Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 40

“Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama”

“Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama”

“Vaya vari kuita kuti vazhinji vave vakarurama vachapenya senyeredzi nariini nariini.”—DHAN. 12:3.

RWIYO 151 Achashevedza

ZVICHADZIDZWA *

1. Zvinhu zvipi zvinofadza zvatakamirira zvichaitika Mumakore 1 000 Ekutonga kwaKristu?

 ICHAVA nguva inofadza chaizvo pachatanga kumutswa vanhu pano panyika Mumakore 1 000 Ekutonga kwaKristu! Vese vakafirwa nehama neshamwari dzavo vanoda chaizvo kudziona zvakare. Ndiwo manzwiro anoitawo Jehovha. (Job. 14:15) Fungidzira kufara kuchaita vanhu vese panyika pachamutswa hama dzavo. Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, “vakarurama” avo vane mazita akanyorwa mubhuku reupenyu “vachamukira upenyu.” (Mab. 24:15; Joh. 5:29) Zvimwe hama neshamwari dzedu dzakawanda dzichange dziri pakati pevaya vachatanga kumutswa pano panyika. * Uyewo “vasina kururama,” vakadai sevaya vasina kuwana mukana wakakwana wekuziva Jehovha kana kuti wekumushumira vakatendeka vasati vafa, “vachamukira kutongwa.”

2-3. (a) Sezvinotaurwa pana Isaya 11:9, 10 ibasa ripi guru rekudzidzisa richaitwa? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Vanhu vese ava vachamutswa vachafanira kudzidziswa. (Isa. 26:9; 61:11) Saka basa guru rekudzidzisa rinopfuura mamwe ese richafanira kuitwa. (Verenga Isaya 11:9, 10.) Nei richifanira kuitwa? Chimwe chikonzero ndechekuti vasina kururama avo vanenge vamutswa vachafanira kudzidza nezvaJesu Kristu, Umambo hwaMwari, rudzikinuro, uye nyaya inokosha ine chekuita nezita raJehovha uye kuti nei ari iye ega ane kodzero yekutonga. Kunyange vakarurama vacho vachafanira kudzidza zvimwe zvinhu zvakazodzidziswa naJehovha zvine chekuita nechinangwa chaakasikira nyika. Vamwe vevanhu vakatendeka ava vakafa kare kare Shoko raMwari risati rapera kunyorwa. Saka vanhu vasina kururama nevakarurama vachange vaine zvakawanda zvekudzidza.

3 Munyaya ino tichakurukura mibvunzo inotevera: Basa guru rekudzidzisa iri richaitwa sei? Basa iri richabatsira sei pakuita kuti vanhu vanyorwe zvachose mubhuku reupenyu kana kuti vasanyorwa? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinokosha chaizvo kwatiri. Sezvatichaona, humwe uprofita huri mubhuku raDhanieri neraZvakazarurwa huchabatsira pakujekesa manzwisisiro atinoita zvichaitika pachamutswa vakafa. Ngatitangei nekukurukura zvinhu zvakataurwa muuprofita huri pana Dhanieri 12:1, 2.

“VAKARARA MUGURUVA . . . VACHAMUKA”

4-5. Dhanieri 12:1 inotiudzei nezvenguva yekuguma?

4 Verenga Dhanieri 12:1. Bhuku raDhanieri rinoratidza kutevedzana kwezvinhu zvichaitika panguva yekuguma. Semuenzaniso, Dhanieri 12:1 inoratidza kuti Mikaeri, kureva Jesu Kristu, “ari kumira achirwira vanhu” vaMwari. Chikamu cheuprofita ihwohwo chakatanga kuzadziswa muna 1914 Jesu paakagadzwa saMambo weUmambo hwaMwari.

5 Asi Dhanieri akaudzwawo kuti Jesu ‘aizomira’ panguva “yekutambudzika isina kumbovapo kubvira pakatanga kuumbwa rudzi kusvika panguva iyoyo.” ‘Nguva iyi yekutambudzika’ ndiko “kutambudzika kukuru” kunotaurwa pana Mateu 24:21. Jesu achamira kana kuti achadzivirira vanhu vaMwari pachapera nguva iyi yekutambudzika, kureva paAmagedhoni. Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezvevanhu ava ‘seboka guru rinobuda mukutambudzika kukuru.’—Zvak. 7:9, 14.

