Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 11

Ramba Uchipfeka “Unhu Hutsva” Paunenge Wabhabhatidzwa

Ramba Uchipfeka “Unhu Hutsva” Paunenge Wabhabhatidzwa

Pfekai unhu hutsva.’—VAK. 3:10.

RWIYO 49 Kufadza Mwoyo waJehovha

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chinowanzoumba unhu hwedu?

 TINGAVA tiine mazuva mashoma tabhabhatidzwa kana kuti tava nemakore, tese tinoda kuva neunhu hunodiwa naJehovha. Kuti tive nahwo tinofanira kudzora zvatinofunga. Nei tichifanira kudaro? Nekuti mafungiro edu ndiwo anowanzoumba unhu hwedu. Kana tikagara tichifunga zvinhu zvinodiwa nenyama, tinopedzisira tataura kana kuita zvinhu zvakaipa. (VaEf. 4:17-19) Asi kana tikagara tichifunga zvinhu zvakanaka, kakawanda kacho tichataura uye tichaita zvinhu zvinofadza Baba vedu Jehovha.—VaG. 5:16.

2. Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?

2 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, hatikwanisi kuita kuti mafungiro asina kunaka asatombopinda zvachose mupfungwa dzedu. Asi tinogona kusarudza kusaita zvakaipa zvinenge zvauya mupfungwa dzedu. Tisati tabhabhatidzwa tinofanira kurega kutaura uye kuita zvinhu zvinovengwa naJehovha. Iroro ndiro danho rekutanga uye rinonyanya kukosha pakupfekenura unhu hwekare. Asi kuti tinyatsofadza Jehovha, tinofanira kuteererawo murayiro wekuti: ‘Pfekai unhu hutsva.’ (VaK. 3:10) Munyaya ino tichapindura mibvunzo inotevera: Chii chinonzi “unhu hutsva”? Tingaitei kuti tipfeke unhu hutsva toramba takahupfeka?

CHII CHINONZI “UNHU HUTSVA”?

3. Maererano naVaGaratiya 5:22, 23, chii chinonzi “unhu hutsva,” uye munhu anoitei kuti ahupfeke?

3 “Unhu hutsva” mafungiro nemaitiro anoratidza unhu hwaJehovha. Munhu anopfeka unhu hutsva paanoratidza zvibereko zvemweya waMwari, achibvumira kuti mweya mutsvene umutungamirire pane zvaanofunga, pamanzwiro ake, uye pazviito zvake. (Verenga VaGaratiya 5:22, 23.) Semuenzaniso, anoda Jehovha nevanhu vake. (Mat. 22:36-39) Munhu iyeye anoramba achifara kunyange paanosangana nematambudziko. (Jak. 1:2-4) Anoita kuti pave nerugare. (Mat. 5:9) Ane mwoyo murefu uye anobata vamwe zvakanaka. (VaK. 3:13) Anoda zvakanaka uye anozviita. (Ruka 6:35) Anoratidza nemaitiro ake kuti ane kutenda kwakasimba muna Baba vake vekudenga. (Jak. 2:18) Anoramba akadzikama paanodenhwa uye anozvidzora paanosangana nemuedzo.—1 VaK. 9:25, 27; Tito 3:2.

4. Kuti tipfeke unhu hutsva, nei tichifanira kuratidza unhu hwese hunotaurwa pana VaGaratiya 5:22, 23 uye mune mamwe mavhesi emuBhaibheri?

4 Kuti tipfeke unhu hutsva, tinofanira kuva neunhu hwese hunotaurwa pana VaGaratiya 5:22, 23 uye mune mamwe mavhesi emuBhaibheri. * Unhu uhwu hauna kuita sezvipfeko zvatinopfeka chimwe nechimwe panguva. Humwe hwacho hunoratidzwa pamwe chete nehumwe. Semuenzaniso, kana uchinyatsoda muvakidzani wako, uchamuitira mwoyo murefu uye mutsa. Uye kuti uve munhu akanaka, unofanira kuva munyoro uye uchizvidzora.

TINGAITEI KUTI TIPFEKE UNHU HUTSVA?

