Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 38

Ratidza Kuti Uri Munhu Anogona Kuvimbwa Naye

Ratidza Kuti Uri Munhu Anogona Kuvimbwa Naye

“Munhu akavimbika anochengeta mashoko aanoziva.”—ZVIR. 11:13.

RWIYO 101 Kushanda Takabatana

ZVICHADZIDZWA *

1. Tingaziva sei munhu wekuvimba naye?

 MUNHU akavimbika anoita zvese zvaanogona kuti aite zvaakavimbisa uye anotaura chokwadi. (Pis. 15:4) Vanhu vanogona kuvimba naye. Tinoda kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinzwe saizvozvo padzinofunga nezvedu. Tingaitei kuti vamwe vavimbe nesu?

2. Tingaratidza sei kuti tiri vanhu vanogona kuvimbwa navo?

2 Hatikwanisi kumanikidza vanhu kuti vavimbe nesu. Tinofanira kuratidza nezvatinoita kuti tiri vanhu vanogona kuvimbwa navo. Hazvisi nyore kuti mumwe munhu asvike pakuvimba nesu, asi zviri nyore kuti arege kuvimba nesu. Jehovha ane zvinhu zvakanaka zvaakaita kuti tizovimba naye. Tinogona kuvimba naye nguva dzese nekuti “zvese zvaanoita zvakavimbika.” (Pis. 33:4) Anoda kuti timutevedzere. (VaEf. 5:1) Ngatikurukurei mienzaniso yevamwe vashumiri vaJehovha vakatevedzera Baba vavo vekudenga uye vachiratidza kuti vaiva vanhu vanogona kuvimbwa navo. Tichaonawo unhu hushanu hunoita kuti vamwe vavimbe nesu.

DZIDZA PAVASHUMIRI VAJEHOVHA VAIVIMBWA NAVO

3-4. Muprofita Dhanieri akaratidza sei kuti aigona kuvimbwa naye uye izvozvo zvinofanira kuita kuti tizvibvunze mibvunzo ipi?

3 Muprofita Dhanieri akaratidza muenzaniso wakanaka chaizvo wemunhu anogona kuvimbwa naye. Kunyange zvazvo akanga atapwa nevaBhabhironi, akaratidza kuti aiva munhu aigona kuvimbwa naye. Vanhu vakatowedzera kuvimba naye paakadudzira hope dzaMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi, achibatsirwa naJehovha. Pane imwe nguva, Dhanieri aifanira kuudza mambo wacho kuti Jehovha akanga asiri kufara naye. Iwayo aisava mashoko ekuti mambo angada kuanzwa. Zvaida ushingi nekuti Nebhukadhinezari aiva nehasha. (Dhan. 2:12; 4:20-22, 25) Papera makore akawanda, Dhanieri akaratidza zvakare kuti aigona kuvimbwa naye paakadudzira zvakarurama mashoko asinganzwisisiki ainge anyorwa pamadziro eimba yamambo, muBhabhironi. (Dhan. 5:5, 25-29) Pave paya, Dhariyasi muMedhiya nemakurukota ake vakacherechedzawo kuti Dhanieri “aiva nepfungwa dzakapinza.” Vakaona kuti Dhanieri “akanga akavimbika uye aiita basa rake nemazvo, asingaiti zveuori.” (Dhan. 6:3, 4) Kunyange vatongi vechihedheni vakaona kuti munamati waJehovha uyu aigona kuvimbwa naye.

4 Tichifunga nezvemuenzaniso waDhanieri, zvakanaka kuti tizvibvunze kuti: ‘Vanhu vasiri Zvapupu zvaJehovha vanondiziva semunhu akaita sei? Ndinozivikanwa semunhu anoita zvaanofanira kuita uye anogona kuvimbwa naye here?’ Nei iyi iri mibvunzo inokosha chaizvo kuti tizvibvunze? Nekuti kana tiri vanhu vanovimbwa navo, tinoita kuti Jehovha arumbidzwe.

Nehemiya akasarudza varume vaivimbwa navo kuti vaite mabasa anokosha (Ona ndima 5)

5. Chii chaiita kuti Hananiya ave munhu anovimbwa naye?

5 Muna 455 B.C.E., pashure pekunge Gavhuna Nehemiya avakazve masvingo eJerusarema, akatsvaga varume vaivimbwa navo kuti vachengetedze guta racho. Mumwe wevanhu vakasarudzwa naNehemiya ndiHananiya mukuru weNhare. Bhaibheri rinotaura nezvaHananiya semurume “aivimbwa naye kupfuura vamwe vese uye aitya Mwari wechokwadi kupfuura vamwe vakawanda.” (Neh. 7:2) Kuda Jehovha uye kutya kumugumbura kwaiita kuti Hananiya ashande nesimba pabasa chero raaipiwa. Zvinhu zviviri izvozvo zvichaitawo kuti vamwe vavimbe nesu mubasa raMwari.

