Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 29

Tsigira Mutariri Wedu Jesu

Tsigira Mutariri Wedu Jesu

“Ndakapiwa masimba ese kudenga nepanyika.”—MAT. 28:18.

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chinodiwa naJehovha mazuva ano?

 MAZUVA ano Mwari anoda kuti mashoko akanaka eUmambo aparidzwe pasi rese. (Mako 13:10; 1 Tim. 2:3, 4) Iri ibasa raJehovha, uye rinokosha chaizvo zvekuti akaita kuti ritungamirirwe neMwanakomana wake waanoda. Tinogona kuva nechokwadi chekuti sezvo tichitungamirirwa naJesu, basa rekuparidza richaitwa kusvikira Jehovha agutsikana, mugumo usati wasvika.—Mat. 24:14.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Munyaya ino tichaona kuti Jesu ari kushandisa sei ‘muranda wake akatendeka, akangwara’ kuti ape zvekudya zvekunamata uye kuti aronge vateveri vake kuti vaite basa rekuparidza iro riri kuitwa zvisati zvamboitwa. (Mat. 24:45) Tichaonawo kuti mumwe nemumwe wedu angaitei kuti atsigire Jesu uye muranda akatendeka.

JESU ANOTUNGAMIRIRA BASA REKUPARIDZA

3. Jesu akapiwa simba rei?

3 Jesu ari kutungamirira basa rekuparidza. Tingava sei nechokwadi nazvo? Asati aenda kudenga, Jesu akaita musangano nevamwe vateveri vake vakatendeka pane rimwe gomo remuGarireya. Akavaudza kuti: “Ndakapiwa masimba ese kudenga nepanyika.” Akabva awedzera kuti: “Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi.” (Mat. 28:18, 19) Saka chimwe chezvinhu zvakapiwa Jesu, isimba rekutungamirira basa rekuparidza.

4. Nei tiine chokwadi chekuti Jesu achiri kutungamirira basa rekuparidza?

4 Jesu akataura kuti basa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi raizoitwa ‘kumarudzi ese’ uye kuti aizova nevateveri vake “mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mat. 28:20) Mashoko iwayo anonyatsoratidza kuti basa rekuparidza raizoenderera mberi richitungamirirwa naJesu kusvika panguva ino.

5. Tinobatsira sei pakuzadzisa mashoko ari pana Pisarema 110:3?

5 Jesu haana kumbotyira kuti paizova nevashandi vashoma vanoita basa iri panguva yekuguma kwenyika. Aziva kuti mashoko euprofita akataurwa nemunyori wepisarema aizozadzika ekuti: “Vanhu vako vachazvipira nemwoyo wese pazuva raunoenda neuto rako rehondo.” (Pis. 110:3) Kana uchiita basa rekuparidza, uri kutsigira Jesu nemuranda akatendeka uye unewo zvauri kuita pakuzadzika kweuprofita uhwu. Basa iri riri kuenderera mberi, asi pane matambudziko atinosangana nawo.

6. Nderipi rimwe rematambudziko anosangana nevaparidzi veUmambo mazuva ano?

6 Kupikiswa nderimwe rematambudziko anosangana nevaparidzi veUmambo. Vanhu vakatsauka pakutenda, vatungamiriri vezvitendero, uye vezvematongerwo enyika vanoudza vanhu nhema nezvebasa redu. Kana veukama, vanhu vatinozivana navo, uye vatinoshanda navo vakatsauswa nenhema idzi, vangaedza kuita kuti tirege kushumira Jehovha uye tirege kuparidza. Mune dzimwe nyika vanhu vanotipikisa vanogona kutityisidzira, kutirwisa, kutisunga, uye kutotiisa mumajeri. Izvozvo hazvitishamisi. Jesu akataura kuti: “Muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.” (Mat. 24:9) Kutovengwa ikoko kunoratidza kuti Jehovha ari kutifarira. (Mat. 5:11, 12) Dhiyabhorosi ndiye ari kuita kuti tipikiswe. Asi iye hapana zviripo kana achienzaniswa naJesu. Tichitsigirwa naJesu, mashoko akanaka ari kusvika kuvanhu vemarudzi ese. Ona uchapupu hunoratidza izvozvo.

7. Uchapupu hupi hwauri kuona hunoratidza kuti Zvakazarurwa 14:6, 7 iri kuzadzika?

7 Rimwe dambudziko ratinosangana naro patinenge tichiparidza nderekuti vanhu vakawanda vanotaura mitauro yakasiyana-siyana. Jesu akaratidza muapostora Johani kuti mashoko akanaka aizoparidzwa pasinei nekusiyana-siyana kwemitauro.(Verenga Zvakazarurwa 14:6, 7.) Izvozvo zvaizoitika sei? Basa ratiri kuita riri kuita kuti vanhu vakawanda vave nemukana wekunzwa mashoko eUmambo. Mazuva ano, vanhu vari pasi rese vanokwanisa kuverenga mashoko ane chekuita neBhaibheri anowanika pawebsite yedu inonzi jw.org nekuti inowanika mumitauro inopfuura 1 000. Dare Rinotungamirira rakabvumira kuti bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! iro ratinoshandisa pakudzidza Bhaibheri nevanhu, rishandurwe mumitauro inopfuura 700. Zvekudya zvekunamata zviri kuwanikwawo pamavhidhiyo emitauro yemasaini kuitira matsi, uyewo pari kugadzirwa mabhuku ebraille kuitira vasingaoni. Tiri kuona uprofita hweBhaibheri huchizadzika. Vanhu “vemitauro yese yemarudzi” vari kudzidza kutaura “mutauro wakachena” wechokwadi cheBhaibheri. (Zek. 8:23; Zef. 3:9) Zvese izvi zviri kuitwa zvichitungamirirwa nemutariri wedu Jesu Kristu.