6. Chii chichaitika pashure pekunge boka guru rapona pakutambudzika kukuru? Tsanangura. (Onawo “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri mumagazini ino inotaura nezvekumukira upenyu panyika.)

6 Verenga Dhanieri 12:2. Chii chichaitika pashure pekunge boka guru rapona panguva iyi yekutambudzika? Uprofita uhwu hausi kureva kumuka kwekufananidzira, kumuka mune zvekunamata kunoitika mumazuva ekupedzisira sekunzwisisa kwataimboita. * Asi mashoko aya ari kureva kumutswa kwevakafa kuchaitika munyika itsva iri kuuya. Nei tichigona kutaura izvozvo? Shoko rekuti “guruva” rinoshandiswawo pana Jobho 17:16 richireva zvakafanana neshoko rekuti “Guva.” Izvi zvinoratidza kuti Dhanieri 12:2 iri kutaura nezvekumutswa chaiko uko kuchaitika kana mazuva ekupedzisira apera uye hondo yeAmagedhoni yapera.

7. (a) Zvinorevei kuti vamwe vachamuka kuti “vararame nekusingaperi”? (b) Nei urwu ruri “rumuko ruri nani”?

7 Asi Dhanieri 12:2 inorevei painoti “vamwe vachamuka kuti vararame nekusingaperi”? Zvinoreva kuti vaya vachamutswa vosvika pakuziva, kana kuti voramba vachiziva Jehovha naJesu vachivateerera mumakore 1 000, vachapedzisira vawana upenyu husingaperi. (Joh. 17:3) Urwu ruchava “rumuko ruri nani” pane rwevamwe vakambomutswa kare. (VaH. 11:35) Nei tichidaro? Nekuti vanhu ivavo vainge vamutswa vakafa zvekare.

8. Zvinorevei kuti “vamwe vachamuka kuti vashorwe uye vazvidzwe nekusingaperi”?

8 Asi havasi vese vachamutswa vachabvuma kudzidziswa naJehovha. Uprofita hwaDhanieri hunoti “vamwe vachamuka kuti vashorwe uye vazvidzwe nekusingaperi.” Sezvo vacharatidza mafungiro ekupanduka, mazita avo haasi kuzonyorwa mubhuku reupenyu uye havasi kuzowana upenyu husingaperi. Asi ‘vachazvidzwa nekusingaperi,’ kureva kuti vachaparadzwa. Saka Dhanieri 12:2 iri kutaura zvichaitika pakupedzisira kune vese vachamutswa zvichienderana nezvavachaita pashure pekunge vamutswa. * (Zvak. 20:12) Vamwe vachawana upenyu husingaperi asi vamwe havasi kuzohuwana.

“KUITA KUTI VAZHINJI VAVE VAKARURAMA”

9-10. Chii chimwe chichaitika pashure pekutambudzika kukuru uye ndivanaani “vachapenya sechiedza chekudenga”?

9 Verenga Dhanieri 12:3. Chii chimwe chichaitika pashure ‘penguva yekutambudzika’ iri kuuya? Kuwedzera pane zvinotaurwa pana Dhanieri 12:2, vhesi 3 inotaura chimwe chinhu chichaitika pashure pekutambudzika kukuru.

10 Ndivanaani “vachapenya sechiedza chekudenga”? Mateu 13:43 inotibatsira kuziva vari kutaurwa painoti: “Panguva iyoyo vakarurama vachapenya zvakajeka sezuva muUmambo hwaBaba vavo.” Mumashoko aya, Jesu aitaura ‘nezvevanakomana veUmambo,’ hama dzake dzakazodzwa dzaachashumira nadzo muUmambo hwekudenga. (Mat. 13:38) Saka Dhanieri 12:3 inofanira kunge iri kutaura nezvevakazodzwa uye basa ravachaita Mumakore 1 000 Ekutonga kwaKristu.

Ve144 000 vachashanda pamwe chete naJesu Kristu pakutungamirira basa rekudzidzisa richaitwa mumakore 1 000 (Ona ndima 11)

11-12. Ibasa ripi richaitwa neve144 000 mumakore 1 000?