Patinoramba tichidzidza kuva nemafungiro akafanana neaJesu, tinowedzerawo kuva neunhu hwakafanana nehwake (Ona ndima 5, 8, 10, 12, 14)

5. Zvinorevei kuva ‘nepfungwa dzaKristu,’ uye nei tichifanira kudzidza nezveupenyu hwaJesu? (1 VaKorinde 2:16)

5 Verenga 1 VaKorinde 2:16. Kuti tipfeke unhu hutsva, tinofanira kuva ‘nepfungwa dzaKristu.’ Saka tinofanira kudzidza mafungiro aiita Jesu tobva tamutevedzera. Jesu anonyatsoratidza zvibereko zvemweya waMwari. Anonyatsoratidza unhu hwaJehovha sezvahuri. (VaH. 1:3) Patinowedzera kuva nemafungiro akafanana neaJesu, tinowedzera kuita saiye uye tichawedzerawo kuratidza unhu hwake.—VaF. 2:5.

6. Zvii zvatinofanira kuyeuka patinenge tichiedza kupfeka unhu hutsva?

6 Zvinonyatsoita here kuti titevedzere Jesu? Zvimwe tinogona kufunga kuti: ‘Jesu akakwana. Handimbofi ndakasvika paari!’ Kana uchinzwa saizvozvo, yeuka zvinotevera. Chekutanga, wakasikwa nemufananidzo waJehovha naJesu. Saka unogona kusarudza kuvatevedzera uye unewo paunosvika pakuvatevedzera. (Gen. 1:26) Chechipiri, hakuna rimwe simba ringaenzana nemweya mutsvene waMwari. Uchibatsirwa nawo, unogona kuita zvinhu zvawaisambofunga kuti unozvikwanisa. Chechitatu, Jehovha haatarisiri kuti unyatsoratidza zvakakwana zvibereko zvemweya iye zvino. Baba vedu vane rudo vachapa vaya vane tariro yekurarama panyika nekusingaperi makore 1 000 kuti vasvike pakuva vakakwana. (Zvak. 20:1-3) Chinodiwa naJehovha iye zvino ndechekuti tiedze nepatinogona napo kuratidza zvibereko zvemweya uye kuvimba naye kuti atibatsire.

7. Tava kuda kukurukurei?

7 Ndezvipi chaizvo zvatingaita pakutevedzera Jesu? Tichakurukura muchidimbu zvinhu 4 zvinotaurwa pazvibereko zvemweya waMwari. Tichaona kuti Jesu akaratidza sei chimwe nechimwe chazvo uye kuti tingadzidzei. Uye tichaona mimwe mibvunzo ingatibatsira kuongorora kuti tiri kuitawo sei pakupfeka unhu hutsva.

8. Jesu akaratidza sei rudo?

8 Jesu anoda Jehovha zvakadzama, ndosaka akazvipira achiitira Baba vake uye isu. (Joh. 14:31; 15:13) Akaratidza kuti aida vanhu zvakadzama nemararamiro aaiita paaiva panyika. Zuva rimwe nerimwe airatidza kuti anoda vanhu uye aivanzwira tsitsi kunyange zvazvo vamwe vaimupikisa. Nzira inokosha yaakaratidza nayo kuti anoda vanhu ndeyekuvadzidzisa nezveUmambo hwaMwari. (Ruka 4:43, 44) Jesu akaratidzawo kuti anoda Mwari uye vanhu zvakadzama nekuzvipira kutambura uye kuurayiwa nevatadzi. Paakaita izvozvo, akaita kuti tese tive nemukana wekuwana upenyu husingaperi.

9. Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza rudo?

9 Takazvitsaurira kuna Jehovha tikabhabhatidzwa nekuti tinoda Baba vedu vekudenga. Saka sezvakaitwa naJesu, tinofanira kuratidza kuti tinoda Jehovha nemabatiro atinoita vanhu. Muapostora Johani akanyora kuti: “Munhu asingadi hama yake yaanoona haangadi Mwari waasina kumboona.” (1 Joh. 4:20) Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoda vanhu zvakadzama here? Ndinoratidza kuti ndinonzwisisa vamwe here kunyange pavanondiitira zvakaipa? Rudo runoita kuti ndishandise nguva yangu uye zvinhu zvangu pakubatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha here? Ndinoda here kuita izvi kunyange vanhu vakawanda vasingafariri zvandiri kuedza kuita kana kuti vachindipikisa? Zvii zvandingaita kuti ndiwedzere nguva yangu pabasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi?’—VaEf. 5:15, 16.

