Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 7

Dzidza Zvakawanda Pakuverenga Kwaunoita Bhaibheri

Dzidza Zvakawanda Pakuverenga Kwaunoita Bhaibheri

“Unoverenga sei?”—RUKA 10:26.

RWIYO 97 Shoko raMwari Upenyu

ZVICHADZIDZWA a

1. Chii chinoratidza kuti Magwaro aikosha kuna Jesu?

 FUNGIDZIRA kuti zvainge zvakaita sei kunzwa Jesu achidzidzisa. Aiwanzotaura nemusoro zvaiva muMagwaro Matsvene. Mumashoko ake ekutanga ari muBhaibheri aakataura pashure pekunge abhabhatidzwa uye mune mamwe mashoko ekupedzisira aakataura asati afa, Jesu akashandisa Magwaro. b (Dheut. 8:3; Pis. 31:5; Ruka 4:4; 23:46) Uye kwemakore matatu nehafu kubva paakabhabhatidzwa, Jesu aiwanzoverenga paruzhinji uye kutaura zvaiva muMagwaro achizvitsanangura.—Mat. 5:17, 18, 21, 22, 27, 28; Ruka 4:16-20.

Muupenyu hwake hwese, Jesu akaratidza kuti aida Magwaro uye akabvuma kutungamirirwa nawo (Ona ndima 2)

2. Chii chakabatsira Jesu kuti anyatsoziva Magwaro paaikura? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

2 Kwemakore asati atanga ushumiri hwake, Jesu aigara achiverenga uye achinzwa Shoko raMwari. Zviri pachena kuti kumba kwavo aigara achinzwa Mariya naJosefa vachitaura zvaiva muMagwaro pavaikurukura semhuri zuva nezuva. c (Dheut. 6:6, 7) Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jesu aienda kusinagogi paSabata rega rega nevemumhuri make. (Ruka 4:16) Ari ikoko, anofanira kunge ainyatsoteerera paiverengwa Magwaro. Nekufamba kwenguva, Jesu akadzidza kuzviverengera ega Zvinyorwa Zvitsvene izvozvo. Izvi zvakaita kuti Jesu asvike pakunyatsoziva Magwaro uye kuada pamwe chete nekuabvumira kuti amutungamirire muupenyu hwake. Semuenzaniso, funga zvakaitika mutemberi Jesu paaingova nemakore 12. Vadzidzisi avo vainyatsoziva Mutemo waMozisi “vaishamiswa nekunzwisisa [kwaJesu] nemhinduro dzake.”—Ruka 2:46, 47, 52.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Nesuwo tinogona kusvika pakuziva uye pakuda Shoko raMwari kana tikagara tichiriverenga. Asi tingaitei kuti tinyatsobatsirwa nezvatinenge tichiverenga? Tinogona kudzidza pane zvakataurwa naJesu kune vaya vaiziva Mutemo, vaisanganisira vanyori, vaFarisi uye vaSadhusi. Vatungamiriri ivavo vezvitendero vaiwanzoverenga Magwaro, asi vaitadza kubatsirwa nezvavaiverenga. Jesu akabudisa pachena zvinhu zvitatu zvingadai zvakaitwa nevarume ivavo kuti vanyatsobatsirwa neMagwaro. Zvaakavaudza zvichatibatsira kuti tivandudze unyanzvi hwedu (1) pakunzwisisa zvatinoverenga, (2) pakuwana zvidzidzo zvinokosha zviri muBhaibheri, uye (3) pakubvumira Shoko raMwari kuti ritiumbe.

