Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 18

Zvaungaita Kuti Uve Nezvinangwa Zvekunamata Uye Uzvizadzise

Zvaungaita Kuti Uve Nezvinangwa Zvekunamata Uye Uzvizadzise

“Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kunyatsoonekwa nevanhu vese.”—1 TIM. 4:15.

RWIYO 84 Kuwedzera Basa Redu

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndezvipi zvinangwa zvekunamata zvatingava nazvo?

 SEZVO tiri vaKristu vechokwadi, tinoda Jehovha zvikuru. Tinoda kuitira Jehovha zvakanakisisa zvatinokwanisa pakumushumira. Asi kana tichida kuitira Jehovha zvese zvatinokwanisa, tinofanira kuva nezvinangwa zvekunamata, zvakadai sekuva neunhu hwechiKristu, kudzidzira rimwe basa, uyewo kutsvaga dzimwe nzira dzekushumira nadzo vamwe. *

2. Nei tichifanira kuva nezvinangwa zvekunamata uye kushanda nesimba kuti tizvizadzise?

2 Nei tichifanira kuva nechido chekufambira mberi pakunamata? Chikonzero chikuru ndechekuti tinoda kufadza Baba vedu vekudenga vane rudo. Jehovha anofara paanoona tichishandisa zvizere zvipo zvedu uye unyanzvi hwedu mubasa rake. Uyewo tinoda kufambira mberi pakunamata kuitira kuti tiwedzere zvatinoita pakubatsira hama nehanzvadzi dzedu. (1 VaT. 4:9, 10) Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tiri muchokwadi, tese tinogona kufambira mberi pakunamata. Ngationei kuti tingazviita sei.

3. Sezvakanyorwa pana 1 Timoti 4:12-16, muapostora Pauro akakurudzira Timoti kuitei?

3 Muapostora Pauro paakanyorera Timoti tsamba yekutanga, murume iyeye wechidiki akanga atova nenguva achishumira semukuru. Asi Pauro akamukurudzira kuti arambe achifambira mberi pakunamata. (Verenga 1 Timoti 4:12-16.) Paunofunga nezvemashoko aPauro, unoona kuti aida kuti Timoti afambire mberi munzira mbiri. Yekutanga, aida kuti Timoti awedzere kuva neunhu hwechiKristu hwakadai serudo, kutenda, uye tsika dzakachena. Uye yechipiri, aida kuti avandudze unyanzvi hwake pazvinhu zvakadai sekuverenga paruzhinji, kukurudzira uye kudzidzisa. Tichifunga nezvemuenzaniso waTimoti, ngationei kuti kuva nezvinangwa zvatinogona kuzadzisa kungatibatsira sei kufambira mberi pakunamata. Tichaonawo dzimwe nzira dzatinogona kuwedzera nadzo ushumiri hwedu.

WEDZERA KUVA NEUNHU HWECHIKRISTU

4. Maererano naVaFiripi 2:19-22, chii chakaita kuti Timoti ave mushumiri waJehovha anokwanisa kubatsira vamwe?

4 Chii chakaita kuti Timoti ave mushumiri waJehovha anokwanisa kubatsira vamwe? Aiva neunhu hwakanaka chaizvo hwechiKristu. (Verenga VaFiripi 2:19-22.) Kubva pane zvakataurwa naPauro nezvaTimoti, tinogona kuona kuti aizvininipisa, ainge akavimbika, aishanda nesimba uye aiva munhu anovimbwa naye. Aiva nerudo, uye aiva nehanya nehama dzake. Izvi zvakaita kuti Pauro ade Timoti, uye haana kuzeza kumupa mabasa akaoma. (1 VaK. 4:17) Saizvozvowo, patinova neunhu hunodiwa naJehovha, anowedzera kutida uye tinoita zvinhu zvakawanda zvinobatsira ungano.—Pis. 25:9; 138:6.

