Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Anovimbisa Kubvisa Zvirwere Zvepfungwa

Mwari Anovimbisa Kubvisa Zvirwere Zvepfungwa

Achishandisa Bhaibheri, Mwari anopa mazano uye anonyaradza vaya vane zvirwere zvepfungwa.

Asi haangogumiri ipapo. Anotivimbisa kuti achabvisa zvacho zvinokonzera zvirwere zvepfungwa.

Mwari paachazadzisa vimbiso iyoyo, zvinhu zvakadai sekurwadziwa mumwoyo, kushungurudzika mupfungwa uye kushushikana nezvinhu zvakaitika kare “hazvizouyi mupfungwa, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”—Isaya 65:17.

Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo kukubatsira kuti uzive kuti Mwari achazadzisa riini vimbiso iyi inonyaradza uye kuti achazviita sei.