Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 3

Jehovha Ari Kukubatsira Kuti Ubudirire

Jehovha Ari Kukubatsira Kuti Ubudirire

“Jehovha aiva naJosefa . . . , achiita kuti zvese zvaaiita zvibudirire.”—GEN. 39:2, 3.

RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu

ZVICHADZIDZWA a

1-2. (a) Nei zvisingatishamisi kuti tinosangana nematambudziko? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

 SEVANHU vaJehovha, hatishamiswi patinosangana nematambudziko. Bhaibheri rinoti: “Tinofanira kupinda muUmambo hwaMwari nemumatambudziko akawanda.” (Mab. 14:22) Tinozivawo kuti mamwe matambudziko edu haasi kuzopera, kusvikira tava kurarama munyika itsva yaMwari umo musingazovi “nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—Zvak. 21:4.

2 Jehovha haatidziviriri kuti tisasangana nematambudziko. Asi anotibatsira kuti tiatsungirire. Ona zvakataurwa nemuapostora Pauro kuvaKristu vaigara muRoma. Akatanga nekunyora matambudziko aaisangana nawo pamwe chete nehama dzake. Akazonyora kuti: “Zvinhu zvese izvi tiri kuzvikunda zvese tichibatsirwa naiye akatida.” (VaR. 8:35-37) Izvi zvinoreva kuti Jehovha anogona kuita kuti ubudirire kunyange paunenge uri mudambudziko. Ngationei kuti Jehovha akabatsira sei Josefa kuti abudirire uye kuti angakubatsira sei.

ZVINHU PAZVINOEREKANA ZVACHINJA

3. Chii chakaerekana chachinja muupenyu hwaJosefa?

3 Jakobho akaita kuti zvive pachena kuti aida chaizvo mwanakomana wake Josefa. (Gen. 37:3, 4) Izvi zvakaita kuti vamwe vanakomana vaJakobho vaitire godo munin’ina wavo. Pavakawana mukana, vakatengesa Josefa kuvatengesi vechiMidhiyani. Vatengesi ivavo vakaenda naJosefa kuIjipiti kwavakamutengesa zvakare kuna Potifari, mukuru wevarindi vaFarao. Upenyu hwaJosefa hwakakurumidza kuchinja, kubva pakuva mwanakomana aidiwa chaizvo nababa vake kuenda pakuva muranda wemumwe murume wekuIjipiti!—Gen. 39:1.

4. Matambudziko api atingasangana nawo?

4 Bhaibheri rinoti “zvinhu zvakaipa zvinoitika kumunhu wese.” (Mup. 9:11, Holy Bible—Easy-to-Read Version) Dzimwe nguva tinosangana nematambudziko ‘anosanganawo nevamwe vanhu.’ (1 VaK. 10:13) Kana kuti tingatambura nechikonzero chekuti tiri vadzidzi vaJesu. Semuenzaniso, tinogona kusekwa, kupikiswa, kana kutotambudzwa pamusana pekutenda kwedu. (2 Tim. 3:12) Pasinei nedambudziko rauri kusangana naro, Jehovha anogona kuita kuti ubudirire. Akaita sei kuti Josefa abudirire?

Jehovha akabatsira Josefa kuti abudirire kunyange paakanga atengeswa semuranda kuna Potifari kuIjipiti (Ona ndima 5)

5. Potifari akafungei nezvekubudirira kwaJosefa? (Genesisi 39:2-6)

5 Verenga Genesisi 39:2-6. Potifari akacherechedza kuti Josefa aiva jaya rakangwara uye rinoshanda nesimba. Aizivawo kuti nei zvainge zvakadaro. Potifari akaona kuti ‘Jehovha akanga achiita kuti zvese zvaiitwa naJosefa zvibudirire.’ b Akazoita kuti Josefa ave mushandi wake wepedyo. Akagadzawo Josefa kuti atungamirire zvese zvaiitwa mumba make. Zvakaguma nei? Potifari akabudirira.

6. Josefa angangodaro ainzwa sei nezvaiitika muupenyu hwake?

6 Fungidzira kuti Josefa ainzwa sei. Chii chaainyanya kuda? Aida kuonekwa uye kupiwa mubayiro naPotifari here? Josefa angangodaro aida kusunungurwa odzokera kuna baba vake. Uye pasinei nechinzvimbo chaaiva nacho muimba yaPotifari, Josefa akanga achingori muranda wemurume uyu akanga asinganamati Jehovha. Jehovha haana kuita kuti Potifari asunungure Josefa. Uye zvinhu zvakanga zvava kuda kutowedzera kuipa muupenyu hwaJosefa.