6. Tikiko akaratidza sei kuti aiva shamwari yemuapostora Pauro yaaigona kuvimba nayo?

6 Funga nezvaTikiko, shamwari yemuapostora Pauro yaaivimba nayo. Pauro paaiva musungwa asingabvumirwi kubva pamba, aivimba naTikiko uye akati aiva “mushumiri akatendeka.” (VaEf. 6:21, 22) Pauro aivimba naye kuti aizoendesa tsamba kuhama dzemuEfeso nedzemuKorose uyewo kuti aizodzikurudzira nekudzinyaradza. Tikiko anotiyeuchidza nezvevarume vakatendeka vanogona kuvimbwa navo, vanotibatsira kuti tiwane zvekudya zvekunamata mazuva ano.—VaK. 4:7-9.

7. Unodzidzei panyaya yekuva munhu anovimbwa naye kubva pavakuru nevashumiri veungano vemuungano yenyu?

7 Mazuva ano tinoonga chaizvo kuti tine vakuru nevashumiri veungano vatinogona kuvimba navo. Vanoshanda nesimba pamabasa avo sezvaiitwa naDhanieri, Hananiya uye Tikiko. Semuenzaniso, patinopinda musangano wepakati pevhiki, tine chokwadi chekuti zvikamu zvese zvemusangano zvakapiwa vanhu vachazviita. Vakuru vanoonga chaizvo kana vaya vakapiwa zvikamu izvi vakazvigadzirira vobva vazviita. Hatizezi kukoka vadzidzi vedu veBhaibheri kumusangano wekupera kwevhiki tichityira kuti mumwe munhu akakanganwa kuronga kuti pave nehurukuro yavose. Uye tine chivimbo chekuti mabhuku ekushandisa muushumiri achange aripo. Hama idzi dzakatendeka dziri kunyatsotichengetedza uye tinotenda Jehovha nekuda kwadzo! Asi tingaratidza sei kuti tiri vanhu vanogona kuvimbwa navo?

IVA MUNHU ANOVIMBWA NAYE NEKUSATAURA MASHOKO AKAVANZIKA

8. Tingaziva sei pekugumira patinenge tichiratidza kuti tine hanya nevamwe? (Zvirevo 11:13)

8 Tinoda hama nehanzvadzi dzedu uye tinoda kuziva kuti zvinhu zviri kuvafambira sei. Asi tinofanira kuziva pekugumira, torega kunyanya kupinda muupenyu hwavo. Vamwe vaiva muungano yechiKristu yekutanga ‘vaiita makuhwa vachipindira munyaya dzevamwe, vachitaura zvinhu zvavaisafanira kutaura.’ (1 Tim. 5:13) Hatitombodi kuita sezvavaiita. Asi ngatitii mumwe munhu anotiudza nezveupenyu hwake obva ati tisaudza mumwe munhu. Semuenzaniso, imwe hanzvadzi inogona kutiudza nezvekurwara kwairi kuita kana kuti nezverimwe dambudziko rairi kusangana naro yotikumbira kuti tisaudza vamwe. Tinofanira kuremekedza zvainenge yataura. * (Verenga Zvirevo 11:13.) Ngationei pamwe pazvinokosha kuti tisataura mashoko akavanzika.

9. Vemumhuri vangaratidza sei kuti vanogona kuvimbwa navo?

9 Mumhuri. Munhu wese ari mumhuri anofanira kuva nechokwadi chekuti dzimwe nyaya dzemumhuri, hadzizoudzwi munhu wese wese. Semuenzaniso, mudzimai wechiKristu anogona kunge aine kamwe katsika kanosetsa murume wake. Murume wacho angaudza vamwe nezvazvo here achiita kuti mudzimai wake anyare? Haangambodaro. Anoda mudzimai wake, uye haangambodi kuita chimwe chinhu kuti amurwadzise. (VaEf. 5:33) Vana vanenge vari mumazera ekuyaruka vanodawo kuremekedzwa. Zvinokosha kuti vabereki vayeuke izvi. Vabereki havafaniri kuudza vamwe zvinokanganiswa nevana vavo nekuti izvozvo zvinoita kuti vana vavo vanyare. (VaK. 3:21) Vana vanofanira kudzidza kuziva zvekutaura uye kusaudza vamwe vanhu zvinhu zvingaita kuti vamwe vemumhuri vanyare. (Dheut. 5:16) Kana munhu mumwe nemumwe wemumhuri, akaita zvese zvaanogona kuti nyaya dzemumhuri dzisabuda kunze, mhuri yacho inowedzera kudanana.

