Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 13

Kunamata Kwechokwadi Kuchaita Kuti Uwedzere Kufara

Kunamata Kwechokwadi Kuchaita Kuti Uwedzere Kufara

“Jehovha, Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nekuremekedzwa nesimba.”—ZVAK. 4:11.

RWIYO 31 Famba naMwari!

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Chii chichaita kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naMwari?

 UNOFUNGEI paunonzwa shoko rekuti “kunamata”? Zvimwe unofunga nezvehama yakapfugama ichinyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha yava kuda kurara. Kana kuti unofunga nezvemhuri inofara iri kunakidzwa nekudzidza Bhaibheri.

2 Pazviitiko zviviri izvi, vanhu vacho vese vari kunamata. Jehovha achagamuchira kunamata kwavo here? Anokugamuchira kana kuchienderana nechinangwa chake uye kana vanhu vacho vachimuda nekumuremekedza. Tinoda Jehovha nemwoyo wese. Tinoziva kuti akakodzera kunamatwa uye tinoda kumunamata nenzira yakanakisisa yatinogona.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino tichakurukura nezvekunamata kwaigamuchirwa naJehovha kare uye zvinhu 8 zvatinofanira kuita kuti Jehovha agamuchire kunamata kwedu mazuva ano. Patinoita izvozvo mumwe nemumwe wedu anogona kufunga zvaangaita kuti avandudze manamatiro ake. Tichakurukurawo kuti nei kunamata Jehovha nenzira yaanoda kuchiita kuti tifare.

KUNAMATA KWAIGAMUCHIRWA NAJEHOVHA KARE

4. ChiKristu chisati chavako, vanhu vainamata Jehovha vairatidza sei kuti vaimuremekedza uye vaimuda?

4 ChiKristu chisati chavapo, varume vakatendeka vakadai saAbheri, Noa, Abrahamu uye Jobho vakaratidza kuti vairemekedza Jehovha uye vaimuda. Vakazviratidza sei? Vaiteerera Mwari, vaiva nekutenda maari, uye vaimupa zvibayiro. Bhaibheri haritauri zvese zvavaifanira kuita pakunamata. Asi zviri pachena kuti vakaita zvese zvavaigona kuti vakudze Jehovha, uye akagamuchira kunamata kwavo. Jehovha akazopa vaIsraeri Mutemo achishandisa Mozisi. Zvinhu zvaitaurwa muMutemo wacho zvaisanganisira mirayiridzo inotaura nezvekunamata Jehovha nenzira yaanogamuchira.

5. Chii chakachinja pakunamata kwechokwadi pashure pekufa uye kumutswa kwaJesu?

5 Pashure pekunge Jesu afa uye amutswa, Jehovha akanga asisatarisiri kuti vanhu vamunamate vachitevedzera Mutemo waMozisi. (VaR. 10:4) VaKristu vakanga vava kufanira kuteerera mutemo mutsva, “mutemo waKristu.” (VaG. 6:2) Vaiteerera “mutemo” uyu nekutevedzera muenzaniso waJesu uye zvaakadzidzisa, kwete nekuubata nemusoro kana kuteerera mirayiro yakawanda-wanda. Mazuva anowo, vaKristu vanoita zvese zvavanogona kuti vatevere Kristu kuitira kuti vafadze Jehovha uye ‘vawane zororo.’—Mat. 11:29.

6. Nyaya ino ichatibatsira sei?

6 Patinenge tichikurukura chinhu chimwe nechimwe chine chekuita nekunamata kwedu, zvibvunze kuti, ‘Ndafambira mberi zvakadii panyaya iyi?’ Unogonawo kuzvibvunza kuti, ‘Ndinogona kuvandudza here manamatiro angu?’ Unogona kufara nezvauri kuita iye zvino, asi unodawo kukumbira Jehovha kuti akubatsire kuona paunofanira kuvandudza.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINOITA PAKUNAMATA JEHOVHA?