VERENGA KUTI UNZWISISE

4. Ruka 10:25-29 inotidzidzisei nezvekuverenga Shoko raMwari?

4 Tinoda kunzwisisa zvinorehwa nezvatinenge tichiverenga muShoko raMwari. Kana tikasanzwisisa, tingasanyatsobatsirwa nezvatinenge tichiverenga. Semuenzaniso, funga nezvekukurukura kwakaita Jesu nemumwe “murume ainyatsoziva Mutemo.” (Verenga Ruka 10:25-29.) Murume wacho paakabvunza zvaaifanira kuita kuti awane upenyu husingaperi, Jesu akamubatsira kuwana mhinduro yacho achishandisa Shoko raMwari. Akamubvunza kuti: “MuMutemo makanyorwei? Unoverenga sei?” Murume wacho akakwanisa kupa mhinduro yakarurama paakataura zvaiva mumagwaro nezvekuda Mwari uye kuda muvakidzani. (Revh. 19:18; Dheut. 6:5) Asi akabva azobvunza kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” Murume uyu akaratidza kuti akanga asiri kunyatsonzwisisa zvairehwa nezvaaiverenga. Saka akanga asingazivi kuti oshandisa sei magwaro iwayo zvakarurama muupenyu hwake.

Tinogona kudzidza unyanzvi hwekunzwisisa zvatinenge taverenga

5. Kunyengetera uye kuverenga tisingamhanyi kunogona kutibatsira sei?

5 Tinogona kuwedzera kunzwisisa kwatinoita Shoko raMwari kana tichiriverenga zvakanaka. Ona mamwe mazano anogona kubatsira. Nyengetera usati watanga kuverenga. Tinoda kubatsirwa naJehovha kuti tinzwisise Magwaro, saka tinogona kumukumbira mweya wake mutsvene kuti tikwanise kuisa pfungwa dzedu pane zvatinenge tichiverenga. Chibva waverenga usingamhanyi. Izvozvo zvichakubatsira kuti unzwisise zvaunenge uchiverenga. Kuverenga zvinonzwika kana kuverenga uchifambirana neBhaibheri rakarekodhwa kunogona kukubatsirawo. Kunzwa uye kuona mashoko acho kunogona kukubatsira kuti unzwisise, uyeuke, uye udzidze zvakawanda kubva pane zvaunenge uchiverenga muShoko raMwari. (Josh. 1:8) Paunenge wapedza kuverenga, nyengetera zvakare uchitenda Jehovha nechipo cheShoko rake uye mukumbire kuti akubatsire kushandisa zvaunenge waverenga.

Nei kunyora manotsi mashoma kuchigona kukubatsira kuti unzwisise uye uyeuke zvaunoverenga? (Ona ndima 6)

6. Nei kuzvibvunza mibvunzo uye kunyora manotsi mashoma kuchigona kukubatsira paunenge uchiverenga? (Onawo mufananidzo.)

6 Ona mamwe mazano maviri anogona kukubatsira kuwedzera kunzwisisa Bhaibheri. Zvibvunze mibvunzo pane zvaunenge uchiverenga. Paunenge uchiverenga imwe nyaya, zvibvunze kuti: ‘Ndevapi vanhu vari kunyanya kutaurwa nezvavo? Ndiani ari kutaura? Ari kutaura naani, uye nei ari kutaura naye? Zvavari kuita zvakaitikira kupi uye riini?’ Mibvunzo yakadaro ichakubatsira kuti ufunge nezvezvauri kuverenga uye ubate pfungwa huru dziri munyaya yacho. Paunenge uchiverenga, ita uchinyorawo manotsi mashoma. Paunonyora zvaunenge waverenga, unoramba uchifunga nezvazvo, uye izvozvo zvinokubatsira kuti uwedzere kuzvinzwisisa. Kunyora kunokubatsirawo kuti uyeuke zvaunenge waverenga. Unogona kunyora pasi mibvunzo, zvaunenge watsvakurudza, pfungwa huru, mashandisiro auchaita zvaunenge waverenga, kana kunyora pasi kuti zvaunenge waverenga zvaita kuti unzwe sei. Unogona kuona kuti kunyora manotsi kungakubatsira kuti uone Shoko raMwari serakanyorerwa iwe pachako.