8. Kuparidza kwatiri kuita kuri kuguma nei?

8 Mazuva ano vanhu vanopfuura 8 000 000 munyika 240 vari musangano raJehovha, uye gore negore zviuru zvevanhu zvinobhabhatidzwa. Asi chinonyanya kukosha kupfuura uwandu hwevanhu unhu hwechiKristu, “unhu hutsva,” uhwo huri kuva nevadzidzi ava. (VaK. 3:8-10) Vakawanda vakarega kuita unzenza, kurwisa vamwe, kusarura, uye kuda nyika dzavo. Uprofita huri pana Isaya 2:4 huri kuzadzika. ‘Havachadzidzi kurwa zvakare.’ Sezvo tiri kushanda nesimba kuti tipfeke unhu hutsva, tinobatsira vanhu kuti vauye kusangano raMwari uye tinoratidza kuti tiri kutevera mutariri wedu Kristu Jesu. (Joh. 13:35; 1 Pet. 2:12) Izvi hazvingoitiki zvega. Jesu ari kutibatsira.

JESU ANOGADZA MURANDA

9. Maererano naMateu 24:45-47, Jesu akataura kuti chii chaizoitika panguva yekuguma?

9 Verenga Mateu 24:45-47. Jesu akataura kuti panguva yekuguma, aizogadza “muranda akatendeka, akangwara” kuti ape zvekudya zvekunamata. Saka tinotarisira kuti muranda iyeye ashande nesimba mazuva ano. Izvozvo ndizvo zviri kuitika. Mutariri wedu ari kushandisa boka diki revarume vakazodzwa kuti ape ‘zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera’ kuvanhu vaMwari uye vanofarira. Varume ava havazvioni savanatenzi vekutenda kwevamwe. (2 VaK. 1:24) Asi vanoziva kuti Jesu Kristu ndiye “mukuru uye mutungamiriri” wevanhu vake.—Isa. 55:4.

10. Pamabhuku ari kuratidzwa pamufananidzo, nderipi rakaita kuti utange kufamba munzira yeupenyu?

10 Kubva muna 1919 muranda akatendeka akabudisa mabhuku akasiyana-siyana aipa vanhu vanofarira mukana wekutanga kuravidza zvekudya zvekunamata zvinopa utano. Muna 1921 muranda akabudisa bhuku rinonzi The Harp of God kuti abatsire vanhu vanofarira kudzidza chokwadi chiri muBhaibheri. Nekuchinja kwaiita zvinhu, pakabudiswa mamwe mabhuku. Ibhuku ripi rakakubatsira kuti uzive uye ude Baba vedu vekudenga? Pamabhuku anotevera, nderipi rakakubatsira? “Mwari Ngaave Wazwokwadi,” Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, Bhaibheri Rinotidzidzisei?, kana kuti bhuku redu idzva rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Mabhuku ese aya akanyorwa maererano nezvaidiwa pabasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi panguva yaakabudiswa.

11. Nei zvichikosha chaizvo kuti tese tiwane zvekudya zvekunamata?

11 Vanhu vanofarira handivo vega vanoda zvekudya zvikukutu zvekunamata. Tese tinozvida. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvekudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru.” Pauro akawedzera kuti kushandisa zvatinodzidza muBhaibheri kunotibatsira “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaH. 5:14) Mazuva ano zvinogona kuoma chaizvo kurarama maererano nezvinodiwa naJehovha nekuti vanhu vakawanda vari kurasa unhu. Asi Jesu anova nechokwadi chekuti tadzidza zvinhu zvinotibatsira kuti tirambe tiine kutenda kwakasimba. Zvekudya izvi zvinobva muShoko raMwari Bhaibheri, rakafemerwa. Muranda akatendeka anotungamirirwa naJesu pakugadzira uye pakupa vanhu zvekudya izvi.

12. Sezvaiitwa naJesu, tiri kukudza sei zita raMwari?

12 Sezvaiitwa naJesu tinokudza zita raMwari. (Joh. 17:6, 26) Semuenzaniso, muna 1931 takatanga kuzivikanwa nezita remuMagwaro rekuti Zvapupu zvaJehovha. Patakaita izvozvo takaratidza kuti tinokoshesa zita raMwari, uye kuti tinoda kuzivikanwa nezita raBaba vedu vekudenga. (Isa. 43:10-12) Kubva muna October wegore iroro, zita raMwari rakatanga kuwanika pakavha yemagazini ino. Uyewo, Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakadzorera zita raMwari pese parinofanira kunge riri muShoko rake. Izvi zvakasiyana chaizvo nezvakaitwa nevanhu vemachechi anozviti ndeechiKristu avo vakabvisa zita raMwari mushanduro dzavo dzeBhaibheri dzakawanda.

