Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 6

Bhaibheri Rinotidzidzisei nezveMunyori Waro?

Bhaibheri Rinotidzidzisei nezveMunyori Waro?

“Nyora mubhuku mashoko ese andinokuudza.”—JER. 30:2.

RWIYO 96 Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo

ZVICHADZIDZWA a

1. Nei uchionga Mwari nekutipa kwaakaita Bhaibheri?

 TINOONGA chaizvo Jehovha nekutipa kwaakaita Bhaibheri! Achishandisa Bhaibheri, Jehovha anotiudza zvatinogona kuita patinosangana nematambudziko. Anotipawo tariro yakazonaka yeramangwana. Chinonyanya kukosha ndechekuti Jehovha anoshandisa Bhaibheri kuti atiudze nezveunhu hwake. Patinofungisisa nezveunhu hwake hwakanaka, tinobayiwa mwoyo uye tinonzwa tichida kuva shamwari dzake dzepedyo.—Pis. 25:14.

2. Jehovha akaita kuti vanhu vazive nezvake achishandisei?

2 Jehovha anoda kuti vanhu vamuzive. Kare aiita kuti vanhu vamuzive achishandisa hope, zviratidzo, kunyange ngirozi. (Num. 12:6; Mab. 10:3, 4) Taisakwanisa kudzidza nezvehope idzi, zviratidzo izvi, kunyange mashoko akabva kungirozi kudai zvakanga zvisina kunyorwa. Ndosaka Jehovha akaita kuti vanhu ‘vanyore mubhuku’ zvinhu zvaaida kuti tizive. (Jer. 30:2) Sezvo “nzira yaMwari wechokwadi yakarurama,” tinogona kuva nechokwadi chekuti nzira iyi yaanoshandisa pakukurukura nesu yakanaka chaizvo uye inobatsira.—Pis. 18:30.

3. Zvii zvakaitwa naJehovha kuti ave nechokwadi chekuti Bhaibheri rachengetedzwa? (Isaya 40:8)

3 Verenga Isaya 40:8. Kwezviuru zvemakore, varume nevakadzi vakatendeka vakawana mazano akanaka muShoko raMwari. Izvozvo zvakakwanisika sei? Uyu mubvunzo wakanaka, nekuti Bhaibheri parakatanga kunyorwa kare kare raiva pazvinhu zvinoparara, uye iye zvino hatina zvinyorwa izvozvo zvekutanga. Asi Jehovha akava nechokwadi chekuti vanhu vakopa zvinyorwa izvozvo zvitsvene. Kunyange zvazvo vaya vaikopa vaivawo vanhu vanokanganisa, vainyatsongwarira pabasa ravo. Semuenzaniso, imwe nyanzvi yeBhaibheri yakataura nezveMagwaro echiHebheru ichiti: “Tinogona kuva nechokwadi chekuti hapana rimwe bhuku rekare rakakopwa zvakarurama seBhaibheri.” Saka pasinei nekuti Bhaibheri rakanyorwa kare pazvinhu zvinogona kuora, uye kuti vairikopa vaivawo vanhu vanokanganisa, tinogona kuva nechokwadi chekuti mashoko atinoverenga muBhaibheri nhasi anoratidza pfungwa dzeMunyori waro, Jehovha.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Jehovha ndiye anotipa “zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana.” (Jak. 1:17) Bhaibheri ndiro chimwe chezvipo zvakanaka chaizvo zvatakapiwa naJehovha. Patinopiwa chipo nemumwe munhu, chipo ichocho chinoratidza kuti munhu iyeye anotiziva zvakadii uye kuti zvii zvatinoda. Ndizvo zvazvakaitawo neBhaibheri. Patinoongorora chipo ichi, tinodzidza zvakawanda nezvaJehovha. Tinodzidza kuti anonyatsotiziva uye anonyatsoziva zvatinoda. Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvatinodzidza muBhaibheri nezvaJehovha zvinoti: uchenjeri hwake, mabatiro aanoita vanhu zvakanaka, uye rudo rwake. Ngatitangei nekuona kuti Bhaibheri rinoratidza sei uchenjeri hwaMwari.

BHAIBHERI RINORATIDZA UCHENJERI HWAMWARI

5. Bhaibheri rinoratidza uchenjeri hwaMwari munzira ipi?

5 Jehovha anoziva kuti tinoda mazano ake euchenjeri. Uye chipo chake chaakatipa, Bhaibheri, chizere neuchenjeri hwake. Mazano eBhaibheri anobatsira vanhu. Bhaibheri rinochinja upenyu hwevanhu. Mozisi paakanyora mabhuku ekutanga eBhaibheri, akaudza vanhu vaMwari, vaIsraeri kuti: “Iri harisi shoko ramangotaurirwawo, asi rinokuponesai.” (Dheut. 32:47) Vaya vaizoteerera Magwaro iwayo vaigona kuva neupenyu hunofadza. (Pis. 1:2, 3) Kunyange zvazvo Shoko raMwari rakanyorwa kare kare, richine simba rekuita kuti upenyu hwevanhu hunake. Semuenzaniso, pajw.org, pachikamu chakanzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu,” uchawana nyaya dzeupenyu dzinopfuura 50 dzinoratidza kuti Bhaibheri ‘riri kushanda sei muvanhu vanotenda mariri’ mazuva ano.—1 VaT. 2:13.