KANA ZVINHU ZVIKAWEDZERA KUIPA

7. Zvinhu zvakawedzera sei kuipa muupenyu hwaJosefa? (Genesisi 39:14, 15)

7 Sezvinotaurwa muna Genesisi chitsauko 39, mudzimai waPotifari aichiva Josefa uye airamba achiedza kuita kuti arare naye. Nguva dzese Josefa airamba kurara naye. Pakupedzisira akatsamwira chaizvo Josefa zvekuti akamupomera kuti akaedza kumubata chibharo. (Verenga Genesisi 39:14, 15.) Potifari paakazvinzwa akaisa Josefa mujeri maakagara kwemakore. (Gen. 39:19, 20) Jeri racho rakanga rakaita sei? Shoko rechiHebheru rakashandiswa naJosefa achitaura nezvejeri rinogona kureva “gomba,” zvichipa pfungwa yekuti aigara murima uye ainzwa asina tariro. (Gen. 40:15; mashoko emuzasi.) Bhaibheri rinoratidzawo kuti Josefa akaita nguva tsoka dzake dziri muzvisungo uye mutsipa wake wakasungwa nesimbi. (Pis. 105:17, 18) Zvinhu zvaitowedzera kuipa muupenyu hwaJosefa. Akabva pakuva muranda aivimbwa naye achiva musungwa akaderera.  

8. Zvinhu pazvinowedzera kuoma, tinogona kuva nechokwadi chei?

8 Wakambosvika here pekuti upenyu hwaiwedzera kuoma pasinei nekuti wainyengetera nemwoyo wese? Izvozvo zvinogona kuitika. Jehovha haaiti kuti tisatombosangana nematambudziko munyika ino iri kutongwa naSatani. (1 Joh. 5:19) Asi unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anonyatsoziva zviri kuitika muupenyu hwako uye ane hanya newe. (Mat. 10:29-31; 1 Pet. 5:6, 7) Uye akatovimbisa kuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi.” (VaH. 13:5) Jehovha anogona kukubatsira kuti utsungirire kunyange pazvinenge zvichiita sekuti hapana tariro. Ngationei kuti izvozvo zvakaitika sei kuna Josefa.

Jehovha aiva naJosefa kunyange paaiva mujeri uye izvi zvakaita kuti apiwe basa rekuona nezvevamwe vasungwa vese (Ona ndima 9)

9. Chii chinoratidza kuti Jehovha aiva naJosefa paaiva mujeri? (Genesisi 39:21-23)

9 Verenga Genesisi 39:21-23. Kunyange panguva iyi yainge yakaoma kuna Josefa ari mujeri, Jehovha akaita kuti abudirire. Zvakaitika sei izvozvo? Nekufamba kwenguva, Josefa akatanga kuvimbwa naye uye kuremekedzwa nemukuru mukuru wejeri, sezvaaimboitwa naPotifari. Mukuru mukuru wejeri akazoisawo vamwe vasungwa vaiva mujeri mumaoko aJosefa. Bhaibheri rinototaura kuti “mukuru mukuru wejeri akanga asisina kana chaaiita pazvinhu zvese zvaiva mumaoko aJosefa.” Iye zvino Josefa akanga ava nebasa rekuita. Ikoko kuchinja kwezvinhu kunoshamisa! Musungwa aipomerwa kuti aida kubata chibharo mudzimai wemukuru mumuzinda waFarao aizopiwa sei chinzvimbo chakadaro? Panongova nechikonzero chimwe chete. Sezviri pana Genesisi 39:23, “Jehovha akanga ainaye uye Jehovha aiita kuti zvese zvaaiita zvibudirire.”