7. Jehovha anoona sei minyengetero yedu inobva pamwoyo?

7 Tinonamata Jehovha patinonyengetera kwaari. Bhaibheri rinofananidza minyengetero yedu nerusenzi yakanyatsogadzirwa yaipiwa patebhenekeri uye patemberi. (Pis. 141:2) Rusenzi iyoyo yainhuhwirira zvinofadza Mwari. Saizvozvowo, minyengetero yedu yemwoyo wese ‘inomufadza’ kunyange kana tikataura mashoko ari nyore chaizvo. (Zvir. 15:8; Dheut. 33:10) Tine chikonzero chakanaka chekubvuma kuti Jehovha anofara paanonzwa tichitaura nezvekuda uye kuonga kwatinomuita. Anoda kuti timuudze zviri kutinetsa, zvatiri kutarisira uye zvishuwo zvedu. Usati wanyengetera kuna Jehovha, nyatsofunga zvauchataura. Kana ukadaro uchapa rusenzi yakanaka chaizvo kuna Baba vako vekudenga.

8. Mukana upi wakanaka watiinawo wekurumbidza Mwari?

8 Tinonamata Jehovha patinomurumbidza. (Pis. 34:1) Tinorumbidza Jehovha patinoudza vamwe nezvekuda uye kuyemura kwatinoita unhu hwake hunoshamisa uye mabasa ake. Tinorumbidza Jehovha kana tichionga zvaakatiitira. Patinofungisisa nezvezvinhu zvese zvakanaka zvatakaitirwa naJehovha, tinova nezvikonzero zvakanaka zvekumurumbidza. Basa rekuparidza rinotipa mukana wakanaka chaizvo wekupa “Mwari chibayiro chekurumbidza, chinova ndicho chibereko chemiromo yedu.” (VaH. 13:15) Sezvo tichinyatsofunga zvatichazotaura patinonyengetera kuna Jehovha, tinofanirawo kunyatsofunga zvatichataura kuvanhu vatinoparidzira. Tinoda kuti ‘chibayiro chedu chekurumbidza’ chive chakanakisisa pane zvatinokwanisa. Ndosaka tichitaura zvinobva pamwoyo patinenge tichiparidza.

9. Sezvaiitika kuvaIsraeri, tinobatsirwa sei nekupinda misangano? Taura kubatsirwa kwawakaitwa nekupinda misangano.

9 Tinonamata Jehovha patinopinda misangano. VaIsraeri vakaudzwa kuti: “Vanhurume vako vese vanofanira kuenda pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachasarudza.” (Dheut. 16:16) Vaifanira kusiya misha yavo neminda yavo isina anorinda. Jehovha akavavimbisa kuti: “Hapana munhu achachiva nyika yako paunenge uchienda kunoona chiso chaJehovha Mwari wako.” (Eks. 34:24) Vachivimba zvakazara naJehovha, vaIsraeri ivavo vaitya Mwari vaienda kumitambo yaiitwa gore negore. Izvi zvaivabatsira munzira dzakawanda. Semuenzaniso, vaidzidza zvakawanda nezveMutemo waMwari, vaifungisisa zvakanaka zvavaiitirwa naJehovha uye vainakidzwa nekuva pamwe chete nevamwe vaidawo Jehovha. (Dheut. 16:15) Tinobatsirwawo saizvozvo patinoita zvese zvatinogona kuti tipinde misangano yechiKristu. Uye funga nezvekufara kunoita Jehovha patinouya takagadzirira kupa mhinduro pfupi dzakanyatsofungwa.

10. Nei kuimba kuchikosha pakunamata kwedu?

10 Tinonamata Jehovha patinoimba nehama nehanzvadzi dzedu. (Pis. 28:7) VaIsraeri vaiona kuimba sechikamu chakakosha pakunamata kwavo. Mambo Dhavhidhi akasarudza vaRevhi 288 kuti vave vaimbi vepatemberi. (1 Mak. 25:1, 6-8) Mazuva ano tinogona kuratidza kuda kwatinoita Mwari patinoimba nziyo dzekurumbidza. Kunaka kwenzwi redu hakusiriko kunonyanya kukosha. Funga izvi: Patinotaura, “tese tinokanganisa kazhinji,” asi izvozvo hazvititadzisi kutaura muungano uye muushumiri. (Jak. 3:2) Saizvozvowo, tinogona kuimba tichirumbidza Jehovha kunyange tichifunga kuti hatigoni kunyatsoimba.

