Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 16

Wana Mufaro Unobva Pakupa Jehovha Zvakanakisisa Zvaunokwanisa

Wana Mufaro Unobva Pakupa Jehovha Zvakanakisisa Zvaunokwanisa

“Munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita.”—VAG. 6:4.

RWIYO 37 Kushumira Jehovha Nemweya Wese

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chinoita kuti tiwane mufaro mukuru?

 JEHOVHA anoda kuti tifare. Tinoziva izvi nekuti mufaro chimwe chezvibereko zvemweya mutsvene wake. (VaG. 5:22) Sezvo kupa kuine mufaro kupfuura kugamuchira, tinowana mufaro mukuru patinoshanda nesimba muushumiri uye patinobatsira hama dzedu nenzira dzakasiyana-siyana.—Mab. 20:35.

2-3. (a) Sezvakanyorwa pana VaGaratiya 6:4, zvinhu zvipi zviviri zvinotibatsira kuti tirambe tichifara mubasa raJehovha? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Sezvakanyorwa pana VaGaratiya 6:4, muapostora Pauro anotaura zvinhu zviviri zvinotibatsira kuti tirambe tichifara. (Verenga.) Chekutanga, tinofanira kupa Jehovha zvakanakisisa zvatinokwanisa. Kana tichimupa zvakanakisisa zvatinokwanisa, tinofanira kufara. (Mat. 22:36-38) Chechipiri, hatifaniri kuzvienzanisa nevamwe. Pasinei nekuti zvii zvatinokwanisa kuita maererano neutano hwedu, kudzidziswa kwatakaitwa, kana kuti zvipo zvedu, tinofanira kutenda Jehovha. Ndiye akatipa zvese zvatiinazvo. Asi kana vamwe vachitipfuura pane zvimwe zvatinoita pakushumira Jehovha, tinofanira kufara kuti vari kushandisa zvipo zvavo kuti varumbidze Jehovha, kwete kuzvishandisa kuti vaonekwe sevari nani pane vamwe kana kuti vazviwanire mukurumbira. Saka pane kuti tikwikwidzane navo, tinofanira kudzidza kwavari.

3 Munyaya ino tichaona kuti chii chingatibatsira patinenge takaora mwoyo nemhaka yekuti hatikwanisi kuita zvese zvatinoda kuita mubasa redu. Tichaonawo kuti tinganyatsoshandisa sei zvipo zvatingava nazvo uye kuti tingadzidzei pane zvinoitwa nevamwe.

PATINENGE TAKAORA MWOYO NEKUTI HATIKWANISI KUITA ZVESE ZVATINODA KUITA

Patinoramba tichiita zvakanakisisa muupenyu hwedu hwese tinofadza Jehovha (Ona ndima 4-6) *

4. Chii chingaita kuti vamwe vaore mwoyo? Taura muenzaniso.

4 Vamwe vashumiri vaJehovha vanoomerwa nekubvuma kuti vane zvavasingachakwanisi kuita nemhaka yekukura kana kuti kurwara. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Carol. Aimboshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Panguva iyoyo, akaitisa zvidzidzo zveBhaibheri 35 uye akabatsira vakawanda kuti vazvitsaurire kuna Jehovha uye vabhabhatidzwe. Carol aibudirira muushumiri! Asi akabva azorwara chaizvo, uye akanga ava kungogara ari pamba nguva zhinji. Carol anoti, “Ndinoziva kuti nemhaka yeurwere hwangu, handichakwanisi kuita zvinoitwa nevamwe, asi ndinonzwa sekuti vamwe vakatendeka kundipfuura. Handikwanisi kuita zvese zvandinoda kuita, uye izvi zvinoita kuti ndiore mwoyo.” Carol anoda kuitira Jehovha zvese zvaanokwanisa. Izvozvo zvakanaka chaizvo! Tinogona kuva nechokwadi chekuti Mwari wedu ane tsitsi anofadzwa nezviri kuitwa naCarol.

5. (a) Tinofanira kuyeukei kana tava kuora mwoyo nekuti hatichakwanisi kuita zvese zvatinoda kuita? (b) Hama iri kuratidzwa mumifananidzo yakaitei kuti irambe ichipa Jehovha zvakanakisisa?

