Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 15

Uri “Muenzaniso . . . Pakutaura” Here?

Uri “Muenzaniso . . . Pakutaura” Here?

“Iva muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura.”—1 TIM. 4:12.

RWIYO 90 Kurudziranai

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndiani akaita kuti tikwanise kutaura?

 KUKWANISA kutaura chipo chinobva kuna Mwari wedu ane rudo. Munhu wekutanga Adhamu, paakangosikwa, aikwanisa kushandisa mashoko kuti akurukure naBaba vake vekudenga. Aikwanisawo kuumba mashoko matsva kuwedzera pane aaiva nawo. Adhamu akashandisa chipo ichocho kuti aite basa rake rekutumidza mhuka dzese mazita. (Gen. 2:19) Uye akafara chaizvo paakataura kekutanga nemumwe munhu, mudzimai wake ainge akanaka chaizvo, Evha!—Gen. 2:22, 23.

2. Chipo chekutaura chaishandiswa sei zvisina kunaka kare uye mazuva ano?

2 Pasati papfuura nguva yakareba, chipo chekutaura chakashandiswa zvisiri izvo. Satani Dhiyabhorosi akanyepera Evha, uye nhema idzodzo dzakaita kuti vanhu vave nechivi uye kusakwana. (Gen. 3:1-4) Adhamu akashandisa zvisiri izvo rurimi rwake paakataura kuti kukanganisa kwake kwakanga kwakonzerwa naEvha, uye kunyange naJehovha. (Gen. 3:12) Kaini akataura nhema kuna Jehovha pashure pekunge auraya munin’ina wake Abheri. (Gen. 4:9) Papera makore, muzukuru waKaini ainzi Rameki akaita nhetembo yairatidza kurwisana kwaiita vanhu panguva yaakararama. (Gen. 4:23, 24) Ko mazuva ano zvinhu zvakamira sei? Tinoona vatungamiriri vezvematongerwo enyika vachishandisa mashoko ekutuka paruzhinji. Uye zvakaoma kuwana firimu risina mashoko anonyadzisira. Vana vechikoro vanonzwa mashoko akashata pavanenge vari kuchikoro, uye vanhu vakuru vanoanzwa kumabasa. Kushandiswa kuri kuitwa mashoko akashata mazuva ano kunoratidza kuipa kwaita nyika.

3. Chii chatinofanira kungwarira, uye tichakurukurei munyaya ino?

3 Kana tikasangwarira, tinogona kujaira kunzwa mutauro wakashata zvekuti tinototanga kuushandisa. Sezvo tiri vaKristu, tinoda kufadza Jehovha, saka hatitomboshandisi mashoko anonyadzisira. Tinoda kushandisa chipo chedu chekutaura nenzira yakanaka, yekurumbidza Mwari. Munyaya ino tichaona kuti tingazviita sei (1) muushumiri, (2) pamisangano yeungano, uye (3) pakukurukura nevamwe zuva nezuva. Asi ngatitangei nekuona kuti nei zvatinotaura zviine basa kuna Jehovha.

ZVATINOTAURA ZVINE BASA KUNA JEHOVHA

Zviri mumwoyo mako zvinooneka sei pane zvaunotaura? (Ona ndima 4-5) *

4. Maererano naMaraki 3:16, chii chinoratidza kuti zvatinotaura zvine basa kuna Jehovha?

4 Verenga Maraki 3:16. Ungafunga here nezvechikonzero chinoita kuti Jehovha anyore ‘mubhuku rake rekuyeuchidza’ mazita evaya vane matauriro anoratidza kuti vanomutya uye vanofungisisa nezvezita rake? Zvatinotaura zvinoratidza zviri mumwoyo medu. Jesu akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mat. 12:34) Zvatinosarudza kutaura nezvazvo zvinoratidza madiro atinoita Jehovha. Uye Jehovha anoda kuti vaya vanomuda vararame nekusingaperi vachifara munyika itsva.

5. (a) Kunamata kwedu kwakabatana papi nezvatinotaura? (b) Sezviri kuratidzwa mumufananidzo, tinofanira kungwarirei pamatauriro edu?

5 Matauriro atinoita anogona kuita kuti Jehovha agamuchire kunamata kwedu kana kuti asakugamuchira. (Jak. 1:26) Vamwe vanhu vasingadi Mwari vanotaura nehasha, uye vachizvikudza. (2 Tim. 3:1-5) Hatitombodi kuita saivo. Tinoda kufadza Jehovha nematauriro edu. Asi Jehovha angafadzwa nesu here kana tichitaura zvakanaka nevamwe pamisangano yechiKristu kana kuti muushumiri asi tichirutsa mashoko patinenge tingori nevemumhuri medu chete?—1 Pet. 3:7.