6. Nei tichigona kuti hapana rimwe bhuku rakafanana neBhaibheri?

6 Hakuna rimwe bhuku rakaita seShoko raMwari. Nei zvakadaro? Nekuti Munyori webhuku iroro, Jehovha Mwari, ndewemasimbaose, haagumi, uye ane uchenjeri husingaenzaniswi. Mamwe mabhuku akawanda anoramba achiverengwa kunyange pashure pekunge vanyori vawo vafa, asi mazano ari mumabhuku iwayo anowanzopedzisira asisashandi. Izvi zvakasiyana chaizvo nemazano euchenjeri ari muBhaibheri. Anoramba achishanda nekusingaperi, uye anobatsira vanhu pasinei nekuti inguva ipi yavari kurarama. Patinoverenga bhuku iroro dzvene tofungisisa zvatinodzidza, Munyori waro anoshandisa mweya wake mutsvene une simba kuti atibatsire kuona kuti tingashandisa sei mazano eBhaibheri muupenyu hwedu. (Pis. 119:27; Mar. 3:16; VaH. 4:12) Munyori weBhaibheri anoda chaizvo kukubatsira. Izvozvo zvinofanira kuita kuti tide kugara tichiverenga Bhaibheri.

Bhaibheri rakabatanidza sei vanhu vaJehovha kare uye mazuva ano? (Ona ndima 7-8)

7. Bhaibheri rakabatanidza sei vanhu vaMwari kare?

7 Chimwe chinhu chinoratidza kuti Bhaibheri rine uchenjeri hwaMwari ndechekuti rinoita kuti vanhu vaMwari vabatane. VaIsraeri pavakapinda muNyika Yakapikirwa, vakagara munzvimbo dzakasiyana-siyana. Vamwe vakava vabati vehove, vamwe vaiva nezvipfuwo, uye vamwe vaiva neminda. Zvaiva nyore kuti vaIsraeri vaigara mune imwe nzvimbo vapedzisire vasisina hanya nevamwe vaIsraeri vaigara mune dzimwe nzvimbo dzenyika yacho. Asi Jehovha akaronga kuti vaungane pamwe chete panguva dzakasiyana-siyana kuti vanzwe Shoko rake richiverengwa uye richitsanangurwa. (Dheut. 31:10-13; Neh. 8:2, 8, 18) Fungidzira kuti muIsraeri akatendeka ainzwa sei paaisvika muJerusarema oona zvichida mamiriyoni evamwe vanamati vaibva kumativi mana enyika yacho! Nekuita izvi Jehovha aibatsira vanhu vake kuti varambe vakabatana. Ungano yechiKristu payakazoumbwa, yaiva nevarume nevakadzi vaitaura mitauro yakasiyana-siyana. Vamwe vavo vainge vakakurumbira uye vamwe vaingova vanhuwo zvavo. Vamwe vainge vakapfuma uye vamwe vaiva varombo. Asi sezvo vaida Magwaro, vainge vakabatana pakunamata Mwari wechokwadi. Vaya vakava vatendi vaigona kunzwisisa Shoko raMwari chete kana vaizobatsirwa nevamwe vanamati uye vaizoungana pamwe chete navo.—Mab. 2:42; 8:30, 31.

8. Bhaibheri rinobatanidza sei vanhu vaJehovha mazuva ano?

8 Mwari wedu akachenjera anoramba achidzidzisa uye achibatanidza vanhu vake achishandisa Bhaibheri. MuBhaibheri ndimo munobva zvekudya zvekunamata zvese zvatinowana. Tinogara tichiungana pamisangano yeungano nepamagungano kuti tinzwe Magwaro achiverengwa, achitsanangurwa, uye achikurukurwa. Saka Bhaibheri rinokosha chaizvo pakubatsira vanamati vaJehovha kuti ‘vamushumire vakabatana.’—Zef. 3:9.

9. Unhu hupi hunodiwa kuti munhu anzwisise zvinotaurwa neBhaibheri? (Ruka 10:21)

9 Ona chimwe chinoratidza uchenjeri hwaJehovha. Akaita kuti zvikamu zvakawanda zveMagwaro zvinyorwe nenzira yekuti zvinongonzwisiswa nevaverengi vanozvininipisa. (Verenga Ruka 10:21.) Kwese kwese vanhu vanoverenga Bhaibheri. Mumwe muongorori akataura kuti Bhaibheri “ndiro rinoverengwa nevanhu vakawanda, uye rinonyatsoverengwa kupfuura mamwe mabhuku ese.” Asi vanhu vanozvininipisa ndivo chete vanonyatsorinzwisisa uye vanoshandisa zvarinotaura.—2 VaK. 3:15, 16.