10. Zvii zvaiitwa naJesu kuti pave nerugare?

10 Jesu aiva munhu anoda zverugare. Vanhu pavaimuitira zvakaipa aisadzorera chakaipa nechakaipa. Asi handizvo zvega zvaaiita. Ndiye aitotanga kuita kuti pave nerugare uye aikurudzira vamwe kuti vayanane. Semuenzaniso, akavadzidzisa kuti vanofanira kuva nerugare nehama dzavo kana vachida kuti Jehovha agamuchire kunamata kwavo. (Mat. 5:9, 23, 24) Uye akaramba achibatsira vaapostora vake kuti vasanetsana nenyaya yekuti ndiani aiva mukuru pakati pavo.—Ruka 9:46-48; 22:24-27.

11. Tingaitei kuti pave nerugare?

11 Kuti tiite kuti pave nerugare, hatifaniri kungogumira pakurega kuita zvinhu zvinoita kuti tinetsane nevamwe. Tinofanira kutanga isu kuita kuti tive nerugare nevamwe uye kukurudzira hama nehanzvadzi dzedu kuti dziyanane. (VaF. 4:2, 3; Jak. 3:17, 18) Tinogona kuzvibvunza mibvunzo iyi: ‘Zvii zvandinoda kuzvipira kuita kuitira kuti ndive nerugare nevamwe? Hama kana kuti hanzvadzi ikandigumbura, ndinoramba ndakaigumbukira here? Ndinomirira kuti iuye kuzotanga kutaura neni kuti tigadzirise nyaya yacho here, kana kuti ndini ndinotora danho rekutanga kunyange ndichinzwa sekuti ndiyo yandikanganisira? Pazvinenge zvakakodzera, ndinokurudzira vaya vanenge vasiri kuwirirana kuti vayanane here?’

12. Jesu akaratidza sei mutsa?

12 Jesu aiva nemutsa. (Mat. 11:28-30) Izvi akazviratidza nekubvuma zvinodiwa nevamwe kunyange pazvakanga zvakaoma. Semuenzaniso, mumwe mukadzi wechiFenikiya paakakumbira Jesu kuti aporese mwana wake, Jesu akamboramba kumubatsira, asi mukadzi wacho paakaratidza kuti aiva nekutenda kukuru, Jesu akabva aporesa mwana wacho. (Mat. 15:22-28) Kunyange zvazvo aiva nemutsa, Jesu aisarega kutsiura. Dzimwe nguva aitsiura zvakasimba vaya vaaida. Semuenzaniso, Petro paakaedza kurambidza Jesu kuita kuda kwaJehovha, Jesu akamutsiura pamberi pevamwe vadzidzi. (Mako 8:32, 33) Haana kuita izvi kuti anyadzise Petro, asi aitomudzidzisa uye aiyambira vamwe vadzidzi kuti vasaita zvinhu zvavasina kodzero yekuita. Zviri pachena kuti Petro akanyara, asi kutsiurwa kwaakaitwa kwakamubatsira.

13. Tingaratidza sei kuti tine hanya nevamwe?

13 Kuti unyatsoratidza kuti une hanya nevaya vaunoda, dzimwe nguva ungatofanira kuvatsiura. Paunoita izvozvo, tevedzera Jesu nekuita kuti zano rako ribve muShoko raMwari. Iva munyoro. Iva nekutenda kuti vanoda kuita zvakanaka, uchivimba kuti vaya vanoda Jehovha uye vaya vanokuda, vachagamuchira zano rako. Zvibvunze mibvunzo iyi: ‘Ndine ushingi hwekutaura here kana ndikaona mumwe munhu wandinoda achiita zvakaipa? Kana ndichifanira kutsiura mumwe munhu, ndinotaura zvakanaka here kana kuti ndinotaura nehasha? Chikonzero chiri kuita kuti ndimutsiure ndechei? Ndiri kumutsiura nekuti ndinosvotwa naye here kana kuti ndiri kuda kumubatsira?’

14. Jesu anoratidza sei kuti iye munhu akanaka?

14 Jesu anoziva zvakanaka uyewo anozviita. Anoda Baba vake, saka anogara achiita zvakanaka nechikonzero chakanaka. Munhu akanaka anogara achitsvaga nzira dzekuti angabatsira sei nadzo vamwe obva avaitira zvakanaka. Hatifaniri kungogumira pakuziva kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, asi tinofanira kuita zvinhu zvakanaka nechikonzero chakanaka. Tinogona kuva nemubvunzo wekuti, ‘Zvingaita here kuti munhu aite zvinhu zvakanaka asi aine vavariro isina kunaka?’ Ehe, zvinoita. Semuenzaniso, Jesu akataura nezvevaya vaipa varombo zvipo asi voita kuti vamwe vazive nezvazvo. Mabasa iwayo aiita seakanaka asi akanga asingafadzi Jehovha.—Mat. 6:1-4.

