Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 2

“Pfungwa Dzenyu Ngadzishandurwe, Kuti Muve Vatsva”

“Pfungwa Dzenyu Ngadzishandurwe, Kuti Muve Vatsva”

“Pfungwa dzenyu ngadzishandurwe, kuti muve vatsva, muzive mega kuda kwaMwari kwakanaka, kwaanogamuchira uye kwakakwana.”—VAR. 12:2.

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

ZVICHADZIDZWA a

1-2. Tinofanira kuramba tichiitei pashure pekunge tabhabhatidzwa? Tsanangura.

 UNOWANZOCHENESA musha wako kakawanda zvakadii? Zvimwe usati watanga kugaramo wakanyatsouchenesa. Asi chii chinoitika kana ukasazouchenesa zvakare? Sezvaunoziva, unokurumidza kusviba zvakare. Kuti musha wako urambe uchiratidzika zvakanaka, unofanira kugara uchiuchenesa.

2 Tinofanira kuitawo izvozvo panyaya yemafungiro edu uye unhu hwedu. Tisati tabhabhatidzwa takashanda nesimba kuti tichinje upenyu hwedu kuitira kuti ‘tizvichenese pazvinhu zvese zvinosvibisa nyama nemweya.’ (2 VaK. 7:1) Asi iye zvino tinofanira kuteerera zano remuapostora Pauro rekuti ‘tirambe tichiitwa vatsva.’ (VaEf. 4:23) Nei tichifanira kuramba tichiita izvi? Nekuti mafungiro enyika anogona kukurumidza kutiita vanhu vasina kuchena pamberi paJehovha. Kuti izvozvo zvisaitika uye kuti tirambe takachena pamberi paJehovha, tinofanira kugara tichiongorora mafungiro edu, unhu hwedu, uye zvido zvedu.

‘RAMBAI MUCHICHINJA PFUNGWA DZENYU’

3. Zvinorevei kuti “pfungwa dzenyu ngadzishandurwe”? (VaRoma 12:2)

3 Tinofanira kuitei kuti pfungwa dzedu dzishandurwe, kureva kuti, kuchinja mafungiro edu? (Verenga VaRoma 12:2.) Mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “pfungwa dzenyu ngadzishandurwe” anogona kushandurwa kuti “pfungwa dzenyu ngadzigadziriswe.” Saka hatingogumiri pakuita mabasa mashomanana akanaka. Asi tinofanira kuongorora zvatiri nechemukati, tochinja chero chii zvacho chinoda kuchinjwa kuitira kuti upenyu hwedu huenderane nezvinodiwa naJehovha. Izvi hazviitwi kamwe chete, asi tinofanira kuramba tichizviita.

Zvaunosarudza panyaya yedzidzo uye basa zvinoratidza kuti unoisa Umambo pekutanga here? (Ona ndima 4-5) c

4. Tingaitei kuti mafungiro edu asaumbwa nenyika ino yakaipa?

4 Patinenge tava vanhu vakakwana, tichange tava kukwanisa kugara tichifadza Jehovha pane zvese zvatinoita. Asi pari zvino tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tifadze Jehovha. Ona kuti pana VaRoma 12:2, Pauro akati pfungwa dzedu dzinofanira kushandurwa kuti tizive kuti Mwari anoda kuti tiitei. Pane kuti tingosiya nyika ino yakaipa ichitiumba, tinofanira kutanga tazviongorora kuti tione kuti pazvinangwa zvedu nezvisarudzo zvedu, tiri kutungamirirwa zvakadii nemafungiro aMwari kwete enyika.

5. Tingaongorora sei mafungiro atinoita nezvekuva pedyo kwezuva raJehovha? (Ona mufananidzo.)

5 Funga nezvemuenzaniso unotevera. Jehovha anoda kuti ‘tirambe tichifunga nezvekuvapo kwezuva raJehovha.’ (2 Pet. 3:12) Zvibvunze kuti: ‘Mararamiro angu anoratidza here kuti ndinonzwisisa kuti kuguma kwenyika ino yakaipa kwava pedyo? Zvisarudzo zvandinoita panyaya yedzidzo nebasa, zvinoratidza here kuti kushumira Jehovha ndiko kunokosha kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwangu? Ndinotenda here kuti Jehovha achaita kuti ini nemhuri yangu tiwane zvekurarama nazvo, kana kuti ndinogara ndichinetseka nezvazvo?’ Funga kufara kunoita Jehovha paanoona tichiita kuti upenyu hwedu huenderane nekuda kwake.—Mat. 6:25-27, 33; VaF. 4:12, 13.

