Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

Ndakawana Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Kuva Chiremba

Ndakawana Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Kuva Chiremba

“ZVAMURI kundiudza izvi ndizvo zvinhu zvandagara ndichishuvira kubva ndichiri mudiki!” Ndakataura mashoko aya muna 1971 kune mumwe murume nemudzimai vakanga vauya kuzorapwa. Ndakanga ndichangobva kuvhura kiriniki yangu yekutanga. Murume nemudzimai ivavo vaiva vanaani, uye chii chandaishuvira kubva ndichiri mudiki? Regai ndikuudzei kuti zvatakataura musi iwoyo zvakachinja sei zvinangwa zvangu uye kuti nei ndichiti zvinhu zvandaishuvira kubvira ndichiri mudiki zvava pedyo kuzadziswa.

Ndakaberekwa muna 1941, muguta reParis kuFrance. Mhuri yedu yaisava nemari yakawanda. Ndaifarira chaizvo zvekudzidza, saka ndakarwadziwa zvisingaiti pandakarwara neTB ndiine makore 10, ndichibva ndambomira kuenda kuchikoro. Vanachiremba vakati ndaifanira kugara ndakarara nemhaka yekuti mapapu angu akanga asina kunyatsosimba. Saka ndakaita mwedzi yakawanda ndiri pamba. Ndaiswera ndichiverenga dhikishinari uye ndichiteerera mapurogiramu epaRadio Sorbonne aitepfenyurwa neUniversity of Paris. Ndakafara zvisingaiti chiremba paakandiudza kuti ndakanga ndapora uye kuti ndakanga ndava kukwanisa kudzokera kuchikoro. Ndakazviudza kuti, ‘Basa rinoitwa navanachiremba rinoshamisa!’ Kubvira ipapo ndakabva ndava nechido chekurapa vanhu vairwara. Pese pandaibvunzwa nababa vangu kuti ndaida kuzoitei kana ndakura, ndaigara ndichingovaudza kuti, “Ndinoda kuva chiremba.” Zvakaitika izvi ndizvo zvakaita kuti ndide kuva chiremba.

SAINZI YAKANDISWEDEDZA PEDYO NAMWARI

Mhuri yedu yaipinda chechi yeRoma, asi zvaingova zvezita. Ndaisaziva zvakawanda nezvaMwari uye ndaiva nemibvunzo yakawanda. Ndakatozova nechokwadi chekuti zvinhu zvakaita zvekusikwa pandakatanga kudzidzira kuva chiremba payunivhesiti.

Ndinoyeuka pandakatanga kuona masero eruva rinonzi tulip ndichishandisa microscope. Ndakashamisika chaizvo pandakaona zvinoitika kumasero aya kana akaiswa muzvinhu zvinopisa kana kuti zvinotonhora. Ndakaonawo zvinoitika kune zvimvuramvura zviri mukati memasero aya zvinonzi cytoplasm. Kana sero rikaiswa mumunyu cytoplasm inobva yaita shoma asi kana rikaiswa mumvura cytoplasm inobva yawanda. Izvi nezvimwewo zvinoitika mumasero, zvinobatsira kuti zvinhu zvipenyu zvikwanise kuramba zvichirarama pasinei nekuti zvaiswa papi. Pandakaona mashandiro anoita sero rimwe nerimwe, ndakabva ndaona kuti upenyu hauna kungoerekana hwavapo hwega.

