Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 14

Vakuru—Rambai Muchitevedzera Muapostora Pauro

Vakuru—Rambai Muchitevedzera Muapostora Pauro

“Nditevedzerei.”—1 VAK. 11:1.

RWIYO 99 Zviuru Zvehama

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Zvaiitwa nemuapostora Pauro zvingabatsira sei vakuru mazuva ano?

 MUAPOSTORA PAURO aida hama dzake. Aishanda nesimba achiitira ivo. (Mab. 20:31) Izvi zvakaita kuti vamude chaizvo. Pane imwe nguva, vakuru vemuEfeso pavakaziva kuti vakanga vasingazomuoni zvekare, “vakatanga kuchema chaizvo.” (Mab. 20:37) Saizvozvowo, vakuru vanoshanda nesimba vanoda chaizvo hama nehanzvadzi dzavo uye vanoita zvese zvavanogona kuti vadzibatsire. (VaF. 2:16, 17) Asi dzimwe nguva vakuru vanomboomerwa nekuita zvese zvavanofanira kuita. Chii chingavabatsira?

2 Vakuru vanoshanda nesimba vanogona kutevedzera Pauro. (1 VaK. 11:1) Akanga asina kuita sengirozi. Pauro aiva munhu ane chivi uyo aimboomerwa nekuita zvakanaka. (VaR. 7:18-20) Uye aiva nematambudziko akawanda. Asi haana kukanda mapfumo pasi kana kurasikirwa nemufaro wake. Kana vakuru vakatevedzera Pauro, vanogona kukunda matambudziko avanosangana nawo voramba vachishumira Jehovha vachifara. Ngationei kuti vangazviita sei.

3. Tichakurukurei munyaya ino, uye zvii zvimwe zvatichadzidza?

3 Munyaya ino tichakurukura zvinhu 4 zvinogona kuomera vakuru kuti vaite, zvinoti: (1) kuwana nguva yakakwana yekuita basa rekuparidza uye yekuitawo mamwe mabasa avanofanira kuita, (2) kuwana nguva yakakwana yekukurudzira hama nehanzvadzi, (3) kusarega chivi chavainacho chichivapedza simba, uye (4) kushanda pamwe chete nevanhu vane chivi. Tichakurukura kuti Pauro akakunda sei dambudziko rimwe nerimwe uye kuti vakuru vangamutevedzera sei.

KUWANA NGUVA YAKAKWANA YEKUITA BASA REKUPARIDZA UYE YEKUITA MAMWE MABASA

4. Nei dzimwe nguva zvichiomera vakuru kuti vaite zvakawanda mubasa rekuparidza?

4 Chingaita kuti zviome. Vakuru vane mamwe mabasa akawanda avanoita kuwedzera pakutungamirira mubasa rekuparidza. Semuenzaniso, vakawanda vanochinjana pakuitisa musangano wepakati pevhiki uye pakuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Vanogonawo kunge vaine dzimwe hurukuro dzavanopa. Vanewo zvakawanda zvavanoita pakudzidzisa vashumiri veungano uye vanoramba vachikurudzira hama nehanzvadzi dzavo. (1 Pet. 5:2) Vamwe vakuru vanoshanda pakuvaka Dzimba dzeUmambo nezvimwe zvivakwa zvesangano uye pakuita kuti zvirambe zvakanaka. Asi kungofanana nevamwe vaparidzi vese vari muungano, basa rinonyanya kukosha rinoitwa nevakuru nderekuparidza mashoko akanaka.—Mat. 28:19, 20.

