Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 9

Koshesa Chipo chaMwari Cheupenyu

Koshesa Chipo chaMwari Cheupenyu

“Ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo.”—MAB. 17:28.

RWIYO 141 Chishamiso Cheupenyu

ZVICHADZIDZWA a

1. Upenyu hwedu hunokosha zvakadii kuna Jehovha?

 NGATITII shamwari yako inokupa mufananidzo wekare unodhura chaizvo. Mufananidzo wacho une pamwe pakacheneruka, pamwe pakatindivara uye une mitswe. Pasinei nekukanganisika kwawakaita, mufananidzo wacho unokosha zvekusvika kumamiriyoni emadhora. Zviri pachena kuti waizokoshesa uye waizochengetedza mufananidzo iwoyo. Saizvozvowo, Jehovha akatipa chipo chinokosha chaizvo, chipo cheupenyu. Jehovha anoratidza kuti anokoshesa upenyu hwedu nekutipa kwaakaita Mwanakomana wake kuti atidzikinure.—Joh. 3:16.

2. Sezvinoratidzwa pana 2 VaKorinde 7:1, Jehovha anotarisira kuti tiitei?

2 Jehovha ndiye Tsime reupenyu. (Pis. 36:9, mashoko emuzasi) Muapostora Pauro akabvuma chokwadi ichi paakati: “Ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo.” (Mab. 17:25, 28) Saka tinogona kuti upenyu hwedu chipo chinobva kuna Mwari. Anotipa zvatinoda kuti tirambe tiri vapenyu. (Mab. 14:15-17) Asi Jehovha haaiti zvishamiso zvekuti tirambe tichirarama. Anotarisira kuti tiite zvese zvatinogona kuti tirambe tiine utano hwakanaka uye tirambe tichimushumira. (Verenga 2 VaKorinde 7:1.) Nei tichifanira kuchengetedza utano hwedu neupenyu hwedu, uye tingazviita sei?

KOSHESA CHIPO CHEUPENYU

3. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti tiedze kuramba tiine utano hwakanaka?

3 Chimwe chikonzero chekuti tiedze kuramba tiine utano hwakanaka ndechekuti izvozvo zvinotibatsira kuti tinyatsoshumira Jehovha zvakanaka. (Mako 12:30) Tinoda kupa ‘miviri yedu sechibayiro chipenyu uye chitsvene chinogamuchirwa naMwari,’ saka hatiiti zvinhu zvatinoziva kuti zvinokuvadza utano hwedu. (VaR. 12:1) Tinoziva kuti pasinei nekuti taedza zvakadii kuchengetedza utano hwedu, tinogona kurwara. Asi tinoita zvese zvatinogona nekuti tinoda kuratidza Baba vedu vekudenga kuti tinokoshesa chipo cheupenyu.

4. Mambo Dhavhidhi aida kuitei?

4 Mambo Dhavhidhi akatsanangura chikonzero chaiita kuti akoshese chipo cheupenyu chaakapiwa naMwari paakanyora kuti: “Zvinobatsirei kuti ndife, ndidzike mugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringataura nezvekutendeka kwenyu here?” (Pis. 30:9) Dhavhidhi angangodaro akanyora mashoko iwayo paakanga ava pedyo nekufa. Asi aida kuita zvese zvaaigona kuti arambe ari mupenyu uye aine utano hwakanaka kuitira kuti akwanise kurumbidza Jehovha. Zviri pachena kuti tese tinoda kuitawo izvozvo.

5. Pasinei nekuti takura zvakadii kana kuti tiri kurwara zvakadii, chii chatinogona kuita?

5 Kurwara uye kukura zvingatitadzisa kuita zvinhu zvakawanda zvataimboita. Izvi zvingaita kuti titsamwe uye tisuruvare. Asi tinofanira kuramba tichiita zvese zvatinogona kuti tichengetedze utano hwedu. Nei tichifanira kudaro? Pasinei nekuti takura zvakadii kana kuti tiri kurwara zvakadii, tinogona kuramba tichirumbidza Jehovha sezvakaita Mambo Dhavhidhi. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti tinokosha kuna Mwari kunyange patinenge tichirwara kana kuti patinenge takura. (Mat. 10:29-31) Kunyange tikafa, anoda chaizvo kuzotimutsa. (Job. 14:14, 15) Tinoda kuita zvese zvatinogona kuti tichengetedze utano hwedu uye upenyu hwedu tichiri vapenyu kudai.