Mugore rangu rechipiri ndiri payunivhesiti, ndakaona humwe uchapupu hwekuti Mwari ariko. Pataidzidza zvakaita muviri wemunhu, ndakaona kuti magadzirirwo akaitwa ruoko anoita kuti tikwanise kubhendesa uye kutwasanudza zvigunwe zvedu. Kubatana kwakaita tsandanyama nemabhonzo uye mashandiro azvinoita pamwe chete, zvinoshamisa. Semuenzaniso, ndakadzidza kuti pane katambo kanobatanidza tsandanyama dziri muruoko rwedu nebhonzo riri nechepakati pechigunwe. Katambo ikako pane pakanopatsanuka twova tuviri, zvoita kuti kamwe kakwanise kuenda kubhonzo riri kunogumira chigunwe. Tutambo utwu tunenge turi pedyo pedyo nemabhonzo emuzvigunwe. Kudai zvigunwe zvedu zvisina kugadzirwa seizvi tutambo utwu twaizonyanya kukaka zvekuti zvigunwe zvedu zvaisazokwanisa kubhenda kana kutwasanuka zvakanaka. Izvi zvakandibatsira kuona kuti munhu akagadzira miviri yedu ane uchenjeri hwakadzama.

Ndakatowedzera kuyemura basa rakaitwa neMusiki pandakadzidza kuti mwana anotanga sei kufema paanenge achangozvarwa. Ndakadzidza kuti mwana paanenge achiri mudumbu raamai, anowana mhepo yatinofema inonzi oxygen achishandisa rukuvhute. Saka tumwe tunhu turi mumapapu twakaita setumabhora tunonzi maalveoli, tunenge twakaita setwakasvava. Asi mavhiki mashoma mwana asati aberekwa, mukati metumaalveoli utwu munotanga kuva nezvakaita zvimvuramvura zvinotsvedzerera zvinonzi surfactant. Mwana paanongozvarwa, ofema kekutanga pane zvinhu zvinoshamisa zvinoitika. Buri rinenge riri pamwoyo pemwana rinobva ravhara zvoita kuti ropa riende kumapapu. Izvi pazvinongoitika, surfactant iya inenge iri mutumaalveoli inobatsira kuti tusaramba twakasvava, saka mweya unobva wangopinda nyore nyore, mwana ototanga kuzvifemera ega.

Ndaida kuziva munhu akasika zvinhu zvinoshamisa kudaro, saka ndakatanga kuverenga Bhaibheri nemwoyo wese. Ndakashamiswa nemitemo yaitaura zvaifanira kuitwa nevaIsraeri kuti varambe vakachena yavakapiwa naMwari musungano yaakaita navo makore anopfuura 3 000 adarika. Mwari akaudza vaIsraeri kuti vafushire tsvina yavo, vagare vachigeza nemvura, uye vaite kuti munhu anenge aine zviratidzo zvechirwere chinotapukira aiswe kwake ega. (Revh. 13:50; 15:11; Dheut. 23:13) Zviri muBhaibheri zvinoratidza kuti munhu akarinyora anonyatsonzwisisa kuti zvirwere zvinopararira sei. Asi nyanzvi dzesainzi dzakatozotanga kunzwisisa zvinhu izvozvo kuma1870. Ndakaonawo kuti mitemo yaitaura nezvepabonde iri muna Revhitiko yaibatsira kuti rudzi rwese rwevaIsraeri rurambe ruine utano hwakanaka. (Revh. 12:1-6; 15:16-24) Izvi zvakaita kuti ndione kuti Musiki akapa vaIsraeri mitemo iyi kuti zvivafambire zvakanaka, uye kuti aikomborera vaya vaiteerera mitemo yake. Ndakabva ndatanga kuva nechokwadi chekuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari, uyo wandakanga ndisati ndava kuziva panguva iyoyo.

KUZIVA JEHOVHA UYE KUONANA KWANDAKAITA NEMUDZIMAI WANGU

Patakachata musi wa3 April 1965

Pandakanga ndiri kuyunivhesiti ndichidzidzira kuva chiremba, ndakatanga kudanana naLydie. Takachata muna 1965 pandakanga ndiri pakati pezvidzidzo zvangu. Pakazosvika 1971, takanga tava nevana vatatu, asi takazova nevana 6. Mudzimai wangu anonditsigira chaizvo pabasa rangu sachiremba uyewo mumhuri medu.