Sarudza unhu hwechiKristu hwaunoda kuwedzera kuva nahwo (Ona ndima 5-6)

5. (a) Ungaitei kuti uve nechinangwa chekuvandudza unhu hwechiKristu? (b) Sezviri kuratidzwa mumufananidzo, hanzvadzi yechidiki iri kushandira sei chinangwa chayo chekuwedzera kuva nehanya nevamwe?

5 Sarudza kuti ndechipi chinangwa chaunoda kuva nacho. Nyengetera uye funga kuti paunhu hwako ndechipi chaungada kuvandudza. Sarudza chinhu chimwe chete chaungada kuvandudza. Semuenzaniso, ungawedzera here kuva nehanya nevamwe kana kuva nechido chakasimba chekubatsira hama nehanzvadzi dzako? Unofanira here kuwedzera kuva nerugare nevamwe uye kukanganwira? Unogona kukumbira shamwari yaunovimba nayo kuti ikuudze zvaungaita kuti uvandudze unhu hwako.—Zvir. 27:6.

6. Ungaitei kuti uzadzise chinangwa chako chekuvandudza humwe unhu?

6 Shandira kuzadzisa chinangwa chako. Izvozvo ungazviita sei? Imwe nzira yekuita izvozvo ndeyekunyatsodzidza nezveunhu hwaunoda kuvandudza. Ngatitii wasarudza kushandira kuti uwedzere kuregerera vamwe. Unogona kutanga nekuverenga uye kufungisisa nezvevanhu vanotaurwa muBhaibheri vakaregerera vamwe nemwoyo wese uye vaya vasina kudaro. Funga nezvaJesu. Airegerera vamwe nemwoyo wese. (Ruka 7:47, 48) Aisaisa pfungwa pane zvavaikanganisa uye aiona zvavaizokwanisa kuita. Asi vaFarisi vepanguva yaJesu, ‘vaitarisira vamwe pasi.’ (Ruka 18:9) Pashure pekufungisisa mienzaniso iyi, zvibvunze kuti: ‘Ndinoonei pane vamwe? Paunhu hwavainahwo ndinoisa pfungwa dzangu pane hupi?’ Kana uchiomerwa nekuregerera mumwe munhu, edza kunyora pasi unhu hwese hwakanaka hwaunoona paari. Chibva wazvibvunza kuti: ‘Jesu anoona sei munhu uyu? Angamuregerera here?’ Kudzidza nenzira iyi kunogona kutibatsira kuti tigadzirise mafungiro edu. Pakutanga, tingatofanira kushanda nesimba kuti tiregerere munhu akatigumbura. Asi kana tikaramba tichishanda nesimba kuti tiregerere vamwe, tinozopedzisira tava nechido chakakura chekuregerera.

DZIDZA UNYANZVI HUNOBATSIRA

Dzidzira basa rekugadziridza zvinhu paImba yeUmambo yenyu (Ona ndima 7) *

7. Maererano naZvirevo 22:29, Jehovha ari kushandisa sei vashandi vane unyanzvi mazuva ano?

7 Chimwe chinangwa chaunogona kuva nacho ndechekudzidza unyanzvi hunobatsira. Panodiwa vashandi vakawanda chaizvo pakuvaka maBheteri, Dzimba Dzemagungano, uye Dzimba dzeUmambo. Vakawanda vavo vakadzidza unyanzvi nekushanda nehama nehanzvadzi dzagara nebasa. Sezviri kuratidzwa mumufananidzo, hama nehanzvadzi dziri kudzidza unyanzvi hunodiwa pakubatsira kuti Dzimba Dzemagungano neDzimba dzeUmambo dzigare dzakanaka. Vachishandisa nzira idzi nedzimwewo, Jehovha Mwari, “Mambo asingagumi,” naKristu Jesu, ‘Mambo wemadzimambo,’ vari kuita zvinhu zvinoshamisa vachishandisa vanhu vane unyanzvi. (1 Tim. 1:17; 6:15; verenga Zvirevo 22:29.) Tinoda kushanda nesimba uye kushandisa unyanzvi hwedu kuti rukudzo ruende kuna Jehovha, kwete kuti ruuye kwatiri.—Joh. 8:54.