11 Vakazodzwa vachaita sei kuti “vazhinji vave vakarurama”? Vakazodzwa vachashanda pamwe chete naJesu Kristu pakutungamirira basa rekudzidzisa richaitwa pano panyika mumakore 1 000. Ve144 000 vachatonga semadzimambo uye vachashumirawo sevapristi. (Zvak. 1:6; 5:10; 20:6) Saka vachabatsira ‘pakurapa marudzi’ uye vachabatsira vanhu kuti vasvike pakuva vakakwana zvishoma nezvishoma. (Zvak. 22:1, 2; Ezek. 47:12) Izvi zvichaita kuti vakazodzwa vafare chaizvo!

12 Ndivanaani vachange vari pakati ‘pevazhinji’ vachaitwa kuti vave vakarurama? Ava vanosanganisira vaya vachamutswa uyewo vaya vanenge vapona paAmagedhoni pamwe chete nevana vangangoberekwa munyika itsva. Pachapera makore 1 000, vanhu vese vanenge vari panyika vachange vakwana. Saka mazita avo achanyorwa riini mubhuku reupenyu neingi zvekuti haazodzimwi?

MUEDZO WEKUPEDZISIRA

13-14. Vanhu vese vakakwana vachange vari panyika vanofanira kuratidzei vasati vawana upenyu husingaperi?

13 Tinofanira kuyeuka kuti kuva akakwana hakurevi kuti munhu achabva atowana upenyu husingaperi. Funga nezvaAdhamu naEvha. Vakanga vakakwana, asi vaifanira kuratidza kuti vanoteerera Jehovha Mwari vasati vapiwa upenyu husingaperi. Zvinorwadza kuti vakatadza kumuteerera.—VaR. 5:12.

14 Zvinhu zvichange zvakamira sei kune vaya vanenge vari panyika pachapera makore 1 000? Vese vachange vava vanhu vakakwana. Vanhu ivavo vese vakakwana vachanyatsotsigira here utongi hwaJehovha nekusingaperi? Kana kuti vamwe vavo vachaita saAdhamu naEvha here avo vakatadza kuramba vakatendeka pasinei nekuti vainge vakakwana? Mibvunzo iyi inofanira kupindurwa, asi inopindurwa sei?

15-16. (a) Vanhu vese vachawana riini mukana wekuratidza kuvimbika kwavo kuna Jehovha? (b) Chii chichaitika pachapera muedzo uyu?

15 Satani achange akasungwa kwemakore 1 000. Panguva iyoyo, haazokwanisi kutsausa chero ani zvake. Asi pakupera kwemakore 1 000, Satani achasunungurwa mujeri rake. Achabva aedza kutsausa vanhu vakakwana. Pamuedzo iwoyo, vanhu vese vakakwana vanenge vari panyika vachava nemukana wekunyatsoratidza kuti vanoremekedza zita raMwari here uye kuti vanotsigira utongi hwake here. (Zvak. 20:7-10) Zvavachaita panguva iyoyo ndizvo zvichaita kuti mazita avo anyorwe zvachose mubhuku reupenyu kana kuti kwete.

16 Vamwe vasingataurwi kuti vangani vacharamba utongi hwaJehovha sezvakaitwa naAdhamu naEvha. Chii chichaitika kwavari? Zvakazarurwa 20:15 inotiudza kuti: “Munhu wese akawanikwa asina kunyorwa mubhuku reupenyu akakandwa mugungwa remoto.” Vapanduki ava vachaparadzwa zvachose. Asi ruzhinji rwevanhu vakakwana ruchakunda muedzo uyu wekupedzisira. Mazita avo achabva anyorwa zvekusadzimwa mubhuku reupenyu.

“PANGUVA YEKUGUMA”

17. Dhanieri akaudzwa kuti chii chaizoitika munguva yedu? (Dhanieri 12:4, 8-10)

17 Zvinofadza chaizvo kufunga nezvezvinhu izvi zvichaitika mune ramangwana. Asi Dhanieri akaudzwawo nengirozi mamwe mashoko anokosha ane chekuita nenguva yedu, “nguva yekuguma.” (Verenga Dhanieri 12:4, 8-10; 2 Tim. 3:1-5) Ngirozi yacho yakaudza Dhanieri kuti: “Ruzivo rwechokwadi ruchawanda.” Mashoko euprofita ari mubhuku rake aizowedzera kunzwisiswa nevanhu vaMwari. Ngirozi yacho yakawedzera kuti panguva iyi, ‘vakaipa vaizoita zvakaipa, uye hapana kana vakaipa vaizonzwisisa.’