Ndakaita makore matatu ndichishanda mune chimwe chipatara ndisati ndavhura kiriniki yangu. Ndichangobva kuivhura, mumwe murume nemudzimai vandambotaura nezvavo pakutanga, vakauya vachida kurapwa. Pandakanga ndava kuda kutonyorera murume wacho mushonga, mudzimai wacho akati: “Chiremba, musavanyorera mushonga une ropa.” Ndakashamisika ndichibva ndati: “Hoo, nemhaka yei?” Mudzimai wacho akabva ati: “Tiri Zvapupu zvaJehovha.” Ndakanga ndisati ndambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha uye zvavanodzidzisa nezvenyaya yeropa. Mudzimai wacho akabva atora Bhaibheri rake achibva andiratidza kuti nei vasingabvumi ropa. (Mab. 15:28, 29) Vakabva vaenderera mberi nekundiratidza kuti Umambo hwaMwari huchabvisa kutambura, kurwara, uye rufu. (Zvak. 21:3, 4) Ndakabva ndavaudza kuti: “Zvamuri kundiudza izvi ndizvo zvandagara ndichishuvira kubva ndichiri mudiki! Ndakadzidzira kuva chiremba nekuti ndaida kubatsira vanorwara.” Ndakafara zvisingaiti nezvavakandiudza, zvekuti takataura kweinenge awa nehafu. Murume nemudzimai wacho pavakazoenda, ndakanga ndisisadi kupinda chechi yeRoma, uye ndakanga ndava kuziva kuti Musiki uyo wandaiyemura zvikuru ane zita rekuti Jehovha!

Ndakazoonana nemhuri iya katatu kukiriniki yangu, uye pese pataionana taitaura kweinopfuura awa. Ndakavakumbira kuti vazouya kumba kwangu kuti tinyatsowana nguva yakawanda yekukurukura nezveBhaibheri. Kunyange zvazvo mudzimai wangu akabvumawo kudzidza Bhaibheri, aisabvuma kuti dzimwe dzidziso dzatakanga takadzidziswa kuchechi yeRoma ndedzenhema. Saka ndakakoka mumwe mupristi weRoma kuti auye kumba kwedu. Takasvika pakati peusiku tichikurukura zvinodzidziswa nechechi yeRoma tichingoshandisa Bhaibheri chete. Izvozvo zvakabatsira mudzimai wangu kuti aone kuti zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha ndezvechokwadi. Kubvira ipapo kuda kwataiita Jehovha kwakaramba kuchingowedzera kusvika tabhabhatidzwa muna 1974.

KUISA JEHOVHA PEKUTANGA MUUPENYU HWANGU

Zvandakadzidza nezvechinangwa chaMwari chaakasikira vanhu zvakachinja zvinangwa zvangu muupenyu. Ini nemudzimai wangu takanga tava kunyanya kukoshesa kushumira Jehovha. Taida kurera vana vedu tichitevedzera zvinodzidziswa neBhaibheri. Takadzidzisa vana vedu kuti vade Jehovha uyewo vade vanhu. Izvozvo zvakaita kuti mhuri yedu ibatane.—Mat. 22:37-39.

Ini nemudzimai wangu tinowanzoseka patinofunga nezvekuti vana vedu vainyatsoona kubatana kwatakanga takaita sevabereki. Vaiziva kuti murayiro waJesu wekuti, “shoko renyu rekuti ‘Hongu’ ngaringova hongu, ‘Kwete’ wenyu, kwete” ndiwo waiva mutemo wemumba medu. (Mat. 5:37) Semuenzaniso, mumwe mwanasikana wedu paaiva nemakore 17, mudzimai wangu akamurambidza kuti aende kunotandara nevamwe vezera rake. Mumwe wavo akabva ati kumwanasikana wedu, “Kana mai vako vakurambidza kumbira baba vako!” Asi mwanasikana wedu akati: “Hazvina zvazvinombobatsira. Kana mumwe wavo atongotaura, vanotsigirana.” Vana vedu vari 6 vainyatsoona kuti tainge takabatana pakutevedzera zvinodzidziswa neBhaibheri. Tinofara chaizvo kuti hama dzedu dzakawanda dziri kushumira Jehovha.