5. Pauro akaratidza muenzaniso wakaita sei pakuparidza?

5 Zvakaitwa naPauro. Chakaita kuti Pauro ave muparidzi anobudirira tinochiwana pana VaFiripi 1:10, paanotikurudzira kuti: “Muve nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.” Pauro akashandisa zano rake. Akapiwa ushumiri uye akaramba achihukoshesa kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwake. Aiparidza “paruzhinji nepaimba neimba.” (Mab. 20:20) Aisava nenguva yaaingoti ndiyo yeushumiri chete, asi aishandisa mikana yese yaaiwana kuti aparidze. Semuenzaniso, paainge akamirira vamwe vake muAtene, akaparidzira vanhu vainge vakakurumbira uye vamwe vavo vakava vatendi. (Mab. 17:16, 17, 34) Kunyange paainge ‘akasungwa’ Pauro akaparidzira vaya vaiuya kwaari.—VaF. 1:13, 14; Mab. 28:16-24.

6. Pauro akadzidzisa vamwe kuitei?

6 Pauro akanyatsoshandisa nguva yake zvakanaka. Aiwanzokumbira vamwe kuti vaite vese ushumiri. Semuenzaniso, parwendo rwake rwekutanga rweumishinari, akatora Johani Mako, uye pane rwechipiri akaenda naTimoti. (Mab. 12:25; 16:1-4) Zviri pachena kuti Pauro akashanda nesimba pakudzidzisa varume ava kuti vangatanga sei ungano, vangaita sei basa rekufudza uye kuti vangava sei vadzidzisi vanobudirira.—1 VaK. 4:17.

Tevedzera Pauro nekugara wakagadzirira kuparidza (Ona ndima 7) *

7. Vakuru vangatevedzera sei zano raPauro riri pana VaEfeso 6:14, 15?

7 Chidzidzo. Vakuru vanogona kutevedzera Pauro nekuparidza paimba neimba uyewo nekugara vakagadzirira kuparidza pese pavanowana mukana. (Verenga VaEfeso 6:14, 15.) Vanogona kuparidza pavanoenda kunotenga kana pavanenge vari kubasa. Kana kuti pavanenge vachivaka zvivakwa zvesangano, vanogona kuparidzira vavakidzani kana kuti vanhu vanenge vachitengesa mumigwagwa. Vachitevedzera Pauro, vakuru vanogona kushandisa nguva yavanenge vari muushumiri kuti vadzidzise vamwe, kusanganisira vashumiri veungano.

8. Dzimwe nguva mukuru angafanira kuitei?

8 Vakuru havafaniri kubatikana zvakanyanya nemabasa avo emuungano kana kuti emudunhu zvekuti vanoshaya nguva yekuparidza. Kuti vawane nguva yekuita zvese zvavanofanira kuita, dzimwe nguva vanofanira kuramba mamwe mabasa avanopiwa. Pashure pekunge vafunga uye vanyengetera nezvazvo, vanogona kuona kuti kana vakabvuma rimwe basa, havazokwanisi kuita zvimwe zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe. Zvinhu zvakadaro zvinosanganisira kuitisa kunamata kwemhuri vhiki rega rega, kushingaira mubasa rekuparidza, kana kudzidzisa vana vavo kuparidza. Vamwe vanoomerwa nekuramba mamwe mabasa avanenge vapiwa, asi hazvina kuipa kuti vaarambe nekuti Jehovha anonzwisisa kuti vane chido chekuita nemazvo mabasa avanenge vagara vainawo.

KUWANA NGUVA YEKUKURUDZIRA HAMA NEHANZVADZI

9. Vakuru vane zvakawanda zvekuita vanoomerwa nei?

9 Chingaita kuti zviome. Vanhu vaJehovha vanosangana nematambudziko akawanda. Mumazuva ano ekupedzisira, tese tinoda kukurudzirwa, kubatsirwa, uye kunyaradzwa. Uye dzimwe nguva vamwe vanoda kubatsirwa kuti vasaita zvinhu zvakaipa. (1 VaT. 5:14) Vakuru havakwanisi kubvisa matambudziko ese anosangana nevanhu vaJehovha. Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda kuti vakuru vaite zvese zvavanogona kuti vakurudzire uye vadzivirire makwai ake. Vakuru vanenge vaine zvakawanda zvekuita vangaitei kuti vawane nguva yekubatsira hama nehanzvadzi dzavo?

