Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 12

Unoona Zvakaonekwa naZekariya Here?

Unoona Zvakaonekwa naZekariya Here?

“‘Nemweya wangu,’ anodaro Jehovha wemauto.”—ZEK. 4:6.

RWIYO 73 Tipeiwo Ushingi

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndezvipi zvinhu zvinofadza zvakanga zvava kuzoitika kuvaJudha vakanga vari nhapwa?

 VAJUDHA vaifara zvekufara zviya. Jehovha Mwari akanga aisa “pfungwa mumwoyo maMambo Koreshi wePezhiya” yekuti asunungure vaIsraeri avo vakanga vava nemakore akawanda vari nhapwa muBhabhironi. Mambo Koreshi akanga azivisa kuti vaJudha vaigona kudzokera kunyika yavo, ‘vonovakazve imba yaJehovha Mwari waIsraeri.’ (Ezra 1:1, 3) Iwayo aiva mashoko anofadza chaizvo. Izvi zvaireva kuti vaJudha vakanga vava kuzokwanisazve kunamata Mwari wechokwadi vari munyika yaakanga avapa.

2. Ndechipi chinhu chekutanga chakaitwa nevaJudha vakadzokera kuJerusarema?

2 Muna 537 B.C.E., nhapwa dzekutanga dzechiJudha dzakasvika muJerusarema, iro raiva guta guru reumambo hwekumaodzanyemba hweJudha. VaJudha ivavo vakabva vatotanga kuita basa patemberi, uye muna 536 B.C.E., vakanga vatopedza kuvaka faundesheni yayo.

3. Ndivanaani vakapikisa vaJudha uye vakavapikisa sei?

3 Asi vaJudha ivavo pavakatanga kuvakazve temberi vakabva vatanga kupikiswa zvakanyanya. Vanhu vavainge vakavakidzana navo, “vairamba vachinetesa vanhu veJudha uye vachivaodza mwoyo kuti varege kuvaka.” (Ezra 4:4) Izvi zvakaita kuti vaJudha vaomerwe chaizvo, asi zvinhu zvakatowedzera kuipa. Muna 522 B.C.E., muPezhiya makava namambo mutsva ainzi Atashasta. * Vapikisi vakafunga kuti sezvo pakanga pava namambo mutsva, vaigona kushandisa mukana iwoyo kuti vamise basa rekuvaka ‘nekuronga kuti pave nedambudziko vachishandisa mutemo.’ (Pis. 94:20) Vakatumira tsamba kuna Mambo Atashasta uye vakataura kuti vaJudha vakanga vachironga kumupandukira. (Ezra 4:11-16) Mambo akabvuma nhema dzavo uye akabva arayira kuti basa rekuvakwa kwetemberi rimiswe. (Ezra 4:17-23) Izvozvo zvakabva zvaita kuti vaJudha vamire kuvaka temberi.—Ezra 4:24.

4. Jehovha akaita sei pashure pekunge vapikisi vaita kuti basa rekuvakazve temberi rimiswe? (Isaya 55:11)

4 Vanhu vaigara munyika yacho avo vakanga vasinganamati Jehovha uye vamwe vaiva muhurumende yePezhiya vaida chaizvo kumisa basa rekuvakazve temberi. Asi Jehovha aida kuti vaJudha vapedze basa rekuvaka uye anogara achizadzisa zvinangwa zvake. (Verenga Isaya 55:11.) Akaita kuti pave nemuprofita aiva neushingi ainzi Zekariya uye akaita kuti aone zviratidzo 8 zvaishamisa izvo zvaaifanira kuudza vaJudha kuti vakurudzirwe. Zviratidzo izvozvo zvakavabatsira kuona kuti vakanga vasingatombofaniri kutya vapikisi vavo, uye zvakavakurudzira kuti varambe vachiita basa raJehovha. Muchiratidzo chechi5, Zekariya akaona chigadziko chemarambi nemiorivhi miviri.

