Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kana muKristu akaramba mudzimai wake pasina chikonzero chemuMagwaro, oroora mumwe, ungano inoona sei wanano yekare uye wanano itsva?

Pakadaro, ungano inoona wanano yekare seyakaguma murume wacho paakaroorazve, uye inoona wanano itsva seiri kushanda. Kuti tinzwisise chikonzero chakaita kuti tisvike pamhedziso iyi ngationei zvakataurwa naJesu nezvekurambana uye kuroorazve.

Sezvinotaurwa pana Mateu 19:9, Jesu akataura chikonzero chimwe chete chemuMagwaro chinoita kuti wanano igume. Akati: “Munhu wese anoramba mudzimai wake ipo pasina upombwe hwaitwa, akaroora mumwe, anoita upombwe.” Kubva mumashoko aJesu, tinodzidza zvinhu zviviri zvinoti (1) upombwe ndihwo chete chikonzero chemuMagwaro chinoita kuti wanano igume uye (2) murume anoramba mudzimai wake pasina chikonzero ichocho chemuMagwaro oroora mumwe, anoita upombwe. *

Mashoko aJesu anoreva here kuti murume anenge aita upombwe oramba mudzimai wake anenge asununguka kuroorazve maererano neMagwaro? Hazvisirizvo hazvo. Kana upombwe hukaitwa muwanano, anenge atadzirwa anosarudza kuti oregerera mumwe wake here kana kuti kwete. Kana mukadzi akaramba murume wake vowana gwaro repamutemo rekurambana, vese vanenge vasununguka kuti vapindezve mune imwe wanano.

Pamwe pacho anenge atadzirwa anogona kunge aine chido chekuchengetedza wanano yacho obva audza murume wake kuti anoda kumuregerera. Asi chii chinoitika kana murume anenge aita upombwe asiri kuda kuregererwa nemudzimai wake uye odambura muchato vasina kubvumirana? Sezvo mudzimai wacho achida kumuregerera kuti varambe vari muwanano, murume wacho anenge asina kusununguka maererano neMagwaro kuti aroorezve. Kana akasarudza kuroora mumwe munhu iye asina kusununguka kuti adaro maererano neMagwaro, anenge aita upombwe zvakare. Vakuru vemuungano vanobva vaumbazve dare rinotonga kuti ritonge nyaya yake.—1 VaK. 5:1, 2; 6:9, 10.

Kana murume asina kusununguka maererano neMagwaro akaroorazve, ungano inoona sei wanano yekare uye wanano itsva? Maererano neBhaibheri, wanano yekare inenge ichiri kushanda here? Uya anenge akatadzirwa anenge achiri kukwanisa kuregerera kana kuramba uya aimbova murume wake here? Wanano itsva inoonekwa seyeupombwe here?

Kare, ungano yaiona wanano itsva seyeupombwe, chero bedzi anenge akatadzirwa achiri mupenyu, asina kuroorwazve, uye asina kuita upombwe. Asi Jesu paakataura nezvekurambana uye kuroorazve haana kutaura nezveuya anenge atadzirwa. Akataura kuti murume anoramba mudzimai wake pasina chikonzero chemuMagwaro obva aroora mumwe, anoita upombwe. Pakadaro, kuramba mudzimai uye kuroorazve, uko Jesu akafananidza neupombwe, kunogumisa wanano yekare.

“Munhu wese anoramba mudzimai wake ipo pasina upombwe hwaitwa, akaroora mumwe, anoita upombwe.”—Mat. 19:9

Kana murume akaramba mudzimai wake oroora mumwe, zvinenge zvisingachaiti kuti mudzimai wake wekutanga, uya waakatadzira, akwanise kuita chisarudzo chekumuregerera. Saka anenge asisina mutoro wekuita chisarudzo ichocho chakaoma chekuti oregerera here uya aimbova murume wake. Uyewo maonero anoita ungano wanano itsva haabvi pakuti uya akatadzirwa akazofa here, kana kuti akazoroorwazve here, kana kuti akazoita upombwe here. *

Mumuenzaniso uri pamusoro apa, murume wacho akaita upombwe uye akadimbura muchato nemudzimai wake. Ko kana murume wacho asina kuita upombwe, asi akadimbura muchato nemudzimai wake, obva aroora mumwe? Kana kuti ko kana murume wacho asina kuita upombwe vasati varambana, asi akahuita pashure pekunge varambana obva aroora mumwe mukadzi pasinei nekuti mudzimai wake aida kumuregerera? Mumienzaniso yese iyi, kuramba kwaakaita mudzimai wake oroora mumwe, uko kunoreva kuita upombwe, kwakagumisa wanano yekutanga. Wanano itsva inenge yava kutoshanda maererano nemutemo. Nharireyomurindi yeChirungu yaNovember 15, 1979, papeji 32, yakati: “Iye zvino ava muwanano itsva, saka haakwanisi kungoigumisa odzokera kune aimbova mudzimai wake; wanano yekutanga yakagumiswa nezvinhu zvinoti, kudambura muchato, upombwe uye kuroorazve.”

Maonero aya matsva haarevi kuti wanano haisisiri tsvene kana kuti upombwe hausi chivi chakakura. Murume anoramba mudzimai wake pasina chikonzero chemuMagwaro obva aroora mumwe iye asina kusununguka kudaro maererano neMagwaro anotongerwa chivi cheupombwe. (Kana waanenge aroora ari muKristu, naiyewo anofanira kutongerwa chivi cheupombwe.) Kunyange zvazvo wanano itsva isingazoonekwi seyeupombwe, murume wacho haazokodzeri kuwana ropafadzo muungano kwemakore akawanda kusvikira vamwe vanhu vasisagumburwi nezvakaipa zvaakaita kana kuti kusvikira vava kukwanisa kumuremekedza. Vakuru vasati vamupa chero ropafadzo, vanofanira kutanga vafunga nezvemamiriro ezvinhu euya aimbova mudzimai wake uyo waakanyengera uye evana vadiki vaangangodaro akasiya.—Mar. 2:14-16.

Tichitarisa zvakaipa zvinoitika nemhaka yekurambana uye kuroorazve kusingaenderani neMagwaro, vaKristu vanoita zvakanaka kutevedzera Jehovha vachiona wanano sechinhu chitsvene.—Mup. 5:4, 5; VaH. 13:4.

^ ndima 2 Kuti zvive nyore kutaura munyaya ino, tichati anenge aita upombwe murume uye anenge atadzirwa mukadzi. Asi sezvakanyorwa pana Mako 10:11, 12, Jesu akajekesa kuti zano rake panyaya iyi rinoshanda zvakafanana kuvarume nekuvakadzi.

^ ndima 1 Izvi zvinogadzirisa manzwisisiro ataimboita ekuti wanano yakadaro yaionekwa seyeupombwe kusvikira uya anenge akatadzirwa afa, kana kuti aroorwazve, kana kuti aita upombwe.