yechidiki yakabhabhatidzwa, kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti uve nechido chekuita zvakawanda pakubatsira hama nehanzvadzi dzemuungano yenyu. Mune dzimwe nyika, mune vakuru vakawanda kupfuura vashumiri veungano, uye vakawanda vevashumiri veungano ava ndevechikuru. Kukura kuri kuti sangano kuri kuita kuti padiwe hama dzechidiki dzakawanda dzinobatsira vakuru pakuchengetedza vanhu vaJehovha. Kana uine chido chekushumira chero kwaungadiwa, uchafara. Nei zvakadaro? Nekuti uchafadza Jehovha, uchava nemukurumbira wakanaka, uye uchagutsikana nekubatsira vamwe.

VaKristu vemuJudhiya vakatizira kuguta rePera iro raiva mhiri kweRwizi rwaJodhani. Vaya vakanga vasvika muguta racho kare vari kugova zvekudya kune vamwe vaKristu vachangosvika (Ona ndima 13)

13-14. Tingaitei kuti tibatsire hama nehanzvadzi dzedu? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

13Gara uchitsvaga mikana yekubatsira vamwe. Muapostora Pauro akaudza vaHebheru kuti: “Musakanganwa kuita zvakanaka uye kupawo vamwe zvamuinazvo, nekuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” (VaH. 13:16) Iri raiva zano rakanaka. Pasina nguva refu vaKristu vemuJudhiya vagamuchira tsamba iyi vaifanira kusiya misha yavo, mabhizinesi avo, nehama dzavo dzaisava vaKristu uye vaifanira “kutanga kutizira kumakomo.” (Mat. 24:16) Zviri pachena kuti panguva iyoyo zvaikosha chaizvo kuti vabatsirane. Kana kuri kuti vakanga vagara vachishandisa zano raPauro rekupawo vamwe zvavaiva nazvo, zvinofanira kunge zvakazovaitira nyore kuti vajairane neupenyu hwavainge vava kurarama.

14 Hama nehanzvadzi dzedu dzingasatiudza pese padzinenge dzichida rubatsiro. Semuenzaniso, hama inogona kunge yakafirwa nemudzimai wayo. Hama yedu ingada here kubatsirwa pakubika, kuwana chekufambisa, kana pakuita mabasa emumba? Angasava nezvaanotaura achityira kuti angatiremedza. Asi angaonga chaizvo kana tikamubatsira asati atikumbira. Hatifaniri kufunga kuti mumwe munhu achamubatsira kana kufunga kuti kana aine zvaari kuda achatiudza. Zvibvunze kuti, ‘Dai ndiri ini ndine dambudziko rakaita serake, ndaizoda kubatsirwa sei?’

15. Tinofanira kuitei kana tichida kubatsira vamwe?

15Ita kuti zvive nyore kuti vamwe vakukumbire rubatsiro. Zviri pachena kuti unoziva hama nehanzvadzi dzemuungano menyu dzakagadzirira kubatsira vamwe. Havamboiti kuti tinzwe sekuti tiri kuvaremedza. Tinoziva kuti vanoda chaizvo kutibatsira patinenge tiri mumatambudziko, uye tinoda kuvatevedzera. Alan, mukuru ane makore 45, anoda kuti zvive nyore kuti vamwe vamukumbire rubatsiro. Achifunga nezvemuenzaniso waJesu, Alan anoti: “Jesu aigara akabatikana, asi vanhu vemazera ese vaimufarira uye vaisatya kumukumbira rubatsiro. Vaiziva kuti aiva nehanya navo. Ndinoda kutevedzera Jesu uye kuzivikanwa semunhu anotaurika naye, ane ushamwari, uye ane hanya nevamwe.”

16. Kushandisa zvinotaurwa pana Pisarema 119:59, 60 kunotibatsira sei kutevedzera muenzaniso waJesu?

16 Hatifaniri kuora mwoyo kana tikatadza kutevedzera Jesu zvakakwana. (Jak. 3:2) Munhu anenge achidzidzira kudhirowa haakwanisi kunyatsotevedzera zvakakwana mudzidzisi wake. Asi mudzidzi paanodzidza kubva pane zvaanokanganisa oita zvese zvaanogona pakutevedzera mudzidzisi wake, anoramba achiwedzera unyanzvi. Isuwo patinoshandisa zvatinenge tadzidza muBhaibheri, tichiedza kugadzirisa patinokanganisa, tinokwanisa kutevedzera muenzaniso waJesu.—Verenga Pisarema 119:59, 60.

MAKOMBORERO ANOBVA PAKUZVIPIRA

Pavanotevedzera kuzvipira kwaiita Jesu, vakuru vanoratidza vechidiki muenzaniso wakanaka wekutevedzera (Ona ndima 17) *

17-18. Makomborero api anovapo patinotevedzera kuzvipira kwaiita Jesu?

17 Patinova nechido chekubatsira vamwe, vamwe vanokurudzirwawo kuita izvozvo. Mumwe mukuru anonzi Tim akati: “Tine hama dzechidiki chaizvo dzakafambira mberi uye dzakagadzwa sevashumiri veungano. Chimwe chikonzero chakaita kuti dzifambire mberi kwaiva kuona chido chekubatsira chaiva nevamwe uye izvi zvakaita kuti dzide kuvatevedzera. Hama dzechidiki idzi dzinobatsira ungano yedu uye dzinotsigira chaizvo vakuru.”

18 Mazuva ano vanhu vakawanda vari munyika vanongoda kuita zvakavanakira. Asi vanhu vaJehovha vakasiyana chaizvo nevanhu ava. Takurudzirwa chaizvo nekuzvipira kwaiita Jesu, uye tinoda kumutevedzera. Hatikwanisi kumutevedzera zvakakwana, asi tinogona ‘kufamba tichitevera maakatsika namo.’ (1 Pet. 2:21) Patinoita zvese zvatinogona pakutevedzera kuzvipira kwaiita Jesu, tinofara nekuti tinenge tichifadza Jehovha.

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

^ ndima 5 Jesu aigara achiratidza kuti aiva nehanya nezvaidiwa nevamwe kupfuura zvaaida iye. Munyaya ino tichakurukura kuti tingamutevedzera sei. Tichadzidzawo kuti tinobatsirwa sei kana tikaedza kumutevedzera.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Dan, hama yechidiki, ari kuona zviri kuitwa nevakuru vaviri vashanyira baba vake muchipatara. Dan anokurudzirwa nerudo runoratidzwa nevakuru. Anotsvagawo nzira dzekubatsira vamwe muungano. Imwe hama yechidiki inonzi Ben, iri kuona kuti Dan ane hanya nevamwe. Muenzaniso waDan unokurudzira Ben kuti abatsirewo pakuchenesa Imba yeUmambo.