Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Utsungirire Paunenge Uchizvidya Mwoyo

Zvaungaita Kuti Utsungirire Paunenge Uchizvidya Mwoyo

KUZVIDYA mwoyo kana kuti kunetseka kunogona kufananidzwa nechinhu chinorema chiri mumwoyo medu. (Zvir. 12:25) Wakambotambura nekuzvidya mwoyo here? Unombonzwa sekuti hauchakwanisi kutsungirira here? Kana zvakadaro, hausi wega. Vakawanda vedu takambosangana nezvinhu zvinopedza simba uye zvinoshungurudza, zvakadai sekuchengeta munhu weukama anenge achirwara, kufirwa, kana kusangana nenjodzi inongoitika yega. Asi chii chinogona kutibatsira kuti titsungirire kuzvidya mwoyo? *

Tinogona kudzidza zvakawanda pana Mambo Dhavhidhi panyaya yekutsungirira patinenge tichizvidya mwoyo. Akasangana nezvinhu zvakawanda zvakaoma muupenyu hwake, uye dzimwe nguva aitombotarisana nerufu. (1 Sam. 17:34, 35; 18:10, 11) Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti atsungirire paaizvidya mwoyo? Tingamutevedzera sei?

CHII CHAKABATSIRA DHAVHIDHI KUTI ATSUNGIRIRE PAAIZVIDYA MWOYO?

Dhavhidhi akasangana nematambudziko akawanda panguva imwe chete. Funga zvakaitika paaitiza Mambo Sauro uyo aida kumuuraya. Dhavhidhi nevarume vaaiva navo pavakadzoka vachibva kuhondo, vakawana vavengi vaba zvinhu zvavo, vapisa misha yavo, uye vapamba mhuri dzavo. Dhavhidhi akaita sei? “Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakatanga kuchema vachiridza mhere kusvikira vasisina simba rekuchema.” Dhavhidhi akatowedzera kunetseka nekuti varume vaaiva navo “vaitaura kuti vaida kumutema nematombo.” (1 Sam. 30:1-6) Dhavhidhi aiva nematambudziko matatu akakura panguva imwe chete. Mhuri yake yakanga iri pangozi, aityira kuti varume vaaiva navo vaigona kumuuraya, uye Mambo Sauro akanga achiri kumuvhima. Dhavhidhi anofanira kunge akazvidya mwoyo chaizvo.

Dhavhidhi akabva aita sei? Akabva “azvisimbisa naJehovha Mwari wake.” Angangodaro akazviita sei? Dhavhidhi aiwanzonyengetera kuna Jehovha kuti amubatsire, uye aifunga nezvekubatsirwa kwaainge amboitwa naJehovha. (1 Sam. 17:37; Pis. 18:2, 6) Dhavhidhi akaona zvakakodzera kuti atsvage kutungamirirwa naJehovha, saka akabvunza Jehovha zvaaifanira kuita. Pashure pekuwana mhinduro yakabva kuna Jehovha, akabva akurumidza kuita zvaakanga audzwa. Izvi zvakaita kuti iye nevarume vaaiva navo vakomborerwe naJehovha uye vakanunura mhuri dzavo ndokutora zvinhu zvavo zvakanga zvapambwa. (1 Sam. 30:7-9, 18, 19) Waona here zvinhu zvitatu zvakaitwa naDhavhidhi? Akanyengetera kuna Jehovha kuti abatsirwe, akafunga zvaakanga amboitirwa naJehovha kare, uye akaita zvaakaudzwa naJehovha. Tingatevedzera sei Dhavhidhi? Ngationei nzira nhatu.

TEVEDZERA DHAVHIDHI PAUNENGE UCHIZVIDYA MWOYO

1. Nyengetera. Pese patinotanga kuzvidya mwoyo tinogona kunyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire uye atipe uchenjeri. Tinogona kutanga kunzwa zviri nani patinoudza Jehovha zvese zvinenge zvichitinetsa. Kana kuti tinogona kupa munyengetero mupfupi nechemumwoyo kana mamiriro edu ezvinhu achida kuti tidaro panguva iyoyo. Pese patinonyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire, tinenge tichiratidza kuti tinovimba naye sezvaiita Dhavhidhi uyo akati: “Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare yangu uye ndiye anondinunura. Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinopotera kwaari.” (Pis. 18:2) Kunyengetera kunonyatsoshanda here? Imwe hanzvadzi inopayona inonzi Kahlia inoti: “Pandinonyengetera, ndinonzwa kugadzikana. Kunyengetera kunondibatsira kuti ndive nemafungiro aJehovha uye kuvimba kwandinoita naye kunowedzera.” Munyengetero chipo chine simba chinobva kuna Jehovha chinotibatsira kuti titsungirire patinenge tichizvidya mwoyo.

2. Funga zvawakamboitirwa naJehovha. Paunofunga zvakamboitika kwauri, unoona here matambudziko awakatsungirira uchibatsirwa naJehovha? Patinofunga nezvekubatsirwa kwatakaitwa naJehovha, uye kubatsira kwaakaita vashumiri vake kare, tinowedzera kugadzikana uye tinowedzera kuvimba naye. (Pis. 18:17-19) Mumwe mukuru anonzi Joshua anoti: “Ndakanyora pasi minyengetero yangu yakapindurwa. Izvi zvinondibatsira kuyeuka nguva dzandakakumbira Jehovha chimwe chinhu obva andipa chinhu chacho chandaida.” Patinofungisisa zvatakatoitirwa naJehovha, tinowanazve simba rekutsungirira patinenge tichizvidya mwoyo.

3. Ita zvaunoudzwa naJehovha. Tisati tasarudza zvekuita mumamiriro edu ezvinhu, tinogona kutarisa muShoko raMwari kuti tiwane mazano atinogona kunyatsovimba nawo. (Pis. 19:7, 11) Vakawanda vakaona kuti pavanotsvakurudza nezveimwe vhesi, vanowedzera kunzwisisa kuti inoshanda sei muupenyu hwavo. Mumwe mukuru anonzi Jarrod anoti: “Kutsvakurudza kunondibatsira kuti ndidzidze zvakawanda nezveimwe vhesi, ndonzwisisa zvandiri kuudzwa naJehovha. Zvandinenge ndaverenga zvinobva zvanyatsodzika mumwoyo mangu zvoita kuti ndiite zvandiri kuudzwa naJehovha.” Patinotsvaga mazano aJehovha muBhaibheri toita zvaanenge atiudza, zvinova nyore kuti titsungirire kuzvidya mwoyo.

JEHOVHA ACHAKUBATSIRA KUTI UTSUNGIRIRE

Dhavhidhi ainzwisisa kuti aifanira kubatsirwa naJehovha kuti akwanise kutsungirira paaizvidya mwoyo. Kuonga kwaaiita rubatsiro rwaJehovha kwakaita kuti ataure kuti: “Nesimba raMwari ndinogona kukwira rusvingo. Mwari wechokwadi ndiye anondipa simba.” (Pis. 18:29, 32) Tinganzwa sekuti matambudziko edu akaita semasvingo asingakwiriki. Asi tichibatsirwa naJehovha, tinogona kutsungirira matambudziko akakura! Saka patinonyengetera tichikumbira kubatsirwa naJehovha, patinofunga zvaakambotiitira, uye patinoita zvaanenge atiudza, tinogona kuva nechivimbo chekuti achatipa simba neuchenjeri kuti tikwanise kutsungirira patinenge tichizvidya mwoyo!

^ ndima 2 Munhu anenge achizvidya mwoyo zvakanyanya angafanira kuona chiremba.