8. Ungasarudza sei unyanzvi hwekudzidzira?

8 Sarudza kuti ndechipi chinangwa chaunoda kuva nacho. Unyanzvi hupi hwaunoda kudzidzira? Kumbira vakuru vemuungano menyu uye kunyange mutariri wenyu wedunhu kuti vakuudze nezveunyanzvi hwavanofunga kuti ungadzidzira. Semuenzaniso, kana vakataura kuti unofanira kuvandudza unyanzvi hwako hwekukurukura uye hwekudzidzisa, vakumbire kuti vakubatsire kuziva kuti ndezvipi chaizvo zvaunofanira kushandira. Chibva washanda nesimba kuti uvandudze unyanzvi hwacho. Ungazviita sei?

9. Ungaitei kuti uzadzise chinangwa chako chekudzidzira humwe unyanzvi?

9 Shandira kuzadzisa chinangwa chako. Ngatitii unoda kuvandudza unyanzvi hwako hwekudzidzisa. Unogona kunyatsodzidza bhurocha rinonzi Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa. Paunopiwa hurukuro pamusangano wepakati pevhiki, unogona kukumbira hama inogona kudzidzisa kuti imboteerera hurukuro yako, yokupa mazano ekuti ungavandudza sei. Gadzirira hurukuro dzako pachine nguva kuitira kuti vanhu vaone kuti unoshanda nesimba uye kuti unogona kuvimbwa newe.—Zvir. 21:5; 2 VaK. 8:22.

10. Taura muenzaniso wezvingaitwa nemunhu kuti arambe achivandudza humwe unyanzvi.

10 Ungaitei kana unyanzvi hwauri kuda kudzidzira huri hwechimwe chinhu chakakuomera? Ramba uchidzidzira! Imwe hama inonzi Garry yaisagona kuverenga zvakanaka. Anoyeuka kunyara kwaaiita paaiedza kuverenga zvinonzwika pamisangano yeungano. Asi akaramba achishanda nesimba kuti avandudze. Nekudzidziswa kwaakaitwa, ava kukwanisa kupa hurukuro paDzimba dzeUmambo, pamagungano edunhu, uye pamagungano emunharaunda!

11. Chii chichatibatsira kuti tikwanise kuita zvakawanda mubasa raJehovha sezvakaitwa naTimoti?

11 Timoti akazova mukurukuri uye mudzidzisi wemandorokwati here? Bhaibheri haritauri nezvazvo. Asi zviri pachena kuti akaramba achivandudza maitiro aaiita mabasa ake nekuti aitevedzera zano raPauro. (2 Tim. 3:10) Isuwo tikavandudza unyanzvi hwedu tichakwanisa kuita zvakawanda mubasa raJehovha.

TSVAGA NZIRA DZEKUSHUMIRA NADZO VAMWE

12. Wakabatsirwa sei nemabasa anoitwa nevamwe?

12 Tese tinobatsirwa nemabasa atinoitirwa nevamwe. Patinenge tiri muchipatara, tinoonga chaizvo kana tikashanyirwa nevakuru vanoshumira muMakomiti Ekukurukura Nezvipatara kana kuti muMapoka Ekushanyira Varwere. Patinenge tiine matambudziko muupenyu hwedu, tinoonga chaizvo kana mukuru ane hanya akawana nguva yekuti atiteerere uye atinyaradze. Kana tichida kubatsirwa kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, tinofara chaizvo kana piyona agara nebasa akabvuma kuenda nesu kuchidzidzo chacho otipa mazano. Hama nehanzvadzi dzedu dzese idzi dzinofara chaizvo padzinotibatsira. Tinogona kuwanawo mufaro iwoyo kana tikashumira hama dzedu. Jesu akati: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Kana uchida kuwedzera basa raunoitira Jehovha munzira iyi kana dzimwewo, chii chichakubatsira kuita izvozvo?