6. Tinofanira kuramba tichiitei?

6 Tinofanira kugara tichiongorora mafungiro edu tobva tagadzirisa zvese zvinoda kugadziriswa. Pauro akaudza vaKorinde kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri pakutenda; rambai muchizviedza kuti makamira sei.” (2 VaK. 13:5) Zvinorehwa nekuti munhu ‘ari pakutenda’ hazvingogumiri pakupinda misangano yechiKristu uye kuita ushumiri nguva nenguva. Zvinosanganisirawo mafungiro edu, zvido zvedu, uye vavariro dzedu. Saka tinofanira kuramba tichichinja mafungiro edu kuburikidza nekuverenga Shoko raMwari, kudzidza kufunga sezvaanoita uye kuita zvese zvatinogona kuti tifadze Jehovha.—1 VaK. 2:14-16.

“PFEKA UNHU HUTSVA”

7. Maererano naVaEfeso 4:31, 32, chii chimwe chatinofanira kuita, uye nei izvi zvingaoma?

7 Verenga VaEfeso 4:31, 32. Kuwedzera pakuchinja mafungiro edu, tinofanira “kupfeka unhu hutsva.” (VaEf. 4:24) Izvozvo zvinoda kuti tishande nesimba. Tinofanira kushanda nesimba kuti tikurire zvinhu zvakadai sekuvengana, kutsamwa, uye hasha. Nei izvozvo zvingaoma? Nekuti humwe unhu hwakaipa hwakadzika midzi. Semuenzaniso, Bhaibheri rinoti vamwe vanhu ‘havatani kutsamwa’ uye ‘vanokurumidza kushatirwa.’ (Zvir. 29:22) Kudzora unhu hwakadzika midzi kungada kuti tirambe tichishanda nesimba kunyange pashure pekubhabhatidzwa, sezvinoratidzwa nemuenzaniso unotevera.

8-9. Zvakaitika kuna Stephen zvinoratidza sei kuti tinofanira kuramba tichibvisa unhu hwekare?

8 Imwe hama inonzi Stephen yaiomerwa nekudzora hasha dzayo. Inoti, “Ndaitofanira kuramba ndichishanda nesimba kuti ndidzore hasha dzangu kunyange ndabhabhatidzwa. Semuenzaniso, pane imwe nguva ndichiparidza paimba neimba, ndakadzingirira mbavha yainge yaba redhiyo mumotokari yangu. Pandakanga ndava kuda kubata mbavha yacho yakadonhedza redhiyo ndokuramba ichitiza. Pandakaudza vamwe kuti ndainge ndawana sei redhiyo yangu, mumwe mukuru anga ari muboka iri akandibvunza kuti, ‘Stephen, kudai wamubata waizoita sei?’ Mubvunzo uyu wakaita kuti ndione kuti ndaifanira kushanda nesimba kuti ndizvidzore.” b

9 Zvakaitika kuna Stephen zvinoratidza kuti unhu hwakaipa hunogona kungoerekana hwabuda, kunyange patinenge tichifunga kuti hatisisina unhu ihwohwo. Kana izvozvo zvikaitika kwauri, usaora mwoyo uye usafunga kuti uri muKristu akaipa. Kunyange muapostora Pauro akataura zvaiitika kwaari achiti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” (VaR. 7:21-23) Sezvo vaKristu vese vaine chivi, vanofanira kurwisa unhu hwakaipa uhwo hunoramba huchidzoka sezvinoita guruva nemarara zvinoungana pamba pedu. Tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tirambe takachena. Izvozvo tingazviita sei?

10. Tingarwisa sei unhu hwakashata? (1 Johani 5:14, 15)

10 Nyengetera kuna Jehovha uchimuudza nezveunhu huri kukuomera kuchinja, uine chivimbo chekuti achakunzwa uye achakubatsira. (Verenga 1 Johani 5:14, 15.) Kunyange zvazvo Jehovha asingazoiti chishamiso chekubvisa unhu ihwohwo, anogona kukusimbisa kuitira kuti usakanda mapfumo pasi. (1 Pet. 5:10) Panguva ino, ita zvinoenderana neminyengetero yako, usingaiti zvinhu zvinoita kuti unhu hwekare hudzoke. Semuenzaniso, ngwarira kuti usaona mafirimu, mapurogiramu epaTV, kana kuverenga nyaya dzinokurudzira unhu hwauri kuedza kubvisa. Uye usasiya pfungwa dzako dzichiramba dziri pazvinhu zvakaipa.—VaF. 4:8; VaK. 3:2.

