Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 37

Unogona Kuvimba Nehama Dzako

Unogona Kuvimba Nehama Dzako

“Rudo . . . runotenda zvinhu zvese, rune tariro pazvinhu zvese.”—1 VAK. 13:4, 7.

RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei zvisingatishamisi kuti mazuva ano vanhu vakawanda havachavimbi nevamwe vanhu?

 VANHU vari munyika yaSatani havachazivi kuti vovimba naani. Vaneta nekuodzwa mwoyo nevanhu vemabhizinesi, vezvematongerwo enyika uye vatungamiriri vezvitendero. Vakawanda vava kuomerwawo nekuvimba neshamwari dzavo, vavakidzani, kunyange vanhu vemumhuri. Izvi hazvifaniri kutishamisa. Bhaibheri rakagara rataura kuti: “Mumazuva ekupedzisira . . . , vanhu vachava . . . vasina kuvimbika, . . . vanotaura zvenhema nezvevamwe, . . . vatengesi.” Izvi zvinoreva kuti vanhu vaizoratidza unhu hwakafanana nehwamwari wenyika ino, uyo asingagoni kuvimbwa naye.—2 Tim. 3:1-4; 2 VaK. 4:4.

2. (a) Ndiani watinofanira kuvimba naye zvizere? (b) Vamwe vanganetseka nei?

2 Sezvo tiri vaKristu, tinoziva kuti tinogona kuvimba naJehovha zvizere. (Jer. 17:7, 8) Tine chokwadi chekuti anotida uye ‘haazosiyi’ shamwari dzake. (Pis. 9:10) Tinogonawo kuvimba naKristu Jesu nekuti akatifira. (1 Pet. 3:18) Uye takazvionera tega muupenyu hwedu kuti Bhaibheri rinotipa mazano atinogona kuvimba nawo. (2 Tim. 3:16, 17) Tine chokwadi kuti tinogona kuvimba naJehovha, Jesu, uye neBhaibheri. Asi vamwe vanogona kunetseka kuti zvingaita here kuti vagare vachivimba nehama nehanzvadzi dzemuungano. Kana mhinduro iri yekuti zvinoita, mubvunzo unovapo ndewekuti, nei tichigona kuvimba nadzo?

TINODA HAMA NEHANZVADZI DZEDU

Pasi rese, tine hama nehanzvadzi dzatinogona kuvimba nadzo dzinoda Jehovha sezvatinoita (Ona ndima 3)

3. Iropafadzo ipi yakazonaka yatiinayo? (Mako 10:29, 30)

3 Jehovha akatisarudzawo kuti tive mumhuri yevanamati vake iri pasi rese. Iyi iropafadzo yakazonaka uye inoita kuti tiwane makomborero akawanda! (Verenga Mako 10:29, 30.) Pasi rese, tine hama nehanzvadzi dzinoda Jehovha sezvatinoita uye dzinoita zvese zvadzinokwanisa kuti dzirarame maererano nemitemo yake. Mutauro wedu, tsika dzedu, uye mapfekero edu zvingasiyana nezvavo, asi tinonzwa tiri pedyo navo, kunyange patinoonana navo kekutanga. Tinoda chaizvo kuva pamwe chete navo kuti tirumbidze uye tinamate Baba vedu vekudenga vane rudo.—Pis. 133:1.

4. Nei tichida hama nehanzvadzi dzedu?

4 Iye zvino ndipo patava kunyanya kuda kuramba takabatana nehama nehanzvadzi dzedu. Dzimwe nguva vanotibatsira kutakura zvinorema. (VaR. 15:1; VaG. 6:2) Vanotikurudzirawo kuti tirambe tichishingaira mubasa raJehovha uye kuramba takasimba pakunamata. (1 VaT. 5:11; VaH. 10:23-25) Funga kuti taizonzwa sei kudai pasina ungano inotibatsira kuti timire takasimba pakurwisana nevavengi vedu, Satani Dhiyabhorosi nenyika yake yakaipa. Satani nevanhu vake vacharwisa vashumiri vaMwari munguva pfupi iri kutevera. Asi panguva iyoyo tichatenda chaizvo kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dziripo kuti dzititsigire!