USAITA ZVINHU ZVINOKUVADZA

6. Jehovha anoda kuti tiitei panyaya yekudya nekunwa?

6 Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rezveutano kana kuti rezvekudya, rinotiudza mafungiro aJehovha panyaya dzakadaro. Semuenzaniso, anotiudza kuti ‘tibvise zvinhu zvinogona kukanganisa’ muviri wedu. (Mup. 11:10) Bhaibheri rinorambidza zvinhu zvinokanganisa upenyu zvakadai sekudyisa uye kudhakwa. (Zvir. 23:20) Jehovha anoda kuti tizvidzore patinenge tichisarudza zvatichadya nezvatichanwa uye kuti zvinenge zvakawanda sei.—1 VaK. 6:12; 9:25.

7. Zano riri pana Zvirevo 2:11 rinotibatsira sei kuita zvisarudzo zvakanaka zvine chekuita neutano hwedu?

7 Tinogona kuita zvisarudzo zvinoratidza kuti tinokoshesa chipo chaMwari cheupenyu nekushandisa simba redu rekufunga. (Pis. 119:99, 100; verenga Zvirevo 2:11.) Semuenzaniso, tinongwarira zvatinodya. Kana tichifarira chimwe chikafu asi tichiziva kuti chinotirwarisa, kushandisa pfungwa kuchaita kuti tisachidya. Tinoratidza kuti tine pfungwa dzakanaka kana tikarara zvakakwana, tikagara tichiita maekisesaizi, uye tikaita kuti muviri wedu nemusha wedu zvigare zvakachena.

NGWARIRA TSAONA

8. Bhaibheri rinoratidzei nezvemafungiro aMwari panyaya yekungwarira tsaona?

8 Jehovha akapa vaIsraeri mitemo yaivabatsira kuti vasaita tsaona pamisha yavo kana kuti pavaishandira. (Eks. 21:28, 29; Dheut. 22:8) Munhu ainge auraya mumwe netsaona aifanira kutora danho rakakura. (Dheut. 19:4, 5) Mutemo waiti kunyange munhu aikonzera tsaona yaikuvadza mwana asati azvarwa, aifanira kurangwa. (Eks. 21:22, 23) Bhaibheri rinojekesawo kuti Jehovha anoda kuti tingwarire tsaona.

Mumamiriro ezvinhu aya, tingaratidza sei kuti tinokoshesa upenyu? (Ona ndima 9)

9. Zvii zvatinofanira kungwarira kuti pasaitika tsaona? (Onawo mifananidzo.)

9 Tinoratidza kuti tinokoshesa chipo chaMwari cheupenyu nekutora matanho ekudzivisa njodzi kumba kwedu uye kubasa kwedu. Semuenzaniso, patinorasa zvinhu zvinobaya kana zvinocheka, michetura kana mishonga, tinova nechokwadi chekuti hazvina chazvinozokuvadza. Tinoitawo kuti zvinhu izvi zvisazobatwa nevana. Tinongwarira patinobatidza moto, patinofashaidza mvura, uye patinoshandisa maturusi emagetsi. Hatisiyi zvinhu izvozvo zvisina akazvitarisa. Hatityairi motokari pfungwa dzedu padzinenge dzakakanganiswa nezvinhu zvakadai semishonga, doro, kana kuti hope, uye hatityairi takabata foni muruoko.