5. Tichakurukurei munyaya ino?

5 Tese tinomboora mwoyo dzimwe nguva. Saka tine zvatinodzidza kana tikaongorora kukurudzirwa kwakaitwa vaIsraeri naJehovha achishandisa chiratidzo chechishanu chakaonekwa naZekariya. Kunzwisisa chiratidzo ichi kunogona kutibatsira kushumira Jehovha takatendeka patinenge tichipikiswa, panochinja zvinhu muupenyu hwedu, uye patinopiwa murayiridzo watisinganzwisisi.

PATINOPIKISWA

Zekariya akaona chiratidzo chemiorivhi miviri yaibudisa mafuta achienda muchigadziko chemarambi chaiva nemarambi 7 (Ona ndima 6)

6. Chiratidzo chechigadziko chemarambi nemiorivhi miviri chinotaurwa pana Zekariya 4:1-3 chakakurudzira sei vaJudha? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

6 Verenga Zekariya 4:1-3. Chiratidzo chechigadziko chemarambi nemiorivhi miviri chakapa vaJudha ushingi hwekuramba vachiita basa ravo pasinei nekupikiswa kwavaiitwa. Izvi zvakaitika sei? Waona here kuti chigadziko chemarambi ichi chiri kuramba chichiwana mafuta? Mafuta aibva mumiorivhi miviri aiyerera achipinda mundiro. Aizobva mundiro achienda mumarambi 7 ayo ari pachigadziko chemarambi. Mafuta aya aiita kuti marambi acho arambe achibvira asingambodzimi. Zekariya akabvunza kuti: “Zvinhu izvi zvinorevei?” Ngirozi yacho yakabva yamupindura ichitaura zvakanga zvataurwa naJehovha ichiti: “‘Hazviitwi neuto, kana nesimba, asi nemweya wangu,’ anodaro Jehovha wemauto.” (Zek. 4:4, 6) Mafuta aibva mumiorivhi aimiririra simba guru remweya mutsvene waJehovha risingaperi. Simba reuto rese revaPezhiya rakanga risiri chinhu kana richienzaniswa nesimba remweya mutsvene waMwari. Vachibatsirwa naJehovha, vanhu vaivaka temberi vaizokwanisa kupedza basa ravo pasinei nekupikiswa kwavaiitwa. Mashoko iwayo aikurudzira chaizvo! Chaingofanira kuitwa nevaJudha kwaiva kuvimba naJehovha, votangazve kuvaka. Izvozvo ndizvo zvavakaita kunyange zvazvo basa ravo rakanga richiri kurambidzwa.

7. Kuchinja kupi kwakaitika, uye kwakabatsira sei vanhu vaivaka temberi?

7 Pane chimwe chinhu chakachinja zvikabatsira vanhu vaivaka temberi. Chii ichocho? Muna 520 B.C.E., muPezhiya makava nemumwe mambo mutsva ainzi Dhariyasi I. Mugore rechipiri rekutonga kwake, akaona kuti kumiswa kwakaitwa basa rekuvaka temberi kwakanga kusiri pamutemo. Dhariyasi akabva apa murayiro wekuti basa racho ripedziswe. (Ezra 6:1-3) Zvakasarudzwa namambo zvakashamisa munhu wese. Asi mambo ane zvimwezve zvaakaita. Akarayira kuti vanhu vainge vakavakidzana nevaJudha vasavhiringa basa rekuvakazve temberi uye kuti vavape mari nezvese zvaidiwa kuti basa racho ripere. (Ezra 6:7-12) Izvi zvakaita kuti vaJudha vapedze kuvaka temberi pashure pemakore anoti pfuurei 4 chete muna 515 B.C.E.—Ezra 6:15.

Vimba nesimba raJehovha paunenge uchipikiswa(Ona ndima 8)