5. Nei dzimwe nguva vamwe vachiomerwa nekuvimba nehama nehanzvadzi dzavo?

5 Vamwe vanoomerwa nekuvimba nehama nehanzvadzi dzavo, zvimwe nekuti vakambovaudza chimwe chinhu chavaifanira kuchengeta muhana, vakazonzwa chava kutaurwa nemumwe munhu, kana kuti vakatadza kuita zvavainge vavimbisa. Kana kuti mumwe munhu wemuungano akataura kana kuita chimwe chinhu chakavarwadza zvakanyanya. Zvinhu zvakadaro zvingaita kuti tiomerwe nekuvimba nevamwe. Saka chii chingatibatsira kuti tivimbe nehama nehanzvadzi dzedu?

KUDA HAMA DZEDU KUNOTIBATSIRA KUTI TIVIMBE NADZO

6. Rudo rungatibatsira sei kuti tisvike pakuvimba nevamwe? (1 VaKorinde 13:4-8)

6 Rudo ndirwo rwatinofanira kutanga tava narwo kuti tizovimba nemumwe munhu. Chitsauko 13 cha1 VaKorinde chinotaura zvakawanda nezverudo izvo zvinogona kutibatsira kuti tivimbe nevamwe kana kuti titangezve kuvimba navo. (Verenga 1 VaKorinde 13:4-8.) Semuenzaniso, vhesi 4 inotaura kuti “rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa.” Jehovha anotiratidza mwoyo murefu kunyange patinomutadzira. Saka tinofanirawo kuratidza mwoyo murefu hama dzedu padzinotaura kana kuita zvinhu zvinotisvota kana kutirwadza. Vhesi 5 inowedzera kuti: “[Rudo] harutsamwiswi. Haruchengeti chigumbu.” Hatingadi ‘kuchengeta chigumbu’ tichiramba tichiyeuka zvinhu zvinorwadza zvatakaitirwa nehama dzedu. Muparidzi 7:9 inotaura kuti ‘hatifaniri kukurumidza kugumbuka.’ Zvakanaka chaizvo kuti titevedzere zano riri pana VaEfeso 4:26 rinoti: “Musarega zuva richivira muchakatsamwa.”

7. Zano riri pana Mateu 7:1-5 rinotibatsira sei kuti tivimbe nevamwe?

7 Chimwe chinhu chinotibatsira kuti tivimbe nehama nehanzvadzi dzedu, kudziona semaonerwo adzinoitwa naJehovha. Mwari anovada uye haarambi achifunga zvavakakanganisa. Hatifaniriwo kuramba tichifunga zvatakatadzirwa nehama dzedu. (Pis. 130:3) Pane kuramba tichifunga zvavanokanganisa, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tione unhu hwavo hwakanaka uye zvinhu zvakanaka zvavanogona kuita. (Verenga Mateu 7:1-5.) Sezvo rudo ‘ruchitenda zvinhu zvese,’ tine chivimbo chekuti vanoda kuita zvakanaka uye havadi kutirwadzisa. (1 VaK. 13:7) Mashoko iwayo haarevi havo kuti Jehovha ari kuti tingovimba nevanhu pasina chikonzero chakanaka, asi anoda kuti tivimbe navo nekuti vanenge varatidza kuti vanogona kuvimbwa navo. *

8. Ungaitei kuti uvimbe nehama dzako?

8 Zvinotora nguva kuti mumwe munhu azosvika pakuvimba nesu. Ungaitei kuti uvimbe nevaunonamata navo? Nyatsozivana navo. Taura navo pamisangano yeungano. Buda navo muushumiri. Vaitire mwoyo murefu uchivapa mukana wekuti varatidze kuti vanhu vanogona kuvimbwa navo. Pakutanga ungaita zvekusarudza kuti ndezvipi zvaungaudza munhu wauchangotanga kuzivana naye. Paunowedzera kuzivana naye, unogona kunzwa wakasununguka kumuudza manzwiro ako. (Ruka 16:10) Asi ungaitei kana imwe hama ikaita chinhu chingaita kuti usavimba nayo? Usakurumidza kubva wagura ushamwari hwenyu, asi chimbomira kwekanguva. Uye usarega zvinoitwa nevamwe zvichiita kuti usavimba nehama dzako. Panyaya iyi tichaona zvakaitwa nevamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka avo vakaramba vachivimba nevamwe pasinei nekurwadziswa kwavakanga vaitwa.