6. Matauriro akanaka aKimberly akaguma nei?

6 Patinoshandisa zvakanaka chipo chekutaura, tinenge tichiratidza vamwe kuti tinoshumira Jehovha. Tinoita kuti vanhu vanyatsoona kusiyana “kwemunhu anoshumira Mwari neasingamushumiri.” (Mar. 3:18) Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Kimberly. * Iye nemumwe musikana vakapiwa basa rekuchikoro ravaifanira kuita pamwe chete. Pashure pekushanda vese, musikana wacho akaona kuti Kimberly ainge akasiyana nevamwe vadzidzi. Aisataura zvakaipa nezvevamwe vanhu, aitaura zvinokurudzira, uye aisataura mashoko anonyadzisira. Musikana uyu akayemura zvaiitwa naKimberly uye akazobvuma kudzidza Bhaibheri naye. Jehovha anofadzwa chaizvo patinotaura nenzira inoita kuti vanhu vade kudzidza nezvake!

7. Chii chaunoda kuita nechipo chekutaura chawakapiwa naMwari?

7 Tese tinoda kutaura nenzira inoita kuti Jehovha akudzwe uye inotiswededza pedyo nehama dzedu. Saka iye zvino ngationei zvimwe zvinhu zvatingaita kuti tirambe tiri “muenzaniso . . . pakutaura.”

IVA MUENZANISO MUUSHUMIRI

Kutaura zvakanaka nevanhu muushumiri kunofadza Jehovha (Ona ndima 8-9)

8. Jesu akatisiira muenzaniso upi pamatauriro aaiita muushumiri?

8 Taura zvakanaka uye zvine ruremekedzo paunogumburwa. Paaiita ushumiri hwake, Jesu akapomerwa nhema dzekuti aiva munhu anodhakwa, anokara, mutumwa waDhiyabhorosi, munhu anoputsa Sabata, uye kunyange munhu anomhura Mwari. (Mat. 11:19; 26:65; Ruka 11:15; Joh. 9:16) Asi Jesu haana kupindura nehasha. Tichitevedzera Jesu, hatifaniri kudzorera kunyange patinotukwa. (1 Pet. 2:21-23) Asi kuzvidzora saizvozvo hakusi nyore. (Jak. 3:2) Chii chingatibatsira?

9. Chii chingatibatsira kuti tidzore rurimi rwedu patinenge tichiita basa rekuparidza?

9 Kana mumwe munhu akataura zvisina kunaka kwauri paunenge uchiparidza, usagumbuka. Imwe hama inonzi Sam inoti, “Ndinoedza kuisa pfungwa dzangu pakubatsirwa kunoitwa munhu kana akadzidza chokwadi uye pakuti anogona kuchinja.” Dzimwe nguva saimba anogona kutitsamwira nekuti tinenge tasvika panguva isina kunaka. Imwe hanzvadzi inonzi Lucia painogumbukirwa nemumwe munhu inopa munyengetero mupfupi ichikumbira Jehovha kuti aibatsire kuramba yakadzikama uye kuti isataura chinhu chisina kunaka kana kuti chinoratidza kusaremekedza munhu wacho. Tinogona kutevedzera muenzaniso waLucia patinogumbukirwa nemumwe munhu.

10. Maererano na1 Timoti 4:13, tinofanira kuva nechinangwa chipi?

10 Iva mudzidzisi ane unyanzvi. Timoti akanga ari muparidzi agara nebasa, asi kunyange zvakadaro aifanira kuramba achivandudza madzidzisiro ake. (Verenga 1 Timoti 4:13.) Tingaitei kuti tive vadzidzisi vane unyanzvi muushumiri? Tinofanira kunyatsogadzirira. Tinofara chaizvo kuti tine maturusi akasiyana-siyana anogona kutibatsira kuti tive vadzidzisi vane unyanzvi. Uchawana mashoko anobatsira mubhurocha rinonzi Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa uye chikamu chakanzi “Shanda Nesimba Muushumiri” chiri muUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa. Uri kunyatsoshandisa zvinhu izvi here? Kana takanyatsogadzirira, hatizonyanyi kutya uye tichawedzera kuva nechivimbo pakutaura.

11. Vamwe vaKristu vakavandudza sei madzidzisiro avanoita?

11 Tinogonawo kuvandudza madzidzisiro atinoita nekucherechedza vamwe vari muungano todzidza kwavari. Sam ambotaurwa nezvake anozvibvunza kuti nei dzimwe hama nehanzvadzi dzichigona kudzidzisa. Anonyatsoongorora madzidzisiro avanoita obva aedza kuvatevedzera. Imwe hanzvadzi inonzi Talia inonyatsoongorora zvinoitwa nevakurukuri vane unyanzvi pakupa hurukuro dzavose. Izvi zvakaita kuti idzidze kukurukura nevanhu nyaya dzinowanzobvunzwa muushumiri.