11. Zvii zvatingaita kuti tirambe tichipfeka unhu hutsva?

11 Kunyange zvazvo wakabvisa unhu hwekare, zvinokosha kuti uve neunhu hutsva. Izvozvo ungazviita sei? Iva nechinangwa chekutevedzera Jehovha paunenge uchidzidza nezveunhu hwake. (VaEf. 5:1, 2) Semuenzaniso, paunoverenga nyaya yemuBhaibheri inoratidza kuregerera kunoita Jehovha, zvibvunze kuti, ‘Ndinoregerera vamwe here?’ Paunoverenga nezvetsitsi dzaJehovha kune vaya vanenge vari munguva dzakaoma, zvibvunze kuti, ‘Ndinonzwirawo tsitsi hama nehanzvadzi dzinoda kubatsirwa, uye ndinozviratidza nezvandinoita here?’ Ramba uchichinja pfungwa dzako kuburikidza nekupfeka unhu hutsva, uye iva nemwoyo murefu paunenge uchidaro.

12. Zvakaitika kuna Stephen zvinoratidza sei kuti Bhaibheri rine simba rekuchinja upenyu hwevanhu?

12 Stephen, ambotaurwa nezvake akaona kuti zvishoma nezvishoma akakwanisa kupfeka unhu hutsva. Anoti: “Kubva pandakabhabhatidzwa, ndakasangana nemamiriro ezvinhu akawanda ayo aitoda kuti ndizvidzore. Vanhu pavanenge vachiedza kundidenha ndakadzidza kusuduruka kana kuita kuti zvavanenge vachiita zvisawedzera kuipa. Vanhu vakawanda, kusanganisira mudzimai wangu, vanondirumbidza nekudzikama kwandinoita mumamiriro ezvinhu akadaro. Kana neniwo zvinotondishamisa! Kuchinja kwandakaita hakusi kugona kwangu. Asi ndinotenda kuti kunoratidza kuti Bhaibheri rine simba rekuchinja vanhu.”

RAMBA UCHIRWISA ZVIDO ZVAKAIPA

13. Chii chichatibatsira kuti tive nezvido zvakanaka? (VaGaratiya 5:16)

13 Verenga VaGaratiya 5:16. Kuti atibatsire kukunda pahondo yekurwisa kuti tiite zvakarurama, Jehovha anotipa mweya wake mutsvene. Patinodzidza Shoko raMwari, tinenge tichibvumira mweya waMwari kuti ushande patiri. Tinowanawo mweya mutsvene patinopinda misangano yedu. Pamisangano iyoyo, tinogona kuwana nguva yekukurukura nehama nehanzvadzi dzedu, idzo dziri kuedzawo kuita zvakarurama, uye izvozvo zvinokurudzira. (VaH. 10:24, 25; 13:7) Uye patinonyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese tichimukumbira kuti atibatsire patisina kusimba, achatipa mweya wake mutsvene kuti utipe simba rekuramba tichirwisa. Kunyange zvazvo kuita izvi kusingazoiti kuti zvido zvakaipa zvinyangarike, kuchatibatsira kuti tisaita maererano nezvido izvozvo. Sezvinotaurwa pana VaGaratiya 5:16, vaya vanofamba nemweya ‘havazomboiti zvido zvenyama.’

14. Nei zvichikosha kuti tirambe tichishanda nesimba kuti tive nechido chekuita zvakanaka?

14 Kana tatanga kuita zvinhu zvinotibatsira kuti tive neushamwari hwakanaka naJehovha, zvinokosha kuti tigare tichizviita uye kuti tirambe tichishanda nesimba kuti tide kuita zvakanaka. Nei tichifanira kudaro? Nekuti mumwe wevavengi vedu haambofi akarega kutirwisa. Muvengi iyeye muedzo wekuita zvakaipa. Kunyange pashure pekubhabhatidzwa tingatorwa mwoyo nezvinhu zvatisingafaniri kuita, zvinosanganisira kubheja, kudhakwa, kana kuona zvinonyadzisira. (VaEf. 5:3, 4) Imwe hama yechidiki inoti: “Chimwe chezvinhu zvainge zvakanyanya kundiomera kwaiva kurwisa kuti ndisatorwa mwoyo nevanhu vechirume. Ndaifunga kuti manzwiro iwayo aizopfuura, asi achiri kunditambudza.” Chii chingakubatsira kana uine chido chakasimba chekuita zvakaipa?