DZIDZA PANE VAYA VAKARAMBA VACHIVIMBA NEVAMWE

Pasinei nezvakaitwa naEri pakutanga, Hana akaramba achivimba neurongwa hwaJehovha (Ona ndima 9)

9. (a) Hana akaitei kuti arambe achivimba neurongwa hwaJehovha pasinei nezvikanganiso zvaiitwa nevamwe vamiririri vaMwari? (b) Muenzaniso waHana unokudzidzisei nezvekuvimba neurongwa hwaJehovha? (Ona mufananidzo.)

9 Wakamboodzwa mwoyo nezvakaitwa nehama yakagadzwa here? Kana izvozvo zvakamboitika kwauri, unogona kubatsirwa nezvakaitwa naHana. Mupristi Mukuru Eri ndiye aitungamirira pakunamata Jehovha muIsraeri panguva iyoyo. Asi mhuri yake yaisava muenzaniso wakanaka. Vanakomana vake avo vaishumira sevarume vakagadzwa, vaigara vachiita unzenza, asi baba vavo vaisavatsiura zvakasimba. Jehovha haana kubva angoita kuti Eri asashumira semupristi mukuru. Kunyange zvakadaro, Hana haana kubva arega kuvimba neurongwa hwaMwari, achirega kunamata patebhenekeri Eri paaiva mupristi mukuru. Eri paakaona Hana achinyengetera achishungurudzika zvakanyanya, akafunga kuti ainge akadhakwa. Asina kumbotanga aongorora kuti chii chaiitika, akatsoropodza mukadzi uyu aishungurudzika chaizvo. (1 Sam. 1:12-16) Hana akanga avimbisa kuti kana aizova nemwana mukomana aizomupa Jehovha. Aiva nechido chekuzadzisa mhiko yake kunyange zvazvo mwana wacho aizochengetwa naEri patebhenekeri. (1 Sam. 1:11) Zvaiitwa nevanakomana vaEri zvakanga zvichiri kuda kugadziriswa here? Ehe. Jehovha akazozvigadzirisa panguva yake yakakodzera. (1 Sam. 4:17) Mwari akakomborera Hana nekumupa mwanakomana ainzi Samueri.—1 Sam. 1:17-20.

10. Mambo Dhavhidhi akaramba sei achivimba nevamwe pasinei nekurwadziswa kwaakaitwa?

10 Wakamborwadziswa neshamwari yako yepedyo here? Kana wakamborwadziswa, funga zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi. Aiva neimwe shamwari yainzi Ahitoferi. Asi Absaromu mwanakomana waDhavhidhi paakaedza kutorera baba vake umambo, Ahitoferi akabatana naye pakupanduka kwacho. Dhavhidhi anofanira kunge akarwadziwa chaizvo paakapandukirwa nemwanakomana wake uye nemurume waaiona seshamwari yake chaiyo. Asi Dhavhidhi haana kurega izvozvo zvichimutadzisa kuvimba nevamwe. Akaramba achivimba neimwe shamwari yake yakavimbika Hushai, iyo yakaramba kubatana nevapanduki. Dhavhidhi aiva nezvikonzero zvakanaka zvekuvimba naHushai. Hushai akaratidza kuti aiva shamwari yakanaka uye akaisa upenyu hwake pangozi kuti abatsire Dhavhidhi.—2 Sam. 17:1-16.