5 Kana uchimboora mwoyo nekuti une zvausingakwanisi kuita, zvibvunze kuti, ‘Jehovha anoda kuti ndiitei?’ Jehovha anoda kuti uite zvakanakisisa zvaunokwanisa panguva ino. Chimbofunga muenzaniso uyu: Hanzvadzi ine makore ekuma80 inoora mwoyo nekuti haichakwanisi kuita zvakawanda muushumiri sezvayaiita payaiva nemakore ekuma40. Inofunga kuti kunyange zvazvo iri kuita zvakanakisisa zvainokwanisa, Jehovha haasi kufadzwa nazvo. Asi ndizvo here? Chimbozvifunga. Kana hanzvadzi iyi yaipa zvakanakisisa zvayaikwanisa payaiva nemakore ekuma40 uye ichiri kupa zvakanakisisa zvainokwanisa payava nemakore ekuma80, zviri pachena kuti haina kumborega kupa Jehovha zvakanakisisa zvainokwanisa. Kana tikatanga kunzwa sekuti zvatiri kuitira Jehovha hazvisi kunyatsomufadza, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha ndiye anotaura kuti zvinomufadza ndezvipi. Kana tikaita zvese zvatinokwanisa, Jehovha achafara chaizvo nezvatinenge taita.—Enzanisa naMateu 25:20-23.

6. Tinodzidzei pana Maria?

6 Zvichava nyore kuti tiwane mufaro kana tikaisa pfungwa dzedu pane zvatinokwanisa kuita kwete pane zvatisingakwanisi kuita. Funga nezveimwe hanzvadzi inonzi Maria, iyo ine chirwere chinoitadzisa kuita zvakawanda muushumiri. Pakutanga aimboora mwoyo, uye ainzwa seasingabatsiri. Asi akafunga nezveimwe hanzvadzi yemuungano yairwara zvekuti yaisakwanisa kumuka, uye akasarudza kuibatsira. Maria anoti, “Ndakaronga kuti ndiparidze nayo tichishandisa foni netsamba. Pese patinoshanda tese, ndinodzoka kumba ndichinzwa kufara uye kugutsikana kuti ndakwanisa kubatsira mumwe wangu.” Isuwo tinogona kuwedzera mufaro wedu kana tikaisa pfungwa dzedu pane zvatinokwanisa kuita kwete pane zvatisingakwanisi kuita. Asi tingaitei kana tichikwanisa kuita zvakawanda kana kuti tiine zvatinonyatsogona kuita mubasa raJehovha?

KANA UINE CHIPO, “CHISHANDISE”!

7. Muapostora Petro akapa vaKristu zano ripi?

7 Mutsamba yake yekutanga, muapostora Petro akakurudzira hama dzake kuti dzishandise zvipo zvadzaiva nazvo kuti dzikurudzire vamwe vaKristu. Petro akanyora kuti: “Zvichienderana nekuti mumwe nemumwe wenyu akagamuchira chipo chakaita sei, ngaachishandise pakushumira vamwe semutariri akanaka kwazvo wenyasha dzaMwari.” (1 Pet. 4:10) Hatifaniri kurega kushandisa zvipo zvedu zvizere tichityira kuti vamwe vangatiitira shanje kana kuti vangaodzwa mwoyo. Kana tikarega kuzvishandisa, tinenge tisisiri kupa Jehovha zvakanakisisa zvedu.