10. Kuva shamwari yechokwadi kunosanganisirei? (Zvirevo 17:17)

10 Paushamwari. Vakawanda vedu tine nguva dzatinonzwa tichida kuudza shamwari yedu yepedyo zviri kutsi kwemwoyo. Asi dzimwe nguva izvozvo zvakaoma. Tinogona kunge tisina kujaira kuudza mumwe munhu zviri pasi pemwoyo wedu uye tingarwadziwa chaizvo kana tikazoziva kuti shamwari yedu yakaudza vamwe zvatakataura. Asi tinofara chaizvo kana mumwe munhu akachengeta zvatinenge tamuudza. Anenge ari “shamwari yechokwadi.”—Verenga Zvirevo 17:17.

Vakuru havatauri nyaya dzakavanzika kumhuri dzavo (Ona ndima 11) *

11. (a) Vakuru nemadzimai avo vanoratidza sei kuti vanogona kuvimbwa navo? (b) Tinodzidzei pamukuru akabata nyaya yakavanzika ine chekuita neungano ndokusataura nezvazvo kumhuri yake? (Ona mufananidzo.)

11 Muungano. Vakuru avo vanozivikanwa kuti vanochengeta mashoko akavanzika vakaita ‘senzvimbo yekuti hama dzavo dzinogona kuhwanda mhepo kana kuti kupotera.’ (Isa. 32:2) Tinoziva kuti tinogona kutaura takasununguka nevarume ava, tiine chokwadi chekuti zvatinovaudza hazvizombozivikanwi nevamwe. Hativaisi pamuedzo wekuti vataure zvinhu zvavasingafaniri kutiudza. Uyewo tinoremekedza madzimai evakuru nekuti haaedzi kuita kuti varume vavo vaaudze zvakavanzika zvevamwe. Zvechokwadi chikomborero kuti mudzimai wemukuru haaudzwi mashoko akavanzika ehama nehanzvadzi dzake. Mumwe mudzimai wemukuru akati: “Ndinotenda chaizvo kuti murume wangu haandiudzi chero chii zvacho nezvevaya vanenge vachida kubatsirwa nevakuru kunyange mazita avo. Ndinotenda chaizvo kuti handiremedzwi nekuudzwa nyaya dzandisina zvandinogona kuita nezvadzo. Ndinokwanisa kutaura ndakasununguka nevanhu vese vari muungano. Uye ndinogona kuva nechivimbo chekuti pandinoudza murume wangu manzwiro andinenge ndichiita kana kuti zvinenge zvichindinetsa, haana waanoudza.” Tese tinoda kuzivikanwa sevanhu vanogona kuvimbwa navo. Unhu hupi huchatibatsira kuti tiite izvozvo? Ngatikurukurei hushanu hwacho.

IVA NEUNHU HUNOITA KUTI VAMWE VAVIMBE NEWE

12. Tsanangura kuti nei rudo ruchiita kuti vanhu vavimbane.

12 Rudo ndirwo runonyanya kuita kuti vanhu vavimbane. Jesu akati mirayiro miviri mikuru pane yese kuda Jehovha uye kuda muvakidzani wedu. (Mat. 22:37-39) Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tide kutevedzera muenzaniso wake wekuva munhu anogona kuvimbwa naye. Semuenzaniso, kuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu kunoita kuti tisaudza vamwe zvinhu zvakavanzika zvine chekuita nadzo. Hatimbodi kutaura mashoko angaita kuti mumwe munhu arwadziwe kana kuti anyare.—Joh. 15:12.

13. Kuzvininipisa kunotibatsira sei kuti tive vanhu vanogona kuvimbwa navo?

13 Kuzvininipisa kuchatibatsira kuti tive vanhu vanogona kuvimbwa navo. MuKristu anozvininipisa haaedzi kuda kuyemurwa nevamwe nekuda kuva wekutanga kubudisa imwe nyaya. (VaF. 2:3) Haaedzi kuita kuti vamwe vafunge kuti ane mashoko anokosha aanoziva aasingabvumirwi kuvaudza. Kuzvininipisa kuchaitawo kuti tisaparadzira maonero edu nezvedzimwe nyaya dzisingataurwi muBhaibheri kana kuti mumabhuku edu.

14. Kunzwisisa kunotibatsira sei kuti tive vanhu vanogona kuvimbwa navo?

14 Kunzwisisa kunobatsira muKristu kuti azive “nguva yekunyarara nenguva yekutaura.” (Mup. 3:7) Mune dzimwe tsika mune mashoko akajairika ekuti “kunyarara kunokunda kutaura.” Nemamwe mashoko, dzimwe nguva zvakanaka kuti tinyarare pane kuti titaure. Zvirevo 11:12 inoti: “Munhu anonyatsonzwisisa anoramba akanyarara.” Funga nezvemuenzaniso unotevera. Mumwe mukuru agara nebasa anowanzokumbirwa kuti abatsire dzimwe ungano dzinenge dziine matambudziko akakura. Achitaura nezvemukuru uyu, mumwewo mukuru akati: “Nguva dzese anongwarira kuti asatombotaura mashoko akavanzika ane chekuita nedzimwe ungano.” Kunzwisisa kunoita mukuru uyu kwakaita kuti aremekedzwe nehama dzaanoshanda nadzo mudare revakuru. Dzine chokwadi chekuti haatauri nyaya dzavo dzakavanzika kune vamwe.

15. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei kutendeseka kuchiita kuti vamwe vavimbe newe.

15 Kutendeseka kunoitawo kuti vamwe vavimbe nesu. Tinovimba nemunhu akatendeseka nekuti tinoziva kuti anogara achitaura chokwadi. (VaEf. 4:25; VaH. 13:18) Ngatitii unoda kuvandudza unyanzvi hwako hwekudzidzisa. Saka unokumbira mumwe munhu kuti ateerere hurukuro yako uye kuti akupe mazano ekuti ungavandudza sei. Ndiani waungavimba naye kuti anokupa zano rakanaka? Ungavimba neuya anokuudza zvaunoda kunzwa here kana kuti anokuudza chokwadi? Mhinduro yacho iri pachena. Bhaibheri rinoti: “Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo runovanzwa. Maronda anokonzerwa neshamwari akatendeka.” (Zvir. 27:5, 6) Kunyange zvazvo achimborwadza kunzwa pakutanga, mashoko echokwadi atinoudzwa neshamwari anozotibatsira nekufamba kwenguva.

16. Zvirevo 10:19 inoratidza sei kukosha kwekuzvidzora?

16 Kuzvidzora kunokosha chaizvo kana tichida kuti vamwe vavimbe nesu. Kunotibatsira kuti tibate miromo yedu patinonzwa tava kuda kutaura chimwe chinhu chatakaudzwa kuti tisaudza vamwe. (Verenga Zvirevo 10:19.) Tingaomerwa nekuzvidzora patinenge tichishandisa social media. Kana tikasangwarira, tinogona kubudisa pachena zvinhu zvisingafaniri kuzivikanwa nevanhu vakawanda tisingatombozivi kuti ndizvo zvataita. Uye kana tichinge tangoparadzira zvinhu izvozvo pasocial media, tinenge tisisina zvatichakwanisa kuita pamashandisirwo azvichaitwa kana kuti pamatambudziko azvichamutsa. Kuzvidzora kuchaitawo kuti tirambe takanyarara vanhu vanotipikisa pavanoedza kutinyengera kuti titaure mashoko angaisa hama nehanzvadzi dzedu pangozi. Izvi zvingaitika patinobvunzurudzwa nemapurisa munyika dzakabhanwa basa redu kana kuti dzinorambidzwa zvimwe zvatinoita. Mumamiriro ezvinhu aya nemamwewo, tinogona kushandisa zano rekuti ‘tichengetedze muromo wedu nematomu.’ (Pis. 39:1) Tinofanira kuva vanhu vanovimbwa navo nevanhu vese, vangava vemumhuri, shamwari dzedu, hama nehanzvadzi dzedu kana chero ani zvake. Uye kuti tidaro, tinofanira kuzvidzora.

17. Tingaitei kuti vamwe vavimbe nesu muungano?

17 Tinotenda chaizvo kuti Jehovha akatiunza musangano rehama nehanzvadzi dzine rudo uye dzatinogona kuvimba nadzo! Tese tine zvatinofanira kuita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzivimbe nesu. Patinoshanda nesimba semunhu mumwe nemumwe kuti tiratidze rudo, kuzvininipisa, kunzwisisa, kutendeseka uye kuzvidzora, zvichaita kuti vamwe vari muungano vavimbe nesu. Tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tiratidze kuti tiri vanhu vanogona kuvimbwa navo. Ngatitevedzerei Mwari wedu Jehovha, toramba tichiratidza kuti tiri vanhu vanogona kuvimbwa navo.

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

^ Kana tichida kuti vamwe vavimbe nesu, tinofanira kutanga taratidza kuti tiri vanhu vanogona kuvimbwa navo. Munyaya ino tichaona kuti nei zvichikosha chaizvo kuti tivimbane uye kuti unhu hupi hungaita kuti vamwe vavimbe nesu.

^ Kana tikaziva kuti mumwe munhu ari muungano akaita chivi chakakura, tinofanira kumukurudzira kuti atsvage kubatsirwa nevakuru. Kana akasadaro, kuvimbika kwatakaita kuna Jehovha uye kuungano yechiKristu, kuchaita kuti tiudze vakuru nyaya yacho.

^ KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mukuru asiri kuudza mhuri yake nyaya yakavanzika yaabatanidzwa pakugadzirisa.