8. Nei uchikwanisa kuva neushingi paunopikiswa?

8 Mazuva anowo vashumiri vaJehovha vakawanda vanopikiswa. Semuenzaniso, vamwe vanogara munyika dzinorambidzwa mamwe mabasa edu. Munyika dzakadaro, hama dzedu dzinogona kusungwa ‘dzoendeswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo,’ kuti zvive uchapupu kwavari. (Mat. 10:17, 18) Dzimwe nguva panochinja hurumende hama nehanzvadzi dzedu dzinogona kunamata dzakasununguka. Kana kuti mutongi anotonga zvakanaka anogona kupa chisarudzo chinoita kuti tinamate takasununguka. Vamwe vaKristu vanopikiswa neimwewo nzira. Kunyange zvazvo vachigara munyika dzavanonamata Jehovha vakasununguka, vanopikiswa nevemumhuri vanenge vachida kuti varege kushumira Mwari wavo. (Mat. 10:32-36) Kakawanda kacho vemumhuri vanorega kutipikisa pavanoona kuti havakwanisi kutimanikidza kurega kushumira Jehovha. Vamwe vaimbopikisa zvakanyanya vakazopedzisira vava Zvapupu zvinoshingaira. Paunopikiswa, usarega kushumira Jehovha. Iva neushingi. Jehovha ari kukubatsira achishandisa simba guru remweya wake mutsvene, saka hapana chekutya apa!

PANOCHINJA ZVINHU MUUPENYU HWEDU

9. Nei vamwe vaJudha vakarwadziwa pakavakwa faundesheni yetemberi itsva?

9 Vamwe vaJudha vakwegura pavakaona faundesheni yetemberi ichivakwazve vakachema. (Ezra 3:12) Vakanga vaona temberi yakanaka chaizvo yakavakwa naSoromoni, uye vaiona sekuti temberi yavakanga vachivaka yakanga ‘isiri chinhu kana ichienzaniswa’ neyaimbovapo. (Hag. 2:2, 3) Kusiyana kwetemberi itsva neyekare kwaiita kuti varwadziwe chaizvo. Zvakaratidzwa Zekariya zvaizovabatsira kuti vatange kufara. Zvaizovabatsira sei?

10. Mashoko engirozi ari pana Zekariya 4:8-10 akabatsira sei vaJudha kuti vatangezve kufara?

10 Verenga Zekariya 4:8-10. Ngirozi yairevei payakataura kuti vaJudha ‘vaizofara uye vaizoona gavhuna weJudha Zerubhabheri akabata tambo yekururamisa mudhuri pakuvaka’? Tambo yekururamisa mudhuri pakuvaka inobatsira munhu ari kuvaka kuti aone kuti mudhuri wake wakatwasuka here. Saka ngirozi yakanga ichivimbisa vanhu vaMwari kuti kunyange zvazvo temberi iyi yakanga isingasviki pane yekutanga, yaizopera kuvakwa uye yaizenge yakaita sezvaidiwa naJehovha. Jehovha aizofara nayo, saka vaifanirawo kufara nayo. Chainyanya kukosha kuna Jehovha ndechekuti kunamatwa kwaiitwa mutemberi itsva iyi kuenderane nezvaaida. Kana vaJudha vaizoisa pfungwa dzavo pakunamata Jehovha sezvaanoda uye pakufarirwa naye vaizotangazve kufara.

Ona mamiriro ezvinhu matsva neziso rakanaka (Ona ndima 11-12) *

11. Vamwe vanhu vaJehovha vanomboomerwa nei mazuva ano?

11 Vakawanda vedu tinomboomerwa panochinja zvinhu muupenyu hwedu. Vamwe vakaita mabasa chaiwo enguva yakazara kwenguva yakareba ndokuzochinjwa mabasa avo. Vamwe vaifanira kusiya mabasa avaida chaizvo nemhaka yekukura. Tinowanzoora mwoyo zvinhu zvakadaro pazvinoitika kwatiri. Pakutanga tinogona kutadza kunyatsonzwisisa kuti nei zvinhu zvachinja kudaro kana kuti tingasabvumirana nazvo. Tingasuwa chaizvo zvataimboita zvinhu zvisati zvachinjwa. Tinogona kuora mwoyo tichinzwa sekuti hatisisiri kuitira Jehovha zvakawanda mubasa rake. (Zvir. 24:10) Zvakaratidzwa Zekariya zvinotibatsira sei kuramba tichiita zvese zvatinogona mubasa raMwari wedu?

