Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Pakushandisa jw.org

Zvaungaita Pakushandisa jw.org

Kuwana Nyaya Dzinenge Dzichishambadzwa

Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzinoshandisa nyaya dzinoshambadzwa papeji yekutanga yejw.org muushumiri. Dziri nyore kutumira vamwe pafoni uye dzinotsanangura kuti zviri kuitika munyika zviri kuzadzisa sei uprofita hweBhaibheri. Imwe hama yakataura kuti nyaya dzinobuda papeji yekutanga “dzinonyatsoenderana nenzira dzatava kushandisa pakuita ushumiri mazuva ano.”

Asi nyaya idzi dzinogara dzichichinjwa, saka ungawana sei dzisingachabudi papeji yekutanga?

  • Papeji yekutanga yejw.org, baya pakanzi “Ona Zvimwe” nechepamusoro pepeji yacho kana kuti nechepanoperera chikamu chakanzi “Zviri Mudariro.” Ukabaya ipapo unobva wavhura peji yakanzi “Nyaya Dzichangobva Kubudiswa Papeji Yekutanga,” paunobva waona nyaya dzakawanda dzichangobva kushambadzwa.

  • Pajw.org kana kuti paJW Library, baya pakanzi “Raibhurari,” wobaya pakanzi “Nyaya Dzinogara Dzichibuda,” wozobaya pakanzi “Dzimwe Nyaya.” Chikamu ichi chinewo nyaya dzakawanda dzakambobuda papeji yekutanga.