Rumbidza vamwe uye vakurudzire (Ona ndima 10, 12) *

10. Maererano na1 VaTesaronika 2:7, Pauro akaratidza sei kuti aiva nehanya nevanhu vaJehovha?

10 Zvakaitwa naPauro. Pauro aitsvaga nzira dzekuti arumbidze hama dzake uye kuti adzikurudzire. Zvakanaka chaizvo kuti vakuru vatevedzere muenzaniso waPauro nekubata vanhu vaJehovha neunyoro. (Verenga 1 VaTesaronika 2:7.) Pauro akaudza hama nehanzvadzi dzake kuti aidzida uye kuti Jehovha aidzida. (2 VaK. 2:4; VaEf. 2:4, 5) Aiona vaya vaiva muungano seshamwari uye aivawanira nguva. Akaratidza kuti aivimba navo nekuvaudza akasununguka zvaimunetsa uye zvaaikanganisa. (2 VaK. 7:5; 1 Tim. 1:15) Asi Pauro haana kuramba akaisa pfungwa pamatambudziko ake. Aida kubatsira hama dzake.

11. Nei Pauro akatsiura hama nehanzvadzi dzake?

11 Dzimwe nguva Pauro aifanira kutsiura hama nehanzvadzi dzake. Asi chikonzero chekuvatsiura chaisava chekuti aisvotwa nezvavaiita. Aivatsiura nekuti aiva nehanya navo uye aida kuvadzivirira pazvinhu zvakasiyana-siyana zvaigona kukanganisa kutenda kwavo. Aiedza kuita kuti mazano aaitaura ave nyore kunzwisisa, uye aida kuti vaagamuchire. Semuenzaniso, mutsamba yaakanyorera vaKorinde, Pauro akavatsiura zvakasimba. Pashure pekunyora tsamba iyoyo, akatuma Tito kwavari. Pauro aida kuziva kuti vakaita sei pavakanzwa tsamba yake. Akafara chaizvo paakaziva kuti vakanga vateerera zano rake!—2 VaK. 7:6, 7.

12. Vakuru vangasimbisa sei hama nehanzvadzi dzavo?

12 Chidzidzo. Vakuru vanogona kutevedzera muenzaniso waPauro pavanowanira nguva hama nehanzvadzi dzavo. Imwe nzira yavangaita nayo izvi ndeyekukurumidza kusvika pamisangano kuitira kuti vawane nguva yekukurudzira vamwe. Hazvimbotori nguva kukurudzira hama kana hanzvadzi inoda kukurudzirwa. (VaR. 1:12; VaEf. 5:16) Mukuru anotevedzera muenzaniso waPauro anosimbisawo vaKristu vaanonamata navo nekushandisa Shoko raMwari kuvakurudzira uye kuita kuti vave nechokwadi chekuti Mwari anovada. Uyewo anoita kuti vazive kuti iye wacho anovada. Anogara achitaura navo uye anotsvaga mikana yekuvarumbidza. Mukuru paanenge achida kupa zano, anova nechokwadi chekuti riri kubva muShoko raMwari. Haatauri achipoterera, asi anozviita nemutsa nekuti anoda kuti hama kana hanzvadzi yacho ishandise zano racho.—VaG. 6:1.

KUSAREGA CHIVI CHAVAINACHO CHICHIVAPEDZA SIMBA

13. Kukanganisa kunoita mukuru kunogona kuita kuti aite sei?

13 Chingaita kuti zviome. Vakuru vanokanganisawo sezvinoita munhu wese. (VaR. 3:23) Dzimwe nguva vangatadza kuona kukanganisa kwavo neziso rakanaka. Vamwe vanogona kunyanya kunetseka nezvezvinhu zvavasingakwanisi kuita zvekuti vanopedzisira vaora mwoyo. Vamwewo vangaona sekuti zvavanokanganisa hazvina kunyanya kukura uye kuti hapana chikonzero chekuti vachinje maitiro avo.