11. Sezvinotaurwa pana Pisarema 48:13, nei tichifanira kuronga nguva yekudzidza Bhaibheri semhuri?

11 Tinonamata Jehovha patinodzidza Shoko rake uye patinodzidzisa vana vedu nezvake. Sabata raipa vaIsraeri mukana wekumbosiya mabasa avo vosimbisa ushamwari hwavo naJehovha. (Eks. 31:16, 17) VaIsraeri vakatendeka vaidzidzisa vana vavo nezvaJehovha uye nezvekunaka kwake. Isuwo tinofanira kuva nenguva yekuverenga uye kudzidza Shoko raMwari. Ichi ndechimwe chinhu chatinoita pakunamata Jehovha uye chinotibatsira kuswedera pedyo naye. (Pis. 73:28) Uye patinodzidza semhuri, tinobatsira vana vedu kuti vave neushamwari hwepedyo naBaba vedu vekudenga vane rudo.—Verenga Pisarema 48:13.

12. Tinodzidzei pamaonero aiita Jehovha basa revaya vakagadzira midziyo yepatebhenekeri?

12 Tinonamata Jehovha patinovaka nzvimbo dzekunamatira uye patinoita kuti dzigare dzakanaka. Bhaibheri rinoti basa rekugadzira tebhenekeri nemidziyo yayo raiva “basa dzvene.” (Eks. 36:1, 4) Mazuva anowo, Jehovha anoona basa rekuvaka Dzimba dzeUmambo uye zvimwe zvivakwa zvesangano sebasa dzvene. Dzimwe hama nehanzvadzi dzinoita nguva yakawanda dzichiita mabasa aya. Tinokoshesa chaizvo izvi zvavanoita pakutsigira basa reUmambo. Asi vanoitawo basa rekuparidza. Vamwe vavo vanotoda kuva mapiyona. Vakuru vemuungano vanogona kuratidza kutsigira kwavanoita mabasa ekuvaka nekusazeza kugadza hama nehanzvadzi idzi dzinoshanda nesimba kuti dzishumire semapiyona kana dzichikodzera. Tingava tiine unyanzvi pabasa rekuvaka kana kuti tisina, tese tinogona kubatanidzwawo pabasa rekuita kuti zvivakwa izvi zvigare zvakachena uye zvakanaka.

13. Tinofanira kuona sei zvipo zvatinopa pakutsigira basa reUmambo?

13 Tinonamata Jehovha patinotsigira basa reUmambo nezvipo zvedu. VaIsraeri vaisafanira kuuya pamberi paJehovha vari maoko chete. (Dheut. 16:16) Vaifanira kuuya nezvipo maererano nemawaniro avaiita. Saka pavaiita izvi vairatidza kuonga kwavaiita zvinhu zvese zvakanga zvaitwa kuti vabatsirwe pane zvekunamata. Tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha uye tinokoshesa zvinhu zvekunamata zvatinowana? Imwe nzira ndeyekupa mari kuti titsigire ungano yedu uye basa remunyika yese zvichienderana nemawaniro atinoita. Muapostora Pauro akazvitaura achiti: “Nekuti kutanga, kana munhu aine chido, zvinonyanya kudiwa ndezvekuti ape maererano nezvaainazvo, kwete maererano nezvaasina.” (2 VaK. 8:4, 12) Jehovha anokoshesa chero zvipo zvatinopa nemwoyo wese kunyange zviri zvidiki.—Mako 12:42-44; 2 VaK. 9:7.

14. Maererano naZvirevo 19:17, Jehovha anoona sei rubatsiro rwatinopa hama dzedu dzinenge dzichida kubatsirwa?

14 Tinonamata Jehovha patinobatsira vamwe vaKristu vanenge vachida rubatsiro. Jehovha akavimbisa kuti aizokomborera vaIsraeri vaibatsira varombo. (Dheut. 15:7, 10) Pese patinobatsira hama kana hanzvadzi inenge ichida rubatsiro, Jehovha anozviona sechipo chatinenge tamupa. (Verenga Zvirevo 19:17.) Semuenzaniso, vaKristu vekuFiripi pavakatumira chipo kuna Pauro paaiva mujeri, akachiti chaiva “chibayiro chinogamuchirika, chinonyatsofadza Mwari.” (VaF. 4:18) Funga nezvevanhu vari muungano yenyu wozvibvunza kuti, ‘Ndiani wandingabatsira?’ Jehovha anofara chaizvo paanotiona tichishandisa nguva yedu, simba redu, unyanzvi hwedu uye zvinhu zvedu pakubatsira vaya vanoda rubatsiro. Anoona izvozvo sechikamu chekunamata kwedu.—Jak. 1:27.