Kunyange zvazvo ndakanga ndachinja zvinangwa zvangu muupenyu, ndaida kushandisa unyanzvi hwangu sachiremba kubatsira vanhu vaMwari. Saka ndakazvipira kushanda sachiremba ndichibatsira mhuri yeBheteri payakanga ichiri muParis uyewo payakazotamira kuLouviers. Ndava nemakore anoda kusvika 50 ndichibatsira kuBheteri. Mumakore ese aya, ndakava neshamwari dzepedyo mumhuri yeBheteri, uye vamwe vavo vatova kumakore ekuma90. Rimwe zuva pandakaonana nemumwe mukomana anga achangobva kusvika paBheteri, ndakashamisika chaizvo kuziva kuti ndini ndakanga ndabatsira mai vake kusununguka paakazvarwa makore 20 akanga adarika!

NDAKAONA KUDA KUNOITA JEHOVHA VANHU VAKE

Mumakore ese aya kuda kwandinoita Jehovha kwanga kuchingowedzera uye ndakaona kuti Jehovha anotungamirira uye anodzivirira sei vanhu vake achishandisa sangano rake. Makore ekuma1980 achangotanga, Dare Rinotungamirira rakatanga imwe purogiramu muUnited States yekubatsira vanachiremba kuti vanyatsonzwisisa maonero eZvapupu zvaJehovha panyaya yeropa.

Muna 1988, Dare Rinotungamirira rakaita urongwa hwekuti paBheteri pave nedhipatimendi idzva rinonzi Dhipatimendi Remashoko Echipatara, (Hospital Information Services). Pakutanga dhipatimendi iri raitungamirira maKomiti Ekukurukura Nezvipatara, (Hospital Liaison Committees kana kuti HLC) aiva muUnited States ayo akanga arongwa kuti abatsire Zvapupu kuti zviwane vanachiremba vanonzwisisa maonero atinoita nyaya yeropa. Urongwa uhwu pahwakazotangwawo mune dzimwe nyika, maHLC akarongwawo muFrance. Zvinofadza chaizvo kuona kuti sangano raJehovha rinoda uye rinotsigira sei hama nehanzvadzi dzinenge dzichirwara.

ZVANDAISHUVIRA ZVAKAZOITIKA

Tichiri kunakidzwa nekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari

Zvekurapa ndizvo zvandakatanga kuda muupenyu. Asi pandakaongorora zvinangwa zvangu, ndakaona kuti chinonyanya kukosha hakusi kurapa vanhu zvirwere zvavo, asi kuvabatsira kuti vave neushamwari naJehovha Mwari, uyo anotipa upenyu. Saka kubvira pandakangosiya basa ndakura, ini nemudzimai wangu takatanga kushanda semapiyona enguva dzese. Nanhasi tichiri kuita zvese zvatinogona kuti tiite basa iri rinoponesa upenyu.

Ndiine mudzimai wangu muna 2021

Ndichiri kuitawo zvandinogona kuti ndibatsire vanorwara. Asi ndinonyatsoziva kuti kunyange chiremba ane unyanzvi haakwanisi kurapa zvirwere zvese kana kuita kuti vanhu vasafe. Saka ndinotarisira nguva yakuchange kusisina kurwadziwa, kurwara kana kufa. Munyika itsva iyoyo yava pedyo kusvika, ndichakwanisa kurarama nekusingaperi ndichidzidza nezvezvakasikwa naMwari, kusanganisira muviri wedu waakasika nenzira inoshamisa. Zvandaishuvira ndichiri mudiki zvava pedyo kuzadziswa. Ndine chokwadi chakasimba chekuti upenyu hwakanaka huri mberi!