15. Tingaitei kuti tive vakanaka?

15 Tinogona kuva vakanaka kana tikaita zvinhu zvakanaka nechinangwa chakanaka. Saka ungazvibvunza kuti: ‘Ndinongoperera pakuziva zvinhu zvakanaka asi ndisingazozviiti here? Pandinoita zvakanaka chikonzero changu chinenge chiri chei?’

TINGAITEI KUTI TIRAMBE TIINE UNHU HUTSVA?

16. Tinofanira kuitei zuva rimwe nerimwe uye nei tichifanira kudaro?

16 Hatifaniri kufunga kuti kupfeka unhu hutsva kunoperera patinobhabhatidzwa. Unhu hutsva hwakafanana nehembe itsva yatinofanira kuramba tichibata zvakanaka. Kuti tirambe tiine unhu hutsva tinofanira kutsvaga nzira dzekuratidza zvibereko zvemweya waMwari zuva rimwe nerimwe. Nei tichifanira kudaro? Nekuti patinowedzera kushanda nesimba kuti tiratidze unhu uhwu, tinobva tawedzerawo kubatsirwa nemweya waJehovha. Izvi zvakadaro nekuti Jehovha ndiMwari anogara achishanda uye mweya wake mutsvene unogara uchishandawo. (Gen. 1:2) Saka chibereko chimwe nechimwe chemweya chinofanira kuita kuti tiite chimwe chinhu. Semuenzaniso, mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jak. 2:26) Tinogonawo kuti zvimwe zvibereko zvese zvemweya kana zvisina mabasa zvakafa. Saka pese patinoratidza zvibereko zvemweya, tinenge tichipa uchapupu hwekuti mweya waMwari uri kushanda muupenyu hwedu.

17. Tinofanira kuitei kana tikambotadza kuratidza zvibereko zvemweya?

17 Kunyange vaKristu vava nemakore akawanda vabhabhatidzwa dzimwe nguva vanogona kumbotadza kuratidza zvibereko zvemweya. Asi chinonyanya kukosha ndechekuti tisakanda mapfumo pasi. Funga nezvemuenzaniso unotevera. Kana hembe yaunoda chaizvo ikabvaruka, unobva wangoirasa here? Aiwa. Zvimwe unogona kuisona kana zvichiita. Uye unobva wawedzera kuibata zvakanaka. Saizvozvowo, kana ukatadza kubata mumwe munhu zvakanaka kana kumuratidza mwoyo murefu, usaora mwoyo. Kumbira ruregerero nemwoyo wese kuti utangezve kuwirirana nemunhu wacho. Uye ita zvese zvaunogona kuti uwedzere kubata vamwe zvakanaka uye kuva nemwoyo murefu.

18. Tinogona kuva nechokwadi chei?

18 Tinotenda chaizvo kuti Jesu akatisiyira muenzaniso wekutevedzera. Patinoramba tichitevedzera mafungiro ake nemaitiro ake, zvichatiitirawo nyore kuita saiye. Patinoramba tichiita saJesu, tinowedzerawo kuva neunhu hutsva. Munyaya ino tangotaura zvibereko 4 chete zvemweya waMwari. Zvakanaka chaizvo kuti uwane nguva yekudzidzawo nezvezvimwe zvibereko zvemweya, woongorora kuti uri kuzviratidzawo sei. Uchawana nyaya dzakawanda dzinotaura nezvazvo muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza pamusoro unoti “Upenyu hwevaKristu” wozoenda pakanzi “Chibereko cheMweya Mutsvene.” Unogona kuva nechokwadi chekuti kana ukaita zvese zvaunogona, Jehovha achakubatsira kupfeka unhu hutsva woramba wakahupfeka.

RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?

^ Pasinei nemararamiro ataimboita, tinokwanisa kupfeka “unhu hutsva.” Kuti tidaro, tinofanira kuramba tichichinja mafungiro edu toedza kutevedzera Jesu. Munyaya ino tichadzidza nezvemafungiro uye maitiro aJesu. Tichadzidzawo kuti tingaramba sei tichimutevedzera patinenge tabhabhatidzwa.

^ VaGaratiya 5:22, 23 haitauri unhu hwese hwakanaka hwatinobatsirwa nemweya mutsvene waMwari kuti tive nahwo. Kuti unzwe zvakawanda, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” muNharireyomurindi yaJune 2020.