8. Maererano na1 VaKorinde 4:6, 7, nei tisingafaniri kuzvirumbidza nezvipo zvatiinazvo?

8 Tinofanira kunyatsoshandisa zvipo zvedu, asi ngatingwarirei kuti tisazozvirumbidza nezvazvo. (Verenga 1 VaKorinde 4:6, 7.) Semuenzaniso, unogona kunge uine unyanzvi hwekutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Usarega kushandisa chipo ichocho! Asi zvinokosha kuti tisazvirumbidza nezvacho. Ngatitii une munhu wauchangobva kuona muushumiri uye uri kufara chaizvo kuti wakatanga kudzidza Bhaibheri naye. Unonzwa uchida kuudza vanhu vemuboka renyu zvese zvakaitika. Asi paunosvika pane vamwe vemuboka renyu, unonzwa imwe hanzvadzi ichitsanangura zvakaitika kuti izopa munhu magazini. Hanzvadzi iyi yakapa mumwe munhu magazini, asi iwe wakatanga chidzidzo cheBhaibheri. Uchaita sei pakadaro? Unoziva kuti vamwe vemuboka renyu vachakurudzirwa nezvakaitika kwauri, asi unogona kusarudza kuzozvitaura pane imwe nguva yakakodzera, kuitira kuti usaodze mwoyo hanzvadzi iyi yakapa munhu magazini. Kana ukadaro unenge waratidza kunzwisisa. Asi usarega kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Une chipo, saka chishandise!

9. Tinofanira kushandisa sei zvipo zvedu?

9 Ngatiyeukei kuti zvipo zvese zvatingava nazvo zvinobva kuna Mwari. Tinofanira kushandisa zvipo izvozvo kuitira kuti tikurudzire vamwe vari muungano, kwete kuti tionekwe. (VaF. 2:3) Patinoshandisa simba redu uye unyanzvi hwedu pakuita kuda kwaMwari, tichawana mufaro, kwete nekuti tinenge takunda vamwe kana kuti tavaratidza kuti tiri nani kwavari, asi nekuti tinenge tichishandisa zvipo zvedu kuti tirumbidze Jehovha.

10. Nei zvisina musoro kuti tizvienzanise nevamwe?

10 Kana akasangwarira, munhu anogona kupedzisira ava kuenzanisa zvaanogona kuita nezvisingagonekwi nemumwe. Semuenzaniso, hama inogona kunge iine unyanzvi hwekupa hurukuro dzavose. Izvozvo ndizvo zvaanenge achinyatsogona. Asi anogona kutanga kutarisira pasi hama inonetseka nekupa hurukuro. Asi hama iyoyo inogona kunge ichikwanisa chaizvo kugamuchira vaenzi, kudzidzisa vana vayo, kana kuti ichishingaira muushumiri. Tinotenda chaizvo kuti tine hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoshandisa zvipo zvadzo pakushumira Jehovha uye pakubatsira vamwe!

DZIDZA KUNE VAMWE

11. Nei tichifanira kuedza kutevedzera Jesu?

11 Kunyange zvazvo tisingafaniri kuzvienzanisa nevamwe, tinogona kudzidza zvakawanda kune vamwe vashumiri vaJehovha. Ngationei zvatinodzidza pana Jesu. Jesu ainge akakwana, asi isu hatina. Kunyange zvakadaro, tinogona kudzidza zvakawanda paunhu hwake uye pane zvaaiita. (1 Pet. 2:21) Patinoita zvese zvatinokwanisa pakutevedzera muenzaniso wake, tinova vashumiri vaJehovha vakanaka uye tinowedzera kubudirira muushumiri.

12-13. Tinodzidzei pana Mambo Dhavhidhi?

12 MuShoko raMwari, tinowana mienzaniso yakawanda yevarume nevakadzi vakatendeka avo vatinogona kutevedzera pasinei nekuti vaiva vanhu vane chivi. (VaH. 6:12) Funga nezvaMambo Dhavhidhi, uyo akanzi naJehovha, “munhu anodiwa nemwoyo wangu,” kana kuti sezviri mune imwe shanduro yeBhaibheri, “munhu anondifadza chaizvo.” (Mab. 13:22) Asi Dhavhidhi aiva munhu ane chivi. Akatomboitawo zvikanganiso zvakakura. Pasinei naizvozvo, Dhavhidhi muenzaniso wakanaka kwatiri. Nei tichidaro? Nekuti paakatsiurwa, haana kuedza kupa tuzvikonzero. Asi akabvuma kutsiurwa uye akapfidza nemwoyo wese pane zvaakaita. Izvi zvakaita kuti aregererwe naJehovha.—Pis. 51:3, 4, 10-12.