7. Chii chatinofanira kuita patinoverenga, uye nei tichifanira kudaro? (Mateu 24:15)

7 Jesu akaratidza kuti zvinokosha kuti patinenge tichiverenga Shoko raMwari tinzwisise. (Verenga Mateu 24:15.) Munhu anonzwisisa anokwanisa kuona kuti imwe pfungwa yakabatana papi neimwe uye kuti zvakasiyana papi, uye anoona zvinhu zvisiri pachena. Jesu akaratidzawo kuti kunzwisisa kunotibatsira kuziva zviitiko zvinozadzisa uprofita hweBhaibheri. Kunzwisisa kunoitawo kuti tinyatsobatsirwa nezvese zvatinoverenga muBhaibheri.

8. Ungaitei kuti unzwisise zvaunenge uchiverenga?

8 Jehovha anobatsira vashumiri vake kuti vanzwisise. Saka nyengetera kwaari, uye mukumbire kuti akubatsire kunzwisisa. (Zvir. 2:6) Ungaitei kuti uite zvinoenderana nemunyengetero wako? Nyatsoongorora zvaunenge uchiverenga, uye ona kuti zvinobatana papi nezvimwe zvawagara uchiziva. Kuti uite izvi, unogona kubatsirwa nemabhuku edu atinoshandisa pakudzidza akadai serinonzi Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Mabhuku aya achakubatsira kuti unzwisise zvinorehwa neimwe ndima yeBhaibheri uye kuona kuti ungaishandisa sei muupenyu hwako. (VaH. 5:14) Paunoita izvozvo, uchawedzera kunzwisisa Magwaro.

VERENGA NECHINANGWA CHEKUONA ZVIDZIDZO ZVINOKOSHA

9. Ichokwadi chipi chinokosha chemuMagwaro chisina kugamuchirwa nevaSadhusi?

9 VaSadhusi vainyatsoziva mabhuku mashanu ekutanga eMagwaro echiHebheru, asi vaisagamuchira chokwadi chinokosha chiri mumabhuku iwayo akafemerwa. Semuenzaniso, funga nezvemapinduriro akaita Jesu vaSadhusi pavakamubvunza nezverumuko. Akavabvunza kuti: “Hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, munyaya yegwenzi reminzwa, kuti Mwari akati kwaari: ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?” (Mako 12:18, 26) Kunyange zvazvo vaSadhusi vainge vakaverenga mashoko iwayo kakawanda, mubvunzo waJesu wakaratidza kuti vakanga vasina kugamuchira chokwadi chinokosha chiri muMagwaro chekuti vakafa vachamutswa.—Mako 12:27; Ruka 20:38. d

10. Patinenge tichiverenga, pfungwa dzedu dzinofanira kunge dzakagadzirira kuonei?

10 Tinodzidzei? Patinoverenga, pfungwa dzedu dzinofanira kunge dzakagadzirira kuona zvese zvatinodzidza pane imwe vhesi kana kuti pane imwe nyaya iri muBhaibheri. Hatidi kungogumira pakuona zvidzidzo zvinokurumidza kuoneka, asi tinodawo kutsvaga chokwadi chakadzama uye mazano anenge arimo.

11. Maererano na2 Timoti 3:16, 17, ungaitei kuti uwane zvidzidzo zvinokosha muBhaibheri?

11 Ungaitei kuti uwane zvidzidzo zvinokosha paunenge uchiverenga Bhaibheri? Ona zvinotaurwa pana 2 Timoti 3:16, 17. (Verenga.) Vhesi yacho inoti: “Magwaro ese . . . anobatsira” (1) pakudzidzisa, (2) pakutsiura, (3) pakururamisa zvinhu, uye (4) pakurayira. Unogona kuwana zvinhu izvi zvina kunyange mumabhuku eBhaibheri ausingawanzoshandisi. Ongorora nyaya yacho kuti uone zvainokudzidzisa nezvaJehovha, nezvechinangwa chake, kana kuti nezvemazano anobva kuna Mwari. Ona kuti nyaya yacho inobatsira sei pakutsiura. Unogona kuita izvi nekuona kuti mavhesi acho anokubatsira sei kuziva uye kuramba mafungiro kana maitiro asina kunaka uye kuti urambe wakatendeka kuna Jehovha. Ongorora kuti ndima yacho ingabatsira sei pakururamisa, kana pakugadziridza maonero asiri iwo, zvimwe awakambonzwa mumwe munhu achitaura muushumiri. Uye tsvaga kuti mavhesi acho ari kukurayira sei kuti uone zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha. Paunoramba uchiyeuka zvinhu izvi zvina, uchawana zvidzidzo zvinokosha zviri muBhaibheri izvo zvichaita kuti ubatsirwe nekuriverenga.