18. Chii chava kuda kuitika kune vakaipa?

18 Mazuva ano, zvingaita sekuti vakaipa havasi kurangirwa maitiro avo akaipa. (Mar. 3:14, 15) Asi munguva pfupi iri kuuya, Jesu achatonga vaya vakaita sembudzi, achivaparadzanisa nevaya vakaita semakwai. (Mat. 25:31-33) Vakaipa ava havasi kuzopona pakutambudzika kukuru, uye havasi kuzomutswa kuti vararame munyika itsva. Mazita avo haasi kuzonyorwa ‘mubhuku rekuyeuchidza’ rinotaurwa pana Maraki 3:16.

19. Ino inguva yekuti tiitei uye nei tichifanira kudaro? (Maraki 3:16-18)

19 Ino ndiyo nguva yekuti tiratidze kuti hatisi pakati pevakaipa. (Verenga Maraki 3:16-18.) Jehovha ari kuunganidza vaya vaanoona ‘sepfuma inokosha.’ Tinoda kuva pakati pavo.

Tichafara chaizvo kuona Dhanieri, hama neshamwari dzedu, uye vamwe vanhu vakawanda ‘vachimukira’ mugove wavo munyika itsva! (Ona ndima 20)

20. Ivimbiso ipi yekupedzisira yakaitwa kuna Dhanieri, uye nei uchitarisira kuzoona vimbiso iyoyo ichizadziswa?

20 Tiri kurarama panguva inokosha zvechokwadi. Asi pane zvimwe zvinhu zvinoshamisa chaizvo zvava kuda kuitika. Munguva pfupi iri kuuya, tichaona kuparadzwa kweuipi hwese. Pashure paizvozvo, tichaona kuzadzika kwevimbiso yaJehovha yaakataura kuna Dhanieri yekuti: “Uchamukira mugove wako pachapera mazuva acho.” (Dhan. 12:13) Unoda chaizvo kuzoona zuva iro Dhanieri pamwe chete nehama neshamwari dzako ‘vachamutswa’ here? Kana uchida kuzoona izvozvo zvichiitika, ita zvese zvaunogona iye zvino kuti urambe wakatendeka uye unogona kuva nechokwadi chekuti zita rako richaramba rakanyorwa mubhuku reupenyu raJehovha.

RWIYO 80 “Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”

^ Nyaya ino iri kugadzirisa manzwisisiro ataiita basa guru rekudzidzisa rinotaurwa pana Dhanieri 12:2, 3. Tichaongorora kuti izvi zvichaitika riini uye kuti ndivanaani vachabatanidzwa. Tichaonawo kuti basa iri rekudzidzisa richabatsira sei vaya vanenge vari panyika kuti vagadzirire muedzo wekupedzisira pachapera Makore 1 000 Ekutonga kwaKristu.

^ Rumuko runogona kutanga nevaya vakafa vakatendeka mumazuva ekupedzisira zvichidzoka kumashure, chizvarwa nechizvarwa. Kana izvi zviri izvo zvichaitika, vanhu vechizvarwa chimwe nechimwe vachava nemukana wekugamuchira vaya vavaiziva. Pasinei nemaitikiro azvichaita, Bhaibheri parinotaura nezverumuko rwekudenga rinoti ‘mumwe nemumwe achamutswa panguva yake,’ uye tinogonawo kutarisira kuti rumuko rwepanyika ruchaitika nenzira yakarongeka.—1 VaK. 14:33; 15:23.

^ Tsanangudzo iyi inogadzirisa manzwisisiro anowanika mubhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! chitsauko 17, uye ari muNharireyomurindi yeChirungu yaJuly 1, 1987, mapeji 21-25.

^ Mashoko ekuti “vakarurama” uye “vasina kururama” anowanika pana Mabasa 24:15 uye mashoko ekuti “vaya vakaita zvakanaka” uye “vaya vaiita zvakaipa” anowanika pana Johani 5:29 anotaura zvakaitwa nevachamutswa vasati vafa.