13 Tinogona kudzidza pana Dhavhidhi nekuzvibvunza kuti: ‘Ndinoita sei pandinotsiurwa? Ndinokurumidza kubvuma here zvandakanganisa, kana kuti ndinoedza kuratidza kuti handina mhosva? Ndinokurumidza kupa vamwe mhosva here? Ndinoedza kushanda nesimba here kuti ndisadzokorora zvandakakanganisa?’ Unogona kuzvibvunza mibvunzo iyoyo paunenge uchiverenga nezvevamwe varume nevakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri. Vakasangana nemiedzo yakafanana neyauri kusangana nayo here? Vakaratidza unhu hupi hwakanaka? Paunenge uchiverenga nezvemumwe nemumwe wavo, zvibvunze kuti: ‘Ndingaitei kuti ndiwedzere kuva semushumiri waJehovha uyu akavimbika?’

14. Kucherechedza zvinoitwa nevatinonamata navo kunotibatsira sei?

14 Tinobatsirwawo nekucherechedza zvinoitwa nevatinonamata navo, vakuru nevadiki. Semuenzaniso, unogona kufunga here nezvemumwe munhu wemuungano yenyu ari kutsungirira dambudziko rakadai sekufurirwa nevezera rake, kupikiswa nevemumhuri, kana kuti utano husina kunaka? Pane unhu hwakanaka hune munhu uyu hwaunoda kutevedzera here? Kana ukafunga zvakanaka zvaanoita, unogona kudzidza kutsungirira matambudziko auri kusangana nawo. Tinoonga chaizvo kuti hama nehanzvadzi idzi dziri kutiratidza muenzaniso wakanaka wekutenda!—VaH. 13:7; Jak. 1:2, 3.

SHUMIRA JEHOVHA UCHIFARA

15. Izano ripi rakapiwa nemuapostora Pauro rinogona kutibatsira kuti tirambe tichifara mubasa raJehovha?

15 Kuti muungano muve nerugare nekubatana, mumwe nemumwe wedu anofanira kuita zvakanakisisa zvaanokwanisa. Funga nezvevaKristu vekutanga. Vaiva nezvipo zvakasiyana-siyana uye vaiita mabasa akasiyana. (1 VaK. 12:4, 7-11) Asi izvi hazvina kuita kuti vakwikwidzane uye kuti vapesane. Pauro akatokurudzira mumwe nemumwe wavo kuti aite zvinhu zvinoita kuti “muviri waKristu uvakwe.” Pauro akanyorera vaEfeso kuti: “Kana nhengo imwe neimwe ichishanda zvakanaka, zvinobatsira kuti muviri ukure paunenge uchizvivaka murudo.” (VaEf. 4:1-3, 11, 12, 16) Vaya vakateerera zano raPauro vakaita kuti muungano muve nerugare nekubatana, uye ndizvo zvatiri kuonawo muungano dzedu mazuva ano.

16. Tinofanira kushanda nesimba kuti tiitei? (VaHebheru 6:10)

16 Shanda nesimba kuti usazvienzanisa nevamwe. Dzidza kuna Jesu, uye ita zvese zvaunogona kuti umutevedzere. Dzidza pavanhu vaiva nekutenda vanotaurwa muBhaibheri uye vemazuva ano. Paunoramba uchiita zvese zvaunokwanisa, iva nechivimbo chekuti Jehovha ‘haasi munhu asina kururama; saka haangakanganwi basa rako.’ (Verenga VaHebheru 6:10.) Ramba uine mufaro mubasa raJehovha, uchiziva kuti anofara paanoona uchiita zvakanakisisa zvaunokwanisa kuti umufadze.

RWIYO 65 Fambira Mberi!

^ ndima 5 Tese tine zvatinogona kudzidza pane zvinoitwa nevamwe pakushumira Jehovha. Asi hatifaniri kuzvienzanisa nevamwe. Nyaya ino ichatibatsira kuti tirambe tichifara uye kuti tisazvikudza kana kuora mwoyo zvichibva pakuti tinenge taenzanisa zvinokwanisa kuitwa nevamwe nezvatinokwanisa kuita.

^ ndima 49 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hama ichishanda paBheteri payaiva mudiki. Yakazoroora ikapayona nemudzimai wayo. Payakanga yava nevana, yaivadzidzisa kuparidza. Iye zvino yakura, uye iri kuramba ichiita zvese zvainogona, ichiparidza netsamba.