13. Patinova nechinangwa chatinoda kuzadzisa, tinofanira kuyeukei?

13 Ngwarira kuti usava nechinangwa chisina kujeka. Semuenzaniso, unogona kuti, ‘Ndinoda kuita zvakawanda muungano.’ Asi zvingaoma kuziva kuti chinangwa chakadaro ungachizadzisa sei, uye hazvitomboiti kuti uzive kuti wachizadzisa here. Saka iva nechinangwa chakanyatsojeka. Unogona kutonyora pasi chinangwa chacho uye zvauri kuronga kuti uchizadzise.

14. Patinova nezvinangwa zvatinoda kuzadzisa nei tichifanira kuziva kuti zvinhu zvinogona kuchinja?

14 Patinova nezvinangwa zvatinoda kuzadzisa, tinofanirawo kuziva kuti zvinhu zvinogona kuchinja. Nei tichifanira kuziva izvozvo? Nekuti hatikwanisi kuita kuti zvinhu zvese zviitike maererano nezvatinenge tichida. Semuenzaniso: Muapostora Pauro akabatsira pakutanga ungano itsva muguta reTesaronika. Uye zviri pachena kuti aiva nechinangwa chekugaramo uye chekubatsira vaKristu vatsva ivavo. Asi vavengi vakaita kuti Pauro abve muguta racho. (Mab. 17:1-5, 10) Dai Pauro akaramba ari muguta racho angadai akaisa hama dzake pangozi. Asi Pauro akaramba achiedza kuvabatsira. Akaita zvaienderana nekuchinja kwainge kwaita zvinhu. Akazotuma Timoti kuti anobatsira vaKristu vatsva vaiva muTesaronika kuti vave nekutenda kwakasimba. (1 VaT. 3:1-3) VaTesaronika vanofanira kunge vakafara chaizvo kuti Timoti aiva nechido chekuenda chero kwaaidiwa kuti abatsire.

15. Zvinangwa zvedu zvingachinja sei panochinja zvinhu muupenyu hwedu? Taura muenzaniso.

15 Tinogona kudzidza pane zvakaitika kuna Pauro muTesaronika. Zvimwe tingava tiine chinangwa chatingada kuzadzisa, asi mamiriro edu ezvinhu anogona kuchinja zvotitadzisa kuzadzisa chinangwa chedu. (Mup. 9:11) Kana izvozvo zvikaitika kwauri, sarudza chimwe chinangwa chaunogona kuzadzisa. Izvi ndizvo zvakaitwa naTed nemudzimai wake Hiedi. Vakabva paBheteri nemhaka yeutano husina kunaka. Asi kuda kwavanoita Jehovha kwakaita kuti vatsvage dzimwe nzira dzekuwedzera ushumiri hwavo. Pakutanga, vakava mapiyona enguva dzese. Nekufamba kwenguva, vakagadzwa semapiyona chaiwo, uye Ted akadzidziswa kuva mutsivi wemutariri wedunhu. Asi makore ekuti munhu akwanise kushumira semutariri wedunhu akabva achinja. Ted naHiedi vakaziva kuti vakanga vasingachakwanisi kuva neropafadzo iyi. Kunyange zvazvo vakaora mwoyo, vakaziva kuti vaigona kushumira Jehovha nedzimwe nzira. Ted anoti, “Takadzidza kusaisa pfungwa dzedu panzira imwe chete yekushumira nayo.”

16. Chidzidzo chipi chatinowana pana VaGaratiya 6:4?

16 Hatigoni kudzora zvese zvinoitika muupenyu hwedu. Saka zvinokosha kuti tisafunga kuti mabasa atinoita ndiwo anoita kuti tive vanhu vanokosha kuna Jehovha uye hatidi kuzvienzanisa nevaya vane mabasa atisina. Hiedi anoti, “Unoshaya mufaro kana ukaenzanisa upenyu hwako nezvaunoona zvichiitika muupenyu hwevamwe.” (Verenga VaGaratiya 6:4.) Zvinokosha kuti titsvage nzira dzekubatsira nadzo vamwe uye dzekushumira Jehovha. *