10. Tsanangura kuti nei Josefa angangodaro ainzwa sekuti haasi kubudirira pane zvese.

10 Edza zvakare kufunga kuti Josefa ainzwa sei. Pashure pekunge apomerwa zvenhema uye aiswa mujeri, unofunga kuti ainzwa sekuti ari kubudirira pane zvese here? Chii chainyanya kudiwa naJosefa? Aida kufarirwa nemukuru mukuru wejeri here? Josefa anogona kunge aida kuti mhosva yaaipomerwa idzimwe obva asunungurwa. Akatotaura nemumwe musungwa ainge ava pedyo nekusunungurwa kuti ataure naFarao nezvake kuitira kuti abudiswe mujeri iroro rainge rakaoma. (Gen. 40:14) Asi achangobuda mujeri murume wacho haana kubva ataura naFarao. Izvi zvakaita kuti Josefa arambe ari mujeri iroro kwemamwe makore maviri. (Gen. 40:23; 41:1, 14) Asi Jehovha akaramba achiita kuti abudirire. Akazviita sei?

11. Jehovha akabatsira Josefa kuti akwanise kuitei, uye izvozvo zvakabatsira sei pakuzadzisa chinangwa chaJehovha?

11 Josefa paaiva mujeri, Jehovha akaita kuti mambo weIjipiti arote hope mbiri dzakamunetsa. Farao aida chaizvo kuziva zvadzaireva. Mambo paakaziva kuti Josefa aikwanisa kududzira hope, akaita kuti anoshevedzwa. Achibatsirwa naJehovha, Josefa akadudzira hope dzacho uye Farao akafara nemazano aakapiwa naJosefa. Farao paakaona kuti Jehovha aiva naJosefa, akamugadza kuti aone nezvekuunganidzwa uye kutengeswa kwezvekudya muIjipiti yese. (Gen. 41:38, 41-44) Pava paya, nzara huru yakavapo munyika yeIjipiti uyewo munyika yeKenani iyo yaigara mhuri yaJosefa. Iye zvino Josefa akanga ava kukwanisa kuponesa mhuri yake uye kuchengetedza dzinza raizouya naMesiya.

12. Jehovha akaita kuti Josefa abudirire munzira dzipi?

12 Funga nezvezvinhu zvinoshamisa zvakaitika muupenyu hwaJosefa. Ndiani akaita kuti Potifari acherechedze Josefa, murandawo zvake? Ndiani akaita kuti mukuru mukuru wejeri afarire Josefa, musungwa akaderera? Ndiani akaita kuti Farao arote hope dzakamunetsa uye akaita kuti Josefa akwanise kudzidudzira? Ndiani akaita kuti Farao agadze Josefa kuti aone nezvekuunganidzwa uye kutengeswa kwezvekudya muIjipiti? (Gen. 45:5) Zviri pachena kuti ndiJehovha akaita kuti zvese zvaiitwa naJosefa zvibudirire. Pakupedzisira Jehovha akachinja zvakaipa zvainge zvaitirwa Josefa nevakoma vake, kuti zvive nzira yaaigona kushandisa pakuita kuda kwake.

JEHOVHA ANOITA SEI KUTI UBUDIRIRE?

13. Jehovha anopindira pane zvese zvinoitika kwatiri here? Tsanangura.

13 Tinodzidzei panyaya yaJosefa? Jehovha anopindira pane zvese zvinoitika muupenyu hwedu here? Ndiye anokonzera zvese zvinoitika muupenyu hwedu here kuitira kuti zvese zvakaipa zviitike nechikonzero chakanaka? Aiwa, Bhaibheri haridzidzisi izvozvo. (Mup. 8:9; 9:11) Asi zvatinoziva ndeizvi: Patinosangana nematambudziko, Jehovha anozviona uye anonzwa kuchema kwatinoita kuti tibatsirwe. (Pis. 34:15; 55:22; Isa. 59:1) Kupfuura izvozvo, Jehovha anotibatsira kuti titsungirire matambudziko. Anoita sei izvozvo?

14. Jehovha anotibatsira sei panguva dzakaoma?

14 Imwe nzira inoshandiswa naJehovha kuti atibatsire ndeyekutinyaradza uye kutikurudzira, kakawanda kacho panguva yakakodzera. (2 VaK. 1:3, 4) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Eziz, imwe hama inogara kuTurkmenistan yakatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhaka yezvainotenda. Anoti: “Mangwanani ezuva raitongwa nyaya yangu, imwe hama yakandiratidza Isaya 30:15 iyo inoti: ‘Simba renyu richabva pakuramba makadzikama uye pakuvimba neni.’ Vhesi iyi inogara ichindibatsira kuramba ndakadzikama uye kuvimba naJehovha pazvese. Kufungisisa nezvevhesi iyi kwakandibatsira panguva yese yandakanga ndiri mujeri.” Ungafunga here nezvenguva yawakabatsirwa naJehovha kuburikidza nekukunyaradza uye kukukurudzira panguva yawainyanya kuda zvinhu izvozvo?