KUNAMATA KWECHOKWADI KUNOITA KUTI TIFARE

15. Kunamata kwechokwadi kunoda nguva nesimba, asi nei kusingaremi?

15 Kunamata kwechokwadi kunoda nguva nesimba. Asi hakuremi. (1 Joh. 5:3) Nei kusingaremi? Nekuti tinonamata Jehovha zvichibva pakumuda kwatinoita. Funga nezvemwana mudiki anoda kupa baba vake chimwe chinhu. Anogona kuita maawa akawanda achivadhirowera mufananidzo. Mwana wacho haadembi nguva yaakapedza achiudhirowa. Anoda baba vake uye anofara kuvapa chipo ichocho. Saizvozvowo kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tifare kushandisa nguva yedu nesimba pakumunamata.

16. Maererano naVaHebheru 6:10, Jehovha anoona sei zvinoitwa nemumwe nemumwe wedu kuti amufadze?

16 Vabereki vane rudo havatarisiri kuti vana vavo vavaitire zvinhu zvakafanana. Vanoziva kuti vana vakasiyana pane zvavanokwanisa kuita. Saizvozvowo Baba vedu vekudenga vanonzwisisa zvinokwanisa kuitwa nemumwe nemumwe wedu. Zvimwe unogona kuita zvakawanda kupfuura zvinoitwa nevanhu vakawanda vaunoziva uye vaunoda. Kana kuti ungasakwanisa kuita zvakawanda sezvinoitwa nevamwe, zvichida nemhaka yezera, utano kana kuti mabasa aunofanira kuitira mhuri. Usaora mwoyo. (VaG. 6:4) Jehovha haazokanganwi basa rako. Kana uchimupa zvakanakisisa zvaunokwanisa uye uchizviita nechikonzero chakanaka, achafadzwa nazvo. (Verenga VaHebheru 6:10.) Jehovha anoziva kunyange zvinodiwa nemwoyo wako. Anoda kuti ufare nezvaunokwanisa kumuitira.

17. (a) Kana zvimwe zvinhu zvatinoita pakunamata kwedu zvichitiomera, matanho api atingatora? (b) Wakabatsirwa sei nechimwe chezvinhu zviri mubhokisi rakanzi, “ Wedzera Mufaro Wako”?

17 Ko kana tichiomerwa nekuita chimwe chikamu chekunamata kwedu, chakadai sekudzidza tiri tega kana kuparidza? Tinogona kuona kuti kana tikagara tichiita zvinhu izvi tinowedzera kunakidzwa nazvo uye kubatsirwa nazvo. Tinogona kufananidza kunamata kwedu, nezvinhu zvakadai sekuita maekisesaizi kana kuti kudzidzira kuridza gitare. Kana tichingozviita zveapo neapo, zvakaoma kuti tive neunyanzvi. Asi chii chaizoitika tikagara tichizviita mazuva ese? Tinogona kutanga nemaminitsi mashoma, toita tichiwedzera nguva yacho zvishoma nezvishoma. Patinoona kubatsira kwazvinoita tinenge tava kungoti dai nguva iyoyo yasvika uye zvinenge zvava kutinakidza chaizvo. Izvi zvinoshandawo pakunamata kwedu.

18. Tinozadzisa sei chinangwa chatakasikirwa, uye izvozvo zvinoguma nei?

18 Tinozadzisa chinangwa chatakasikirwa patinonamata Jehovha nemwoyo wese. Kana tikadaro tinova neupenyu hunofadza uye hunogutsa uye tinova netariro yekunamata Jehovha nekusingaperi. (Zvir. 10:22) Iye zvino takatogadzikana nekuti tinoziva kuti Jehovha anotibatsira patinosangana nematambudziko. (Isa. 41:9, 10) Tine zvikonzero zvakanaka zvekufara patinonamata Baba vedu vane rudo avo vakakodzera ‘kugamuchira kukudzwa nekuremekedzwa’ kubva kuzvisikwa zvavo zvese!—Zvak. 4:11.

RWIYO 24 Uyai Kugomo raJehovha

^ Jehovha akakodzera kunamatwa nekuti ndiye akasika zvinhu zvese. Jehovha anogamuchira kunamata kwedu kana tikamuteerera uye tikararama maererano nezvaanoda. Munyaya ino tichakurukura zvinhu 8 zvatinoita pakunamata kwedu. Tichadzidza kuti tingavandudza sei maitiro atinoita zvinhu izvi uye kuti zvingatibatsira sei kuti tifare.