IVA MUENZANISO PAMISANGANO

Kuimba nemwoyo wese pamisangano kunorumbidza Jehovha (Ona ndima 12-13)

12. Vamwe vanoomerwa nei?

12 Tese tinogona kuita kuti misangano yedu yeungano ikurudzire nekuimba pamwe chete uye nekupa mhinduro dzakanyatsogadzirirwa. (Pis. 22:22) Vamwe zvinovaomera kuimba kana kupindura pamisangano. Zvinokuomerawo here? Kana zvakadaro, kudzidza zvakabatsira vamwe kuti vasatya kuimba kana kupindura kunogona kukubatsirawo.

13. Chii chingakubatsira kuti uimbe nemwoyo wese pamisangano?

13 Imba nemwoyo wese. Patinoimba nziyo dzedu dzeUmambo, chinangwa chedu chikuru ndechekurumbidza Jehovha. Imwe hanzvadzi inonzi Sara haizvioni hayo semunhu anonyatsogona kuimba. Asi anoda kuimba achirumbidza Jehovha. Saka anoona zvichibatsira kuti agadzirire nziyo dzacho ari kumba, sekugadzirira kwaanoita zvimwe zvikamu zvemusangano wacho. Anodzidzira nziyo dzacho uye anoedza kuona kubatana kwakaita mashoko acho nezvichadzidzwa pamusangano. Anoti, “Izvi zvinondibatsira kuti ndinyanye kuisa pfungwa pamashoko acho kupfuura pamaimbiro angu.”

14. Kana uchitya, chii chingakubatsira kuti upindure pamisangano?

14 Gara uchipindura. Izvi zvakaomera vamwe chaizvo. Talia ambotaurwa anoti, “Ndinotya chaizvo kutaura pamberi pevanhu, kunyange zvazvo vamwe vasingazvioni nekuti kakawanda kacho inzwi rangu rinenge rakadzikama. Saka kupindura kunondiomera chaizvo.” Asi izvozvo hazviiti kuti Talia arege kupindura. Paanenge achigadzirira musangano, anoramba achiyeuka kuti mhinduro yekutanga panyaya inenge ichikurukurwa inofanira kunge iri pfupi uye ichipa mhinduro yakananga kumubvunzo. Anoti: “Saka hazvina kushata kana ndikapa mhinduro pfupi, iri nyore, uye inobudisa pfungwa huru nekuti ndiyo mhinduro inenge ichidiwa neari kuitisa.”

15. Chii chatinofanira kuyeuka nezvemhinduro dzedu?

15 Kunyange vaya vasiri vanhu vanonyara, dzimwe nguva vangazeza kupindura. Nei zvakadaro? Imwe hanzvadzi inonzi Juliet inoti, “Dzimwe nguva ndinozeza kupindura nekuti ndinenge ndichityira kuti mhinduro yangu yakanyanya kupfupika uye kuti haina kunyatsonaka.” Asi yeuka kuti Jehovha anoda kuti tipe mhinduro dzakanakisisa dzatinokwanisa. * Anofara chaizvo patinoita zvese zvatinogona kuti tipindure pamisangano kunyange zvazvo dzimwe nguva tichitya.

IVA MUENZANISO PAKUKURUKURA NEVAMWE ZUVA NEZUVA

16. Matauriro api atisingafaniri kuita?

16 Usatombotaura chero mashoko api zvawo anoratidza kuti uri “kutuka” vamwe. (VaEf. 4:31) Sezvambotaurwa, muKristu haatombofaniri kutaura mashoko asina kunaka. Asi pane mamwe mashoko ekutuka asiri pachena atinofanirawo kungwarira kuti tisashandisa. Semuenzaniso, tinofanira kungwarira kuti tisataura zvakaipa nezvevanhu vane tsika dzakasiyana nedzedu, vemamwe marudzi, kana kuti vanobva kune dzimwe nyika. Uyewo hatitombodi kurwadzisa vamwe nemashoko ekutsvinya. Imwe hama inoti: “Ndaimbotaura mashoko ekutsvinya andaifunga kuti anosetsa uye haana kuipa, asi aiita kuti vamwe varwadziwe. Kwemakore ese aya, mudzimai wangu andibatsira chaizvo nekundiudza tiri tega pandinenge ndataura mashoko asina kunaka anomurwadza uye anorwadza vamwe.”