JESU ANORONGA VATEVERI VAKE

13. Chii chinoita kuti uve nechokwadi chekuti Jesu ari kushandisa “muranda akatendeka, akangwara” mazuva ano? (Johani 6:68)

13 Achishandisa “muranda akatendeka, akangwara,” Jesu akaita kuti panyika pave nesangano rinoshamisa rinosimudzira kunamata kwakachena. Unonzwa sei nekuva musangano iroro? Zvimwe unonzwa sezvakaita muapostora Petro, uyo akati kuna Jesu: “Tingaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko eupenyu husingaperi.” (Joh. 6:68) Kudai tisiri musangano raJehovha, tingadai tiri kupi? Achishandisa sangano iroro, Kristu ari kuva nechokwadi chekuti tawana zvese zvatinoda kuti tirambe takatendeka kuna Mwari. Anotidzidzisawo kuti tiite ushumiri hwedu zvinobudirira. Uye ari kutibatsira kuti tipfeke “unhu hutsva” kuitira kuti tifadze Jehovha.—VaEf. 4:24.

14. Wakabatsirwa sei nekuva musangano raJehovha panguva yechirwere cheCOVID-19?

14 Jesu anotipa mirayiridzo ine uchenjeri zvinhu pazvinenge zvisina kumira zvakanaka. Kubatsira kwemirayiridzo iyoyo kwakaoneka pakatanga chirwere cheCOVID-19. Vakawanda vari munyika pavaisaziva kuti voita sei, Jesu akava nechokwadi chekuti tawana mirayiridzo yakajeka inotichengetedza. Takakurudzirwa kuti tipfeke mamask patinenge tabva pamba uye kuti tinge takataramukana nevamwe. Vakuru vakayeuchidzwa kuti vagare vachikurukura nevanhu vese vari muungano uye kuti vazive zvavanoda pakurarama uye kuti varambe vari pedyo naJehovha. (Isa. 32:1, 2) Mashoko anobva kuDare Rinotungamirira aitipawo mimwe mirayiridzo uye aitikurudzira.

15. Mirayiridzo ipi yatakapiwa ine chekuita nekupinda misangano uye kuita basa rekuparidza panguva yechirwere cheCOVID-19, uye zvakaguma nei?

15 Panguva yechirwere cheCOVID-19, takawanawo mirayiridzo yakajeka ine chekuita nekupinda misangano yeungano uye kuita basa rekuparidza. Pasina nguva, takatanga kupinda misangano yechiKristu nemagungano tichishandisa Indaneti. Takatangawo kuparidza tichinyanya kushandisa matsamba nemafoni. Jehovha akakomborera basa redu. Mishumo yakabva kumapazi akawanda inoratidza kuwedzera kukuru kwenhamba yevaparidzi. Vakawanda vakava nezvinoitika zvinokurudzira panguva iyi.—Ona bhokisi rakanzi “ Jehovha Anokomborera Basa Redu Rekuparidza.”

16. Chii chatinogona kuva nechokwadi nacho?

16 Vamwe vangangodaro vakafunga kuti sangano rainyanyisa panyaya ine chekuita nechirwere cheCOVID-19. Asi zvaigara zvichibuda pachena kuti mirayiridzo yataipiwa yainge iri yekuchenjera. (Mat. 11:19) Patinofungisisa rudo runoratidzwa naJesu pakutungamirira vanhu vake, tinova nechokwadi chekuti pasinei nezvingaitika mune remangwana, Jehovha neMwanakomana wake waanoda vachange vainesu.—Verenga VaHebheru 13:5, 6.

17. Unonzwa sei nekushanda uchitungamirirwa naJesu?

17 Tinofara chaizvo kuti Jesu ndiye mutungamiriri wedu! Tiri musangano rine vanhu vakabatana pasinei nekuti vakasiyana patsika, nyika dzavanobva, uye mitauro yavo. Tiri kuwana zvese zvatinoda kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha uye kuti tikwanise kuita basa rekuparidza. Mumwe nemumwe wedu ari kudzidziswa kupfeka unhu hutsva uye tiri kudzidza kudanana. Tinodada nekutungamirirwa naJesu!

RWIYO 16 Rumbidzai Jehovha Nekuda kweMwanakomana Wake, Muzodziwa

^ Mamiriyoni evarume, vakadzi, nevana ari kushingaira kuparidza mashoko akanaka. Uri mumwe wavo here? Kana zvakadaro uri kushanda uchitungamirirwa naIshe wedu Jesu Kristu. Munyaya ino tichaona uchapupu hunoratidza kuti Jesu ari kutungamirira basa rekuparidza mazuva ano. Kufungisisa mashoko aya kuchatibatsira kuti tive nechido chekuramba tichishumira Jehovha tichitungamirirwa naKristu.