15-16. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Tori?

15 Kakawanda kacho patinofunga nezvedambudziko ratakambosangana naro, ndipo patinoona kuti Jehovha akatibatsira kuti tiritsungirire. Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Tori. Mwanakomana wake anonzi Mason, akarwara nekenza kwemakore 6 kusvikira paakazofa. Zvinonzwisisika kuti Tori akarwadziwa chaizvo. Anoti: “Saamai, handifungi kuti pane chimwe chinhu chinorwadza kupfuura izvozvo.” Anowedzera kuti: “Ndine chokwadi kuti vamwe vabereki vanobvumirana nazvo kuti zviri nani kuti urware uri iwe pane kuona mwana wako achirwara.”

16 Kunyange zvazvo dambudziko racho rairwadza, Tori akazofungisisa nezvekubatsirwa kwaainge aitwa naJehovha kuti aritsungirire. Anoti: “Pandinofunga nezvenguva iyoyo, ndinoona kubatsirwa kwandakaitwa naJehovha panguva yairwara mwanakomana wangu. Semuenzaniso, kunyange Mason paairwara zvekuti aisakwanisa kushanyirwa, hama nehanzvadzi dzaityaira kwemaawa maviri dzichiuya kuchipatara. Nguva dzese, muimba inosvikira vaenzi maiva nemunhu anenge akagadzirira kunditsigira. Uyewo hama nehanzvadzi dzaitipa zvatinoda pakurarama. Kunyange panguva dzakaoma chaizvo taigara tiine zvataida.” Jehovha akabatsira Tori kuti atsungirire uye akabatsirawo Mason.—Ona bhokisi rakanzi “ Jehovha Akatipa Chaizvo Zvataida.”

FUNGA NEZVEMAKOMBORERO AUINAWO

17-18. Chii chichatibatsira kuti tione uye tikoshese kutsigirwa kwatinoitwa naJehovha patinenge tiri mumatambudziko? (Pisarema 40:5)

17 Verenga Pisarema 40:5. Chinangwa chemunhu anenge achikwira gomo, ndechekuti asvike pamusorosoro. Asi ane nzvimbo dzaanogona kumbomira kuti anakidzwe nezvinhu zvakanaka zvaanenge achiona. Saizvozvowo, gara uchiwana nguva yekumbomira wofungisisa kuti Jehovha ari kukubatsira sei kuti ubudirire kunyange paunenge uchitsungirira dambudziko. Panopera zuva rega rega, zvibvunze kuti: ‘Jehovha andikomborera sei nhasi? Kunyange zvazvo ndichiri mudambudziko, Jehovha ari kundibatsira sei kuti nditsungirire?’ Ona kana uchikwanisa kutaura chinhu chimwe chete chaitwa naJehovha kuti akubatsire.

18 Unogona kunge uri kunyengeterera kuti dambudziko rako ripere. Izvozvo zvinonzwisisika uye zvakakodzera. (VaF. 4:6) Asi tinofanirawo kucherechedza makomborero atiinawo iye zvino. Jehovha anovimbisa kutisimbisa uye kutibatsira kuti titsungirire. Saka gara uchikoshesa kutsigirwa kwauri kuitwa naJehovha. Uchabva waona kuti Jehovha ari kukubatsira sei kubudirira kunyange paunenge uri mumatambudziko, sezvaakaita kuna Josefa.—Gen. 41:51, 52.

RWIYO 32 Tsigira Jehovha!

a Patinenge tichisangana nedambudziko rakaoma, tingaona sekuti hatisi “kubudirira.” Tingafunga kuti shoko rekuti kubudirira rinongoshanda chete kana dambudziko redu rapera. Asi zvakaitika muupenyu hwaJosefa zvinotidzidzisa chidzidzo chinokosha chekuti Jehovha anogona kutibatsira kuti tibudirire kunyange patinenge tiri mumatambudziko. Nyaya ino ichatsanangura kuti izvozvo zvinoitika sei.

b Kuchinja uku kwakaitika muupenyu hwaJosefa paaiva muranda kunotaurwa mumavhesi mashomanana eBhaibheri, asi zvinogona kunge zvakaitika kwemakore akati wandei.