10. Ndeipi imwe nzira iyo Bhaibheri rinoratidza nayo uchenjeri hwaJehovha?

10 Pane imwe nzira yatinodzidza nayo nezveuchenjeri hwaJehovha huri muBhaibheri. Jehovha anoshandisa Magwaro pakutidzidzisa seboka, uyewo anoashandisa pakutirayiridza uye kutinyaradza semunhu mumwe nemumwe. Patinoverenga Shoko raJehovha tinokwanisa kuona kuti Jehovha ane hanya nemumwe nemumwe wedu. (Isa. 30:21) Paunosangana nedambudziko, zvinomboitika here kuti unoverenga Bhaibheri woona rimwe vhesi rinenge richiita serakanyorerwa iwe pachako? Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rakanyorwa nenzira inoita kuti mamiriyoni evanhu akwanise kurinzwisisa. Zvingaitika sei kuti Bhaibheri rive nemashoko anofambirana nenguva uye anonyatsoenderana nezvaunenge uchida? Izvi zvinodaro nekuti Munyori weBhaibheri akachenjera kupfuura chero ani zvake.—2 Tim. 3:16, 17.

BHAIBHERI RINORATIDZA KUTI MWARI ANOBATA VANHU ZVAKARURAMA

11. Mwari akaratidza sei kuti haasaruri painyorwa Bhaibheri?

11 Jehovha anotaurwawo nezvake saMwari akarurama. (Dheut. 32:4) Kururama kwakabatana nekusasarura, uye izvi ndizvo zvakaita Jehovha, haasaruri. (Mab. 10:34, 35; VaR. 2:11) Kusasarura kwake kunooneka pamitauro yakashandiswa pakunyora Bhaibheri. Pamabhuku 39 ekutanga eBhaibheri, akawanda acho akanyorwa mumutauro wechiHebheru, uyo wainzwisiswa zviri nyore nevanhu vaMwari panguva iyoyo. Asi panguva yevaKristu vekutanga, chiGiriki ndicho chainge chava kutaurwa nevanhu vakawanda, saka mutauro iwoyo ndiwo wakanyanya kushandiswa pakunyora mabhuku 27 ekupedzisira eBhaibheri. Jehovha haana kuita kuti Shoko rake rinyorwe mumutauro mumwe chete. Mazuva ano, panyika pane vanhu vanoda kusvika 8 bhiriyoni uye pane mitauro yakawanda. Vanhu vakawanda zvakadaro vangasvika sei pakudzidza nezvaJehovha?

12. Dhanieri 12:4 iri kuzadzika sei mumazuva ano ekupedzisira?

12 Achishandisa muprofita Dhanieri, Jehovha akavimbisa kuti panguva yekuguma, “ruzivo rwechokwadi” rwunowanikwa muBhaibheri ‘rwaizowanda.’ Vakawanda vaizonzwisisa ruzivo irworwo. (Verenga Dhanieri 12:4.) Chimwe chiri kuita kuti ruzivo irworwo ruwande ndechekuti maBhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri ari kushandurwa, ari kubudiswa uye ari kuparadzirwa. Bhaibheri ndiro bhuku rakashandurwa uye rakaparadzirwa kupfuura mamwe mabhuku ese panyika. MaBhaibheri anobudiswa nemakambani dzimwe nguva anenge achidhura chaizvo. Kusvika panguva ino, vanhu vaJehovha vakashandura Shoko raMwari rese zvaro kana kuti chikamu charo mumitauro inopfuura 240 uye chero ani zvake anogona kuriwana asingabhadhari. Izvi zviri kuita kuti vanhu vemarudzi ese vadzidze ‘nezvemashoko akanaka eUmambo’ mugumo usati wasvika. (Mat. 24:14) Mwari wedu asingasaruri anoda kupa vanhu vakawanda mukana wekuti vamuzive kuburikidza nekuverenga Shoko rake. Anoita izvi nekuti anotida chaizvo tese.

BHAIBHERI RINORATIDZA KUTI MWARI ANOTIDA

13. Nei tingati Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anotida? (Johani 21:25)

13 Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa kuti rudo ndicho chinhu chikuru kupfuura zvimwe zvese zviri pana Jehovha. (1 Joh. 4:8) Chimbofunga zvinhu izvo Jehovha akaita kuti zvinyorwe muBhaibheri uye zvaasina kuita kuti zvinyorwe. Akatipa zvatinoda kuti tive neushamwari naye, tifare muupenyu iye zvino, uye tiwane upenyu husingaperi. Asi sezvo Jehovha achitida, haana kutipa mashoko akawanda kupfuura anodiwa kuti timushumire.—Verenga Johani 21:25.

