Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muapostora Pauro airevei paakataura kuti “akaberekwa nguva isati yakwana”? (1 VaKorinde 15:8)

Pana 1 VaKorinde 15:8, Pauro akanyora kuti: “Akazopedzisira nekuzviratidzawo kwandiri sekunge ari kuzviratidza kumunhu akaberekwa nguva isati yakwana.” Kare taiti Pauro anogona kunge aireva zvakaitika kwaari paakaratidzwa Jesu achibhwinya kudenga. Zvaiita sekuti akanga awana ropafadzo yekuberekwa, kana kuti kumutsirwa kuupenyu hwemweya kudenga ipo pachine mazana emakore rumuko rwacho rwusati rwatanga kuitika. Asi patakaongorora zvakare rugwaro urwu, takaona kuti tinofanira kugadzirisa manzwisisiro atinoruita.

Ichokwadi kuti parugwaro urwu Pauro aitaura nezvezvakaitika paakatendeuka. Asi airevei paakataura kuti “akaberekwa nguva isati yakwana”? Pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvaanogona kunge aireva.

Akatendeuka asingambozvitarisiri uye zvakaitika paakatendeuka zvaishungurudza. Kazhinji mwana anoberekwa nguva isati yakwana, amai vacho vanosununguka vasingambozvitarisiri. Sauro (uyo akazopedzisira ava kunzi Pauro) paaiva munzira kuenda kuDhamasiko kunotambudza vaKristu, aisatarisira kuti angaratidzwa Jesu uyo ainge amutswa. Kutendeuka kwaPauro hakuna kungoshamisa iye chete, asi kwakashamisawo vaKristu vaaida kunotambudza muguta iroro. Uyewo zvakaitika kuna Pauro zvakamuvhiringidza chaizvo zvekuti akamboita kanguva asingaoni.—Mab. 9:1-9, 17-19.

Akatendeuka “panguva isiri iyo.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “munhu akaberekwa nguva isati yakwana” rinogonawo kushandurwa richinzi “munhu akaberekwa panguva isiri iyo.” The Jerusalem Bible rinoti: “Zvaiita sekuti ndakaberekwa pasina aimbozvitarisira.” Pauro akazotendeuka Jesu atodzokera kudenga. Kusiyana nevamwe vaakataura nezvavo mumavhesi ari pamashure pacho avo vakaona Jesu paakamutswa asati adzokera kudenga, Pauro haana kunge amuona. (1 VaK. 15:4-8) Pauro akazowana mukana iwoyo Jesu paakangoerekana azviratidza kwaari, kunyange zvazvo zvaiita sekuti zvakaitika “panguva isiri iyo.”

Aitaura nezvake pachake achizvininipisa. Vamwe vaongorori vanotaura kuti mashoko akashandiswa naPauro parugwaro urwu anogona kunzwika seane kakushora mukati. Kana zvavanotaura zviri izvo zvaifungwa naPauro, mashoko ake anoratidza kuti aizviona seasina kukodzera kuva muapostora. Pauro akatoenderera mberi achiti: “Ndiri mudiki pavaapostora vese, uye handina kukodzera kunzi muapostora, nekuti ndaitambudza ungano yaMwari. Asi nyasha dzaMwari dzakaita kuti ndive sezvandiri.”—1 VaK. 15:9, 10.

Saka zvinoita sekuti Pauro aireva kuti Jesu akangoerekana azviratidza kwaari, kuti kutendeuka kwake kwakaitika asingazvitarisiri, kana kuti aisakodzera kuratidzwa zvinhu zvinoshamisa kudaro. Chero zvaangava aireva, zviri pachena kuti Pauro haana kumbokanganwa zvaakasangana nazvo. Zvakamusiya asina kana nemubvunzo kuti Jesu ainge amutswa kubva kuvakafa. Ndokusaka aigara achitaura nezvenyaya iyi paaiparidzira vanhu nezvekumutswa kwaJesu.—Mab. 22:6-11; 26:13-18.