14. Maererano naVaFiripi 4:13, kuzvininipisa kwakabatsira sei Pauro kuti ave nemaonero akanaka pane zvaaikanganisa?

14 Zvakaitwa naPauro. Kuzvininipisa kwaPauro kwakaita kuti azive kuti ane zvimwe zvinhu zvaaikanganisa uye kuti anoda rubatsiro. Aida simba rinobva kuna Mwari. Asati ava muKristu, Pauro aitambudza zvakanyanya vaKristu. Asi akazoziva kuti zvaaiita zvainge zvakaipa uye kuti aida kuchinja mafungiro ake neunhu hwake. (1 Tim. 1:12-16) Achibatsirwa naJehovha, Pauro akazova mufudzi ane rudo, ane tsitsi, uye anozvininipisa. Airwadziwa nekukanganisa kwaaiita, asi aisaramba achifunga nezvazvo. Aiva nekutenda kwekuti Jehovha anomuregerera. (VaR. 7:21-25) Aiziva kuti aikanganisa. Kunyange zvakadaro, aishanda nesimba kuti avandudze unhu hwake hwechiKristu uye aivimba naJehovha kuti amubatsire kuita basa rake.—1 VaK. 9:27; verenga VaFiripi 4:13.

Shanda nesimba kuti uve nemaonero akanaka ezvaunokanganisa (Ona ndima 14-15) *

15. Mukuru angaita sei kuti ave nemaonero akanaka pane zvaanokanganisa?

15 Chidzidzo. Vakuru vanogadzwa pasinei nekuti vanokanganisa. Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda kuti vabvume kuti vane zvavanokanganisa uye vashande nesimba kuti vave neunhu hwechiKristu. (VaEf. 4:23, 24) Mukuru anofanira kuzviongorora achishandisa Shoko raMwari uye anofanira kugadzirisa panoda kugadziriswa. Jehovha anobva amubatsira kuti ave mukuru anofara uye akanaka.—Jak. 1:25.

KUSHANDA PAMWE CHETE NEVANHU VANE CHIVI

16. Chii chinogona kuitika kana mukuru akaisa pfungwa paunhu husina kunaka hune vamwe?

16 Chingaita kuti zviome. Vakuru vanogona kusvika pakuziva unhu husina kunaka hune vaya vari muungano nekuti vanoshanda navo kwenguva yakareba. Asi kana vakasangwarira, vanogona kutanga kusvotwa nehama dzavo, kusava nemutsa, kana kuti kudzitsoropodza. Pauro akayambira vaKristu kuti Satani anoda kuti vaite izvozvo.—2 VaK. 2:10, 11.

17. Pauro aiona sei hama nehanzvadzi dzake?

17 Zvakaitwa naPauro. Airamba achiona hama nehanzvadzi dzake neziso rakanaka. Ainyatsoziva zvavaikanganisa, nekuti dzimwe nguva zvavaiita zvaimurwadza. Asi Pauro aiziva kuti kana munhu akakanganisa hazvirevi kuti atova munhu akaipa. Aida hama dzake uye aiisa pfungwa paunhu hwakanaka hwadzaiva nahwo. Hama nehanzvadzi dzake padzaiomerwa kuti dziite zvakanaka, aizvitora sekuti dzinoda kuita zvakanaka uye dzinongoda chete kubatsirwa.

18. Unodzidzei pamabatiro akaita Pauro nyaya yaYudhiya naSindike? (VaFiripi 4:1-3)

18 Funga nezvekubatsira kwakaita Pauro hanzvadzi mbiri dzemuungano yeFiripi. (Verenga VaFiripi 4:1-3.) Zvinoita sekuti Yudhiya naSindike vane pavakatadza kuwirirana uye zvakabva zvaita kuti ushamwari hwavo hupere. Pauro haana kuvatsamwira kana kuvatsoropodza, asi akaisa pfungwa paunhu hwavo hwakanaka. Vaiva hanzvadzi dzakatendeka dzakange dzashumira Jehovha kwenguva yakareba. Pauro aiziva kuti Jehovha aivada. Maonero akanaka aiita Pauro hanzvadzi idzi akaita kuti adzikurudzire kuti dziyanane. Kutarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe kwakabatsirawo Pauro kuti arambe achifara uye arambe aine ushamwari hwakasimba nevaya vaiva muungano iyoyo.