12. Zvakaratidzwa Zekariya zvinotibatsira sei kuti tirambe tichifara panochinja zvinhu muupenyu hwedu?

12 Zviri nyore kuti tijairane nekuchinja kunenge kwaita zvinhu kana tikava nemaonero aJehovha. Jehovha ari kuita zvinhu zvinoshamisa mazuva ano uye tine ropafadzo yekushanda pamwe chete naye. (1 VaK. 3:9) Mabasa atinoita musangano anogona kuchinja, asi kudiwa kwatinoitwa naJehovha hakuchinji. Saka kana kuchinja kunoita zvinhu musangano raJehovha kukaita kuti uchinjwe basa, usaita nguva yakawanda uchifunga zvikonzero zvese zvingangodaro zvakaita kuti zvinhu zvichinje. Pane kusuwa “mazuva ekare,” nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuona zvakanaka pane zvachinja. (Mup. 7:10) Pane kufunga nezvezvinhu zvausingachakwanisi kuita, funga nezvezvinhu zvakawanda zvaunokwanisa kuita. Zvakaratidzwa Zekariya zvinotidzidzisa kuti zvinokosha kuti tirambe tiine maonero akanaka. Izvi zvinoita kuti tirambe tichifara uye tirambe takatendeka kunyange zvinhu zvikachinja muupenyu hwedu.

PAZVINENGE ZVAKAOMA KUTEVEDZERA MIRAYIRIDZO

13. Nei vamwe vaIsraeri vangangodaro vakaona sekuti kutangazve kuvaka temberi chaiva chisarudzo chisina kunaka?

13 Basa rekuvakazve temberi rakanga rarambidzwa. Asi mupristi mukuru Jeshua (Joshua) uye gavhuna Zerubhabheri, varume vakanga vagadzwa kuti vatungamirire vanhu, ‘vakatanga kuvakazve imba yaMwari.’ (Ezra 5:1, 2) Vamwe vaJudha vanogona kunge vakafunga kuti ichocho chaiva chisarudzo chisina kunaka. Basa rekuvaka temberi raionekwa nevavengi avo vaigona kuita zvese zvavaigona kuti rirege kuitwa. Varume vaviri vaitungamirira, Joshua naZerubhabheri, vaida kuva nechokwadi chekuti Jehovha aivatsigira. Jehovha akavatsigira. Akavatsigira sei?

14. Maererano naZekariya 4:12, 14, Mupristi Mukuru Joshua naGavhuna Zerubhabheri vakawana mashoko api akavasimbisa?

14 Verenga Zekariya 4:12, 14. Muchikamu ichi chezvakaratidzwa Zekariya, ngirozi yakaudza muprofita waMwari akatendeka kuti miorivhi miviri inomiririra “vakazodzwa vaviri,” kureva Joshua naZerubhabheri. Maererano nezvakataurwa nengirozi, zvaiita sekuti varume vaviri ava vainge “vakamira pedyo naIshe wenyika yese,” Jehovha. Ikoko kwaiva kukudzwa kwakakura! Jehovha aivimba navo. Saka vaIsraeri vaigona kuvimba nezvisarudzo zvaiitwa nevarume vaviri ava nekuti Jehovha aivashandisa kuvatungamirira.

15. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza mirayiridzo yaJehovha inowanika muShoko rake?

15 Mazuva ano Jehovha ari kuramba achitungamirira vanhu vake achishandisa Shoko rake Bhaibheri. Mubhuku iroro dzvene anotiudza kuti tingamunamata sei nenzira yaanoda. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza mirayiridzo yatinowana muShoko raMwari? Tinoita izvozvo nekuwana nguva yekunyatsoriverenga kuti tirinzwisise. Zvibvunze kuti: ‘Pandinoverenga Bhaibheri kana rimwe remabhuku edu, ndinombomira here kuti ndifungisise zvandinenge ndaverenga? Ndinoedza kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri ‘chakaoma kunzwisisa’ here? Kana kuti ndinongoverenga mashoko acho ndichimhanya mhanya here?’ (2 Pet. 3:16) Kana tikawana nguva yekufungisisa zvatiri kudzidziswa naJehovha, tichakwanisa kutevedzera mirayiridzo yake uye tichabudirira pabasa redu rekuparidza.—1 Tim. 4:15, 16.