17. Ungaitei kuti ukodzere kupiwa mamwe mabasa pakushumira Jehovha?

17 Unogona kuita zvakawanda mubasa raJehovha kana ukasazviwanzira zvekuita muupenyu uye worega kungozvipinza muzvikwereti. Iva nezvinangwa zvidiki zvichakubatsira kuti uzadzise zvinangwa zvakakura. Semuenzaniso, kana chinangwa chako chikuru chiri chekuva piyona wenguva dzese, unogona here kushumira sapiyona webetsero mwedzi wega wega panguva ino? Kana chinangwa chako chiri chekushumira semushumiri weungano, unogona here kuita nguva yakawanda mubasa remumunda uye pakushanyira vanorwara nevakwegura vemuungano menyu? Ruzivo rwaunowana iye zvino rwungaita kuti uzowana dzimwe ropafadzo mubasa raJehovha mune ramangwana. Iva nechido chekuita zvinhu nemwoyo wese pabasa chero ripi raunenge wapiwa.—VaR. 12:11.

Sarudza chinangwa chaunogona kuzadzisa (Ona ndima 18) *

18. Sezviri kuratidzwa mumufananidzo, unodzidzei pamuenzaniso waBeverley?

18 Hatimbofi tanzi tanyanya kukura zvekuti hatikwanisi kuva nezvinangwa zvekunamata. Funga nezvehanzvadzi ine makore 75 inonzi Beverley. Aiva nedambudziko rakakura reutano raiita kuti zvimuomere kufamba. Asi aida kuita zvakawanda pakutsigira mushandirapamwe wekukoka vanhu kuChirangaridzo. Saka akava nezvinangwa zvaaida kuzadzisa. Beverley paakazadzisa zvinangwa zvake pamushandirapamwe wacho, akafara chaizvo. Zvaakaita zvakakurudzira vamwe kuti vashande nesimba muushumiri. Jehovha anokoshesa basa rinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu dzakura, kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu achidzitadzisa kuita zvakawanda.—Pis. 71:17, 18.

19. Zvinangwa zvipi zvekunamata zvatingava nazvo?

19 Iva nezvinangwa zvaunogona kuzadzisa. Iva neunhu hunofadza Jehovha. Dzidza unyanzvi hunoita kuti ukwanise kuitira Mwari wedu uye sangano rake zvakawanda. Tsvaga nzira dzekuita zvakawanda pakushumira hama nehanzvadzi dzako. * Sezvakaitika kuna Timoti, uchibatsirwa naJehovha, ‘kufambira mberi kwako kuchanyatsoonekwa nevanhu vese.’—1 Tim. 4:15.

RWIYO 38 Achakusimbisa

^ ndima 5 Timoti aiva muparidzi wemashoko akanaka ane unyanzvi. Kunyange zvakadaro, muapostora Pauro akamukurudzira kuti arambe achifambira mberi pakunamata. Kuteerera kwaakaita zano raPauro, kwakaita kuti aite zvakawanda mubasa raJehovha uye pakubatsira hama nehanzvadzi dzake. Unoda here kuita zvakawanda pakushumira Jehovha uye hama nehanzvadzi dzako sezvaiita Timoti? Zviri pachena kuti unoda. Zvinangwa zvipi zvichakubatsira kuita izvozvo? Unofanira kuitei kuti uve nezvinangwa izvozvo uye uzvizadzise?

^ ndima 1 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Zvinangwa zvekunamata zvinosanganisira zvese zvatinoshanda nesimba kuti tiite kuitira kuti tishumire Jehovha zvizere uye kuti timufadze.

^ ndima 16 Ona musoro unoti “Kushumira Kunonyanya Kudiwa Vaparidzi” uri mubhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, chitsauko 10, ndima 6-9.

^ ndima 19 Ona chidzidzo 60 chine musoro unoti, “Ramba Uchivandudza Manamatiro Ako,” mubhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara!

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hama iri kudzidzisa hanzvadzi mbiri kugadzirisa zvinhu paimba yeUmambo, uye hanzvadzi dzacho dziri kushandisa unyanzvi hwadzadzidza.

^ ndima 65 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi isingakwanisi kubva pamba iri kukoka vanhu kuChirangaridzo ichishandisa foni.