17. Maererano naVaEfeso 4:29, tingavaka sei vamwe?

17 Taura zvinovaka vamwe. Gara wakagadzirira kurumbidza vamwe pane kuvatsoropodza kana kunyunyuta. (Verenga VaEfeso 4:29.) VaIsraeri vaiva nezvikonzero zvakawanda zvekutenda Jehovha, asi vaigara vachinyunyuta. Kana tichigara tichinyunyuta, vamwe vanogonawo kutanga kunyunyuta. Yeuka kuti mashoko akashata akataurwa nevasori gumi akaita kuti ‘vaIsraeri vese vagunun’unire Mozisi.’ (Num. 13:31–14:4) Asi kana tichirumbidza vamwe, zvinogona kuita kuti munhu wese awedzere kufara. Tinogona kuva nechokwadi chekuti kurumbidzwa kwaiitwa mwanasikana waJefta neshamwari dzake kwakamukurudzira chaizvo kuti arambe achiita basa rake. (Vat. 11:40) Sara ambotaurwa nezvake anoti, “Patinorumbidza vamwe, tinoita kuti vaone kuti Jehovha anovada uye tinovabatsira kuziva kuti vamwe vari muungano vanovada.” Saka tsvaga mikana yekurumbidza vamwe nemwoyo wese.

18. Maererano naPisarema 15:1, 2, nei tichifanira kutaura chokwadi, uye izvozvo zvinosanganisirei?

18 Taura chokwadi. Hatikwanisi kufadza Jehovha kana tisingatauri chokwadi. Anovenga nhema dzese. (Zvir. 6:16, 17) Kunyange zvazvo vanhu vakawanda mazuva ano vachiona pasina chakaipa nekunyepa, isu tinoramba tiine maonero aJehovha panyaya yacho. (Verenga Pisarema 15:1, 2.) Ichokwadi kuti hatitauri nhema, asiwo hatifaniri kusiyirira mamwe mashoko nechinangwa chekuti vamwe vave nemaonero asiri iwo.

Kuchinja makuhwa anenge atanga totaura zvinovaka kunoita kuti tifarirwe naJehovha (Ona ndima 19)

19. Ndezvipi zvimwe zvatinofanira kungwarira?

19 Usaparadzira makuhwa. (Zvir. 25:23; 2 VaT. 3:11) Juliet ambotaurwa nezvake anotsanangura kuti makuhwa anomukanganisa sei. Anoti: “Kuteerera makuhwa kunoodza mwoyo, uye kunoita kuti ndisavimba nemunhu wacho ari kuataura. Ndinoziva sei kuti haazondinyeyi aine mumwe munhu?” Kana ukaona kuti mumwe wako ava kuita makuhwa, chinja nyaya yacho kuti mutaure zvinhu zvinovaka.—VaK. 4:6.

20. Unoda kushandisa sei chipo chekutaura?

20 Sezvo tichigara munyika yakazara vanhu vanotaura zvisina kunaka, tinofanira kushanda nesimba kuti tive nechokwadi chekuti matauriro edu anofadza Jehovha. Yeuka kuti kutaura chipo chinobva kuna Jehovha, uye ane hanya nemashandisiro atinochiita. Achatikomborera patinoedza zvese zvatinogona kuti titaure zvakanaka muushumiri, pamisangano, uye pakukurukura nevamwe zuva nezuva. Nyika ino yakaipa paichaparadzwa, zvichange zvava nyore kuti tikudze Jehovha nezvatinotaura. (Jud. 15) Panguva ino, ita zvese zvaunogona kuti ufadze Jehovha ‘nemashoko emuromo wako.’—Pis. 19:14.

RWIYO 121 Tinofanira Kuzvidzora

^ ndima 5 Jehovha akatipa chipo chakazonaka, chipo chekutaura. Asi zvinorwadza kuti vanhu vakawanda havashandisi chipo ichi sezvinodiwa naJehovha. Chii chingatibatsira kuti tirambe tichitaura zvakachena uye zvinovaka munyika ino iri kuwedzera kuipa? Tingaitei kuti tifadze Jehovha nezvatinotaura patinenge tichiita ushumiri, patinopinda misangano yeungano, uye patinenge tichikurukura nevamwe? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo.

^ ndima 6 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 15 Kuti uwane mamwe mashoko anotaura nezvekupindura pamisangano, ona nyaya inoti “Rumbidza Jehovha Muungano,” iri muNharireyomurindi yaJanuary 2019.

^ ndima 61 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kupindura nehasha kuna saimba akagumbuka; hama isiri kuimba nevamwe muungano; uye hanzvadzi iri kuita makuhwa.