BVUMA KUUMBWA NEZVAUNOVERENGA

12. Nei Jesu akabvunza vaFarisi mubvunzo wekuti “Hamuna kuverenga here?”

12 Jesu akabvunzawo kuti “Hamuna kuverenga here?” achida kuratidza vaFarisi kuti vaiva nemaonero asiri iwo pane zvavaiverenga muMagwaro. (Mat. 12:1-7) e Paakavabvunza mubvunzo uyu, vaFarisi vakanga vachiti vadzidzi vaJesu vakanga vatyora Sabata. Jesu akavapindura achishandisa mienzaniso miviri yemuMagwaro, uye akashandisa vhesi iri muna Hosiya kuti aratidze kuti vaFarisi vakanga vasina kunzwisisa kuti nei paiva nemutemo weSabata uye vakanga vatadza kuratidza ngoni. Nei varume ava vasina kuumbwa nezvavaiverenga muShoko raMwari? Vairiverenga vaine pfungwa yekutsvagira vamwe mhosva uye yekuzvikudza. Mafungiro avo aivatadzisa kunzwisisa zvavaiverenga.—Mat. 23:23; Joh. 5:39, 40.

13. Tinofanira kuva nemaonero akaita sei patinenge tichiverenga Bhaibheri, uye nei tichifanira kudaro?

13 Mashoko akataurwa naJesu anotidzidzisa kuti tinofanira kuva nemaonero akanaka patinenge tichiverenga Bhaibheri. Pane kuita zvakaitwa nevaFarisi, tinofanira kuzvininipisa uye kuva nechido chekudzidza. Tinofanira ‘kubvuma neunyoro kusimwa kweshoko.’ (Jak. 1:21) Kana tiri vanyoro, tichabvumira Shoko raMwari kuti ridzike midzi mumwoyo medu. Patinoverenga Shoko raMwari tisina pfungwa yekutsvagira vamwe mhosva kana yekuzvikudza, zvatinodzidza muBhaibheri nezvengoni, tsitsi, uye rudo zvichachinja upenyu hwedu.

Tingaziva sei kuti tiri kubvumira Shoko raMwari kuti ritiumbe? (Ona ndima 14) f

14. Tingaziva sei kana tiri kubvumira Bhaibheri kuti ritiumbe? (Onawo mifananidzo.)

14 Mabatiro atinoita vamwe anogona kuratidza kana tiri kubvumira Shoko raMwari kuti ritiumbe. VaFarisi vakatadza kubvumira Shoko raMwari kuti risvike pamwoyo pavo, uye izvi zvakaita kuti ‘vape mhosva vanhu vasina mhosva.’ (Mat. 12:7) Saizvozvowo, maonero uye mabatiro atinoita vamwe anoratidza kana tiri kubvumira Shoko raMwari kuti ritiumbe. Semuenzaniso, tinowanzotaura zvakanaka zvinoitwa nevamwe here, kana kuti tinokurumidza kutaura zvavanokanganisa? Tinonzwira vamwe tsitsi here tichida kuvaregerera, kana kuti tinovatsvagira mhosva tichiramba takavatsamwira? Mhinduro dzedu kumibvunzo iyi dzinogona kutibatsira kuona kana tiri kubvumira zvatinoverenga kuti zvichinje mafungiro edu, manzwiro edu, uye maitiro edu.—1 Tim. 4:12, 15; VaH. 4:12.