11. Mumwe wevaranda vaNabhari akaratidza sei kuti aivimba naAbhigairi?

11 Fungawo muenzaniso wakaratidzwa nemumwe wevaranda vaNabhari. Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vakanga vadzivirira varanda vemumwe murume wechiIsraeri ainzi Nabhari. Pane imwe nguva Dhavhidhi akazokumbira murume uyu ainge akapfuma kuti ape varume vaiva naDhavhidhi zvekudya, chero zvaaikwanisa kuvapa. Nabhari paakaramba chikumbiro ichi, Dhavhidhi akagumbuka chaizvo zvekuti akasarudza kuuraya murume wese weimba yaNabhari. Mumwe muranda akaudza mudzimai waNabhari, Abhigairi, zvakanga zvaitika. Sezvo aiva weimba yacho aiziva kuti Abhigairi aigona kumuponesa. Pane kuti atize, aivimba kuti Abhigairi aikwanisa kugadzirisa zvinhu. Aikwanisa kuva nechivimbo chakadaro nekuti Abhigairi aizivikanwa semukadzi akachenjera. Zvakazoitika zvakaratidza kuti muranda uyu aiva nechikonzero chakanaka chekuvimba naAbhigairi. Achiratidza ushingi, Abhigairi akanyengetedza Dhavhidhi kuti asaita zvaainge aronga. (1 Sam. 25:2-35) Aivimba kuti Dhavhidhi aizoita zvinhu zvine musoro.

12. Jesu akaratidza sei kuti aivimba nevadzidzi vake pasinei nezvavaikanganisa?

12 Jesu aivimba nevadzidzi vake pasinei nezvavaikanganisa. (Joh. 15:15, 16) Jakobho naJohani pavakakumbira Jesu kuti vave nezvinzvimbo zvinokosha muUmambo, Jesu haana kuva nemubvunzo nezvevavariro dzavo pakushumira Jehovha kana kuvabvisa pakuva vaapostora vake. (Mako 10:35-40) Pave paya vadzidzi vaJesu vese vakamusiya usiku hwaakasungwa. (Mat. 26:56) Asi Jesu haana kumborega kuvimba navo. Ainyatsoziva zvavaikanganisa asi “akaramba achivada kusvikira pamugumo.” (Joh. 13:1) Jesu paakamutswa akatopa vaapostora vake vakatendeka 11 basa rinokosha rekutungamirira pabasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi uye pakuchengeta makwai ake anokosha. (Mat. 28:19, 20; Joh. 21:15-17) Aiva nezvikonzero zvakanaka zvekuvimba nevarume ava vaiva nechivi. Vese vakaramba vachishumira vakatendeka kusvikira pakuguma kweupenyu hwavo hwepanyika. Zviri pachena kuti Hana, Dhavhidhi, muranda waNabhari, Abhigairi, uye Jesu vakaratidza muenzaniso wakanaka wekuvimba nevanhu vane chivi.

KUDZIDZA KUVIMBAZVE NEHAMA DZEDU

13. Chii chingaita kuti zvitiomere kuvimba nevamwe?

13 Wakamboudza imwe hama mashoko awaisada kuti azivikanwe nevamwe here, ndokuzoziva pave paya kuti yakaudza mumwe munhu? Izvozvo zvinorwadza chaizvo. Imwe hanzvadzi yakaudza mukuru nyaya yayo, ichivimba kuti aisazoudza vamwe vanhu. Zuva rakatevera, mudzimai wemukuru wacho akafonera hanzvadzi iya kuti aikurudzire, uye zvaiva pachena kuti aiziva zvakanga zvaudzwa mukuru wacho. Izvi zvakaita kuti hanzvadzi iyi isavimba nemukuru iyeye. Asi hanzvadzi yacho yakagona payakatsvaga zvakare rubatsiro. Yakataura nemumwe mukuru uye akaibatsira kuti itangezve kuvimba nevakuru.

14. Chii chakabatsira imwe hama kuti itangezve kuvimba nevamwe?

14 Imwe hama yakaita nguva yakareba yakatsamwira vakuru vaviri nekuti yainzwa sekuti yaisakwanisa kuvimba navo. Asi yakatanga kufunga mashoko mapfupi ane simba akataurwa neimwe hama yayairemekedza chaizvo ekuti: “Satani ndiye muvengi, kwete hama dzedu.” Hama yacho yakafungisisa mashoko aya uye zvayaifanira kuita. Pashure pekunyengetera, yakazokwanisa kuva nerugare nevakuru vacho.