PANOITIKA NJODZI

10. Zvii zvatingaita njodzi isati yaitika uye painoitika?

10 Dzimwe nguva hatina zvatinogona kuita kuti njodzi dzisaitika. Izvi ndezvechokwadi kunyanya tikafunga nezvenjodzi dzinongoitika dzega, zvirwere zvinopararira, uye kurwisana. Asi panoitika zvinhu izvozvo, tinogona kuderedza mikana yekukuvara uye yekufa kana tikateerera patinoudzwa kuti tibve munzvimbo yacho, uye tikateerera mimwe mirayiridzo yatinopiwa nehurumende. (VaR. 13:1, 5-7) Dzimwe njodzi dzinogona kuzivikanwa pachine nguva, saka tinofanira kuteerera zvatinoudzwa nehurumende kuti tigare takagadzirira. Semuenzaniso, tinogona kuchengeta mvura nezvekudya zvisingakurumidzi kushata uye zvinhu zvekushandisa pakurapa.

11. Kana kwatinogara kuine chirwere chinopararira, tinofanira kunge takagadzirira kuitei?

11 Tinofanira kuitei kana kwatinogara kuine chirwere chinopararira? Tinofanira kuteerera zvatinoudzwa nehurumende zvakadai sekugeza maoko, kutaramukana nevamwe, kupfeka mamask, uye kumbogara kwedu tega kana tabatwa nechirwere chinotapukira. Patinoita zvinhu izvi tinoratidza kuti tinokoshesa chaizvo chipo chaMwari cheupenyu.

12. Zano riri pana Zvirevo 14:15 rinotibatsira sei kusarudza mashoko ekuteerera panoitika njodzi?

12 Panoitika njodzi, dzimwe nguva tinogona kunzwa mashoko asiri echokwadi achitaurwa neshamwari dzedu, vavakidzani, uye munhau. Pane kutenda shoko rese rese ratinonzwa, tinofanira kuteerera mashoko akarurama anobva kuhurumende uye kuna vanachiremba. (Verenga Zvirevo 14:15.) Dare Rinotungamirira uye mahofisi emapazi vanoita zvese zvavanogona kuti vawane mashoko akarurama vasati vapa mirayiridzo ine chekuita nemisangano yeungano uye basa rekuparidza. (VaH. 13:17) Patinoteerera zvatinoudzwa, tinozvidzivirira isu pachedu nevamwe. Izvi zvinogonawo kuita kuti vamwe vaone Zvapupu zvaJehovha neziso rakanaka.—1 Pet. 2:12.

GADZIRIRA KUTEERERA MUTEMO WAMWARI UNE CHEKUITA NEROPA

13. Tinoratidza sei kuti tinokoshesa chipo chaMwari cheupenyu panyaya ine chekuita neropa?

13 Vanhu vakawanda vanoziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza utsvene hweropa. Tinoteerera mutemo waJehovha une chekuita neropa patinoramba kuwedzerwa ropa, kunyange panoitika urwere hunoda kukurumidzirwa. (Mab. 15:28, 29) Asi izvozvo hazvirevi kuti tinoda kufa. Tinokoshesa chaizvo chipo chaMwari cheupenyu. Tinotsvaga kubatsirwa navanachiremba vanonyatsogona basa ravo uye vanoda kurapa asi vasingawedzeri ropa.

14. Tingaderedza sei mikana yekuti munhu anokuvara zvakanyanya zvekuti anenge ava kutofanira kuoparetwa kana kusonwa?

14 Kana tikachengetedza utano hwedu nekutevedzera mazano akurukurwa munyaya ino tinogona kuderedza mikana yekuoparetwa kana yekumwe kurapwa kwakakura. Kana tiine utano hwakanaka tinokurumidza kupora pashure pekunge taoparetwa. Kana tikabvisa zvinhu zvinokuvadza pamba pedu kana kuti patinoshandira uye tikanyatsoteerera mitemo yemumugwagwa, tinoderedzawo mikana yekuti munhu anokuvara zvakanyanya zvekuti anenge ava kutofanira kuoparetwa kana kusonwa.

Sezvo tichikoshesa chipo cheupenyu, tinozadza kadhi reDPA uye tinogara tiinaro nguva dzese (Ona ndima 15) d

15. (a) Nei zvichikosha kuti tigare tiine kadhi reDPA rinoenderana nezvatiri kuda? (Onawo mufananidzo.) (b) Sezviri kuratidzwa muvhidhiyo, tingaitei kuti tiite zvisarudzo zvinobva pamashoko akakwana panyaya dzine chekuita nekurapwa pachishandiswa ropa?