Vimba nemirayiridzo yaunopiwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ (Ona ndima 16) *

16. Patisinganyatsonzwisisi mirayiridzo yatinopiwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara,’ chii chichatibatsira kuti tiiteerere?

16 Jehovha anotipawo mirayiridzo achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45) Dzimwe nguva muranda uyu anogona kutipa mirayiridzo yatisinganyatsonzwisisi. Semuenzaniso, tinogona kupiwa mirayiridzo yezvatinofanira kuita kuti tigadzirire kupona njodzi yatinoona sekuti haiitiki kwatinogara. Kana kuti tingaona sekuti muranda ari kunyanyisa pane zvaanenge achitiudza kuti tingwarire panguva inenge ichipararira chirwere. Tinofanira kuitei kana tichiona sekuti mirayiridzo yacho haishandi? Tinogona kufunga nezvekubatsirwa kwakaitwa vaIsraeri pavakaita zvavakaudzwa naJoshua naZerubhabheri. Tinogonawo kufunga nezvedzimwe nyaya dzemuBhaibheri dzatakamboverenga. Dzimwe nguva vanhu vaMwari vaipiwa mirayiridzo yaiita sekuti haishandi asi yaivaponesa.—Vat. 7:7; 8:10.

ONA ZVAKAONEKWA NAZEKARIYA

17. Chiratidzo chechigadziko chemarambi nemiorivhi miviri chakabatsira sei vaJudha?

17 Chiratidzo chechi5 chakaonekwa naZekariya chinogona kunge chisina kutora nguva, asi chakabatsira vaJudha kuti vashingaire pabasa ravo uye pakunamata kwavo. Uye pavakaita maererano nezvakaonekwa naZekariya, vakaona kuti Jehovha aivatsigira uye aivatungamirira nerudo. Achishandisa mweya wake mutsvene une simba, Jehovha akavabatsira kuti varambe vachiita basa ravo uye vatangezve kufara.—Ezra 6:16.

18. Chiratidzo chakaonekwa naZekariya chinokubatsira sei?

18 Chiratidzo chakaonekwa naZekariya chechigadziko chemarambi nemiorivhi miviri chinogona kukubatsira chaizvo muupenyu hwako. Sezvatakurukura, chinogona kukubatsira kuti uwane simba paunopikiswa, uwane mufaro panochinja zvinhu muupenyu hwako uye kuti uvimbe nevanenge vachitungamirira paunopiwa mirayiridzo yausinganzwisisi. Unofanira kuitei paunosangana nematambudziko muupenyu hwako? Chekutanga, ona zvakaonekwa naZekariya, kureva uchapupu hwekuti Jehovha ari kuchengeta vanhu vake. Chibva waita maererano nezvaunoona kuburikidza nekuvimba naJehovha uye kuramba uchimunamata nemwoyo wako wese. (Mat. 22:37) Kana ukadaro Jehovha achakubatsira kuti umushumire uchifara nekusingaperi.—VaK. 1:10, 11.

RWIYO 7 Jehovha, Simba Redu

^ Jehovha akaita kuti muprofita Zekariya aone zviratidzo zvakawanda zvinoshamisa. Zvakaonekwa naZekariya zvakaita kuti iye nevanhu vaJehovha vawane simba rekudzorera kunamata kwakachena kunyange zvazvo zvakanga zvisiri nyore. Zviratidzo izvozvo zvinogona kutibatsirawo kuti tishumire Jehovha takatendeka pasinei nematambudziko edu. Munyaya ino tichakurukura zvidzidzo zvinokosha zvatinogona kudzidza muchiratidzo chakaonekwa naZekariya chechigadziko chemarambi nemiorivhi.

^ Pashure pemakore, mumazuva aGavhuna Nehemiya, pakazovazve nemumwe mambo ainzi Atashasta uyo aibata vaJudha zvakanaka.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO:Hama iri kuona kuti inofanira kujairana nekuchinja kwaita upenyu hwayo zvichikonzerwa nekukura uye kurwara.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO:Hanzvadzi iri kufungisisa nezvekuti Jehovha ari kutsigira “muranda akatendeka, akangwara,” sezvaakaita Joshua naZerubhabheri.