KUVERENGA SHOKO RAMWARI KUNOITA KUTI TIFARE

15. Jesu ainzwa sei nezveMagwaro Matsvene?

15 Jesu aida Magwaro Matsvene, uye manzwiro aaiita akaratidzwa mumashoko euprofita ari pana Pisarema 40:8 ayo anoti: “Ndinofarira kuita kuda kwenyu, haiwa Mwari wangu, uye mutemo wenyu uri mukatikati mangu.” Izvi zvakaita kuti afare uye arambe achishumira Jehovha. Isuwo tinogona kufara uye kubudirira kana tikaita kuti Shoko raMwari risvike pamwoyo pedu.—Pis. 1:1-3.

16. Uchaitei kuti udzidze zvakawanda pakuverenga kwaunoita Shoko raMwari? (Ona bhokisi rakanzi “ Zvakataurwa naJesu Zvinogona Kukubatsira Kunzwisisa Zvaunenge Uchiverenga.”)

16 Tichitevedzera zvakataurwa naJesu uye muenzaniso wake, ngativandudzei maverengero atinoita Bhaibheri. Tinogona kuwedzera kunzwisisa ndima dzeBhaibheri kana tikanyengetera, tikaverenga tisingamhanyi, tikazvibvunza mibvunzo, uye tikanyora manotsi mashoma. Tinogona kuwedzera kunzwisisa kana tikanyatsoongorora zvatinenge taverenga tichibatsirwa nemabhuku anotsanangura Bhaibheri. Tinogona kuwedzera mashandisiro atinoita Bhaibheri, kunyange ndima dzatisina kujaira kana tikatsvaga zvidzidzo zvinokosha zviri mundima idzodzo. Uye tinogona kubvumira Shoko raMwari kuti ritiumbe kana tikaramba tiine maonero akanaka patinenge tichiriverenga. Patinoshanda nesimba kuti tiite zvese izvi, tichadzidza zvakawanda pakuverenga kwatinoita Bhaibheri uye tichawedzera kuswedera pedyo naJehovha.—Pis. 119:17, 18; Jak. 4:8.

RWIYO 95 Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka

a Isu tese tinonamata Jehovha tinoedza chaizvo kuverenga Shoko rake zuva nezuva. Vakawanda vanoverengawo Bhaibheri, asi havanyatsonzwisisi zvavanoverenga. Ndizvo zvaiitikawo kune vamwe vanhu vakararama panguva yaJesu. Kuongorora zvakataurwa naJesu kune vaya vaiverenga Shoko raMwari kuchaita kuti tiwane zvidzidzo zvichatibatsira kuti tiwane zvakawanda pakuverenga kwatinoita Bhaibheri.

b Panguva yaakabhabhatidzwa uye yaakazodzwa nemweya mutsvene, zviri pachena kuti Jesu akanga ava kuyeuka upenyu hwake hwekudenga.—Mat. 3:16.

c Mariya ainyatsoziva Magwaro uye aitaura zvaiva maari. (Ruka 1:46-55) Josefa naMariya vanogona kunge vaisakwanisa kutenga makopi eMagwaro. Vanofanira kunge vainyatsoteerera Shoko raMwari paraiverengwa kusinagogi kuitira kuti vazoriyeuka.

d Ona nyaya yakanzi “Swedera Pedyo naMwari—‘Iye ndiMwari Wevapenyu’” iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2013.

e Onawo Mateu 19:4-6 Jesu paakabvunza vaFarisi mubvunzo mumwe chete iwoyo wekuti: “Hamuna kuverenga here?” Kunyange zvazvo vakanga vaverenga nyaya ine chekuita nekusikwa kwezvinhu, vakanga vasina basa nezvayaidzidzisa panyaya yemaonero anoita Mwari wanano.

f KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pamusangano uri kuitirwa muImba yeUmambo, imwe yehama dziri kubatsira pakuratidza mavhidhiyo nekuridza mimhanzi inoita zvikanganiso zvakawanda. Asi musangano wacho wapera, hama dzinoirumbidza nezvayaita pane kuisa pfungwa pane zvayakanganisa.