15 Sezvo tichikoshesa chipo cheupenyu, tinozadza kadhi redurable power of attorney uye tinogara tiinaro nguva dzese. b Kadhi iri rinoratidza zvatinoda panyaya ine chekuita nekuwedzerwa ropa uye mamwe marapirwo. Zviri pakadhi rako reDPA ndizvo zvauri kuda panguva ino here? Kana uchida kurizadza kana kuti uchida kuchinja rauinaro, usaverengera. Kana tikanyora zvakajeka zvatiri kuda, zvichabatsira kuti tisanonoka kurapwa. Zvichabatsirawo kuti tisarapwa nenzira inotikuvadza. c

16. Tingaitei kana tisingazivi kuti tinozadza sei kadhi reDPA?

16 Pasinei nekuti tiri vadiki kana kuti tine utano hwakanaka, tese tinogona kuwirwa netsaona kana kurwara. (Mup. 9:11) Saka zvakanaka kuti tizadze kadhi reDPA. Kana usingazivi kuti rinozadzwa sei, kumbira vakuru vemuungano yenyu kuti vakubatsire. Vanoedza chaizvo kuziva kuti kadhi racho rinozadzwa sei, asi havazokusarudziri marapirwo aungaitwa. Iroro ibasa rako. (VaG. 6:4, 5) Asi vanogona kukubatsira kuti unzwisise zvaunogona kusarudza uye kuti unozadza sei kadhi racho.

IVA MUNHU ANONZWISISA

17. Tingaratidza sei kuti tiri vanhu vanonzwisisa panyaya dzeutano?

17 Zvisarudzo zvakawanda zvatinoita zvine chekuita neutano hwedu uye marapirwo atinoda kuitwa tinozviita tichitungamirirwa nehana yedu yakadzidziswa neBhaibheri. (Mab. 24:16; 1 Tim. 3:9) Patinenge tichiita zvisarudzo uye tichizvikurukura nevamwe, zvakanaka kuyeuka zano riri pana VaFiripi 4:5 rekuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vese.” Kana tiri vanhu vanonzwisisa, hatizonyanyi kunetseka nezveutano hwedu, uye hatimanikidzi vamwe kuti vave nemaonero akafanana needu panyaya dzeutano. Tinoda hama nehanzvadzi dzedu uye tinodziremekedza, kunyange dzikaita zvisarudzo zvakasiyana nezvedu.—VaR. 14:10-12.

18. Tingaratidza sei kuti tinotenda chipo cheupenyu?

18 Tinoratidza kuti tinotenda Jehovha uyo akatipa upenyu, kana tikachengetedza upenyu hwedu uye tikaita zvese zvatinogona pakumushumira. (Zvak. 4:11) Pari zvino tinorwara uye tinosangana nenjodzi. Asi Musiki wedu aisada kuti tirarame upenyu hwakadaro. Munguva pfupi iri kuuya, achatipa upenyu husingaperi pasina marwadzo uye rufu. (Zvak. 21:4) Panguva ino tinofara kuti tiri vapenyu, uye kuti tiri kushumira Baba vedu vekudenga vane rudo, Jehovha.

RWIYO 140 Upenyu Husingaperi—Pakupedzisira!

a Nyaya ino ichatibatsira kuti tiwedzere kukoshesa upenyu hwatakapiwa naMwari. Tichaona kuti matanho api atinogona kutora kuti tichengetedze utano hwedu uye upenyu hwedu panoitika njodzi uyewo kuti tideredze mikana yetsaona dzinokuvadza. Tichakurukurawo zvatinofanira kuita kuitira kuti tigare takagadzirira kana pakaita urwere hunoda kukurumidzirwa.

b Kadhi iri rinonziwo DPA.

c Ona vhidhiyo iri pajw.org inonzi Kusarudza Marapirwo Aunoda Kana Pamuka Nyaya Yeropa.

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechidiki iri kuzadza kadhi reDPA uye iri kuva nechokwadi chekuti iri kugara iinaro.