14. Rudo rwaMwari runoonekawo sei pane zvakanyorwa muBhaibheri?

14 Jehovha akaratidzawo rudo nekukurukura nesu nenzira inotisiya tiine chiremera. MuBhaibheri, haatipi tumitemo tusingaperi, achitiudza zvatingaita kana kuti zvatisingafaniri kuita pakanhu kese muupenyu. Asi anoshandisa nyaya dzakaitika, uprofita hunofadza, uye mazano anoshanda kuti zvitibatsire kuita zvisarudzo zvakanaka. Nenzira idzi, Shoko raMwari rinoita kuti timude uye timuteerere zvinobva pamwoyo.

Nei tichifanira kufungisisa nezvemabatiro akaita Jehovha vashumiri vake kare? (Ona ndima 15)

15. (a) Jehovha anoratidza sei kuti ane hanya nevaya vanoverenga Shoko rake? (b) Pamufananidzo, ndeupi munhu wemuBhaibheri ari kufungwa nezvake, nekasikana, nehama yechidiki, nehanzvadzi yakwegura? (Gen. 39:1, 10-12; 2 Madz. 5:1-3; Ruka 2:25-38)

15 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha ane hanya chaizvo nesu. Nei zvakadaro? Shoko rake rakazara nyaya dzinoratidza manzwiro evanhu. Tinogona kunzwisisa manzwiro evanhu vanotaurwa muBhaibheri nekuti ‘vaingovawo vanhu sesu.’ (Jak. 5:17) Chinonyanya kukosha ndechekuti, patinoongorora mabatiro aaiita vanhu vakaita sesu, tinokwanisa kunyatsonzwisisa kuti “Jehovha ane tsitsi huru uye ane ngoni.”—Jak. 5:11.

16. Tinodzidzei nezvaJehovha patinoverenga muBhaibheri nezvevanhu vane zvavakakanganisa? (Isaya 55:7)

16 Bhaibheri rinoratidza rudo rwaJehovha neimwewo nzira. Magwaro anoita kuti tive nechokwadi chekuti Mwari haazombotisiyi patinokanganisa. VaIsraeri vakatadzira Jehovha vamutadzirazve; asi pavaipfidza zvechokwadi, Mwari aivaregerera. (Verenga Isaya 55:7.) VaKristu vekutanga vaizivawo kuti Mwari aivada chaizvo. Afemerwa naMwari, muapostora Pauro akakurudzira vamwe vaainamata navo kuti ‘varegerere uye vanyaradze’ mumwe murume akanga aita chivi chakakura asi ainge apfidza. (2 VaK. 2:6, 7; 1 VaK. 5:1-5) Zvinokurudzira chaizvo kuti Jehovha haana kuramba vashumiri vake nekungoti chete vakanga vatadza! Asi akavabatsira zvine rudo, akavaruramisa, uye akavakoka kuti vavezve shamwari dzake. Anovimbisa kuitawo izvozvo kuvatadzi vese vanopfidza mazuva ano.—Jak. 4:8-10.

KOSHESA “CHIPO CHAKANAKA” CHESHOKO RAMWARI

17. Nei Bhaibheri riri chipo chakazonaka?

17 Jehovha akatipa chipo chakazonaka. Nei Shoko rake rakanaka chaizvo? Sezvatadzidza, Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari ane uchenjeri, anobata vanhu zvakanaka, uye ane rudo. Bhuku iri rinoratidza kuti Jehovha anoda kuti timuzive. Anoda kuti tive shamwari dzake.

18. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa Bhaibheri ‘chipo chakanaka’ chinobva kuna Jehovha?

18 Hatidi kukanganwa kuti Shoko raMwari ‘chipo chakanaka.’ (Jak. 1:17) Saka ngatirambei tichirikoshesa. Tinoita izvozvo nekuverenga mashoko aro matsvene uye kuafungisisa. Patinodaro, tinogona kuva nechokwadi chekuti Munyori waro achakomborera zvatinoita uye ‘tichawana ruzivo pamusoro paMwari.’—Zvir. 2:5.

RWIYO 98 Magwaro Akafuridzirwa naMwari

a Bhaibheri rinotibatsira kuswedera pedyo naJehovha. Bhuku iroro dzvene rinotidzidzisei nezveuchenjeri hwaMwari, mabatiro aanoita vanhu zvakanaka, uye rudo rwake? Zvatinodzidza zvinogona kutibatsira kuti tiwedzere kuonga Shoko raMwari uye kunzwisisa kuti Bhaibheri chipo chinobva kuna Baba vedu vekudenga.