Edza kusatonga vamwe (Ona ndima 19) *

19. (a) Vakuru vangaitei kuti varambe vachiona hama nehanzvadzi dzavo neziso rakanaka? (b) Unodzidzei pamufananidzo wemukuru ari kuchenesa paImba yeUmambo?

19 Chidzidzo. Vakuru, tarisai unhu hwakanaka hune hama nehanzvadzi dzenyu. Mumwe nemumwe wavo ane chivi asi anewo unhu hwakanaka hwatinogona kuyemura. (VaF. 2:3) Ichokwadi kuti dzimwe nguva vakuru vanofanira kutsiura hama kana kuti hanzvadzi yavo. Asi sezvakaitwa naPauro, vakuru vanofanira kushanda nesimba kuti vasaisa pfungwa pazvinhu zvinosvota zvinotaurwa kana kuti zvinoitwa nemunhu wacho. Vangaita zvakanaka kana vakafunga nezvekuda kwaanoita Jehovha, kutsungirira kwaanoita pakushumira Mwari, uye zvimwe zvinhu zvakanaka zvaanogona kuzoita nekufamba kwenguva. Vakuru pavanoisa pfungwa paunhu hwakanaka hune vamwe vanobatsira hama nehanzvadzi dzavo kuti dzinzwe dzichidiwa neungano yese.

RAMBAI MUCHITEVEDZERA PAURO

20. Vakuru vangaitei kuti varambe vachibatsirwa nemuenzaniso waPauro?

20 Imi vakuru, kuramba muchidzidza nezvemuenzaniso waPauro kuchakubatsirai. Semuenzaniso, munogona kutarisa muWatch Tower Publications Index, pamusoro unoti “Paul” mozotarisa pamusoro mudiki unoti “example for elders.” Paunenge uchiverenga zvakanyorwa ipapo, zvibvunze kuti, ‘Muenzaniso waPauro ungandibatsira sei kuti ndirambe ndichifara pandinenge ndichiita basa rangu semukuru?’

21. Vakuru vanogona kuva nechokwadi chei?

21 Vakuru, yeukai kuti Jehovha haasi kukutii muve vanhu vakakwana, asi anoda kuti muve vakatendeka. (1 VaK. 4:2) Jehovha aifadzwa nekushanda nesimba uye kutendeka kwaPauro. Munogonawo kuva nechokwadi chekuti Mwari anofadzwa nebasa ramunomuitira. Jehovha haazombokanganwi “basa renyu nerudo rwamuinarwo nezita rake, rwamakaratidza nekushumira vatsvene uye kuramba muchivashumira kwamuri kuita.”—VaH. 6:10.

RWIYO 87 Uyai Muzorodzwe!

^ Takakomborerwa chaizvo kuti tine vakuru vanoshanda nesimba uye vane hanya nesu. Munyaya ino tichakurukura zvinhu 4 zvinoitwa nevakuru asi zvisiri nyore kuti vagare vachizviita. Tichaonawo kuti muenzaniso wemuapostora Pauro ungabatsira sei vakuru kuti vaite zvinhu izvi. Nyaya ino ichatibatsira tese kuti tinzwisise vakuru uye tiratidze kuti tinovada uye tivatsigire.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO:Hama iri kubva pabasa payo iri kuparidzira mashoko akanaka wainoshanda nayo.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO:Mukuru ari kuratidza ushamwari paari kufudza imwe hama inowanzozviparadzanisa nevamwe.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO:Hama iri kupa mazano kune mumwe munhu asiri kufara nezvakaitika.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO:Mukuru haasi kufungira zvakaipa hama yatsauswa pakuita basa rayazvipira kuita.