Kana uri pamuedzo wekuda kuita zvakaipa, hazvirevi kuti hapana zvaunogona kuita; vamwe vakarwisa chido chakadaro ndokuchikunda (Ona ndima 15-16)

15. Nei zvichikurudzira kuziva kuti zvido zvisina kunaka zviri kusangana “nevanhu vese”? (Ona mufananidzo.)

15 Paunenge uchirwisa chido chakasimba chisina kunaka, yeuka kuti hausi wega. Bhaibheri rinoti: “Hapana muedzo wakauya pamuri kunze kweyagara ichisangana nevanhu.” (1 VaK. 10:13a) Pavhesi iyi imwe shanduro inoti: “Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu.” Mashoko aya akanyorerwa varume nevakadzi vechiKristu vaigara muKorinde. Vamwe vavo vaimbova vanhu vasina kuvimbika muwanano, ngochani, uye zvidhakwa. (1 VaK. 6:9-11) Unofunga kuti havana kumbobvira vava nezvido zvakaipa pashure pekunge vabhabhatidzwa here? Izvozvo zvaisagona kudaro. Vese vaiva vaKristu vakazodzwa, asi vakanga vachiri vanhu vane chivi. Zviri pachena kuti vaifanira kurwisa zvido zvakaipa nguva nenguva. Izvozvo zvinofanira kutikurudzira. Nei zvakadaro? Nekuti zvinoratidza kuti pane vamwe vanhu vakakunda zvido zvisina kunaka zvaungadaro uri kurwisa. Unogona kuramba ‘wakasimba pakutenda, uchiziva kuti matambudziko auri kusangana nawo ari kusanganawo nehama dzako dzese dziri munyika.’—1 Pet. 5:9.

16. Ingozi ipi yatinofanira kungwarira, uye nei tichifanira kudaro?

16 Ngwarira ngozi yekufunga kuti hapana mumwe munhu anogona kunzwisisa dambudziko rauri kusangana naro. Kufunga saizvozvo kunogona kuita kuti upedzisire waona sekuti hapana zvimwe zvaungaita uye kuti hauna simba rekurwisa zvido zvisina kunaka. Bhaibheri rinotaura zvakasiyana naizvozvo. Rinoti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nemuedzo achaitawo nzira yekubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaK. 10:13b) Saka kunyange chido chisina kunaka pachinenge chakasimba, tinogona kuchitsungirira. Tichibatsirwa naJehovha, tinogona kuramba tichirwisa kuti tisaita zvakaipa.

17. Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuita kuti tisatombova nezvido zvisina kunaka, chii chatinogona kuita?

17 Gara uchiyeuka izvi: Semunhu ane chivi, ungasakwanisa kuramba uchiita kuti zvido zvisina kunaka zvisavapo. Asi kana zvikavapo, unogona kukurumidza kubvisa pfungwa dzako pazviri, sezvakaitwa naJosefa paakakurumidza kutiza mudzimai waPotifari. (Gen. 39:12) Haufaniri kuita maererano nezvido zvisina kunaka zvaungava nazvo!

RAMBA UCHISHANDA NESIMBA

18-19. Mibvunzo ipi yatinogona kuzvibvunza patinenge tichiedza kuchinja pfungwa dzedu?

18 Kuchinja pfungwa dzedu kunoreva kuti tinofanira kuramba tichiva nechokwadi chekuti mafungiro edu nemaitiro edu anoenderana nekuda kwaJehovha. Saka tinofanira kugara tichizviongorora uye tichizvibvunza kuti: ‘Maitiro angu anoratidza here kuti ndinoziva kuti nguva yapera? Ndiri kufambira mberi pakupfeka unhu hutsva here? Ndiri kubvumira mweya waJehovha kuti unditungamirire muupenyu hwangu kuitira kuti ndisaita maererano nezvido zvenyama here?’

19 Paunozviongorora, usatarisira kuzviona semunhu akakwana, asi fara nekufambira mberi kwaunenge waita. Kana ukaona kuti pane paunofanira kuvandudza, usaora mwoyo. Asi tevedzera zano riri pana VaFiripi 3:16 rinoti: “Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nenzira iyi.” Paunoita izvozvo, ziva kuti Jehovha achakomborera zvaunoita kuti urambe uchichinja pfungwa dzako.

RWIYO 36 Tinorinda Mwoyo Yedu

a Muapostora Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti vasarega nyika ino ichivaumba. Iroro izano rakanaka chaizvo kwatiri mazuva ano. Tinofanira kuva nechokwadi chekuti hatina kana patiri kukanganiswa nenyika ino. Saka tinofanira kugadzirisa mafungiro edu, pese patinoona kuti haasi kuenderana nekuda kwaMwari. Munyaya ino tichaona kuti izvi tingazviita sei.

b Ona nyaya inoti “Upenyu Hwangu Hwaibva Pakuipa Huchienda Pakuipisisa” iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 2015.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechidiki iri kufungisisa kuti yoita zvedzidzo yepamusoro here kana kuti ushumiri hwenguva yakazara.