Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Ndivanaani vachamutsirwa panyika, uye vachamutsirwei?

Ngationei kuti Bhaibheri rinopindura sei mibvunzo iyi.

Mabasa 24:15 inotaura kuti kuchava “nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.” Vakarurama ndevaya vaiteerera Mwari vasati vafa, saka mazita avo akanyorwa mubhuku reupenyu. (Mar. 3:16) Vasina kururama vanosanganisira vaya vakafa vasina kuwana mukana wakakwana wekudzidza nezvaJehovha, saka mazita avo haana kunyorwa mubhuku reupenyu.

Johani 5:28, 29 inotaurawo nezvemapoka maviri iwayo anotaurwa pana Mabasa 24:15. Jesu akati “vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, uye vaya vaiita zvakaipa vachamukira kutongwa.” Vakarurama ndevaya vaiita zvakanaka vasati vafa. Vachamukira upenyu nekuti mazita avo anenge achiri mubhuku reupenyu. Asi vasina kururama ndevaya vaiita zvakaipa vasati vafa. Vachamukira kutongwa. Mazita avo haasati anyorwa mubhuku reupenyu, uye pachava nenguva yekuti vatongwe, kana kuti yekuti vaonekwe kuti vanhu vakaita sei. Panguva iyoyo vachawana mukana wekudzidza nezvaJehovha uye wekuti mazita avo anyorwe mubhuku reupenyu.

Zvakazarurwa 20:12, 13 inotaura kuti vese vachamutswa vachafanira kuteerera ‘zvinhu zvakanyorwa mumagwaro,’ kureva mirayiro mitsva ichapiwa naMwari munyika itsva. Vaya vachatadza kuteerera mirayiro iyi vachaparadzwa.—Isa. 65:20.

Dhanieri 12:2 inoti vamwe vakarara murufu vachamuka “kuti vararame nekusingaperi uye vamwe vachamuka kuti vashorwe uye vazvidzwe nekusingaperi.” Vhesi iyi iri kutaura nezvemutongo wekupedzisira uchapiwa vanhu vanenge vamutswa. Vamwe vachawana “upenyu husingaperi” asi vamwe “vachazvidzwa nekusingaperi.” Saka pachapera makore 1 000 Ekutonga kwaKristu, vamwe vachawana upenyu husingaperi uye vamwe vachaparadzwa zvachose.—Zvak. 20:15; 21:3, 4.

Funga nezvemuenzaniso unotevera. Tinogona kufananidza mapoka maviri aya evanhu vachamutswa nevanhu vanotamira kune imwe nyika. Vanhu vakarurama vachamutswa vakafanana nevaya vanopiwa gwaro kana kuti vhiza rinoita kuti vazivikanwe kuti vari munyika yacho uye rinoita kuti vave nerusununguko rwakati kuti rwekugara imomo. Asi vanhu vasina kururama vachamutswa vakafanana nevaya vanopiwa vhiza rinovabvumira kugara munyika yacho kwenguva pfupi. Vanhu vese vari mumapoka acho ari maviri vachafanira kuremekedza uye kuteerera mitemo yemunyika yacho kana vachida kuramba vachigaramo. Saizvozvowo, vanhu vasina kururama vachamutswa vachafanira kuteerera mitemo yaJehovha uye kuratidza kuti vakarurama kana vachida kuramba vari muParadhiso. Uye pasinei nekuti vanhu vakatamira kune imwe nyika vakapiwa vhiza ripi pavakapinda munyika yacho, vamwe vanogona kupedzisira vatova zvizvarwa zvemunyika yacho asi vamwe vanogona kunzi vadzokere kunyika kwavo. Izvi zvinobva pakuti vanga vachizvibata sei munyika yavava kugara. Saizvozvowo, mutongo wekupedzisira uchapiwa vanhu vese vachamutswa uchabva pakutendeka kwavo uye pakuzvibata kwavo munyika itsva.

Jehovha ndiMwari ane rudo uye anotonga zvakarurama. (Dheut. 32:4; Pis. 33:5) Acharatidza rudo rwake paachamutsa vanhu vakarurama nevasina kururama. Asi achatarisira kuti mapoka acho ese ari maviri ateerere mitemo yake yezvaanoti zvakanaka uye zvaanoti zvakaipa. Vaya chete vacharatidza kuti vanoda Jehovha uye vachateerera mitemo yake ndivo vachabvumidzwa kuramba vachirarama munyika itsva.