15. Nei kutangazve kuvimba nevamwe kuchitora nguva? Taura muenzaniso.

15 Wakamborasikirwa neropafadzo here? Izvozvo zvinogona kurwadza chaizvo. Imwe hanzvadzi inonzi Grete naamai vayo vaiva Zvapupu zvakavimbika muNazi Germany kuma1930 basa redu parakarambidzwa. Grete aiva neropafadzo yekutaipa makopi eNharireyomurindi ekuti zvimwe Zvapupu zvishandise. Asi hama padzakaziva kuti baba vake vaipikisa chokwadi, dzakamutorera ropafadzo iyoyo dzichityira kuti baba vake vaizotengesa ungano kuvanhu vaipikisa. Handiro rega dambudziko rakasangana naGrete. Panguva yese yairwiwa Hondo Yenyika Yechipiri, hama dzaisapa Grete naamai vake magazini uye dzairamba kutaura navo pavaisangana mumugwagwa. Izvi zvakarwadza Grete chaizvo zvekuti zvakamutorera nguva yakareba kuti akanganwire hama idzodzo uye atangezve kuvimba nadzo. Asi nekufamba kwenguva, Grete akabvuma kuti Jehovha anofanira kunge akadziregerera, saka iye aifanirawo kudziregerera. *

“Satani ndiye muvengi, kwete hama dzedu”

16. Nei tichifanira kushanda nesimba kuti tidzidze kuvimba nehama nehanzvadzi dzedu?

16 Kana zvinhu zvinorwadza zvakadaro zvakamboitika kwauri, shanda nesimba kuti utangezve kuvimba nevamwe. Zvingakutorera nguva asi kunenge kuri kushandira zviripo. Semuenzaniso, kana kuri kuti takambodya chikafu chikatirwarisa, tinogona kuwedzera kungwarira zvatinodya. Asi hatibvi tarega kudya nekuti takambodya chimwe chikafu tikarwara. Saizvozvowo hatifaniri kurega kurwadziswa kwatakaitwa nemumwe munhu kuchiita kuti tirege kuvimba nehama hanzvadzi dzedu dzese idzo dzatinoziva kuti dzakaberekwa dziine chivi. Patinotangazve kuvimba nevamwe tichawedzera kufara uye tichakwanisa kunyatsoisa pfungwa pane zvatinogona kuita, kuti muungano muve nekuvimbana.

17. Nei kuvimba nevamwe kuchikosha, uye tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Kuvimbana kushoma munyika yaSatani, asi tinogona kuvimba nehama nehanzvadzi dzedu nekuti tinodzida uye idzo dzinotida. Kuvimbana kwakadaro kunoita kuti tifare uye tibatane iye zvino uye kuchatidzivirira zvinhu pazvichaoma mune remangwana. Ungaitei kana kuri kuti mumwe munhu akakurwadzisa zvekuti hauchavimbi naye? Edza kuona nyaya yacho sezvinoita Jehovha, shandisa mazano eBhaibheri, ida hama nehanzvadzi dzako zvakadzama uye dzidza pamienzaniso iri muBhaibheri. Tinogona kukurira manzwiro atinenge tichiita totangazve kuvimba nevamwe. Patinodaro, tichava nechikomborero chekuva neshamwari dzakawanda ‘dziri pedyo kupfuura mukoma.’ (Zvir. 18:24) Asi hazvina kukwana kuti tivimbe nevamwe. Ivo vanofanirawo kuvimba nesu. Munyaya inotevera tichakurukura zvatingaita kuti tiratidze kuti hama dzedu dzinogona kuvimba nesu.

RWIYO 99 Zviuru Zvehama

^ Tinoda kuvimba nehama dzedu. Asi hapasi pese pazviri nyore, nekuti dzimwe nguva hama dzedu dzinoita zvinhu zvinotirwadza. Munyaya ino tichaona zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvatinogona kushandisa muupenyu hwedu uye zvakaitwa nevamwe vanhu vekare zvatinogona kufunga nezvazvo. Izvi zvichatibatsira kuti tiwedzere kuvimba nehama nehanzvadzi dzedu kana kuti titangezve kuvimba nadzo kana dzakambotirwadzisa.

^ Bhaibheri rinoyambira kuti vamwe vari muungano vangasavavakakodzera kuti tivimbe navo. (Jud. 4) Kunyange zvazvo zvisi-ngawanzoitiki, dzimwe nguva hama dzenhema dzingaedza kutitsausa nekutaura “zvinhu zvisina kururama.” (Mab. 20:30) Hativimbi nevanhu vakadaro kana kuvateerera.

^ Kuti uzive zvakawanda nezvenyaya yaGrete, ona 1974 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 129-131.